Mukai!—magazini Inofadza Vanhu Zvikuru
Iyi magazini pakuvamba yakanga ine musoro unoti The Golden Age. Chinyorwa chokutanga chakanga chiri chomusi waOctober 1, 1919. Iyi yakanga iri magazini yakashuma mativi akawanda okuedza kwomunhu. Yakasvinudzira vanhu kune chakanga chichiitika munyika ndokuvaratidza kuti mhinduro chaiyoiyo yezvinetso zvorudzi rwomunhu Kutonga kweMireniyumu kwaKristu, uko kuchaunzira zvirokwazvo rudzi rwomunhu “nguva yakaisvonaka” nokuda kworudzi rwomunhu. Kugadzirwa kwebutiro remagazini yacho kwakachinjwa, asi shoko racho rakaramba riri rimwe chetero. Golden Age yakagadzirirwa kugoverwa kuvanhu, uye kwamakore akawanda kuparadzirwa kwayo kwakanga kuchipfuura zvikuru uko kweNharireyomurindi.
Kuvamba nechinyorwa chaOctober 6, 1937, musoro wacho wakachinjirwa kuConsolation. Ikoku kwakanga kwakakodzera zvikuru nokuda kwedzvinyiriro iyo vakawanda vakanga vachitambura uye nyongano umo nyika yakabatanidzwa mairi muHondo Yenyika II. Nyaradzo iyo magazini yacho yakapa, zvisinei, yakanga iri rudzi runofadza kuna avo bedzi vanoda chaizvoizvo zvokwadi.
Kuvamba nechinyorwa chaAugust 22, 1946, musoro wokuti Mukai! wakagamuchirwa. Simbiso yakaiswa pakumutsira vanhu kurevo yezviitiko zvenyika. Magazini yacho yakashandisa manyuko enhau anogamuchirwa, asi yakanga inewo vanyori vayo imene kupota nyika. Nyaya dzakadzikama, dzinoshanda dzine udzame dziri muMukai! idzo dzinokurukura nhau dzakasiyana-siyana zvikuru dzinokurudzira varavi kurangarira shoko rinokosha zvikurusa reiyi magazini, ndiko kuti, kuti zviitiko zvenyika zvinozadzika uporofita hweBhaibheri, uhwo hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira uye kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchaunza betsero dzisingagumi kuavo vanodzidza ndokuita kuda kwaMwari. Iyi magazini yave iri chishandiswa chinobudirira mukuziviswa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye betsero yokuenda kumashoko efundo akadzama zvikuru seanobudiswa muNharireyomurindi namabhuku makuru.
Pakasvika kuvamba kwa1993, Mukai! yakanga ichidhindwa mumitauro 67, makopi 13 240 000 pachinyorwa.