RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 14 pp. 28-29
  • Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvakarongwa Nayo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvakarongwa Nayo
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Mwari Aine Sangano?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Misangano Nokuda Kwokunamata, Murayiridzo, Uye Kurudziro
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Nei Mwari Aine Sangano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Rinowanirwa Mari Sei Rose?
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 14 pp. 28-29

Chidzidzo 14

Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvakarongwa Nayo

Ndirini apo Zvapupu zvaJehovha zvakava namavambo azvo azvino uno? (1)

Misangano yeZvapupu zvaJehovha inoitwa sei? (2)

Ndyiko dzinotarisirwa sei? (3)

Ndiani anotungamirira muungano imwe neimwe? (4)

Misanganoi mikuru zvikuru inoitwa gore rimwe nerimwe? (5)

Ibasai rinoitwa padzimbahwe razvo nemahofisi ebazu? (6)

1. Zvapupu zvaJehovha zvakava namavambo azvo azvino uno muma1870. Pakutanga, zvakanga zvichinzi Vadzidzi veBhaibheri. Asi muna 1931 zvakagamuchira zita rapaMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10) Kubva pamavambo maduku sangano racho rakakura kusvika kumamiriyoni eZvapupu, izvo zvakabatikana kuparidza munyika dzinopfuura 230.

2. Ungano zhinjisa dzeZvapupu zvaJehovha dzinova nemisangano katatu vhiki imwe neimwe. Unokokwa kupinda upi noupi waiyoyi. (VaHebheru 10:24, 25) Bhaibheri ndiro hwaro hwezvinodzidziswa. Misangano inozarurwa nokupfigwa nomunyengetero. “Nziyo dzokumudzimu” dzomwoyo wose dzinoimbwawo pamisangano mizhinjisa. (VaEfeso 5:18, 19, NW) Kupinda hakuripirwe, uye hapana mari inounganidzwa.—Mateo 10:8.

3. Ungano zhinjisa dzinoitira misangano muHoro yoUmambo. Idzodzi dzinowanzova zvivako zvakapfava zvinovakwa navazvipiri vari Zvapupu. Hausati uchizoona mifananidzo ipi neipi, mifananidzo yaJesu ari pamuchinjikwa, kana kuti zvinhu zvakafanana neizvi paHoro yoUmambo. Ndyiko dzinoripirwa nemipiro yokuzvidira. Nokuda kwaavo vanoshuva kuita mupiro, kune bhokisi romupiro.—2 VaKorinte 9:7.

4. Muungano imwe neimwe, mune vakuru, kana kuti vatariri. Vanotungamirira mukudzidzisa muungano. (1 Timotio 3:1-7; 5:17) Vanobetserwa navabatiri vanoshumira. (1 Timotio 3:8-10, 12, 13) Ava varume havakwidziridzwi pamusoro peungano yose yasara. (2 VaKorinte 1:24) Havapiwi mazita chaiwo okuremekedza. (Mateo 23:8-10) Havapfeki nenzira yakasiyana navamwe. Havaripirwiwo nokuda kwebasa ravo. Vakuru vanotarisira nokudisa zvinodikanwa zvokumudzimu zveungano. Vanogona kugovera nyaradzo nenhungamiro munguva dzenhamo.—Jakobho 5:14-16; 1 Petro 5:2, 3.

5. Zvapupu zvaJehovha zvinoitawo magungano makuru kana kuti kokorodzano gore rimwe nerimwe. Paidzi nguva ungano zhinji dzinoungana pamwe chete nokuda kweiyi purogiramu chaiyo yomurayiridzo weBhaibheri. Rubhapatidzo rwavadzidzi vatsva rutivi rwenguva dzose rwepurogiramu yegungano imwe neimwe kana kuti kokorodzano.—Mateo 3:13-17; 28:19, 20.

6. Dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha riri muNew York. Uri ikoko ndiwo Mutumbi Unodzora, boka rinodzora ravakuru vane ruzivo rwokuzviwanira avo vanotarisira ungano yenyika yose. Kunewo mahofisi ebazu anopfuura 100 kupota nyika. Muidzi nzvimbo, vazvipiri vanobetsera kudhinda nokutumira mabhuku eBhaibheri. Nhungamiro inopiwawo yokuronga basa rokuparidza. Kuregererei kuronga shanyo kuhofisi yebazu iri pedyo zvikuru newe?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe