RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • su chits. 8 pp. 61-67
  • Vapukunyuki Vanobva Mumarudzi Ose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vapukunyuki Vanobva Mumarudzi Ose
  • Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “MBEU” YAKAPIKIRWA YAABRAHAMA
  • AVO VANOKOMBORERWA KUPFURIKIDZA NE“MBEU”
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
su chits. 8 pp. 61-67

Ganhuro 8

Vapukunyuki Vanobva Mumarudzi Ose

1. Chipikirwai chakaitwa kuna Abrahama chinoratidzira kuti kutendera kwaMwari kunobvirira “mhuri dzose” dzavanhu?

JEHOVHA anofarira norudo vanhu vamarudzi ose nendudzi. Iye akaita gadziriro yokuti mhuri dzose dzapasi dzigone kufarikanya nyasha dzake nechikomborero. Kuna Abram (Abrahama), muzukuru waShemi mwanakomana waNoa, Jehovha akati: “Buda munyika yokwako napahama dzokunyama dzako napaimba yababa vako uende parwendo rwako kunyika yandichakuratidza; ipapo ini ndichaita rudzi rukuru runobva mauri uye ini ndichaita zita rako rive guru; ndokukubvumikisa iwe umene kuva chikomborero. Uye ini ndichakomborera avo vanokukomborera, uye iye anokutuka ndichamutuka, uye mhuri dzose dzapasi dzichazvikomborera idzo dzimene zvamazvirokwazvo kupfurikidza newe.” (Genesi 12:1-3; Mabasa 7:2-4) “Mhuri dzose dzapasi”—idzo dzinobatanidza isu nhasi, pasinei hapo norudzi rwatakaberekerwa marwuri kana kuti mutauro watinotaura.—Pisarema 65:2.

2. (a) SaAbrahama, ivarai ratinoda? (b) Sezvinoratidzirwa pana VaHebheru 11:8-10, ko Abrahama akafakazira sei vara irori?

2 Munhu uyo Jehovha akataura ichi chipikirwa kwaari akanga ari munhu wokutenda, sezvo isu tichifanira kuva nokutenda kana tichizova nechikomborero chinobva kuna Mwari chakapikirwa pano. (Jakobho 2:23; VaHebheru 11:6) Kutenda kwaAbrahama kwakanga kusati kuchingova hako chitendero chisina basa asi kwakanga kuri pamwe chete nechiito. Kwakamuparira kutama muMesopotamia kuenda kunyika iri kure yaakanga asina kutongoona kare. “Kupfurikidza nokutenda iye akagara somweni munyika yechipikirwa somunyika yokumwe,” asingazvibatanidzi iye amene nohupi nohupi hwoumambo hweguta imomo. “Nokuti iye akanga achimirira guta [Umambo hwaMwari] rine nheyo chaidzo, guta iro muvaki waro nomuiti waro ari Mwari.”—VaHebheru 11:8-10.

3. Ko Abrahama akanangana nomuedzoi wakaoma wokutenda pamsoro paIsaka?

3 Apo Abrahama akasvika makore 100 ezera uye Sara mudzimai wake akanga ava namakore 90, nomutoo unoshamisa Jehovha akavakomborera nomwanakomana, Isaka. Pamsoro pomwanakomana uyu, Abrahama akanangana nomuedzo wakaoma wokutenda nokuteerera Mwari. Jehovha akarairidza Abrahama kuenda naIsaka, zvino akanga ava jaya, kunyika yeMoria uye ikoko kundomupira sechipiriso chinopiswa. Kupfurikidza nokutenda mano aMwari okudzorera mwanakomana wake kuupenyu kupfurikidza norumuko, Abrahama akapfuurira kuteerera. (VaHebheru 11:17-19) Isaka, anozviisa pasi pababa vake, akanga atosungwa ari pamusoro peartari uye Abrahama muruoko rwake akanga ane banga rokumuuraya naro apo ngirozi yaJehovha yakapindira. Muedzo wacho wakanga waita zvakaringanira zvikuru kubvumikisa kuti Abrahama haazati aizonyima chinhu chipi nechipi Mwari. Nokuda kwechikonzero ichecho Mwari akasimbisa sungano yake naAbrahama, sokurondedzera kunoita Bhaibheri, kuti:

4. Pachinoitika ichocho, chipikirwai chimwezve chinokosha chakaitwa naJehovha pamsoro pavanhu vamarudzi ose?

4 “‘Ini ndinopika neni ndimene,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘kuti kupfurikidza nechikonzero cheidi rokuti iwe waita chinhu ichi uye iwe hauzati wakarega mwanakomana wako, mumwe bedzi wako, ini ndichakukomborera zvamazvirokwazvo uye ndichawanziridza zvapachokwadi mbeu yako kufanana nenyeredzi dzomumatenga uye kufanana noturukangarabwe twejecha riri pamhenderekedzo yegungwa; uye mbeu yako ichatora uridzi hwesuo ravavengi vayo. Uye kupfurikidza nembeu yako marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvamazvirokwazvo nokuda kweidi rokuti iwe wakateerera inzwi rangu.’”—Genesi 22:15-18.

5. (a) Chii chakadeya kufananidzirwa nokuedzwa kwaAbrahama kwokupira Isaka? (b) Mukuzadzika kwaGenesi 12:3, ko vanhu vano‘tuka’ sei Abrahama Mukuru zvikuru, uye nomuuyoi? (c) Ko isu tinogona sei kumu“rumbidza”?

5 Patinocherekedza kuti Abrahama Mukuru ndiJehovha uye kuti Isaka akadeya kufananidzira Jesu Kristu, tinogona kuvamba kunzwisisa kuti zvinoitika izvi ndezvoukoshi kwatiri somunhu mumwe nomumwe. Chokwadika, ndiwo maitire atinoita zvinhu kuna Jehovha Mwari anotema nguva yedu yemberi. Kariro youpenyu husingagumi inotibvirira nokuti Mwari akapa zvomenemene Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sechibairo nokuda kwezvivi zvedu, sezvakaenzanisirwa nokuidzwa kwaAbrahama kwokupira Isaka. (Johane 3:16) Vapi navapi vanoomerera pa‘kutuka’ Jehovha, kumuzvidza kana kuti kurerutsa madonzo ake orudo, vanoshurikidzwa uko kuchareva kuparadzwa kwavo kusingagumi. (Enzanisa 1 Samueri 3:12-14; 2:12.) Asi kana tiri vanhu vanonzwisisa, ticha“rumbidza” Abrahama Mukuru. Seiko? Kupfurikidza nokubvuma norusununguko kuti zvinhu zvose zvakanaka zvinobva kuna Jehovha, kubatanidza nechipo chakakomba choupenyu kupfurikidza noMwanakomana wake. Zvakare, tichazivisa vamwe pamsoro porunako rwaJehovha namavara ake akaisvonaka okuva kwake mambo. (Jakobho 1:17; Pisarema 145:7-13) Nenzira iyoyo tinozviisa timene munzira yokuwana zvikomborero zvinobva kwaari nokusingaperi.

“MBEU” YAKAPIKIRWA YAABRAHAMA

6. (a) Ndianiko “mbeu” huru yaAbrahama? (b) Ko tingagona sei kuwana chikomborero chinouya kupfurikidza naye?

6 Sorutivi rwegadziriro yake nokuda kwokukomborera vanhu Jehovha akarongedzera hurumende yakarurama yokudenga. Jesu Kristu akaberekwa somuzukuru waAbarahama, sembeu yake inoisvokosha, kana kuti “mbeu,” uye Jehovha akaisa paari umambo. (VaGaratia 3:16; Mateo 1:1) Naizvozvo, sezvinoratidzirwa nemhiko yakapikwa kuna Abrahama, kuri kupfurikidza naJesu Kristu kuti vanhu vanobva mumarudzi ose apasi vachakomborerwa. Ko iwe uri kuita chinodikanwa kuti ugozviwanira umene chikomborero ichocho here? Somuenzaniso, ko mararamire ako anoratidzira kuti iwe unonzwisisa here kukosha kwakaita chibairo choupenyu hwaJesu kwauri? Ko uri kuzviisa zvomenemene pasi pechiremera chake saMambo here?—Johane 3:36; Mabasa 4:12.

7. (a) Ndivanaanizve vanobatanidzwa mu“mbeu yaAbrahama”? (b) Ko tinoziva sei kuti handi vose vanobatira Mwari nokutendeka vachaenda kudenga?

7 Muapostora Johane akapiwa kudeya kuona kwechiporofita zvinoitika zvokudenga umo iye akaona vamwe vakabatana naJesu Kristu paGomo reZioni rokudenga. Ivowo, rutivi rwe“mbeu yaAbrahama.” Sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 14:1-5, ivo “vakatengwa pakati pavanhu” uye vane chiverengero chine 144 000. (VaGaratia 3:26-29) Ko ivo vanobatanidza vanaani? Bhaibheri rinosanokukujekesa zvikuru kuti rakanga risati richitongova donzo raMwari rokuendesa vanhu vose vane ndangariro yakarurama kudenga. (Mateo 11:11; Mabasa 2:34; Pisarema 37:29) Ropafadzo yakaisvonaka yokuva pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga yakaganhurirwa ku“boka duku” avo vachava madzimambo navaprista pamwe chete naye kwechiuru chamakore.—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6.

8. Ko kusarudzwa kwe“boka duku” kwakavamba rini, uye iko kunopfuurira kusvikira riiniko?

8 Ko kusarudzwa kwe“boka duku” irero kwakaitwa sei? Kukokwa kwenyasha kwokundopinda muUmambo hwokudenga kwakatanga kupiwa kuna vaIsraeri vokunyama. Asi nokuda kwokushaiwa kwavo kutenda, ivo havana kugovera vane 144 000 vakakwana. Naizvozvo vaSamaria uye, gare gare, vanhu vamarudzi ose vakakokwa. (Mabasa 1:8) Vokutanga vavadyi venhaka vaKristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene paPentekosta ya 33 N.V. Kusarudzwa kweiri boka kunopfuurira kutozosvikira vane 144 000 vaiswa chiratidzo naMwari savanotenderwa. Tevere ngwariro inorereudzirwa kukuunganidzwa kwavanhu vachararama pasi pano savadzorwi vanoonga vehurumende yokudenga.

9. (a) Kutaurai kuri muBhaibheri kunoshanda kune iri boka rokudenga? (b) Ndivanaani vakadeya kufananidzirwa navaIsreri vokunyama?

9 Avo vari vadyi venhaka voUmambo hwokudenga pamwe chete naKristu vanotaurwa nezvavo muMagwaro savanhu “vakasarudzwa,” “vatsvene,” “vakazodzwa . . . [na]Mwari.” (2 Timotio 2:10; 1 VaKorinte 6:1, 2; 2 VaKorinte 1:21) Ivo vanorondedzerwawo seboka so“mwenga” waKristu. (Zvakazarurwa 21:2, 9; VaEfeso 5:22-32) Vachirangarirwa mune mimwe mifungo, ivo vanonzi “hama” dzaKristu, “vadyi venhaka pamwe chete naKristu” uye “vanakomana” vaMwari. (VaHebheru 2:10, 11; VaRoma 8:15-17; VaEfeso 1:5) Pasinei hapo norudzi rwavo, ivo, vanotaurwa mumudzimu kuti, “Israeri waMwari.” (VaGaratia 6:16; VaRoma 2:28, 29; 9:6-8) Apo Jehovha akagumisa sungano yake yoMutemo naIsraeri wokunyama, iye akapinza Israeri womudzimu musungano itsva naiye amene. Asi kubata kwake naIsraeri wokunyama pavaiveri vachingunoveri pasi poMutemo kwakagadza muenzaniso wezvinhu zvaizouya. (VaHebheru 10:1) Ko zvino, ndianiko akadeya kufananidzirwa norudzi rwaIsraeri wokunyama, urwo rwakasarudzwa naMwari se“pfuma chaiyo” yake? Maidi anoratidzira Israeri womudzimu, avo Mwari akanga asarudza kubata ushe pamwe chete naKristu mudenga. (Enzanisa Eksodho 19:5, 6 na 1 Petro 1:3, 4 na 2:9.) Vari pamwe chete naKristu ivo vanoumba gadziriro iyo zvikomborero zvichapiwa kupfurikidza nayo kuna vamwe vanhu vose vanoteerera vari pakati pavanhu. Kuziva izvozvi ndiko chinhu chinokosha chokunzwisisa Bhaibheri.

AVO VANOKOMBORERWA KUPFURIKIDZA NE“MBEU”

10. Ndivanaaniko vanofananidzirwa navanamati vasati vari vechiIsraeri vaJehovha?

10 Mukati menguva umo Mwari akanga achibata nenzira chaiyo norudzi rwaIsraeri, iye akaitawo gadziriro dzorudo nokuda kwavanhu vasati vari vorudzi irworwo asi avo vane mwoyo yakavasunda kupinda mukunamata kwechokwadi mukusonganirana navaIsraeri. Kududzwa kunocherekedzwa kunoitwa pamsoro pavo muchinyorwa cheBhaibheri. Ko ivowo, vane vaifananidzirwa vomuzuva razvino uno here? Hungu, zvamazvirokwazvo. Vanofananidzira munzira zhinji avo vasati vari vaIsraeri vomudzimu asi avo vane tariro inoisvoshamisa youpenyu husingagumi savadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari. Ava ndivo vanhu avo Mwari akataura nezvavo kuna Abrahama, achitaura kuti vanhu vanobva “mumarudzi ose apasi” vaizozvikomborera ivo vamene kupfurikidza ne“mbeu” yake.—Genesi 22:18; Dheuteronomio 32:43.

11. (a) Kududzai kwakaitwa kweboka iri pakutsaurirwa kwetembere yaSoromoni? (b) Ko “vokumwe” vari ‘kuzvikumbanidza vamene naJehovha’ sei muzuva redu, sezvakadeya kutaurwa pana Isaya 56:6, 7?

11 Ranguve riri donzo raMwari kuti vanhu vose vave vakabatana mukunamata kwechokwadi. Nomutoo wakakodzera, pakutsaurirwa kwetembere yakavakwa naSoromoni muJerusarema, mambo akanyengetera kuti Jehovha aizonzwa munyengetero wavokumwe vaitsvaka kupira kunamata kunogamuchirwa pamwe chete naIsraeri. (2 Makoronike 6:32, 33) Uye, pana Isaya 56:6, 7, Mwari akapikira, kuti: “Vokumwe vakazvikumbanidza vamene kuna Jehovha kuzomushumira nokuda zita raJehovha, kuti vagova vabatiri kwaari, . . . ini ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene ndokuvaita kuti vafare mukati meimba yangu yomunyengetero. . . . Nokuti imba yangu ichatonzi imba yomunyengetero yamarudzi ose.” Vachiratidzira mudzimu unoratidzirwa pano, “vokumwe” vomuzuva razvino uno zvino vari kuungana vachibva mumarudzi ose, kwete bedzi savacherekedziwo zvavo, asi savanhu avo ‘vanozvikumbanidza vamene naJehovha.’ Vanoita ikoku kupfurikidza nokutsaurira upenyu hwavo kwaari, vachiratidzira ikoku kupfurikidza noruombeko rwomumvura dzokonokei vobatira nomutoo unoratidzira kuda “zita raJehovha” kwavo nezvose zvarinomirira.—Mateo 28:19, 20.

12. Ko Mutemo waMosesi unoratidzira sei kana avo vanokarira kuva vadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari vachifanira kutsinhirana nemipimo yakakwirira inoshanda kuna Israeri womudzimu?

12 Hapana kutendeseka kuduku kunodikanwa kwavari kuno kwaavo vari maKristu akazodzwa nomudzimu. MuMutemo waMosesi, Jehovha aida “mugari wechienzi” uyo akakumbanira kunamata kwechokwadi kuwirirana nomutemo mumwe chetewo wakanga uchisunga pana Israeri. (Numeri 15:15, 16) Ukama hwapakati pavo hwakanga husati huri huya hwokungoshivira bedzi bedzi asi hworudo chairwoirwo. (Revhitiko 19:34) Nenzira imwe cheteyo, avo vakadeya kufananidzirwa navagari vechienzi vanotsvaka kutsinhiranisa zvizere upenyu hwavo nezvinodikanwa zvaJehovha nokumubatira mukubatana kworudo pamwe chete navakasarira vaIsraeri womudzimu.—Isaya 61:5.

13. Mashokoi oudzame ari pana Isaya 2:1-4 atinofanira kufungisisa kana tichida kupukunyuka ndokupinda “mupasi idzva”?

13 Kupfurikidza naIsaya muporofita wake, Jehovha akarondedzera boka rinodisisa ravanhu rinobva “mumarudzi ose” iro nhasi riri kudirana kuimba yapose pose yaJehovha yokunamatira. Iye akadeya kutaura, kuti: “Marudzi mazhinji achaenda zvamazvirokwazvo achiti, ‘Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; uye iye achatirairidza pamsoro penzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.’” Somuuyo, iwo aka‘pfura minondo yao kuva miromo yamapadza’ uye, kunyange pakati penyika ino yasakadzwa nekakavaro, iwo ‘haachadzidzirizve hondo.’ (Isaya 2:1-4) Ko iwe unozviona umene uri muboka rinofara irero here? Une chishuvo chavo chokudzidza zvinodikanwa zvaJehovha, chokushandisa izvi muupenyu hwako uye kugura kutsamira pazvombo zvehondo here? Mwari akapikira kuti boka guru rinoronda nzira iyi raizo“buda mudambudziko guru” savapukunyuki ndokupinda mu“nyika itsva” yake inorugare.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; Pisarema 46:8, 9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe