Nzira Iyo Vatariri Vanofambira Vanobatira Nayo Sevatariri Vakatendeka
“Mumwe nomumwe sezvaakapiwa chipo chenyasha, shumiranai nacho savatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.”—1 PETRO 4:10.
1, 2. (a) Ungarondedzera sei shoko rokuti “mutariri”? (b) Ndivanaani vanobatanidzwa pakati pavatariri vanoshandiswa naMwari?
JEHOVHA anoshandisa vaKristu vose vakatendeka sevatariri. Mutariri kazhinji kazhinji mubatiri anotarisira imba. Angatarisirawo zvinhu zvebhizimisi zvatenzi wake. (Ruka 16:1-3; VaGaratia 4:1, 2) Jesu akadana mutumbi wake wevakazodzwa vakatendeka vari pasi pano kuti “mutariri wakatendeka.” Kumutariri uyu akapa ve“imba yake,” kubatanidza mibato yokuparidza Umambo.—Ruka 12:42-44; Mateo 24:14, 45.
2 Muapostora Petro akataura kuti vaKristu vose vatariri vemutsa waMwari usakafanirwa wakaratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana. MuKristu mumwe nomumwe ane nzvimbo maanogona kuitira utariri hwokutendeka. (1 Petro 4:10) Vakuru vechiKristu vakagadzwa vatariri, uye pakati pavo pane vatariri vanofambira. (Tito 1:7) Ava vakuru vanofambira vanofanira kurangarirwa sei? Mavarai nevavariro zvavanofanira kuva nazvo? Uye vanogona sei kuita zvakanaka zvikurusa?
Vanoonga Basa Ravo
3. Nei vatariri vanofambira vachigona kunzi “vatariri vakanaka”?
3 Vachinyorera mutariri anofambira nemudzimai wake, vamwe varoorani vechiKristu vakati: “Tingada kutaura kuonga kwedu nguva yose nerudo zvamakatipa. Semhuri, takabetserwa zvikuru nekurudziro yenyu yose nezano. Tinoziva kuti tinofanira kupfuurira kukura mumudzimu, asi nebetsero yaJehovha uye nehama nehanzvadzi dzakafanana nemi, dzvinyiriro inonyevenutswa.” Kutaura kwakafanana naikoku ndokwenguva dzose nemhaka yokuti vatariri vanofambira vanova nefariro yomunhu oga muvatendi biyavo, kungofanana nemutariri anotarisira zvakanaka zvinodikanwa zveimba. Vamwe vakurukuri vakatanhamara. Vazhinji vanoita zvakanaka mubasa rokuparidza, nepo vamwe vachizivikanwa nokuda kweushamwari hwavo netsitsi. Kupfurikidza nokusakurira uye kushandisa zvipo zvakadaro mukushumira vamwe, vatariri vanofambira vanogona nenzira yakarurama kunzi “vatariri vakanaka.”
4. Mubvunzoi ucharangarirwa zvino?
4 “Pavatariri panotsvakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (1 VaKorinte 4:2) Kushumira vaKristu biyavo muungano yakasiyana vhiki pashure pevhiki iropafadzo yakatanhamara uye inofadza. Kunyange zvakadaro, ibasawo rinorema. Ipapo, vatariri vanofambira vanogona sei kuita utariri hwavo nenzira yokutendeka neinobudirira?
Kuita Utariri Hwavo Nenzira Inobudirira
5, 6. Nei kuvimba naJehovha kwokunyengetera kuchikosha kwazvo muupenyu hwomutariri anofambira?
5 Kuvimba naJehovha kwokunyengetera kunokosha kana vatariri vanofambira vachizova vatariri vanobudirira. Nemhaka yerudungwe rwavo nemabasa mazhinji, pane dzimwe nguva vangagona kunzwa varemerwa. (Enzanisa na2 VaKorinte 5:4.) Naizvozvo vanofanira kuita mutsinhirano nerwiyo rwowezvemapisarema Dhavhidhi: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Anonyaradzawo ndiwo mashoko aDhavhidhi, okuti: “Ishe ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, uye Mwari muponesi wedu.”—Pisarema 68:19.
6 Pauro akawana kupi simba rokutarisira mabasa ake omudzimu? “Ndingaita zvose naiye unondipa simba,” akanyora kudaro. (VaFiripi 4:13) Hungu, Jehovha Mwari akanga ari Manyuko esimba raPauro. Nenzira yakafanana, Petro akapa zano, kuti: “Kana munhu achitaura, ngaataure saanenge ari mashoko aMwari; kana munhu achishumira, ngazviitwe senesimba raanopiwa naMwari; kuti Mwari akudzwe pazvose naJesu Kristu.” (1 Petro 4:11) Imwe hama yakanga iri mutariri anofambira kwemakore mazhinji yakasimbisa kudikanwa kwekuvimba naMwari, ichiti: “Nguva dzose tarira kuna Jehovha mukubata nezvinetso, uye tsvaka yamuro yesangano rake.”
7. Dzikamo inoita sei rutivi mubasa romutariri anofambira?
7 Dzikamo inodikanwa nemutariri anofambira anobudirira. Kufanana nevamwe vaKristu, anovavarira “kuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:10, NW)a Apo vakuru vomunzvimbomo vanenge vane mibvunzo pamusoro penhau yakati, kuchenjera kuti vabvunze mutariri wedunhu anoshanya. (Zvirevo 11:14; 15:22) Sezvingabvira, tsinhiro dzake dzakadzikama nezano rapaMagwaro zvichabvumikisa kuva zvinobetsera zvikuru sezvo vakuru vanopfuurira kubata nhau yacho pashure pekunge abva paungano yacho. Nenzira inoti wiriranei, Pauro akaudza Timotio, kuti: “Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe.”—2 Timotio 2:2.
8. Nei kufunda Bhaibheri, kunzvera, uye kufungisisa zvichikosha?
8 Kufunda Magwaro, kunzvera, uye kufungisisa ndizvinodikanwa zvokupa zano rakanaka. (Zvirevo 15:28) Mumwe mutariri weruwa akati: “Pakusangana nevakuru, hatifaniri kutya kubvuma kuti hatizivi mhinduro yemubvunzo wakati.” Kushandisa nhamburiko yokuwana “murangariro waKristu” pamusoro penhau yakati kunokubvirisa kupa zano rakavakirwa paBhaibheri iro richabetsera vamwe kutsinhirana nokuda kwaMwari. (1 VaKorinte 2:16) Pane dzimwe nguva mutariri anofambira anofanira kunyorera Watch Tower Society nokuda kwenhungamiro. Muchiitiko chipi nechipi, kutenda Jehovha nokuda chokwadi zvinokosha zvikuru kwazvo kupfuura chitarisiko kana kuti kutaura zvakanaka. Panzvimbo pokuuya ne“kunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri,” Pauro akavamba ushumiri hwake muKorinte “noutera, nokutya.” Ikoku kwakamuita kuti asabudirire here? Mukupesana, kwakabetsera vaKorinte kuva nokutenda, “[kwete] muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari.”—1 VaKorinte 2:1-5.
Mamwe Mavara Anokosha
9. Nei kuzviisa munzvimbo yavamwe kuchidikanwa nevakuru vanofambira?
9 Kuzviisa munzvimbo yavamwe kunobetsera vatariri vanofambira kuva nemigumisiro yakanaka. Petro akakurudzira vaKristu vose ku‘ratidza ngoni,’ kana kuti kuva ne“tsitsi.” (1 Petro 3:8 NW, mashoko omuzasi) Mumwe mutariri wedunhu anonzwa kudikanwa kwoku‘farira munhu ari wose ari muungano ndokuteerera zvapachokwadi.’ Nechimiro chendangariro chakafanana, Pauro akanyora, kuti: “Farai navanofara; chemai navanochema.” (VaRoma 12:15) Chimiro chendangariro chakadaro chinosunda vatariri vanofambira kuita nhamburiko dzapachokwadi dzokunzwisisa zvinetso nemamiriro ezvinhu evatendi biyavo. Ipapo vanogona kupa zano rapaMagwaro rinovaka iro rinogona kuita zvakanaka chaizvoizvo kana rikashandiswa. Mumwe mutariri wedunhu uyo anoita zvakanaka mukuzviisa munzvimbo yavamwe akagamuchira tsamba ino yaibva kune imwe ungano iri pedyo neTurin, Italy: “Kana uchida kuva anonakidza, iva anonakidzwa; kana uchida kuva anofadza, iva anofarira; kana uchida kuva anodiwa, iva anoda; kana uchida kubetserwa, iva akagadzirira kubetsera. Izvozvi ndizvo zvatakadzidza kwamuri!”
10. Vatariri vamatunhu nevemaruwa vakataurei pamusoro pokuva anozvininipisa, uye muenzanisoi uyo Jesu akagadza muna ikoku?
10 Kuva anozvininipisa naanosvikika kunobatsira vatariri vanofambira kuita zvakanaka zvizhinji. Mumwe mutariri wedunhu akatsinhira, kuti: “Kunokosha zvikurusa kuchengeta chimiro chendangariro chokuzvininipisa.” Anganyevera vatariri vanofambira vatsva, kuti: “Musazviita mumene vanopesvedzerwa zvisina kufanira nehama dzakabudirira zvikuru nemhaka yeizvo dzingamuitira, kana kuti kuganhurira ushamwari hwavo kuvakadaro bedzi, asi vavarirai nguva dzose kubata navamwe pasina rusaruro.” (2 Makoronike 19:6, 7) Uye mutariri anofambira anozvininipisa zvirokwazvo haasati achizova nemurangariro wakakatutsirwa weukoshi hwake amene semumiriri weSosaiti. Mumwe mutariri weruwa akatsinhira nenzira yakakodzera, kuti: “Iva anozvininipisa uye anodisa kuteerera hama. Nguva dzose iva anosvikika.” Somunhu mukurusa ati amborarama, Jesu Kristu aigona kuve akaita kuti vanhu vanzwe vasina kusununguka, asi aizvininipisa kwazvo uye aisvikika zvokuti kunyange vana vainzwa vakasununguka aripo. (Mateo 18:5; Marko 10:13-16) Vatariri vanofambira vanoda vana, vechiduku, vakwegura—zvirokwazvo munhu upi noupi uye munhu ari wose ari muungano—kunzwa akasununguka kuvasvika.
11. Apo kunenge kuchidikanwa, ndoupi unogona kuva mugumisiro wokukumbira ruregerero?
11 Chokwadika, “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji,” uye hakuna mutariri anofambira asingaiti mhosho. (Jakobho 3:2) Apo vanoita mhosho, kukumbira ruregerero kwapachokwadi kunopa vamwe vakuru muenzaniso wokuzvininipisa. Maererano naZvirevo 22:4, “mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha [kwokuremekedza] ifuma nokukudzwa noupenyu.” Uye vabatiri vose vaMwari havafaniri ku‘zvininipisa mukufamba naMwari wavo’ here? (Mika 6:8 NW, Chinyorwa cha1960) Apo akabvunzwa zano raangava naro nokuda kwomukuru mutsva anofambira, mumwe mutariri wedunhu akatsinhira, kuti: “Remekedza zvikuru uye kudza hama dzose, ndokudzirangarira sedziri nani kupfuura iwe. Uchadzidza zvizhinji kuhama. Gara uchizvininipisa. Iva womuzvarirwo. Usazvitutumadze.”—VaFiripi 2:3.
12. Nei kushingairira ushumiri hwechiKristu kuchikosha kwazvo?
12 Kushingairira ushumiri hwechiKristu kunoita kuti mashoko omutariri anofambira ave nerevo. Kutaura idi, apo iye nomudzimai wake vanogadza mienzaniso yokushingaira mubasa rokuparidza evhangeri, vakuru, vadzimai vavo, uye yasara yeungano yose vanokurudzirwa kuratidzira kushingaira muushumiri hwavo. “Shingairira basa,” akakurudzira kudaro mumwe mutariri wedunhu. Akawedzera, kuti: “Ndakawana kuti, kazhinji kazhinji, kana ungano ichishingaira zvikuru muushumiri, inova nezvinetso zvishomanene.” Mumwe mutariri wedunhu akatsinhira, kuti: “Ndinodavira kuti kana vakuru vakashanda mumunda nehama nehanzvadzi ndokudzibetsera kufarikanya ushumiri, ikoku kuchaguma norugare rwendangariro negutsikano hurusa mukubatira Jehovha.” Muapostora Pauro ‘akawana ushingi hwokutaura mashoko akanaka aMwari kuvaTesaronika nekurwisa kukuru.’ Hakushamisi kuti vakanga vane yeuko dzinofadza dzeshanyo yake nemubato wekuparidza uye vaipanga kumuona zvakare!—1 VaTesaronika 2:1, 2; 3:6.
13. Mutariri anofambira anorangarirei pakushanda nevaKristu biyake mubasa romumunda?
13 Pakushanda nevaKristu biyake muushumiri hwomumunda, mutariri anofambira anorangarira mamiriro avo ezvinhu neganhuriro. Kunyange zvazvo zvikarakadzo zvake zvingave zvinobetsera, anoziva kuti vamwe vangave vachitya pakuparidza nemukuru ane ruzivo rwokuzviwanira. Muzviitiko zvakati, naizvozvo, kurudziro ingave inoshanda zvikuru kupfuura zano. Apo anoperekedza vaparidzi kana kuti mapiyona pafundo yeBhaibheri, vangada kuti aiitise. Ikoku sezvingabvira kuchavarovedzanisa nenzira dzakati dzokunatsa mitoo yavo yokudzidzisa.
14. Nei kuchigona kutaurwa kuti vatariri vanofambira vanoshingaira vanonyandura kushingaira muvamwe?
14 Vatariri vanofambira vanoshingaira vanonyandura kushingaira muvamwe. Mumwe mutariri wedunhu muUganda akafamba nomusango guru kweawa imwe kuitira kuti aperekedze imwe hama pafundo yeBhaibheri yakanga ichiita fambiro mberi duku. Mukati mokufamba kwavo kwakanaya zvikuru kwazvo zvokuti vakasvika vatota zvikuru. Apo mhuri yavatanhatu yakaziva kuti mushanyi wavo akanga ari mutariri anofambira, vakaororwa zvikuru. Vakaziva kuti vafundisi vechechi yavo vaisazotongoratidza fariro yakadaro muboka. Svondo yakatevera yacho, vakapinda musangano wavo wokutanga uye vakataura chishuvo chokuva Zvapupu zvaJehovha.
15. Ndichakaitikai chakaisvonaka chakafarikanywa nemumwe mutariri wedunhu anoshingaira muMexico?
15 Muruwa rweMexico rweOaxaca, mumwe mutariri wedunhu akaita nhamburiko yaisakarirwa chaizvoizvo kwaari. Akaronga kugara muchitokisi chetorongo kwousiku huna kuitira kuti ashanyire boka revasungwa vanomwe vakanga vava vaparidzi voUmambo. Kwemazuva anoverengeka aiperekedza vasungwa ava sezvavaipupura pachitokisi nechitokisi ndokuitisa fundo dzeBhaibheri. Nemhaka yefariro yakaratidzwa, dzimwe dzefundo idzodzi dzaipfuurira kusvikira usiku chaihwo. “Pakupera kweshanyo yacho, vasungwa vacho neni takanzwa tazara nomufaro somugumisiro wekukurudzirana,” anonyora kudaro uyu mutariri wedunhu anoshingaira.
16. Nei kuchibetsera kwazvo apo vatariri vanofambira nevadzimai vavo vanogovera kurudziro?
16 Vatariri vanofambira vanoedza kuva vanokurudzira. Apo Pauro akashanyira ungano dzaiva muMakedhonia, aka‘vakurudzira nemashoko mazhinji.’ (Mabasa 20:1, 2) Mashoko ekurudziro anogona kuva anobetsera zvikuru mukutungamirira vose vari vaviri vaduku navakuru kunharidzano dzomudzimu. Pane imwe hofisi yebazu huru yeWatch Tower Society, imwe nzvero isina kurongwa yakazivisa kuti vatariri vematunhu vakanga vakurudzira inodokuva 20 muzana yevazvipiri kutora basa renguva yakazara. Kupfurikidza nomuenzaniso wake wakaisvonaka somuzivisi woUmambo wenguva yakazara, mudzimai wemutariri anofambira anobvumikisawo kuva manyuko makuru ekurudziro.
17. Mumwe mutariri wedunhu akwegura anonzwa sei pamusoro peropafadzo yake yokuyamura vamwe?
17 Vakura nemweya yakapera mwoyo vanoda zvikuru nyaradzo. Mumwe mutariri wedunhu akwegura anonyora, kuti: “Rutivi rwebasa rangu rwunonyandura mufaro womukati usingataurike iropafadzo yokuyamura vasingaiti basa nendonda vari pakati peboka raMwari. Mashoko aVaRoma 1:11, 12 ane revo chaiyo nokuda kwangu, sezvo ndichiwana kurudziro huru nesimba paku‘govera chipo chomudzimu kuvakadaro kuitira kuti vasimbiswe.’”
Tuso Dzebasa Ravo Rinofadza
18. Vatariri vanofambira vane vavariroi dzapaMagwaro?
18 Vatariri vanofambira vanofarira zvikuru vatendi biyavo. Vanoda kusimbisa ungano ndokudzivaka mumudzimu. (Mabasa 15:41) Mumwe mutariri anofambira anoshanda zvakaoma “kupa kurudziro, kugovera zororo, uye kutsigira chishuvo chokuita ushumiri ndokupfuurira kurarama maererano nechokwadi.” (3 Johane 3) Mumwe anotsvaka kudzikamisa vatendi biyake mukutenda. (VaKorose 2:6, 7) Yeuka kuti mutariri anofambira i“shamwari . . . yazvokwadi,” kwete tenzi pakutenda kwavamwe. (VaFiripi 4:3; 2 VaKorinte 1:24) Shanyo yake inhambo yekurudziro nemubato womuraudzo, pamwe chete nomukana wokuti mutumbi wevakuru uhwirudzure fambiro mberi yakaitwa ndokurangarira nharidzano dzeramangwana. Kupfurikidza nemashoko ake nemuenzaniso, vaparidzi veungano, mapiyona, vabatiri vanoshumira, uye vakuru vanogona kukarira kuvakwa ndokunyandurwa nokuda kwebasa riri mberi. (Enzanisa na1 VaTesaronika 5:11.) Naizvozvo, ipapo, tsigira nomwoyo wose shanyo dzomutariri wedunhu, ndokushandisa zvakazara basa rinoitwa nemutariri weruwa.
19, 20. Vatariri vanofambira nevadzimai vavo vakatuswa sei nokuda kwebasa ravo rokutendeka?
19 Vatariri vanofambira nevadzimai vavo vanotuswa zvikuru nokuda kwebasa ravo rokutendeka, uye vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achavakomborera nokuda kwezvakanaka zvavanoita. (Zvirevo 19:17; VaEfeso 6:8) Georg naMagdalena varoorani vakwegura avo vakabatira kwemakore akawanda mubasa rokufambira. Pane imwe kokorodzano muLuxembourg, Magdalena akasvikwa nemumwe munhu waakanga apupurira makore anopfuura 20 ikoko kusati kwaitika. Kufarira chokwadi kwemukadzi uyu wechiJudha kwakanyandurwa nemabhuku eBhaibheri ayo Magdalena akamusiira, uye pashure penguva yakati akabhabhatidzwa. Georg akasvikwa neimwe hanzvadzi yomudzimu, iyo yaiyeuka shanyo yake kumusha kwayo anodokuva makore 40 apfuura. Kuparidza kwake mashoko akanaka kwembavarira pakupedzisira kwakatungamirira vose vari vaviri iye nomurume wake kugamuchira chokwadi. Chokwadika, vose vari vaviri Georg naMagdalena vakafara zvikuru.
20 Ushumiri hwaPauro hunobudirira muEfeso hwakamuunzira mufaro uye hungave hwakamusunda kunokora mashoko aJesu, okuti: “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Sezvo basa rokufambira richibatanidza kupa nguva dzose, avo vanopinda mariri vanowana mufaro, zvikurukuru apo vanoziva nezvemigumisiro yakanaka yekushanda kwavo. Mumwe mutariri wedunhu uyo akabetsera mukuru akaora mwoyo akaudzwa mutsamba, kuti: “Mave muri ‘yamuro [huru] inosimbisa’ muupenyu hwangu hwomudzimu—kupfuura zvamunoziva. . . . Hamusati muchizotongoziva zvizere kuti mave muri betsero yakadini kuna Asafi womuzuva razvino uno, ane ‘tsoka dzakanga dzodokutsauka.’”—VaKorose 4:11; Pisarema 73:2.
21. Nei ungataura kuti 1 VaKorinte 15:58 inoshanda kumibato yevatariri vanofambira?
21 Mumwe muKristu akwegura uyo akanga ari mubasa redunhu kwemakore mazhinji anoda kufunga nezva1 VaKorinte 15:58, apo Pauro akakurudzira, kuti: “Mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.” Vatariri vanofambira zvirokwazvo vane zvizhinji zvokuita mubasa raShe. Uye tinoonga sei kuti vanobatira nomufaro kwazvo sevatariri vakatendeka vemutsa waJehovha usakafanirwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?” iri muNharireyomurindi, May 15, 1991, mapeji 28-31.
Ungapindura Sei?
◻ Nei vatariri vanofambira vachigona kurangarirwa se“vatariri vakanaka”?
◻ Zvimwei zvinhu zvinobetsera vatariri vematunhu nevemaruwa kuita zvakanaka zvikuru?
◻ Nei kuzvininipisa nekushingaira zvichikosha kwazvo nokuda kwaavo vanobatikana mubasa rokufambira?
◻ Ivavariroi dzakaisvonaka idzo vatariri vanofambira vanadzo?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vatariri vanofambira vanotsvaka kukurudzira vatendi biyavo
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vaduku navakuru nenzira yakafanana vanogona kubetserwa nekusonganirana nevatariri vanofambira nevadzimai vavo
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ushumiri hwekushingaira hwemutariri anofambira hunotsigira kushingaira muvamwe