Rutivi 4
Mwari Anotizivisa Pamusoro Pamadonzo Ake
1, 2. Tinoziva sei kuti Mwari anogovera mhinduro kuna avo vanobvunza zvapachokwadi?
MWARI ane rudo anozivisa zvamazvirokwazvo madonzo ake kuna vakatendeseka vanomutsvaka. Anogovera chaizvo vanhu vanotsvaka mhinduro dzemibvunzo yakadai sokuti nei iye akabvumidza kutambura.
2 Bhaibheri rinoti: “Kana ukatsvaka [Mwari], iye achazviita amene anowanikwa newe.” “Kuna Mwari ari mumatenga uyo ari Muzivisi wezvakavanzika.” “Changamire Ishe Jehovha haangaiti chinhu kutoti azivisa nhau yake yakavanzika kuna vabatiri vake vaporofita.”—1 Makoronike 28:9; Dhanieri 2:28; Amosi 3:7.
Mhinduro Dziri Kupi?
3. Ndokupi kwatinogona kuwana chikonzero nei Mwari achibvumidza kutambura?
3 Mhinduro dzemibvunzo yakadai sokuti chikonzero nei Mwari achibvumidza kutambura neicho iye achaita pamusoro pakwo dzinowanwa muchinyorwa chaakafuridzira nokuda kwokubetserwa kwedu. Chinyorwa ichecho iShoko rake, Bhaibheri Dzvene. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agokwanisa zvizere, ashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.
4, 5. Chii chinoita kuti Bhaibheri rive bhuku rechienzi?
4 Bhaibheri zvamazvirokwazvo ibhuku rechienzi. Rine chinyorwa chakarurama zvikurusa chenhau yomunhu uye rinotodzokera shure kupfuura kusikwa kwavanhu. Rinowiriranawo nomusi, nokuti uporofita hwaro hune chokuita nezvinoitika zvomunguva yedu uye zvomunguva yemberiwo.
5 Hakuna rimwe bhuku rine zvipupuriro zvakadaro zvokururama kwenhau. Somuenzaniso, manyoro mashomanene bedzi avanyori vekare aripo. Asi kune manyoro mazhinji, mamwe ari murutivi uye mamwe akakwana, aripo eBhaibheri: anenge 6 000 aMagwaro echiHebheru (mabhuku 39 e“Testamente Yekare”) uye anenge 13 000 aMagwaro echiKristu echiGiriki (mabhuku 27 e“Testamente Itsva”).
6. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Bhaibheri nhasi rakafanana zvikurukuru seapo Mwari akarifuridzira?
6 Mwari Wamasimba ose, akafuridzira Bhaibheri, akatarisira kuti perero yaro yorugwaro yakachengetwa mumakopi iwayo amanyoro. Naizvozvo maBhaibheri edu nhasi akafanana chose chose namanyoro akafuridzirwa apakuvamba. Chimwe chinhu chinotibetsera kunzwisisa ikoku ndechokuti mamwe makopi amanyoro aMagwaro echiKristu echiGiriki anodzokera shure kusvikira mukati mamakore ane zana rimwe enguva yokunyora kwapakuvamba. Makopi mashomanene amanyoro avanyori vekare venyika achiriko haawanzova nomusi unosvika kunyange mukati mumazana amakore anoverengeka avanyori vapakuvamba.
Chipo chaMwari
7. Kugoverwa kweBhaibheri kwakafara sei?
7 Bhaibheri ibhuku rinogoverwa zvakafara zvikurusa munhau. Makopi ana mabhirioni matatu akatsikirirwa. Hakuna rimwe bhuku rinoswedera pedyo nechiverengero ichecho. Uye Bhaibheri kana kuti mativi aro rakashandurirwa mumitauro ine 2 000. Nokudaro, kunorangarirwa kuti 98 muzana yechiverengero chavagari vapasi redu ingave yakawana Bhaibheri.
8-10. Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero nei Bhaibheri rakafanirwa nokunzvera kwedu?
8 Zvamazvirokwazvo bhuku rinotaurwa kuva rinobva kuna Mwari uye rine ufakazi hwose hwokunze nehwomukati hwoururami hwakafanirwa nokunzvera kwedu.a Rinotsanangura donzo roupenyu, revo yemigariro yenyika, uye icho nguva yemberi inacho. Hakuna rimwe bhuku rinogona kuita izvozvo.
9 Hungu, Bhaibheri ikurukurirano yaMwari nemhuri yomunhu. Akatungamirira kunyorwa kwaro kupfurikidza nesimba rake rinobata basa, kana kuti mudzimu, navanhu vane 40 vanoita kunyora. Nokudaro Mwari anotaura nesu kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri Dzvene. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Apo imi makagamuchira shoko raMwari, iro makanzwa kwatiri, imi makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi, sezvarakangoita chaizvoizvo, seshoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.
10 Abraham Lincoln, purezidhendi weUnited States wechi16, akaidza Bhaibheri kuti “chipo chakanakisisa Mwari ati ambopa munhu . . . Asi kana tisinaro hatingazivi chakarurama nechisina kururama.” Nokudaro, ichi chipo chakaisvonakisisa chinotizivisei pamusoro pamavambire okutambura, chikonzero nei Mwari akakubvumidza, uye icho iye achaita pamusoro pakwo?
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko ane udzame pamusoro poururami hweBhaibheri, ona bhuku rinonzi Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Bhaibheri, rakafuridzirwa naMwari, ikurukurirano yake nemhuri yomunhu