Vatariri Vanofambira—Vashandi Biyamwe Muzvokwadi
Muungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore, maiva navatariri vanofambira vaishanyira ungano kudzivaka. Vaizvipa vamene, vasati vachitsvaka mhindu yavo vamene, kuti vagobetsera avo vari muungano kupfuurira kufamba zvakafanira Mwari.—Mabasa 11:23, 24; 14:21, 22; 15:32; 20:2, 31-35; VaFiripi 2:20-22, 29; 1 VaTesaronika 2:5-12.
Nhasi ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinowanawo betsero dzavatariri vanofambira. Ava varume vana makore mazhinji oruzivo rwokuzviwanira mumibato yokuparidzira yeZvapupu zvaJehovha uye savatariri. Ivo vamene havatongorina basa rokunyika nemitoro yemba kuti vagozvipa vamene muushumiri hwenguva yakazara. Kuna avo vakaroora, kazhinji kazhinji vadzimai vakapindawo muushumiri hwenguva yakazara pamwe chete navarume vavo.
Mutariri wedunhu anogoverwa kutarisira dunhu rine dzinenge ungano 18 kusvikira ku 25. Anoshanyira ungano imwe neimwe iri mudunhu kanenge kaviri pagore uye pashure pamakore maviri kana kuti matatu anogoverwa kune rimwe dunhu. Neiyi nzira ungano dzinogona kubetserekana noruzivo rwokuzviwanira rwakasiana-siana namano avatariri vamatunhu vakasiana-siana.
Mutariri wedunhu anonzvera mugariro womudzimu weungano nomubato wayo. Iye anokurukura hurukuro dzinoverengeka kuungano uyewo anosangana navakuru navabatiri vanoshumira kurangarira mavandudzire avangagona kuita basa ravo kuungano.
Mukati mevhiki vose vari vaviri iye nomudzimai wake, kana akaroora, vanoenda pamwe chete neZvapupu zvomunzvimbomo, achizvibetsera kuvandudza hushumiri hwazvo hwapaimba neimba. Iye nomudzimai wake vachashanyirawo vanhu vachangobva kufarira kuvakurudzira mukutenda. Unogona kukumbira kushanya kwakadaro.
Mutariri woruwa ane zvikwaniriso zvimwe chetezvo zvomudzimu nezivo yoruzivo rwokuzviwanira. Iye anoenda padunhu nedunhu, achiita basa vhiki rimwe nerimwe pamsoro pamagungano edunhu. Iye nomudzimai wake vanoshandawo muushumiri hwomumunda neZvapupu mune imwe yeungano dzedunhu raari kushanyira. Iye anotarisira kugadzirirwa kwokupedzisira kwepurogiramu yedunhu uye anokurukura hurukuro dzinoverengeka mugunganoro, kubatanidza hurukuro yavose.
Apo vatariri vanofambira vanenge vapedza shanyo yavo muungano kana kuti dunhu, vanopfuurira kundoshanyira imwe, vachitevera rudungwe rumwe cheterwo, kutozosvikira ungano dzose kana kuti matunhu ashanyirwa muinenge mwedzi mitanhatu; ipapo ivo vanotangazve.
Munyika zhinji vatariri vanofambira vanofamba nemotokari kana kuti kushandisa zvokufambisa zvavose. Mune dzimwe nyika ivo vangashandisa bhasikoro kana kuti kunyange kufamba netsoka. Sosaiti inoripira ndyiko dzezvokufambisa dzomutariri anofambira uyewo inomugovera nomudzimai wake mvumiro duku nokuda kwezvinodikanwa zvavo vamene. Kazhinji kazhinji mutariri anofambira nomudzimai wake vanogoverwa pokugara nezvokudya nemitezo yeungano imwe neimwe.
Iri basa rinoda mudzimu wokuzvipira nokuda kwavamwe. Vatariri vanofambira navadzimai vavo vakarunda kuitira basa ravo ungano vasingaisi mutoro wendyiko padziri.—1 VaTesaronika 2:9.
• Chii chakanga chiri donzo ravatariri vanofambira muungano yomuzana rokutanga ramakore?
• Ko vatariri vanofambira nhasi vakava sei vanokwaniriswa navanowanikwa nokuda kwouhu ushumiri?
• Rondedzera basa romutariri wedunhu noworuwa namararamire avanoita.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Mutariri woruwa anokurukura kugungano redunhu
[Mifananidzo iri papeji 21]
Vatariri vamatunhu vanopa murairidzo mukuparidzira paimba neimba, vanotaura kuvakuru veungano, vanoshanyira fundo yeBhaibheri navananyakuroorana vachangobva kufarira, vanokurukura muungano