Ganhuro 6
Mwari Ave Achiitei?
1. Ko vanhu vazhinji nhasi vanodavirei pamsoro paMwari, asi ichokwadi here?
VANHU vazhinji nhasi vanodavira kuti Mwari haasati achifarira nomutoo wokushingaira pasi kana kuti iye haasati ari kuita chinhu chipi nechipi pamsoro pezvinetso zvinonetsa vanhu. Asika zvokwadi ndeyokuti Mwari anoitira hanya zvikuru kwazvo. Chokwadi, iye angave asina kuita icho vanhu vaimukarira kuita. Asika ikoku hakusati kuchireva kuti iye haana kuita chinhu. Zvamazvirokwazvo, iye ave achiitira vanhu zvinhu kubvira pamavambo enhau yomunhu kuburukira chaizvo kuzuva riripori.
2. Ko kupfupika kwenduramo yavo kungatapura sei kufunga kwavanhu panhau iyi?
2 Chimwe chikonzero vamwe vanhu vachitaura havo kuti Mwari haasati ari kuita chinhu chipi nechipi induramo pfupi yavo vamene youpenyu. Ikoku kunovaita kuti vave nechinya chokuti zvinhu zviitwe munguva pfupi inobvumirwa noupenyu hwavo. Naizvozvo chishuwo chokuona kuchinja mukati menduramo yavo vamene chinodzora kufunga kwavo. Kombamiro yavo, ipapoka, ndeyokupomera Mwari pahwaro hworuzivo rwakadaro rwokuzviwanira rwohunhu, neganhuriro dzarwo dzose.
3. Ko urefu hwoupenyu hwaJehovha hunotapura sei mano ake okubata nemigariro panguva yakanakisisa inobvira?
3 Kunorumwe rutivi, Jehovha anorarama nokusingaperi. (Pisarema 90:2, 4; Isaya 44:6) Mumurangariro wake iye anogona kuona chaizvoizvo apo mukufambira mberi kwenguva zviito zvake zvichaita zvakanakisisa nokuda kwomunhu ari wose anobatanidzwa uyewo kukudziridza kunoisvobudirira donzo rake. (Isaya 40:22; 2 Petro 3:8, 9) Ndizvo chaizvoizvo izvo Mwari ave achiita.
Kuzvizivisa Kwakaita Mwari Amene
4. Ko Jehovha akazivisa donzo rake kuvei, nokudaro kuzivai kwaakagovera nokuda kwavanhu?
4 Donzo raJehovha nderekugovera kudzora kwakarurama nokuda kwechisiko chose, uko kuchaunganidzira vanhu pamwe chete murugare nechinzwano, vachifarikanya kuchengeteka kwakakwana. (VaEfeso 1:9, 10; Zvirevo 1:33) Zvisinei, Mwari haazati achigombedzera munhu upi noupi kuva pasi pokudzora kwake. Avo bedzi vanomubatira navanoda nzira yake yokubata ushe vanogamuchirwa. Achirangarira kuvanzarika nheyo yenyika yose iyo yaizorarama mukuwirirana nemipimo yakarurama yokudzora kwake, Mwari akaita kuti kuzivikanwa kwemipimo namashandire anoita kudzora kwake zviwanike kuvanhu. Panguva imwe cheteyo Mwari ave achiita kuti kubvirire vanhu kuwana zivo inokosha pamsoro pake amene namavara ake amene.—Johane 17:3.
5. Chii chatinogona kudzidza pamsoro paMwari mumabasa okusika?
5 Zvaari mudzimu, Jehovha, chokwadika, haaonwi nomunhu. Naizvozvo, aizoita sei kuti vanhu venyama neropa vanzwisise zvinhu izvi? Kutanga, zvizhinji zvinogona kudzidzwa pamsoro pamavara oMusiki mubasa rake. (VaRoma 1:20) Kuwirirana kunoshamisa kuri pakati pezvinhu zvipenyu nemitemo yechisiko inodzora chinhu chose zvinopupurira uchenjeri hwake. Simba gurusa rinooneka mumakungwa, mumugariro wokunze, nomusimba renyeredzi rinopa ufakazi hwamasimba ake. (Jobho 38:8-11, 22-33; 40:2) Uye mhatsa yezvokudya yokunakisa mukanwa, kunaka kwamaruva, shiri, kubuda kwezuva nokuvira kwezuva, miitiro yokutamba yemhuka—zvose zvinozivisa nezvokuda kwoMusiki vanhu nechishuvo chake chokuti isu tiwane upenyu kuva mufaro. Asika kuzvizivisa iye amene kwaMwari hakuzati kuchiguma nezvinhu izvozvo.
6. (a) Ko Mwari akagovera kuziviswa kwakananga kwokuda kwake kupfurikidza nemitooi? (b) Ko Mwari akazivisa mirairo yake namavara ake kumunhu kupfurikidza nemimwe mitooi?
6 Panhambo dzakasiana-siana iye akataurawo ari kumatenga. Mune zvimwe zvinoitika iye akaita ikoku pachake amene. Mune zvimwe zvinoitika akataura kupfurikidza nengirozi, sapaGomo reSinai paPeninsula yeArabia, apo iye akapa mutemo wake kumamirioni avaIsraeri. (Eksodho 20:22; VaHebheru 2:2) Ipapo, kupfurikidza navaporofita vake iye akakurukura navanhu kwaanopfuura mazana amakore mazhinji uye akavaita kuti vanyore kuziviswa kwokuda kwake. (2 Petro 1:21) Nenzira iyeyo, Jehovha pashoma napashoma akarovedzanisa munhu nemipimo Yake yakarurama nokuda Kwake. Rutivi runokosha rwaikoku nderwenzira yaakazivisa nayo mirairo yake namavara kupfurikidza nokubata kwake navanhu. Ikoku kwakawedzera kuyevedza kunofadza kwechinoitika chomunhu kuShoko rake rakanyorwa. Haiwa kunorairidza zvikuru sei uye kunopwisa sei kusangonzwa bedzi ndokurava kuzivisa kwaMwari donzo asiwo kuva nemienzaniso chaiyoiyo muchinyorwa cheBhaibheri inotibetsera kunzwisisa kuda kwake zviri nani zvikuru! (1 VaKorinte 10:11) Asika chinyorwa ichecho chinozivisei?
7. (a) Ko Mwari akaenzanisira sei kuti iye haasati achishivirira nokusingaperi kusarurama? (b) Pakuziva marangaririre anoita Mwari mufambiro wakadaro, chii chatinofanira kuita?
7 Chinogovera ufakazi hwokuti Mwari haasati achishivirira nokusingaperi kusarurama. Chokwadi, iye akarega hake vana vaAdhama naEvha vachiita zvinhu nenzira yavo vamene, vachiumba chinyorwa chisingadzivisiki chokusakwanisa kwomunhu kuzvidzora iye amene murubudiriro. Asika Mwari haana kusiya vanhu vasina hufakazi hworutongeso Rwake panzira dzavo dzisina kururama. Nenzira iyeyo iye akaunza mafashamo muzuva raNoa nokuti ‘pasi rakanga razadzwa namasimba masimba.’ (Genesi 6:11-13) Iye akaparadza maguta akashata mutsika eSodhoma neGomora. (Genesi 19:24, 25; Judhasi 7) Akarega rudzi rwaIsraeri, rwaikambira kumubatira, rwuchipinda muutapwa nokuti ivo vakashandisa rudzidziso rwenhema. (Jeremia 13:19, 25) Pakudzidza marangaririre anoita Mwari pamufambiro wakadaro, tine banza rokuita chinjo muupenyu hwedu kuratidzira kuda kwedu chiri chakarurama. Tichadaro here?
8. Apo Mwari anovigira kuparadzwa, panova navapukunyuki vapi navapi here? Enzanisira.
8 Chinyorwa cheBhaibheri chinozivisawo kuti Mwari anotsauranisa pakati pavakarurama navakaipa. MuMafashamo edenderedzwa rapasi, Mwari haana kuparadza Noa, uyo akanga ari “muparidzi wokururama,” asi akamuponesa navamwe vanomwe. (2 Petro 2:5) Uye, mwoto nesurferi zvisati zvanayira paSodhoma, kupukunyuka kwakaitwa kuti kubvirire Roti akarurama neimba yake.—Genesi 19:15-17; 2 Petro 2:7.
9. Tinodzidzei munzira iyo Jehovha akabata nayo naIsraeri wekare?
9 Apo vanhu vokwaIsraeri, vakanga vapikira kubatira Mwari, vakabvumikisa kuva vasina kutendeka iye haana kuvadzinga chiriporipo. Sokuvaudza kwaakaita, kuti: “Ini ndakapfuurira kutumira kwamuri vabatiri vangu vose vaporofita, ndichifumomuka zuva nezuva ndichivatuma.” Asi ivo havana kuteerera. (Jeremia 7:25, 26) Kunyange apo nguva yakasvika nokuda kwokuparadzwa kweJerusarema, Jehovha akati: “Ko ini ndinotongofarira rufu rwomumwe munhu akaipa here, . . . uye musati muri mukuti iye anofanira kudzoka panzira dzake ndokupfuurira chaizvoizvo kurarama? . . . Naizvozvo tenderukai ndokupfuurira kurarama, haiwa imi vanhu.”—Ezekieri 18:23, 32.
10. Panzvimbo pokuva kwake anoshivirira, chiizve chimwe chatinodzidziswa neidzi nhau dzeBhaibheri pamsoro paMwari?
10 Chii chatinoona, zvino? Kuti nenzira inotapura zvikurukuru mwoyo yavanhu vane ndangariro yakarurama, Jehovha akajekesa kushivira kwake kukuru vanhu. Panguva imwe cheteyo, kubata kwake kwakarovererawo zvakasimba patiri kuda kwake kururama nokukosha kwokurarama kwedu mukutsinhirana nezvinodikanwa zvake.
11. (a) Kutaurai kwedonzo kwakaita Jehovha muEdheni? (b) Ko Mwari ave achiitei chifocho?
11 Chimwezve chinhu, chikuru zvikuru, chakatanhamara. Kubvira pamavambo kunova kwakajeka kuti Mwari akanga ane donzo chairoiro muchinhu chiri chose chaakaita. Uye iye haana kutongokundikana kuita kuzadzika kwedonzo kwakada chiito. Iri donzo rake rapakuvamba rakataurwa muEdheni chaimo. Pakutaura rutongeso pana Satani, Jehovha akadeya kuzivisa kuti Satani aizova nebanza rokumutsa “mbeu,” avo vaizoratidzira miitiro yake vachimutsigira. Iye akadeyawo kuzivisa kuitwa kweimwe “mbeu,” mununuri akarurama. Iyeyu aizokuvadza nomutoo unouraya “nyoka yapakuvamba, iya inonzi Dhiabhorosi naSatani,” nenzira iyeyo ndokusunungura vanhu muudzori hwake hunokuvadza. (Genesi 3:15; Zvakazarurwa 12:9) Pashure pokuzivisa uku kutaurwa kwedonzo, Jehovha akapfuurira kuita gadziriro chaidzoidzo nokuda kwokudzorwa kwokupedzisira kwezvinhu zvapasi mukutungamirira kwe“mbeu” yakapikirwa. Iri basa rokugadzirira raizoda nguva sezvatichaona.
Chikonzero Nei Akabata Nomutoo Wakananga naIsraeri Wekare
12, 13. (a) Neiko Mwari akasarudza Israeri ndokupa mitemo yake kurudzi rumwe chete irworwo? (b) Naizvozvo, chii chatinogona kudzidza munhau yaIsraeri nomune iyo yamamwe marudzi?
12 Kare kare marudzi anhasi asati avapo, Mwari akasarudza rudzi rumwe urwo iye akashandisa kwamazana amakore sorudzi rwake amene. Neiko? Kuti agogovera kuenzanisirwa chaikoiko kwokushanda kwemirairo yake yakarurama. Rudzi irworwo, Israeri wekare, rwakanga rwuchiumbwa navazukuru vaAbrahama, murume akanga aratidzira kutenda kukuru kuMusiki. Jehovha akati kwavari: “Kwakanga kusati kuri nemhaka yokuva kwenyu makaisvowanda kwazvo kupinda marudzi ose kwakaita kuti Jehovha aratidzire chidakadaka nokuda kwenyu zvikuru zvokuti akakusarudzai, nokuti imi maiva vashoma kupinda marudzi ose. Asi kwakanga kuri nemhaka yokukudai kwaJehovha, uye nemhaka yokuchengeta kwake kutaura kwokupika kwaakanga apikira madzibaba enyu.”—Dheuteronomio 7:7, 8; 2 Madzimambo 13:23.
13 Pashure pokuvadzikinura muuranda muEgipita, Jehovha akakarakadzira kuvapinza muukama chaihwo naye, uye ivo vakapindura, kuti: “Isu tinodisisa kuita zvose zvakataurwa naJehovha.” (Eksodho 19:8) Ipapo Jehovha akavapa mirairo yake, nenzira iyoyo achivatsaura pamamwe marudzi ose ndokugovera mashoko anoudzame hwose pamsoro pemipimo yake yakarurama. (Dheuteronomio 4:5-8) Naizvozvo, nhau yaIsraeri wekare inogovera chinyorwa chechinoitika apo mitemo yakarurama yaMwari inoteererwa kana kuti zvimwe inosateererwa. Kuri zvino, nhau yamamwe marudzi inozivisa muuyo kuavo vanorarama vasina mutemo waMwari.
14. (a) Ko Mwari akaitira marudzi asati ari echiIsraeri chisino kururama here kupfurikidza nokusapindira muzvinhu zvawo? (b) Asika, iwo akabetserekana sei netsitsi dzakakomba dzaMwari?
14 Zvakadiniko namamwe marudzi iwawo? Iwo akaita nenzira yawo amene, achisarudza zvimiro zvawo amene zvehurumende. Vanhu vao vakanga vasati vari vasina chose chose runako muupenyu hwavo. Ivo vakanga vachiri vane simba rehana, uye irori pane dzimwe nguva raivaparira kuita zvinhu mukuitira hanya kwetsitsi nokuda kwavanhu biyavo. (VaRoma 2:14; Mabasa 28:1, 2) Asi chivi chavo chakagarwa nhaka nokurambwa kwenhungamiro youmwari kwakavaparira kuronda nzira yokuzvitsvakira iyo yakaparira hondo dzoutsinye nemiitiro yakashata. (VaEfeso 4:17-19) Zvamazvirokwazvo Mwari haangagoni kuva anowanirwa mutoro nokuda kwenhamo dzakaunzwa namararamire ayo ivo vakasarudza vamene. Nguva bedzi iyo Mwari akapindira yaiva apo mibato yohunhu yakarwisana nokushanda kwamadonzo ake. Kuri zvino, Mwari akavabvumira nomutoo wetsitsi kuva nomufaro wokurarama, mukufuma kwechisiko nomuchibereko chapasi—Mabasa 14:16, 17.
15. Ko Mwari akanga achigadzirira gadziriroi nokuda kwechikomborero chokupedzisira chavanhu vaaya marudzi?
15 Jehovha haana kusabatanidzawo vanhu vamarudzi iwawa pakuwana betsero dzakapikirwa pakupedzisira kupfurikidza ne“mbeu” yaAbrahama. Jehovha akataura nezveiyi “mbeu” yaizouya nomumutsara wemhuri yaAbrahama, kuti: “Kupfurikidza nembeu yako marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvamazvirokwazvo nokuda kweidi rokuti iwe wakateerera inzwi rangu.” (Genesi 22:18) Naizvozvo kunyange zvazvo Jehovha akanga achibata nomutoo wapoga naIsraeri, iye mukusasarura akanga achiitawo donzo rake rokukomborera mamwe marudzi gare gare, kunyange zvazvo iwo akanga asingazivi ikoku.—Mabasa 10:34, 35.
16. (a) Mukati meiyi nguva yose, Mwari akanga achiitei pamsoro pechipikirwa chake cheMbeu? (b) Ko Mbeu iyoyo yechipikirwa yakabvumikisa kuva ani?
16 Mukati menguva iyo Jehovha akanga achibata naIsraeri wekare, iye akagovera zviporofita zvizhinjisa zvaizozadza chinodikanwa chinokosha chavanhu vokutenda—mutoo wokuzivisa nawo Mbeu yaAbrahama yakapikirwa apo iyo yaizosvika pakupedzisira. Kunyange mutsara wemhuri yake, kupfurikidza nendudzi yaJudha neimba yaDhavhidhi, wakarondedzerwa. (Genesi 49:10; Pisarema 89:35, 36) Nzvimbo yaakaberekerwa, Bhetrehema, yakadudzwa. (Mika 5:2) Mazana amakore pachine nguva mberi gore rimene raaizozodzwa saMesia rakaratidzirwa. (Dhanieri 9:24-27) Mabasa ake ouprista nokuda kwavanhu akadeya kufananidzirwa. Ndozvakaitawo kubairwa kwake uko kwakazarura banza nokuda kwoupenyu husingaperi kuvanhu vamarudzi ose. (VaHebheru 9:23-28) Nenzira iyoyo, apo nguva yakagadzwa yakasvika, chinhu chiri chose chakazivisa nomutoo usingakanganisi Jesu Kristu seMbeu yechipikirwa iyo zvikomborero zvaizouya kuvanhu kupfurikidza nayo pakupedzisira.—VaGaratia 3:16, 24; 2 VaKorinte 1:19, 20.
Kugadzirirwa Kwavabati Ushe Vavanhu
17. Kupfurikidza naJesu, Mwari akanga achizoparirei, uye ikoku kwakasimbiswa sei panguva yokuberekwa kwake?
17 Pamberi pokuberekwa kwaJesu mai vake Maria vakanga vaudzwa nengirozi kuti mwanakomana wavo aizopiwa umambo husingaperi. Vafudzi vari pedyo neBetrehema vakaziviswa nezvokuberekwa kwake, dzokonokei vonzwa mazhinji zhinji amauto okudenga achirumbidza Mwari achiti: “Mbiri kumusoro kwakakwirira kuna Mwari, napamusoro papasi rugare pakati pavanhu vepfungwa dzakanaka.”—Ruka 1:31-33; 2:10-14.
18. (a) Ko zvinoitika zvake pasi pano zvakamugadzirira munzirai nokuda kwamabasa amambo nomuprista? (b) Rufu rwake rwakava netapuroi pamsoro pokuwana rugare?
18 Rangarira betsero dzokuve akararama pasi pano dzouyu Mambo wokudenga womunguva yemberi. Somunhu akazoziva ndokunzwisisa zvinetso zvavanhu. Aigara nokushanda navo, achigoverana navo nhamo yavo uye iye pachake akatambura chitambudzo. Mumiedzo yakakomba zvikurusa iye akabvumikisa zvose zviri zviviri kuvimbika kwake kuna Jehovha nokuda kwake kururama. Nenzira iyoyi Mwari akanga achigadzirira Jesu kuva Mambo anonzwisisa uyewo Muprista Mukuru wokutarisira betsero dzinopa upenyu kuvanhu. (VaHebheru 1:9; 4:15; 5:8-10) Kupfuurirazve, kupfurikidza nokupira sechibairo upenyu hwake, Jesu Kristu akazarurira vanhu nzira yokuwana nayo ukama huno rugare naMwari.—1 Petro 3:18.
19. (a) Tinoziva sei kuti Jesu akamutswa ndokukwira kudenga? (b) Kana huri ubati ushe hwake, akaiteiko pashure pokudzokera kudenga?
19 Pashure porufu rwaJesu, Mwari akamumutsirazve kuupenyu, uye iye akaonwa nezvinopfuura zvapupu zvohunhu 500 izvo zvaigona kupupurira kuti rumuko rwakanga rwaitika chaizvoizvo. (1 VaKorinte 15:3-8) Mazuva anamakumi mana pashure pokunge Jesu amutswa, iye akakwira akananga kudenga ndokunyangarika pameso avadzidzi vake vakatarira. (Mabasa 1:9) Ari kudenga iye akapfuurira kushandisa ubati ushe hwake kuvateveri vake amene vakatendeka, uye betsero dzoubati ushe hwake dzakavachachamarisa mukusiyana navamwe vanhu vose. Asika ino yakanga iri nguva yokuti iye avambe kubata ushe pamarudzi here? Aiwa, nokuti dzimwe nhau mugadziriro hurusa yaMwari dzaida ngwariro.—VaHebheru 10:12, 13.
20. Ko Jesu akanga atanga basai idzva nokuda kwavadzidzi vake pasi pano?
20 Basa guru rasara raitofanira kuitwa mupasi rose. Pamberi porufu rwaJesu norumuko hakuna navamwe vavaIsraeri vakanga vabuda savaparidzi kundotendeutsa vanhu vamamwe marudzi. Asika upi noupi aishuva kukumbanira kunamatwa kwaJehovha aigona kugarogoverana betsero pamwe chete naIsraeri. (1 Madzimambo 8:41-43) Zvisinei, kusvika kwechiKristu kwakatangisa rimwe basa guru idzva. Jesu Kristu amene akagadza muenzaniso ndokuusiya senhaka navadzidzi vake, achivaudza pamberi pokukwira kwake kudenga kuti: “Imi muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhea mose nomuSamaria mose kusvikira kurutivi rwokumugume gume rwapasi.”—Mabasa 1:8.
21. Panzvimbo pokutendeuka kwenyika, Mwari akanga achitei kupfurikidza nokupupurira ikoko?
21 Ko kutendeutswa kwenyika kwakanga kuri nharidzano here? Nyangwe. Panzvimbo pakwo, Jesu akaratidzira kuti mukati menhamboyo kuburukira ku“mhedziso yetsika yezvinhu” kwaizova nokuunganidzwa zvikurukuru kwa“vanakomana voumambo.” Hungu, mimwe mitezo yehurumende inouya yoUmambo yaitofanira kusarudzwa. (Mateo 13:24-30, 36-43) Munhu upi noupi anorava Magwaro echiKristu echiGiriki anogona kuona nyore nyore kuti kutangira paPentekosta 33 N.V., vamwe vakanga vachikokwa kuzogoverana naJesu Kristu muubati ushe hwake hwokudenga hwoUmambo.—2 Timotio 2:12; VaHebheru 3:1; 1 Petro 1:3, 4.
22. (a) Mwari aida mavarai muava vadyi-nhaka vanokarirwa voUmambo hwokudenga? (b) Naizvozvo, ko kusarudza kwaiitwa nechimbi-chimbi here?
22 Kusarudza ava vabati ushe pamwe chete vomunguva yemberi muvanhu kwaizoda nguva. Neiko? Kutanga, banza irero raifanira kutambanudzirwa kuvanhu vamarudzi ose. Uye, kunyange vazhinji vaikambira kuva naro, vashomanene kwazvo vaibvumikisa kuva vateveri vakatendeka voMwanakomana waMwari. (Mateo 22:14) Mipimo yakakwirira yaifanira kusvitswa. Kunyange zvazvo maKristu asina kurarama seboka rorudzi rakaparadzana saIsraeri wakare, iwo ave achirangarirwa savaenzi, achireverera imwe nzira youpenyu. (1 Petro 2:11, 12) Iwo anofanira kuramba akachena pamiitiro youtere neyakashata yenyika yakaapota. (1 VaKorinte 6:9, 10) Kuti agova “vanakomana vaMwari” chaivoivo, iwo anofanira kuzvibvumikisa amene kuva “anorugare,” asati achitora rutivi muhondo dzamarudzi uye asati achitsiva paanotambudzwa nokuda kwokutenda kwawo. (Mateo 5:9; 26:52; VaRoma 12:18, 19) Iwo anofanira kuratidzira kuvimbika kuubati ushe hwaMwari kupfurikidza nokuramba kureverera hurumende dzamatongerwe enyika, dzinofananidzirwa muBhaibheri se‘zvikara.’ (Zvakazarurwa 20:4, 6) Nokuda kwaikoku kwose uye nokuti iwo anosimudzira zita raJesu Kristu murutivi rwake saMambo akazodzwa waMwari, iwo ave ari “vanovengwa namarudzi ose.” (Mateo 24:9) Naizvozvo avo vanofanira kuva vabati ushe vokudenga vavanhu pamwe chete naKristu vave vasingasarudzwi nechimbi-chimbi.
23. (a) Vanganiko vachava mumutumbi iwowu wokudenga unodzora pamwe naKristu? (b) Ivo vakasarudzwa pakati pavanaani, uye nei?
23 Haisati iri mhaka yokuti chiverengero chinosarudzwa chaizofanira kuva chikuru zvokuti kusarudza kwakatora nguva refu zvikuru. Mukuwirirana naMagwaro, Mwari akaganhurira chiverengero chouyu mutumbi unosarudzwa unodzora uri pasi paJesu Kristu kuvanhu vane 144 000. (Zvakazarurwa 14:1-3) Asi Mwari akavasarudza mukungwarira. Ivo vakatorwa “mundudzi iri yose nendimi navanhu norudzi.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Pakati pavo pana vanhu vanobva mumifambiro yose youpenyu, vakadzi navarume, vanhu vakava nezvinetso zvose zvakasiana-siana zvavanhu. Mukati mokupfeka kwavo hunhu hutsva hwechiKristu, hamutongorina chinetso icho vamwe vavo vasina kunangana nacho uye kuchikurira. (VaEfeso 4:22-24; 1 VaKorinte 10:13) Haiwa, tinogona sei kuva vanofara nokuda kwaikoku! Neiko? Nokuti kunotipa simbisiro yokuti ivo vachava madzimambo navaprista vanonzwira tsitsi navane ngoni, vanokwanisa kubetsera varume navakadzi vamarudzi ose kubetsereka negadziriro yaMwari youpenyu husingagumi.
24. Zvakadiniko namamirioni avamwe vanhu vakararama ndokufa mukati meiyi nguva, vazhinji vavo vasingazivi nezveBhaibheri?
24 Zvakadiniko navanhu vari kunze kweiyi gadziriro? Mukati meiyi nguva yose, Mwari haana kuvhiringidza hurumende dzakasiana-siana. Akarega vanhu vachiita nenzira yavakasarudza. Chokwadi, mamirioni avanhu akararama ndokufa, vazhinji vavo vasina kutongonzwa pamsoro peBhaibheri kana kuti Umambo hwaMwari. Asika Mwari akanga asina kuvakanganwa. Iye akanga achigadzirira nguva yakataurwa nezvayo nomuapostora Pauro, kuti: “Ini ndine tariro kuna Mwari . . . yokuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Ipapo, mumigariro yakanaka yeTsika Itsva yaMwari, ivo vaizopiwa banza rizere rokudzidza nzira dzaJehovha. Kuchivakirwa pana ikoku, ivo vaizoita kumira kwavo vamene pamsoro pechirevo chouchangamire hwapose pose. Avo vanoda kururama vaizowana banza rokurarama nokusingaperi.
Sezvo “Mugumo” Woswedera Pedyo
25, 26. (a) Munguva yakafanira, chiremeraizve chimwe chaizopiwa Kristu, uye iye aizorwisana naani? (b) Ko ikoku kwaizotapura sei migariro pasi pano?
25 Pamberi pokuuya kweTsika Itsva iyeyo, zvinoitika zvinofadza zvinofanira kuitika. Bhaibheri rakadeya kuzivisa kuchinja kukurusa muzvinhu zvenyika. Jesu Kristu ipapo aizogadzwa pachigaro choumambo saMambo kusati kuri kungobata ushe bedzi pavadzidzi vake asi ane chiremera chokuita kunyika yose. Kuzivisa kwaizoitwa mudenga: “Umambo hwenyika hwazova umambo hwaShe wedu naKristu wake, uye achabata ushe samambo nokusingaperiperi.” (Zvakazarurwa 11:15) Chiito chokutanga chaMambo chaizova chokurwisana no“mubati ushe wenyika” amene, Satani Dhiabhorosi, namadhemoni ake. (Johane 14:30) Aya masimba akaipa aizokandirwa pasi achibva kumatenga ndokuganhurirwa kunzvimbo iri pedyo napasi. Kwaizova nomuuyoi?
26 Kurondedzera kwechiporofita kunopa ufakazi hweinzwi rakabva kudenga richiti: “Nokuda kwaikoku farai, imi matenga uye imi munogara maari! Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, anokutsamwa kukuru, achiziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva.” (Zvakazarurwa 12:12) Kupirutswa kusingaenzanisirwi kwaizoitika pakati pamarudzi, asi mugumo hausati waizouya pakare pakarepo.
27. (a) “Mugumo” zvawaizoswedera pedyo, ibasai guru rokuparadzanisa raizoitika, uye sei? (b) Ko kuparadzwa kwenyika kwakadeya kuziviswa kuchava kwakakura zvakadini?
27 Iyeyo yaizova nguva yebasa guru rokuparadzanisa. Mukutungamirira kwaJesu Kristu akagadzwa pachigaro choUmambo, vateveri vake vanotendeka vaizoendesa kuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo” mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose. Vanhu kunzvimbo iri yose vaizova vanopiwa banza rokuratidzira chimiro chavo chendangariro kuubati ushe hwoumwari. (Mateo 24:14; 25:31-33) Kana ikoku kwaitwa, sokutsanangura kwakaita Jesu, “ipapo mugumo uchasvika.” Uchava “dambudziko guru rakadai serisakamboitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uye harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21) Vanhu havasati vachizotongobvunzazve kuti, Mwari ave achiitei? Avo bedzi vachapukunyuka vachava avo vakaitira hanya zvakaringanira kuwana izvo akanga achiita uye kutsinhiranisa upenyu hwavo nezvinodikanwa zvake pamberi pokusvika kwokuparadzwa kwenyika.
28. (a) Ko kugadzwa pachigaro choumambo kwaKristu nokukamuraniswa kwamarudzi ose kunoitika rini? (b) Naizvozvo, chii chiri chokukurumidzira chokuti iwe uite somunhu oga?
28 Asika zvinoitika izvozvi zvose zvichaitika rini? Kristu achapiwa rini simba rokubata ushe saMambo uye kupfuurira kuparadzanisa vanhu vamarudzi ose? Maidi anoratidzira kuti Mwari ave achiita izvi zvinhu mukati mezana rino ramakore rechi 20. Kristu anotova pachigaro chake choumambo mudenga, uye basa rokuparadzanisa zvino rosvika mhedziso. Nguva yokuzvibatanidza umene norutivi rwaJehovha rwechirevo chouchangamire hwapose pose yapfupika zvikuru. “Dambudziko guru” rava pedyo! Kunzverwa kwechiporofita cheBhaibheri mukubetserwa nenhau yazvino uno kunobvumikisa ikoku kuva kwechokwadi. Tinokukuchidzira kusanochinzvera.
[Mufananidzo uri papeji 62]
Kupfurikidza nokurarama pakati pavanhu, mubati ushe mutsva wapasi akazonzwisisa vanhu zviri nani zvikuru