RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ws chits. 14 pp. 113-120
  • Pashure Pesungano Itsva—Umambo Hwamakore Ane Chiuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pashure Pesungano Itsva—Umambo Hwamakore Ane Chiuru
  • Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chirevo choUmambo Chinooneka!
  • Kuziva Jehovha Nomutoo Wokucherekedza Zvikuru
  • Umambo Hwamakore Ane Chiuru Pashure Pe“dambudziko Guru”
  • Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • “Muchinda woRugare” Anotendeukira Kuna Vari Kunze Kwesungano Itsva
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Unogona Kubatsirwa Nesungano Itsva
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Muchava “Umambo hweVapristi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
ws chits. 14 pp. 113-120

Ganhuro 14

Pashure Pesungano Itsva—Umambo Hwamakore Ane Chiuru

MAMIRIONI avanhu kupote pasi rose akatowana betsero dzakaisvonaka dzinobva mukushanda kwesungano itsva, kunyange zvazvo iwo asati ari mairi. Iwo akafanana navagari vasati vari vaIsraeri vaigara muna Israeri mukati mamazuva apo sungano yoMutemo waMosesi yakanga ichiri kushanda. (Eksodho 20:10) Ko ikoku kwave kwakadaro sei kuna mamirioni akadaro anowedzera avabetserwi vari vakabatana navakasarira vaIsraeri womudzimu nhasi?

2 Muchiporofita chaJeremia 31:31-34, Uyu anovanzarika mashoko esungano itsva akati: “Ini ndichaisa mutemo wangu mukati mavo, uye ini ndichaunyora mumwoyo wavo. Uye ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vamene vachava vanhu vangu.”

3 Muchinoitika chesungano yoMutemo, Jehovha Mwari, kupfurikidza nomuporofita Mosesi somurevereri, akapa kuna Israeri wokunyama “chinyorwa chakanyorwa namaoko . . . , icho chaiumbwa nezvirevo.” (VaKorose 2:14) Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko nomutemo wesungano itsva? Murevereri wawo haasati aizounyora padombo, kana kuti kuunyora mumanyoro. Murevereri wawo haana kusiya manyoro ake amene. Tinowana uri mutemo wesungano itsva muMagwaro akafuridzirwa echiKristu echiGiriki. (2 Timotio 3:16) Asi kunyange Magwaro echiGiriki iwawo asati avamba kunyorwa, kubvira munenge muna 41 N.V., Jehovha Mwari akavamba kunyora mutemo wake wesungano itsva. Rini? Pazuva rePentekosta, 33 N.V. Kupiko? Chaipoipo apo iye akanga apikira kuunyorera kare kare, kuti: “Ini ndichaisa mitemo yangu mundangariro yavo, uye ini ndichainyora mumwoyo yavo.”—VaHebheru 8:10.

4 Zvayakanyorwa pamwoyo, mitemo iyeyo sezvinobvira haisati yaizova inoguma kuva inodiwa naavo vaiiteerera. Kudai mitemo iyeyo yakanga yaiswa “mundangariro yavo,” ivo sezvinobvira havazati vaizova vanoikanganwa. Nokuda kwechikonzero ichecho, vachengeti vemitemo iyeyo vanoti, namashoko ePisarema 119:97: “Haiwa ndinoda sei mutemo wenyu! Ndiwo wandinofarira muswere wose wezuva.” Nomwoyo wavo wose, ivo vakada zvikuru mitemo yaJehovha seinopiwa kupfurikidza noMurevereri wake, Jesu Kristu. Naizvozvo, nokusunda kwakafanira, vanosarudza kuchengeta mitemo iyeyo inokosha. Ikoku kunoshanda kuna ose ari maviri ku“boka duku” riri musungano itsva noku“boka guru” ra“mamwe makwai” awo, asiri musungano itsva, asi pasi payo.—Enzanisa na 1 Johane 5:3; Johane 14:15.

Chirevo choUmambo Chinooneka!

5 Vachengeti vemitemo yesungano itsva havatsungi kukurirwa neicho Murevereri, Jesu Kristu, akadeya kuzivisa sorutivi rwe“chiratidzo . . . chemhedziso yetsika yezvinhu”: “Nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora. Asi iye anotsungirira kusvikira kumugumo ndiye uyo achava anoponeswa. Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mateo 24:3, 12-14.

6 Uku kutaura kwokupedzisira pamsoro pokupupurira Umambo mupasi rose kwakanga kusati kuri kungodeyawo zvako kuzivisa. Kwakanga kuri murairo wavadzidzi vake vanorarama mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” Kwakanga kuri nhungamiro nokuda kwenzira yavo yakarurama kusvikira kumugumo wakakwana wetsika yezvinhu isina rudo uye izerwe nokusateerera mutemo yose zvayo, kusati bedzi kuri mukuzvidzwa kwomutemo waMwari. Ndivanaani nhasi vanobvumikisa kuva maKristu echokwadi, vanonzwisisa mashoko iwawo aJesu Kristu kuva murairo kwavari? Maidi enhau akawanziridzika chifo cha 1919 anopindura muuchokwadi kuti, “Zvapupu zvaJehovha”! Nhimbe yazvo yedzidzo yeBhaibheri pamsoro poUmambo ihurusa pachinyorwa, uye izvo zvakaratidzira tsungiriro mairi mukati mamakore ane 67 akapfuura. Gore rimwe nerimwe zvino, inowedzera muukuru nomusimba.

7 Satani Dhiabhorosi akaedza kudzivisa iyi nhimbe huru yedzidzo yeBhaibheri kupfurikidza nokuita kuti vakasarira vashoma vavaIsraeri vomudzimu vakukurwe mukati meHondo yeNyika I. Iye akakundikana! Nokukurumidza, pashure pokumutsidzirika kwavo mumugariro wakafanana norufu mumadziya a 1919, vakaita kokorodzano yavo yokutanga yapashure pehondo muCedar Point, Ohio, muna September wegore irero. Pakokorodzano yechipiri paCedar Point muna September 1922, chirevo choUmambo chakasvetukira mukuoneka. Pazuva rechina rekokorodzano iyeyo, rainzi “Zuva,” purezidhendi weWatch Tower Society akasvitsa hurukuro yake inofadza kumugumo unoisvofadza kupfurikidza nokukuwa, achiti:

8 “Ipapoka dzokerai kumunda, Haiwa imi vanakomana vaMwari Wokumusorosoro! Shongai nhumbi dzenyu dzokurwa! Ivai vane mufungo, vakasvinura, vanoshingaira, vakatsunga. Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaIshe. Pamberi nokurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose chenhema dzeBhabhironi chisisiko. Danidzirai shoko kunzvimbo iri yose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Rino izuva guru ramazuva ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri vamiriri vake vokuzivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noUmambo hwake.”

Kuziva Jehovha Nomutoo Wokucherekedza Zvikuru

9 Zvino kwava namakore anopfuura ane 70 kubvira apo Kristu akagadzwa pachigaro choumambo musimba roUmambo muna 1914. Chifocho, hufakazi pamsoro pehurumende yakarurama yaMwari hwakawedzera zvikurukuru. Vanhu venyika yavanhu vanotofanira kusarudza rutivi rwavo pamsoro pechirevo choUmambo, nokuda kwoUmambo kana kuti zvimwe kurwisana nahwo. Uye avo vanotora rutivi rwavo nokuda kwehurumende iyoyo youmwari vari kuita kuti aya mashoko anokosha esungano itsva azadzike kwavari, anoti: “Ivo havasati vachizodzidzisazve mumwe nomumwe shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, vachiti, ‘Ziva Jehovha!’ nokuti ivo vose vachandiziva, kubvira kumudukusa wavo kunyange kusvikira kumukurusa wavo.”—Jeremia 31:34.

10 Muna 1935 vakasarira vavaIsraeri vomudzimu vakavamba kugamuchira “mamwe makwai” oMufudzi Akaisvonaka muboka rinoshingaira kuti vave pamwe navo mu“boka rimwe” rinotungamirirwa naJesu Kristu, ivo vose vachiva Zvapupu zvaJehovha. Ipapo “mamwe makwai” iwawo akavamba kuwedzera kuva “boka guru” vasina chiverengero chipi nechipi chakadeya kuziviswa, vakavamba, pamwe chete navakasarira vakaberekwa nomudzimu, ku“chengeta mirairo yaMwari” nokuita “basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 7:9-17; 12:17) Nokudaro kubvira pakutanga muna 1935, “mamwe makwai” aya akazivawo Jehovha “kubvira pamudukusa wao kunyange kusvikira kumukurusa wao.”

11 Zvisinei, kuziva Jehovha kwamaKristu kwakasiana munzirai uye kuri nani zvikuru sei kupinda kuziva uko vaJudha vakanga vachiita pasi pesungano yekare yoMutemo waMosesi? Muiti wokudenga wesungano itsva anopfuurira kutizivisa, kuti: “Nokuti ini ndichakanganwira chikanganiso chavo, uye handisati ndichizoyeukazve chivi chavo.” (Jeremia 31:34; VaHebheru 8:12) Ikoku kuri nemhaka yeidi rokuti sungano itsva yakavakirwa pachibairo chiri nani zvikuru chakaitwa noMurevereri ari nani zvikuru. (VaHebheru 8:6; 9:11, 12, 22, 23) Chibairo chiri nani zvikuru choMurevereri ari nani zvikuru hachisati chichida kudzokororwa sapaZuva Reyananiso regore negore pasi pesungano yekare yoMutemo waMosesi. (VaHebheru 10:15-18) Mukurangarira ikoku kose, kuziva Jehovha kwaiva naavo vaiva musungano itsva uye pasi payo kuri nani zvikuru zvamazvirokwazvo, kunopfumisa zvikuru, kunocherekedza zvikuru, kwakakwana zvikuru kupinda kuziva Mwari uko vaJudha vaiva nako pasi pesungano yoMutemo.

12 Kupfuura zvose, Jehovha Mwari, Muiti weSungano, ndiye Mambo pana avo vaanopinza musungano itsva napana avo vaanoisa pasi payo. (Mateo 5:34, 35; Jeremia 10:7) Muapostora Pauro, makore ane 1 850 pamberi pokugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu saMambo mumatenga muna 1914, akaratidzira kuumambo hwaJehovha paavo vanoteerera mitemo yesungano itsva achiti: “Zvino kuna Mambo wokusingagumi, asingaori, asingaoneki, Mwari bedzi, ngaave nokukudzwa nembiri nokusingaperi-peri. Ameni.”—1 Timotio 1:17.

Umambo Hwamakore Ane Chiuru Pashure Pe“dambudziko Guru”

13 “Boka guru” ra“mamwe makwai,” asati ari musungano itsva asi pasi payo, anokarira kubuda ari mapenyu mu“dambudziko guru.” Pashure pokunge tsika yezvinhu iripoyi yakashurikidzwa yaparadzwa, iwo achafarikanya, kwamakore ane chiuru, kutonga kwaJesu Kristu navadyi venhaka vake pamwe chete papasi rakachenurwa. (Zvakazarurwa 7:9-14) Tevere donzo resungano itsva richave razadzika, riya rokuita “vanhu vepfuma chaiyo” kuva vadyi venhaka voUmambo hwokudenga hwaMwari. (1 Petro 2:9; Mabasa 15:14) Kupfurikidza noUmambo hwaMwari, zvikomborero zvichayerera mumwero uzere zvichienda ku“boka guru” ra“mamwe makwai” anorarama. Satani Dhaibhorosi nesangano rake ramadhemoni risingaoneki vachave vaiswa mugomba rakadzika-dzika uye vachave vasingakwanisi kudzongonyedza.—Zvakazarurwa 21:1-4; 20:1-3.

14 “Boka guru” rinorarama ra“mamwe makwai” richave rava negadziriro yakanaka yokutanga kurarama mutsika itsva yezvinhu. Savakasarira vaIsraeri womudzimu, vachave vaziva Mwari “kubvira pamudukusa wavo kunyange kusvikira kumukurusa wavo.” (Jeremia 31:34) Mumunyengetero kuna Mwari, Mambo anotonga akamboti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo kukuzivai, Mwari bedzi wechokwadi, nouyo imi makatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3) Naizvozvo uku kuziva Jehovha Mwari kwapose pose kuchaita ruponeso rusingaperi. Ikoku kuchaitika kusati kuchingova bedzi nokuda kwe“nyama” ichaponeswa mu“dambudziko guru” asiwo nokuda kwamabhirioni avanhu vakafa achanzwa inzwi raMambo ndokubuda muhwiro hwavo hweyeuko. Kuziva Jehovha kwose kunodikanwa kuchapiwa kuna vanomutswa vakadaro.—Mateo 24:21, 22; Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 20:11-15.

15 Nomufaro, kuitwa kwesungano yaMwari kusvikira kurubudiriro rwakaisvonaka hakusati kuchizoparira kurashikirwa ku“boka guru” ravakafanana namakwai rinopukunyuka kuparadzwa kwetsika yezvinhu ino yakashurikidzwa. Kupfuurezvo, ichakura nzira nokuda kwezvikomborero zvakatokura zvikuru pano papasi rakachenurwa iro richava ravo rokuti vagare nhaka uye kuti ivo vachava norutivi rwokutanga rwokurishandurira muparadhiso yemburumbwa yose. (Mateo 25:34; Ruka 23:43) Muchinguvana zvino, avo vanoparadza pasi vachave vaparara, “asi avo vanokarira muna Jehovha ndivo avo vachagara nhaka pasi. . . . Vanyoro ivo vamene vachagara nhaka pasi, uye ivo vachawana zvamazvirokwazvo mufaro wavo mukuru muuwandu hworugare.” (Pisarema 37:9-11) Haiwa, vose ngavakudze Umambo hwaMakore Ane Chiuru hwaJehovha Mwari hunodzorwa no“Muchinda woRugare” hunotevera kuitwa kwesungano itsva!

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. (a) Ko mamirioni avabetserekani nokushanda kwesungano itsva angaenzanisirwa navanaani nhasi? (b) Ko mashoko esungano itsva akatii?

3. (a) Ko mutemo wesungano yekare waMosesi wakapiwa muchimiroi kuna Israeri? (b) Magwaro echiKristu echiGiriki asati avamba kunyorwa, ko Mwari akaita kuti mitemo yesungano itsva inyorwe kupi?

4. Kunyora kwaMwari mumitemo yake pamwoyo nokuiisa mundangariro yavabatiri vake kwaizova nemiuyoi yakanaka?

5. Ko Murevereri wesungano itsva akadeya kuzivisei pana Mateo 24:12-14?

6. (a) Ko Mateo 24:14 yaingovawo zvayo chiporofita here? (b) Ndivanaani vakairangarira kuva inopfuura chiporofita, uye chii chingataurwa pamsoro pokutsungirira kwavo?

7, 8. (a) Mukati meHondo yeNyika I, ko Satani akaedza kuitei kuna avo vari musungano itsva? (b) Munhambo yapashure pehondo, ko chirevo choUmambo chakasvetukira sei mukuoneka?

9. (a) Nokuda kwokuwedzera kwohufakazi pamsoro pehurumende iyeyo yakarurama, vanhu vaifanira kusarudza rutivii? (b) Avo vanoita kusarudza kwakanaka vari kupiwa zivoi?

10. (a) Saizvozvo vakasarira vavaIsraeri vomudzimu vakavamba kugamuchira “mamwe makwai” muchiratidziroi? (b) Ko “mamwe makwai” akawana kuzivai?

11. Ko kuziva Jehovha kwamaKristu kwakasiana sei uye kuri nani zvikuru kuno kuye kwavaJudha pasi pesungano yoMutemo?

12. Kupfuura zvose, ko Jehovha ane nzvimboi kuna avo vanopinzwa musungano itsva naavo vari pasi payo?

13. (a) Ko “boka guru” mumwero uzere richapinda muzvikomborero zvinoyerera zvichibva musungano itsva rini uye pasi pemigariroi? (b) Idonzoi rakaisvonaka richave raitwa nesungano itsva?

14. Ko “boka guru” rinorarama richave rave negadziriroi yakanaka?

15. Neiko kuitwa kwesungano itsva kusati kuchizoparira kurashikirwa kupi nokupi ku“boka guru” ra“mamwe makwai”?

[Mufananidzo uri papeji 119]

Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari achaparidzirwa mupasi rose rose tsika ino isati yaguma

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe