Vatariri Vanofambira—Zvipo Muvarume
“Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, akapa [zvipo muvarume, NW].”—VAEFESO 4:8.
1. Ibasai idzva rakaziviswa mumagazini ino muna 1894?
RINOPFUURA zana ramakore rapfuura, Nharireyomurindi yakazivisa chimwe chinhu chitsva. Chakarondedzerwa se“Rumwe Rutivi rweBasa.” Uyu mubato mutsva waibatanidzei? Kwakanga kuri kuvambwa kwomuzuva razvino uno kwebasa revatariri vanofambira. Chinyorwa chaSeptember 1, 1894, chemagazini ino chakatsanangura kuti kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi hama dzakakwaniriswa dzaizova dzichishanyira mapoka aVadzidzi veBhaibheri ‘nokuda kwedonzo rokuvavaka muchokwadi.’
2. Vatariri vematunhu nevemaruwa vane mabasai?
2 Muzana ramakore rokutanga C.E., ungano dzechiKristu dzaishanyirwa nevatariri vakadai saPauro naBarnabhasi. Ava varume vakatendeka vakanga vane vavariro yoku‘vaka’ ungano. (2 VaKorinte 10:8) Nhasi, takakomborerwa nezviuru zvavarume vari kuita ikoku nenzira ine nhevedzano. Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakavagadza sevatariri vematunhu nevemaruwa. Mutariri wedunhu anobatira ungano dzinenge 20 kwevhiki imwe neimwe kanenge kaviri pagore, achinzvera zvinyorwa, achipa hurukuro, uye achipinda muushumiri hwomumunda nevaparidzi voUmambo vomunzvimbomo. Mutariri weruwa ndiye sachigaro werimwe nerimwe remagungano edunhu egore negore ematunhu akati, anopinda muushumiri hwemumunda neungano dzinogamuchira, uye anogovera kurudziro muhurukuro dzakavakirwa paBhaibheri.
Chimiro Chavo Chendangariro Chokurega Zvimwe Zvinhu
3. Nei vatariri vanofambira vachifanira kuva nechimiro chendangariro chokurega zvimwe zvinhu?
3 Vatariri vanofambira nguva dzose vanofamba. Ikoku makuri kumene kunoda chimiro chendangariro chokurega zvimwe zvinhu. Kufamba kubva paungano imwe kuenda kune imwe kazhinji kazhinji kunogona kuva kwakaoma, asi varume ivava nevadzimai vavo vanoita saizvozvo nechimiro chendangariro chokufara. Mumwe mutariri wedunhu akati: “Mudzimai wangu anotsigira zvikurusa uye haanyunyuti . . . Anofanirwa nokurumbidzwa zvikuru nokuda kwechimiro chake chendangariro chokurega zvimwe zvinhu.” Vamwe vatariri vematunhu vanofamba anopfuura makiromita 1 000 pakati peungano. Vazhinji vanofamba nemotokari, asi vamwe vanosvika kunzvimbo nenzvimbo kupfurikidza nezvifambiso zvavose, kupfurikidza nebhasikoro, vakatasva bhiza, kana kuti netsoka. Mumwe mutariri wedunhu wemuAfrica anotofanira kupfuura nomurwizi mudzimai wake ari pamafudzi ake kuitira kuti asvike imwe ungano. Pashanyo dzake dzoufundisi, muapostora Pauro aifanira kugonana nokupisa nokutonhora, nzara nenyota, usiku hwokusarara, ngozi dzakasiyana-siyana, uye chitambudzo chemasimba masimba. Ai“funganya[wo] ungano dzose”—chinoitika chinowanzova nevatariri vanofambira nhasi.—2 VaKorinte 11:23-29.
4. Zvinetso zvoutano zvinogona kuva netapuroi paupenyu hwevatariri vanofambira nevadzimai vavo?
4 Kufanana neshamwari yaPauro Timotio, vatariri vanofambira nevadzimai vavo pane dzimwe nguva vanova nezvinetso zvoutano. (1 Timotio 5:23) Ikoku kunoisa dzvinyiriro yomuraudzo pavari. Mumwe mudzimai wemutariri wedunhu anotsanangura, kuti: “Kuva nehama nguva dzose idzvinyiriro apo ndinenge ndisiri kunzwa zvakanaka. Nekuvamba kwekuguma kuenda kumwedzi, ndakawana ikoku kwakaoma zvikuru. Kungofanira chete kurongedza zvinhu zvedu zvose vhiki iri yose ndokuenda kumwewo zvako idenho chaiyoiyo. Kazhinji kazhinji, ndinofanira kumira ndokunyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rokupfuurira.”
5. Pasinei zvapo nemiedzo yakasiyana-siyana, chimiroi chendangariro chakaratidzwa nevatariri vanofambira nevadzimai vavo?
5 Pasinei zvapo nezvinetso zvoutano nemimwe miedzo, vatariri vanofambira nevadzimai vavo vanowana mufaro mubasa ravo ndokuratidzira rudo rwekurega zvimwe zvinhu. Vamwe vakaisa upenyu hwavo mungozi kuti vape betsero yomudzimu munguva dzechitambudzo kana kuti dzehondo. Pakushanyira ungano, vakaratidzira chimiro chendangariro chakafanana nechiya chaPauro, uyo akaudza vaKristu veTesaronika, kuti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.”—1 VaTesaronika 2:7, 8.
6, 7. Ipesvedzeroi yakanaka iyo vatariri vanofambira vanoshanda zvakaoma vanogona kugovera?
6 Kufanana nevamwe vakuru vari muungano yechiKristu, vatariri vanofambira “vanobata pashoko napakudzidzisa.” Vakuru vose vakadaro “ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri.” (1 Timotio 5:17) Muenzaniso wavo unogona kubvumikisa kuva unobetsera kana, pashure pe‘kurangarira nzira iyo mufambiro wavo unova, tinotevedzera kutenda kwavo.’—VaHebheru 13:7.
7 Vamwe vakuru vanofambira vakava netapuroi pavamwe? “Hama P—— vakanga vari pesvedzero inoshamisa zvakadini muupenyu hwangu!” chakanyora kudaro chimwe Chapupu chaJehovha. “Vakanga vari mutariri anofambira muMexico kubvira mugore ra1960 zvichienda mberi. Somwana, ndaimirira shanyo dzavo nokukarira nomufaro. Apo ndakanga ndava nemakore gumi okukura, vakandiudza kuti, ‘Iwewo uchava mutariri wedunhu.’ Mukati memakore ouduku akaoma, ndaivatsvaka kazhinji nemhaka yekuti nguva dzose vakanga vane mashoko ouchenjeri okupa. Vakararama kuti vafudze boka! Zvino zvandava mutariri wedunhu, nguva dzose ndinoedza kupa nguva kuvaduku uye kuisa nharidzano dzoubati ushe hwaMwari pamberi pavo sezvavaindiitira. Kunyange mumakore okupedzisira oupenyu hwavo, pasinei zvapo nezvinetso nekukundikana kwomwoyo, Hama P—— nguva dzose vaitsvaka kupa shoko rinokurudzira. Zuva rimwe chete vasati vafa muna February 1995, vakandiperekedza kugungano rezuva chairo ndokuisa nharidzano dzakaisvonaka pamberi peimwe hama inonyora mapurani ezvivako. Hama yacho yakakurumidza kupa kumbiriso yokubatira paBheteri.”
Vanoongwa
8. Ndivanaani vari “zvipo muvarume” vanorondedzerwa muna VaEfeso ganhuro 4, uye vanobetsera sei ungano?
8 Vatariri vanofambira nevamwe vakuru vakapiwa migove yebasa nemutsa usakafanirwa waMwari vanonzi “zvipo muvarume.” Somumiririri waJehovha uye Musoro weungano, Jesu akagovera ava varume vomudzimu kuitira kuti tivakwe somunhu oga ndokusvika kuukuru mumudzimu. (VaEfeso 4:8-15, NW) Chipo chipi nechipi chinofanirwa nekuratidzirwa kwekuonga. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru nezvechipo chinotisimbisa kuti tirambe tichibatira Jehovha. Naizvozvo, ipapo, tinogona sei kuratidzira kuonga kwedu basa revatariri vanofambira? Tinogona kuratidza munzirai kuti ‘tinoramba tichida varume ivava’?—VaFiripi 2:29.
9. Tinogona kuratidza kuonga vatariri vanofambira munzirai?
9 Apo shanyo yemutariri wedunhu inoziviswa, tinogona kutanga kuita gadziriro dzokuva negoverano yakazara mumibato yeungano yevhiki iyoyo. Zvichida tinogona kutsaura nguva yomuraudzo yokutsigira gadziriro dzebasa romumunda mukati meshanyo yacho. Tingakwanisa kubatira semapiyona ebetsero mukati memwedzi iwowo. Zvirokwazvo tichada kushandisa zvikarakadzo zvomutariri wedunhu kuitira kuti tinatse ushumiri hwedu. Chimiro chendangariro chakadaro chokugamuchira chichatibetsera uye chichamuvimbisa kuti shanyo yake inobetsera. Hungu, vatariri vanofambira vanoshanyira ungano kuti vativake, asi ivowo vanoda kuvakwa mumudzimu. Pakanga pane nguva apo Pauro akanga achida kurudziro, uye kazhinji kazhinji aikumbira vaKristu biyake kumunyengeterera. (Mabasa 28:15; VaRoma 15:30-32; 2 VaKorinte 1:11; VaKorose 4:2, 3; 1 VaTesaronika 5:25) Vatariri vanofambira vomuzuva razvino nenzira yakafanana vanoda minyengetero yedu nekurudziro.
10. Tinogona sei kubetsera kuita kuti basa romutariri anofambira rive mufaro?
10 Takaudza here mutariri wedunhu nemudzimai wake kuti tinoonga sei shanyo dzavo? Tinomutenda here nokuda kwezano rinobetsera raanotipa? Tinomuzivisa here apo zvikarakadzo zvake zvebasa romumunda zvinowedzera mufaro wedu muushumiri? Kana tichidaro, ikoku kuchabetsera kuita kuti basa rake rive mufaro. (VaHebheru 13:17) Mumwe mutariri wedunhu muSpain akatsinhira zvikuru pamusoro pekuti iye nemudzimai wake vaikoshesa zvikuru sei tsamba dzokuonga dzavakagamuchira pashure pekushanyira ungano. “Tinochengeta makadhi iwaya ndokuarava apo tinenge tichinzwa takaodzwa mwoyo,” anodaro. “Manyuko ekurudziro chaiyoiyo.”
11. Nei tichifanira kuita kuti vadzimai vevatariri vematunhu nevemaruwa vazive kuti vanodiwa uye vanoongwa?
11 Mudzimai wemutariri anofambira zvirokwazvo anobetserwa nemashoko erumbidzo. Akarega zvimwe zvinhu zvakawanda kuti abatsire murume wake muurwu rutivi rwebasa. Idzi hanzvadzi dzakatendeka dzinorega chishuvo chemuzvarirwo chokuva nemusha wadzo dzimene uye, muzviitiko zvizhinji, chiyawo chokuva navana. Mwanasikana waJefta akanga ari mumwe wevabatiri vaJehovha akarega nokudisa mukana wake wokuva nomurume nemhuri nemhaka yemhiko iyo baba vake vakaita. (Vatongi 11:30-39) Kurega zvimwe zvinhu kwake kwakarangarirwa sei? Vatongi 11:40 inoti: “Vakunda vaIsraeri [vaienda] makore ose mazuva mana pagore kundo[rumbidza, NW] mukunda waJefta muGireadhi.” Kwakaisvonaka sei apo tinoita nhamburiko yokuudza vadzimai vevatariri vematunhu nevemaruwa kuti vanodiwa uye kuti vanoongwa!
“Musakanganwa Kuitira Vaeni [Mutsa, NW]”
12, 13. (a) Hwaroi hwapaMagwaro huripo hwokuva nomutsa kuvatariri vanofambira nevadzimai vavo? (b) Ratidzira nzira iyo mutsa wakadaro unogona kuva unobetsera vose.
12 Kuratidza mutsa ndiimwe nzira yokuratidzira nayo rudo nokuonga avo vari mubasa rechiKristu rokufambira. (VaHebheru 13:2) Muapostora Johane akarumbidza Gayo nokuda kwekuratidzira mutsa kuavo vakanga vachishanyira ungano sevafundisi vanofambira. Johane akanyora, kuti: “Mudikanwa, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. Nokuti vakabuda nokuda kwezita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi.” (3 Johane 5-8) Nhasi, tinogona kupfuuridzira mubato wokuparidza Umambo kupfurikidza nokuratidza mutsa wakafanana kuvatariri vanofambira nevadzimai vavo. Chokwadika, vakuru vemunzvimbomo vanofanira kuva nechokwadi chokuti pokugara panogutsa, asi mumwe mutariri weruwa akati: “Kubatanidzwa kwedu nehama hakugoni kuvakirwa pakuti ndiani anogona kutiitira chimwe chinhu. Hatimbodi kupa murangariro iwoyo. Tinofanira kudisa kugamuchira mutsa wedzipi nedzipi dzehama dzedu, dzakapfuma kana kuti varombo.”
13 Mutsa unogona kubetsera vose. “Mumhuri yangu, taive netsika yokukoka vatariri vanofambira kuti vagare nesu,” anoyeuka kudaro Jorge, aichimbova mutariri wedunhu zvino ari kubatira paBheteri. “Ndinorangarira kuti shanyo idzodzi dzakandibetsera zvikuru kupfuura zvandaiziva panguva iyoyo. Mukati mekuyaruka kwangu, ndaiva nezvinetso zvomudzimu. Amai vangu vainetseka pamusoro paikoku asi vaisangoziva chete nzira yokubetsera nayo uye naizvozvo vakakumbira mutariri wedunhu kuti ataure neni. Pakutanga ndaimudzivisa, sezvo ndakanga ndichitya kutsoropodzwa. Asi ushamwari hwake pakupedzisira hwakandiwana. Akandikoka kuva nezvokudya naye pane mumwe Muvhuro, uye ndakazarura mwoyo wangu nemhaka yekuti ndaiva nechokwadi chokuti ndakanga ndichinzwisiswa. Akateerera nokungwarira. Zvikarakadzo zvake zvinoshanda zvakashanda chaizvoizvo, uye ndakavamba kufambira mberi mumudzimu.”
14. Nei tichifanira kuva vanoonga panzvimbo pokutsoropodza vakuru vanofambira?
14 Mutariri anofambira anoedza kuva anobetsera mumudzimu kuvaduku nevakuru nenzira yakafanana. Zvirokwazvo, ipapo, tinofanira kuratidza kuonga kwedu nhamburiko dzake. Zvisinei, zvakadini kana taizomutsoropodza nemhaka yeutera hwake kana kuti kumuenzanisa zvisina kunaka nevamwe vakashanyira ungano? Sezvingabvira, ikoku kungava kunoodza mwoyo zvikuru. Kwakanga kusingakurudziri kuti Pauro anzwe kutsoropodzwa kwebasa rake. Sezviri pachena, vamwe vaKristu veKorinte vakanga vachiita tsinhiro dzokuzvidza pamusoro pechitarisiko chake nemano okutaura. Iye amene akanokora mashoko vatsoropodzi vakadaro sevaiti: “Nwadhi dzake dzine mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, unoutera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” (2 VaKorinte 10:10) Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, vatariri vanofambira vanowanzonzwa mashoko okuonga kune rudo.
15, 16. Vatariri vanofambira nevadzimai vavo vanotapurwa sei nerudo nekushingaira zvinoratidzirwa nevatendi biyavo?
15 Mumwe mutariri wedunhu muLatin America anofamba zuva rose munzira dzine madhaka kuitira kuti ashanyire hama nehanzvadzi dzake dzomudzimu dzinogara munharaunda inodzorwa nemagandanga. “Kunoorora kuona nzira iyo hama dzinoratidza nayo kuonga kwadzo shanyo,” anonyora kudaro. “Kunyange zvazvo ndichifanira kuita nhamburiko huru kusvikako, kutarisana nengozi zhinji nezvinetso, kwose ikoku kunotuswa nerudo nekushingaira izvo hama dzinoratidza.”
16 Mumwe mutariri wedunhu muAfrica anonyora, kuti: “Nemhaka yerudo urwo hama dzakatiratidza, taida nyika yeTanzania zvikuru kwazvo! Hama dzakanga dzakagadzirira kudzidza kwatiri, uye dzakanga dzichifara kuva nesu mumisha yadzo.” Kwakanga kune ukama hune rudo uye hunofadza pakati pemuapostora Pauro nevakwanyina vechiKristu vomuzana ramakore rokutanga Akwira naPriska. Kutaura idi, Pauro akati nezvavo: “Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu, vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingaongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.” (VaRoma 16:3, 4) Vatariri vanofambira nevadzimai vavo vanoonga kuva seshamwari dzavo vanaAkwira navanaPriska vomuzuva razvino uno avo vanoita nhamburiko chaiyo yokuratidza mutsa ndokugovera ushamwaridzani.
Kusimbisa Ungano
17. Nei kuchigona kutaurwa kuti uchenjeri hunotungamirira gadziriro yevatariri vanofambira, uye vanowana kupi murayiridzo wavo?
17 Jesu akati: “Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” (Mateo 11:19) Uchenjeri hwegadziriro yevatariri vanofambira inooneka mukuti inobetsera kusimbisa ungano dzavanhu vaMwari. Mukati merwendo rwechipiri rwaPauro rwoufundisi, iye naSirasi nenzira inobudirira “[v]akagura neSiria neKirikia, vachisimbisa kereke.” Bhuku raMabasa rinotiudza, kuti: “Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navaapostora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.” (Mabasa 15:40, 41; 16:4, 5) Vatariri vanofambira vomuzuva razvino vanogamuchira murayiridzo womudzimu kupfurikidza naMagwaro nezvinyorwa zve“muranda wakatendeka, wakangwara,” sezvinoita vamwe vaKristu vose.—Mateo 24:45.
18. Vatariri vanofambira vanosimbisa sei ungano?
18 Hungu, vakuru vanofambira vanofanira kupfuurira kudya patafura yaJehovha yomudzimu. Vanofanira kurovedzana zvikuru nemitoo nenhungamiro zvinoteverwa nesangano raMwari. Ipapo varume vakadaro vanogona kuva chikomborero chaichoicho kuvamwe. Kupfurikidza nemuenzaniso wavo wakaisvonaka wekushingaira mubasa romumunda, vanogona kubetsera vatendi biyavo kunatsa ushumiri hwechiKristu. Hurukuro dzakavakirwa paBhaibheri dzinopiwa naava vakuru vanoshanyira dzinovaka vateereri mumudzimu. Kupfurikidza nokubetsera vamwe kushandisa zano reShoko raMwari, kubatira mutsinhirano nevanhu vaJehovha pasi rose, uye kushandisa gadziriro dzomudzimu dzinoitwa naMwari kupfurikidza no‘muranda akatendeka,’ vatariri vanofambira vanosimbisa ungano dzavanoropafadzwa kushanyira.
19. Mibvunzoi yasara kuti irangarirwe?
19 Apo sangano raJehovha rakavamba basa revakuru vanofambira pakati peVadzidzi veBhaibheri anenge makore zana apfuura, magazini ino yakati: “Tichatarisa migumisiro uye kumwezve kutungamirira kwaShe.” Kutungamirira kwaJehovha kwave kuchioneka nenzira yakajeka. Nemhaka yechikomborero chake uye mutarisiro yeMutumbi Unodzora, basa iri rakakudzwa ndokunatswa mumakore apfuura. Somugumisiro, ungano dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose dziri kusimbiswa mukutenda uye dziri kuwedzera munhamba zuva nezuva. Sezviri pachena, Jehovha ari kukomborera chimiro chendangariro chokurega zvimwe zvinhu cheizvi zvipo muvarume. Asi vatariri vanofambira vanogona sei kuita basa ravo nenzira inobudirira? Ndedzipi dziri vavariro dzavo? Vanogona sei kuita zvakanaka zvikurusa?
Ungapindura Sei?
◻ Ndeapi ari mamwe mabasa evatariri vematunhu nevemaruwa?
◻ Nei vatariri vanofambira vachifanira kuva nechimiro chendangariro chokurega zvimwe zvinhu?
◻ Kuonga kunogona sei kuratidzwa nokuda kwebasa revakuru vanofambira nevadzimai vavo?
◻ Vatariri vanofambira vanogona sei kuita kuti ungano dzisimbe mukutenda?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kufamba nguva dzose kunoda chimiro chendangariro chokurega zvimwe zvinhu
[Mufananidzo uri papeji 13]
Wakaratidza mutsa kuvataririvanofambira nevadzimai vavo here?