Kubudisa Nharireyomurindi
Apo yakatanga kubudiswa, muna July 1879, yakanzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Iyi magazini, iyo yaiva mutsigiri wechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, yakabudisirwa kugovera zvokudya zvomudzimu kuimba yokutenda. Pana January 1, 1909, musoro wacho wakachinjirwa kuThe Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, kuti inangidzire ngwariro nenzira yakajeka zvikuru pachinangwa chemagazini yacho. Kubvira pana January 1, 1939, kusimbisa zvakawedzerwa idi rokuti Kristu akanga achitotonga ari mudenga saMambo, musoro wacho wakachinjwa kuti urave kuti, The Watchtower and Herald of Christ’s Kingdom. Ipapo pana March 1, 1939, nokuchinjira musoro wacho kuNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha, ngwariro yakanangidzirwa nenzira yakatanhamara zvikuru kuna Jehovha saChangamire weChisiko Chose, uyo akapa chiremera chokutonga kuMwanakomana wake.
Apo yakatanga kubudiswa, Nharireyomurindi yechiNgezi yakanga iri pepa rine mapeji masere, yaibudiswa kamwe pamwedzi. Ukuru hwacho hwakawedzerwa kusvikira kumapeji 16 muna 1891, uye yakava magazini inobuda kaviri pamwedzi muna 1892. Murongerwo wemapeji 32 wakagamuchirwa nokuda kwemitauro yakawanda muna 1950.
Kushandurirwa kweNharireyomurindi mumimwe mitauro kwakavamba zvishoma nezvishoma. Chinyorwa chimwe chomuenzaniso chakabudiswa muchiSwedish muna 1883 kuti chishandiswe seturakiti. Kubvira muna 1886 kusvikira kuna 1889, chinyorwa chiduku chemagazini yacho chakadhindwa muchiGerman. Asi Nharireyomurindi haina kuonekazve muchiGerman kutozosvikira 1897 ndokupfuurira kubudiswa nguva dzose. Pakasvika 1916 yakanga ichidhindwa mumitauro minomwe—chiDano-Norwegian, chiFinnish, chiFrench, chiGerman, chiNgezi, chiPolish, uye chiSwedish. Apo kuparidzwa kwamashoko akanaka kwakasimba zvikuru muna 1922, nhamba yemitauro umo magazini yacho yakabudiswa yakawedzerwa kusvikira ku16. Pakasvika 1993, zvisinei, yakanga ichibudiswa nguva dzose mumitauro 112—iyo inoshandiswa nechikamu chikuru chavagari vapasi. Ikoku kwakabatanidza kwete bedzi mitauro yakadai sechiNgezi, chiSpanish, uye chiJapanese, umo mamiriyoni amakopi pachinyorwa aidhindwa, asiwo chiPalauan, chiTuvaluan, uye mimwe umo mazana mashomanene bedzi akanga ari kuparadzirwa.
Kwamakore akawanda Nharireyomurindi yairangarirwa semagazini zvikurukuru ye“boka duku” ravaKristu vakazvitsaurira. Kuparadzirwa kwayo kwakanga kwakati ganhurirwei; pakasvika 1916 makopi 45-000 bedzi akanga achidhindwa. Asi kuvambira muna 1935, kukurudzira “vanaJonadhabhi,” kana kuti “boka guru,” kuwana ndokurava Nharireyomurindi nguva dzose kwakasimbiswa kwasimbiswazve. Muna 1939, apo butiro remagazini yacho rakavamba kusimbisa Umambo, kuzvinyoresa Nharireyomurindi kwakagoverwa kuvanhu vose mukati menhimbe yemwedzi mina yokuzvinyoresa yenyika dzakawanda. Somugumisiro, ndaza yokuzvinyoresa yakawedzera kusvikira ku120 000. Gore rakatevera racho Nharireyomurindi yakanga ichigoverwa nguva dzose kuvanhu mumigwagwa. Kuparadzirwa kwakawedzera nokukurumidza. Pakasvika kuvamba kwa1993 kudhinda pachinyorwa mumitauro yose kwaiva 16 400 000.