Chitsauko 3
Vakaedzwa—Asi Vakanga Vakavimbika Kuna Jehovha!
1, 2. Ndezvipi zvakaitika zvinokosha zvakaumba sumo yenhoroondo yaDhanieri?
BHUKU rouporofita raDhanieri rinotangira panguva yokuchinja kukuru munyika yose. Asiria yakanga ichangobva kurasikirwa neguta rayo guru reNinevhe. Egipita yakanga yaderedzwa kuva chinhu chisingakoshi kumusoro kwenyika yeJudha. Uye Bhabhironi rakanga riri kuramba richibudirira sesimba guru mukurwira kutonga nyika yose.
2 Muna 625 B.C.E., Farao Neko weEgipita akaedza kekupedzisira kudzivisa Bhabhironi kukura richienda zasi. Kuti azviite, akatungamirira hondo yake kuenda kuKarkemishi, iri pamahombekombe erutivi rwokumusoro rweRwizi Yufratesi. Hondo yeKarkemishi, sezita rayakazopiwa, yakanga iri chinhu choushingi, chinozivikanwa kwazvo. Hondo yeBhabhironi, yaitungamirirwa nanevanji Nebhukadhinezari, yakarakasha mauto aFarao Neko. (Jeremia 46:2) Achipembera nemanyawi okukunda kwake, Nebhukadhinezari akatsvaira Siria neParestina, uye akagumisa kutonga nyika kweEgipita chose chose. Rwaingova rufu rwababa vake, Nabopolassar, rwakambomumisa bishi rake iri.
3. Bishi raNebhukadhinezari rokutanga mukurwisana neJerusarema rakaguma sei?
3 Gore rakatevera racho, Nebhukadhinezari—zvino agadzwa pachigaro samambo weBhabhironi—akadzokerazve kubishi rake rehondo muSiria neParestina. Pakanga pari panguva iyi paakasvika kuJerusarema kekutanga. Bhaibheri rinoti: “Zvino pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, Jehoiakimi akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.”—2 Madzimambo 24:1.
NEBHUKADHINEZARI MUJERUSAREMA
4. Mashoko okuti “negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoiakimi” ari pana Dhanieri 1:1 anofanira kunzwisiswa sei?
4 Kutaura kwokuti “makore matatu” kunotifadza chaizvo, nokuti mashoko okuzarura ebhuku raDhanieri anorava kuti: “Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoiakimi mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika Jerusarema akarikomba.” (Dhanieri 1:1) Mugore rechitatu roumambo hwakakwana hwaJehoiakimi, uyo akatonga kubva muna 628 kusvika muna 618 B.C.E., Nebhukadhinezari akanga asati ava “mambo weBhabhironi” asi akanga achizogara nhaka youmambo. Muna 620 B.C.E., Nebhukadhinezari akamanikidza Jehoiakimi kuti aripe mutero. Asi pashure pemakore anenge matatu, Jehoiakimi akamukira. Saka, makanga muri muna 618 B.C.E., kana kuti mugore rechitatu roumambo hwaJehoiakimi ari mambo muduku ari pasi peBhabhironi, apo Mambo Nebhukadhinezari akauya kuJerusarema kechipiri, kuti azoranga Jehoiakimi anopandukira.
5. Ndoupi wakava mugumisiro webishi rechipiri raNebhukadhinezari mukurwisana neJerusarema?
5 Mugumisiro wokukomba uku wakanga uri wokuti “Ishe wakaisa Jehoiakimi mambo waJudha muruoko rwake, pamwe chete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari.” (Dhanieri 1:2) Jehoiakimi zvichida akafa, zvimwe achiurayirwa chigaro kana kuti pakumukira, mukati mokuvamba kwokukomba kwacho. (Jeremia 22:18, 19) Muna 618 B.C.E., mwanakomana wake wemakore 18, Jehoyakini, akamugara nhaka samambo. Asi Jehoyakini akangotonga kwemwedzi mitatu nemazuva gumi chete, achibva akanda mapfumo pasi muna 617 B.C.E.—Enzanisa na2 Madzimambo 24:10-15.
6. Nebhukadhinezari akaitei nenhumbi tsvene dzetemberi yemuJerusarema?
6 Nebhukadhinezari akatora nhumbi dzetemberi muJerusarema sezvakapambwa “akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta pfuma yamwari wake,” Marduk, kana kuti Merodhaki muchiHebheru. (Dhanieri 1:2; Jeremia 50:2) Chinyorwa cheBhabhironi chakawanwa umo Nebhukadhinezari anonzi akataura nezvetemberi yaMarduk achiti: “Ndikachengeteramo sirivha nendarama nematombo anokosha . . . uye ndakaisamo imba yepfuma youmambo hwangu.” Ticharavazve nezvenhumbi tsvene idzi mumazuva aMambo Bhershazari.—Dhanieri 5:1-4.
VANA KWAVO PAPWERE DZEJERUSAREMA
7, 8. Kubva muna Dhanieri 1:3, 4, ne6 chii chatinogona kugumisa pamusoro peupenyu hwekare hwaDhanieri neshamwari dzake nhatu?
7 Haisi pfuma yetemberi yaJehovha bedzi yakauyiswa kuBhabhironi. Nhoroondo yacho inoti: “Mambo akaudza Ashpenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda; majaya akanga asine mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo.”—Dhanieri 1:3, 4.
8 Ndivanaani vakasarudzwa? Tinoudzwa kuti: “Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanieri naHanania naMishaeri naAzaria.” (Dhanieri 1:6) Izvi zvinobetsera kunzwisisa upenyu hwekare hwaDhanieri neshamwari dzake zvingadai zvisina kujeka. Somuenzaniso, tinodzidza kuti vakanga vari “vanakomana vaJudha,” rudzi rwoumambo. Vangave vaibva mudzinza roumambo kana kuti kwete, zvinonzwisisika kufunga kuti vanenge vaibva kumhuri dzaiti koshei dzaiva nesimba. Kunze kwekuva vakangwara navakasimba, vaive noungwaru, uchenjeri, zivo, nekunzwisisa—vose pavakanga vari pazera duku zvokugona kunzi “vana,” zvichida vachangoti pfuurei makore gumi nemaviri. Dhanieri neshamwari dzake vanofanira kuve vaive vakasiyana nevamwe—vana kwavo—pakati pepwere dzaiva muJerusarema.
9. Nei zvichiratidzika kuva zvechokwadi kuti Dhanieri neshamwari dzake nhatu vaive nevabereki vaitya Mwari?
9 Nhoroondo yacho haitiudzi kuti vabereki vemajaya aya vaiva vanaani. Kunyange zvakadaro, zvinoratidzika sezvechokwadi kuti vakanga vari vanhu vaida Mwari vakanga vakoshesa basa ravo savabereki. Tichifunga nezvekushaiwa tsika nokuora mumudzimu kwaiva muJerusarema panguva yacho, zvikurukuru pakati ‘pevana veumambo navanokudzwa,’ zvakajeka kuti mavara akaisvonaka aiva naDhanieri neshamwari dzake nhatu haana kungouya ega. Sezviri pachena, zvinofanira kuva zvakarwadza mwoyo yavabereki ava kuona vana vavo vachiendeswa kunyika iri kure. Kudai bedzi vakanga vaziva kuti zvaizoguma nei, vaidai vakafara sei! Zvinokosha sei kuti vabereki varere vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe”!—VaEfeso 6:4.
HONDO YEPFUNGWA
10. Aya majaya echiHebheru akadzidziswei, uye izvi zvaiitirwei?
10 Nokukurumidza, hondo yepfungwa dzemajaya aya aiva nhapwa yakavamba. Kuti ave nechokwadi chokuti pwere dzaive nemakore ati pfuurei gumi nemaviri dzechiHebheru dzacho dzaizoumbiridzwa kuti dzikodzerane negadziriro yezvinhu yeBhabhironi, Nebhukadhinezari akadzika murayiro wokuti vashandi vake va“vadzidzise magwaro norurumi rwavaKardhea.” (Dhanieri 1:4) Iyi yakanga isiri dzidzowo zvayo. The International Standard Bible Encyclopedia inotsanangura kuti yai“batanidza fundo yemutauro wevaSumer, Akkad, chiAramaic . . . , nemimwe mitauro, pamwe chete nemabhuku akawanda akanyorwa nemitauro iyi.” “Mabhuku akawanda” aibatanidza nhau dzakaitika, masvomhu, kudzidza nezvenyeredzi, nezvimwe zvakadaro. Zvisinei, “magwaro echitendero aibatanidza, omina [mashura] neunyanzvi hwenyeredzi . . . , aishandiswa zvikuru.”
11. Matanhoi akatorwa kuva nechokwadi chokuti idzi pwere dzechiHebheru dzaizopinzwa muupenyu hweushe hweBhabhironi?
11 Kuitira kuti pwere dzechiHebheru idzi dzitore tsika nemiitiro zvoupenyu hwepamba pamambo muBhabhironi, “mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo.” (Dhanieri 1:5) Uyezve, “muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanieri akamutumidzwa zita rinonzi Bherteshazari, naHanania rinonzi Shadraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abhedhi-nego.” (Dhanieri 1:7) Munguva dzeBhaibheri wakanga uri muitiro wakakurumbira kuti munhu apiwe zita idzva kuratidza chiitiko chinokosha muupenyu hwake. Somuenzaniso, Jehovha akachinja mazita aAbrama naSarai kuva Abrahama naSara. (Genesi 17:5, 15, 16) Kuti munhu achinje zita romumwe munhu uchapupu hwakajeka hwesimba kana kuti kutonga. Josefa paakava mutarisiri wezvokudya zveEgipita, Farao akamutumidza kuti Zafanati-panea.—Genesi 41:44, 45; enzanisa na2 Madzimambo 23:34; 24:17.
12, 13. Nei zvichigona kutaurwa kuti kuchinja mazita emajaya aya echiHebheru kwakanga kuri kuedza kuparadza kutenda kwavo?
12 Pane zvakaitika kuna Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru, kuchinja kwemazita kune zvakwaireva. Mazita ayo vabereki vavo vakanga vavapa aikodzerana nokunamata Jehovha. “Dhanieri” zvinoreva kuti “Mutongi Wangu ndiMwari.” “Hanania” zvinoreva kuti “Jehovha Aratidza Nyasha.” “Mishaeri” zvichida zvinoreva kuti “Ndiani Akafanana naMwari?” “Azaria” zvinoreva kuti “Jehovha Abetsera.” Pasina mubvunzo yakanga iri tariro yevabereki vavo kuti vanakomana vavo vaizokura vachitungamirirwa naJehovha Mwari kuti vave vabatiri vake vakatendeka vakavimbika.
13 Zvisinei, mazita matsva akapiwa vaHebheru vana ava ose akanga akabatana zvikuru neavanamwari venhema, achiratidza kuti Mwari wechokwadi akanga aiswa pasi pokudzora kwavanamwari vakadaro. Kwaiva kuedza kuparadza kutenda kwemajaya aya muchivande kwakadini!
14. Mazita matsva akapiwa Dhanieri neshamwari dzake nhatu anorevei?
14 Zita raDhanieri rakachinjwa kuva Bherteshazari, zvinoreva kuti “Chengeta Upenyu hwaMambo.” Sezviri pachena, uku kwaiva kudana Bheri, kana kuti Marduk nokudimbudzira, mwari mukuru weBhabhironi. Nebhukadhinezari angave akabetsera mukusarudzira Dhanieri zita iri kana kuti kwete, asi akadada nokuziva kuti “wakatumidzwa nezita ramwari” wake. (Dhanieri 4:8) Hanania akatumidzwazve kuti Shadraki, iro vamwe vazivi vanotenda kuva zita rakabatanidzwa rinoreva kuti “Murayiro waAku.” Sezvineiwo, Aku rakanga riri zita ramwari wevaSumer. Mishaeri akatumidzwazve kuti Misheki (zvichida, Mi·sha·aku), sezviri pachena kumonyaniswa kwokuchenjera kwepanoti “Ndiani Akafanana naMwari?” kuva “Ndiani Akaita saAku?” Zita raAzaria rechiBhabhironi rakanga riri rokuti Abhedhi-nego, zvichida zvinoreva kuti “Muranda waNego.” Uye “Nego” ndeimwe nzira yokudana nayo “Nebho” zita ramwari uyo vatongi veBhabhironi vakati kuti vakatumidzwa zita rake.
VAKATSUNGA KURAMBA VAKATENDEKA KUNA JEHOVHA
15, 16. Ingozii dzakatarisana naDhanieri neshamwari dzake zvino, uye chii chavakaita?
15 Mazita echiBhabhironi, kudzidziswazve, uye zvekudya zvoumbozha—zvose izvi kwakanga kuri kuedza kwete bedzi kupinza Dhanieri nemajaya matatu echiHebheru mumararamire echiBhabhironi asiwo kuvaparadzanisa naMwari wavo, Jehovha, uye nechitendero chavo chavakarovedzwa uye noupenyu hwavo hwekare. Ave pakamanikidzika zvakadai nemuedzo, majaya aya aizoitei?
16 Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Asi Dhanieri wakazvisunga mumwoyo make kuti haangazvisvibisi nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa.” (Dhanieri 1:8a) Kunyange zvazvo Dhanieri ari iye bedzi akadudzwa nezita, zviri pachena nemhaka yezvakatevera kuti shamwari dzake nhatu dzakatsigira chisarudzo chake. Mashoko okuti “wakazvisunga mumwoyo make” anoratidza kuti murayiridzo wakagoverwa nevabereki vaDhanieri nevamwe vari kumusha wakanga wasvika mumwoyo make. Kurovedzwa kwakafanana pasina mubvunzo kwakatungamirira vamwe vaHebheru vatatu mukuita zvisarudzo zvavo. Izvi zvinonyatsoratidza kukosha kwokudzidzisa vana vedu, kunyange pavangave vachiratidzika kuva vachiri vaduku kwazvo kuti vanzwisise.—Zvirevo 22:6; 2 Timotio 3:14, 15.
17. Nei Dhanieri neshamwari dzake vakangoramba zvokudya zvamambo zvezuva nezuva asi kwete dzimwe gadziriro?
17 Nei majaya echiHebheru akangoramba zvokudya zvamambo newaini asi kwete dzimwe gadziriro? Kufunga kwaDhanieri kunoratidza zvakajeka chikonzero nei: “Haangazvisvibisi.” Kunyange zvazvo kufanira “kudzidza runyoro norurimi rwavaKardhea” uye kupiwa zita rechiBhabhironi, zvingarambwa, asi zvaisabva zvasvibisa munhu. Funga nezvemuenzaniso waMosesi, anenge makore 1 000 akanga apfuura. Kunyange zvazvo aka“dzidziswa uchenjeri hwose hwavaEgipita,” akaramba akavimbika kuna Jehovha. Kurerwa kwake nevabereki vake pachake kwakamupa mavambo akasimba. Somugumisiro, “nokutenda Mosesi, akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku.”—Mabasa 7:22; VaHebheru 11:24, 25.
18. Zvokudya zvamambo zvaizosvibisa aya majaya echiHebheru munzirai?
18 Zvokudya zvamambo weBhabhironi zvaizosvibisa majaya acho munzirai? Chokutanga, zvokudya zvamambo zvingave zvaibatanidza zvokudya zvairambidzwa neMutemo waMosesi. Somuenzaniso, vaBhabhironi vaidya mhuka dzisina kuchena, dzairambidzwa vaIsraeri muMutemo. (Revhitiko 11:1-31; 20:24-26; Dheuteronomio 14:3-20) Chechipiri, vaBhabhironi vakanga vasina muitiro wokubudisa ropa mhuka dzaiurawa vasati vadya nyama yadzo. Kudya nyama isina kubudiswa ropa kwaizova kupesana zvakananga nomutemo waJehovha weropa. (Genesi 9:1, 3, 4; Revhitiko 17:10-12; Dheuteronomio 12:23-25) Chechitatu, vanamati vevanamwari venhema vane tsika yokupira zvokudya zvavo kuzvidhori vasati vadya zvokudya izvi pamwe. Vabatiri vaJehovha vaisazobata zvakadaro! (Enzanisa na1 VaKorinte 10:20-22.) Pakupedzisira, kudya zvokudya zvakakora nezvinodhaka zuva nezuva haizvaizombova zvine utano kuvanhu vemazera ose, ndoda majaya.
19. Idzi pwere dzechiHebheru dzaigona kudai dzakavanda nokuti chii, asi chii chakadzibetsera kuguma dzafunga zvakarurama?
19 Kuziva zvokuita hakuna kufanana nokuva noushingi hwokuzviita kana wave pakamanikidzika kana kuti pakuedzwa. Dhanieri neshamwari dzake nhatu vaigona kudai vakafunga kuti sezvo vakanga vari kure nevabereki vavo neshamwari, vanhu ivavo vaisazoziva zvavaiita. Vaigonawo kudai vakavanda nokuti zvarayirwa namambo uye kuti zvairatidzika sokuti pakanga pasina mamwe maitiro. Kunze kwaizvozvo, mamwe majaya pasina mubvunzo akagamuchira gadziriro dzacho nyore nyore uye kudziita aikuona seropafadzo panzvimbo pokuomeserwa. Asi kufunga kusina kururama kwakadaro kwaigona kutungamirira kumusungo wokutadza pachivande nyore nyore, uri musungo kumajaya akawanda. Idzi pwere dzechiHebheru dzaiziva kuti “meso aJehovha ari pose pose” uye kuti “Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.” (Zvirevo 15:3; Muparidzi 12:14) Tose ngatidzidze chidzidzo panzira yemajaya aya akatendeka.
USHINGI NOKUTSUNGIRIRA ZVAKAWANISA MUBAYIRO
20, 21. Dhanieri akaitei, uye zvakaguma nei?
20 Atsunga mumwoyo make kudzivisa zvinhu zvinokanganisa, Dhanieri akapfuurira kuita mutsinhirano nechisarudzo chake. “Saka waka[ramba achi]kumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvisvibisa.” (Dhanieri 1:8b) “Akaramba achikumbira”—iwayo mashoko anokosha. Kazhinjisa, kuramba tichiedza kunodikanwa kana tichitarisira kubudirira kukunda muedzo kana kuti kukunda humwe utera.—VaGaratia 6:9.
21 Pane zvakaitika kuna Dhanieri kutsungirira kwakabhadhara. “Zvino Mwari wakanzwisa Dhanieri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.” (Dhanieri 1:9) Yakanga isiri mhaka yokuti Dhanieri neshamwari dzake vaiva vanhu vanofadza vakangwara kuti zvinhu zvakavafambira zvakanaka pakupedzisira. Panzvimbo paizvozvo, yakanga iri mhaka yechikomborero chaJehovha. Dhanieri pasina mubvunzo aiyeuka chirevo chechiHebheru chokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Kutevera zano iroro kwakapiwa mubayiro zvechokwadi.
22. Mutariri wavaranda akaramba nechikonzeroi chinonzwisisika?
22 Pakutanga muchinda wevaranda mukuru akaramba: “Ndinotya ishe wangu mambo, wakarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti uchaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezera renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo.” (Dhanieri 1:10) Zvaairambira nezvaaitya zvainzwisisika. Mambo Nebhukadhinezari akanga asiri munhu aibvuma kunzi kwete, uye muchinda akaona kuti “musoro” wake waizova mungozi kudai aizopesana nemirayiridzo yamambo. Dhanieri aizoitei?
23. Dhanieri akaratidza sei nzwisiso neuchenjeri, nezvaakaita?
23 Apa ndipo paidikanwa nzwisiso neuchenjeri. Jaya Dhanieri zvichida rakayeuka chirevo chokuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Panzvimbo pokuramba achiomesa musoro achiti chikumbiro chake chiitwe uye zvichida achinyandura vamwe kuti vamuurayire kutenda kwake, Dhanieri akambosiya nhau yacho. Panguva yakakodzera, akaenda ku“mutariri,” uyo zvichida aizoda kubvumira rusununguko ruduku nemhaka yokuti haasi iye aizobvunzwa namambo zvakananga.—Dhanieri 1:11.
CHIKUMBIRO CHOKUEDZWA MAZUVA GUMI CHINOITWA
24. Dhanieri akakumbira kuti chii chiedzwe?
24 Dhanieri akakumbira mutariri, kuedzwa, achiti: “Doidzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipei miriwo tidye, nemvura tinwe. Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona.”—Dhanieri 1:12, 13.
25. Chii chingangova chaibatanidzwa mu“miriwo” yakapiwa Dhanieri neshamwari dzake nhatu?
25 Mazuva gumi vachidya ‘muriwo nemvura’—vaizo“wonda” here kana vachienzaniswa nevamwe? “Muriwo” unoshandurwa kubva mushoko rechiHebheru rinoreva “mhodzi.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinorishandura kuti “nyemba,” dzinorondedzerwa se“mhodzi dzinodyiwa dzezvirimwa zvakasiyana-siyana (sepizi, bhinzi, kana kuti nyemba).” Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti mashoko akapoteredza anoratidza kuti ndezvokudya zvinobatanidza zvinopfuura mhodzi dzinodyiwa bedzi. Rimwe bhuku remashoko rinoti: “Zvaikumbirwa naDhanieri neshamwari dzake wakanga uri muriwo chaiwo waidyiwa nevanhuwo zvavo panzvimbo pezvokudya zvakapfuma, zvine nyama zvepatafura yamambo.” Saka, muriwo ungagona kuve waibatanidza zvokudya zvinosimbisa zvakagadzirwa nebhinzi, magaka, gariki, mariki, nyemba, manwiwa, nehanyanisi nechingwa chaigadzirwa nezviyo zvakasiyana-siyana. Zvechokwadi hapana munhu angati ndezvokudya zvenzara izvozvo. Sezviri pachena mutariri wacho akanzwisisa. “Naizvozvo wakatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaidza mazuva ane gumi.” (Dhanieri 1:14) Zvakaguma nei?
26. Kuedza kwemazuva gumi kwakaguma nei, uye nei zvinhu zvakaguma nenzira iyoyo?
26 “Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo.” (Dhanieri 1:15) Izvi hazvifaniri kutorwa souchapupu hwokuti zvokudya zvemiriwo zviri nani pane zvenyama zvakakora. Mazuva gumi mashoma kwazvo kuti zvokudya zvipi nezvipi zvionekwe zvazvinobudisa, asi haasi mashoma kwazvo kuna Jehovha kuti aite chinangwa chake. “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa, kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu,” rinodaro Shoko Rake. (Zvirevo 10:22) Aya majaya mana echiHebheru aitenda Jehovha nokuvimba naye, uye haana kuvasiya. Mazana amakore gare gare, Jesu Kristu akatsungirira mazuva 40 asina zvokudya. Panhau iyi, akataura mashoko ari pana Dheuteronomio 8:3, apo tinorava kuti: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” Pamusoro paizvozvi, zvakaitika kuna Dhanieri neshamwari dzake nhatu muenzaniso chaiwoiwo.
NZWISISO NEUCHENJERI PANZVIMBO YEZVOKUDYA ZVAMAMBO NEWAINI
27, 28. Munzirai umo dzidzo iyo Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakabvuma yakavagadzirira nokuda kwezvinhu zvikuru zvaiva mberi?
27 Mazuva gumi aingova muedzo, asi migumisiro yacho yaigutsa kwazvo. “Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa miriwo.” (Dhanieri 1:16) Hazvina kuoma kufungidzira kuti dzimwe pwere dzairovedzwawo dzakafungei pamusoro paDhanieri neshamwari dzake. Kuramba machikichori amambo vachida muriwo mazuva ose zvinofanira kuva zvakaratidzika soufuza zvikuru kwavari. Asi miedzo mikuru yakanga iri kuswedera, uye izvi zvaizoda kuti majaya aya echiHebheru ave akachangamuka nokupengenuka kwazvo sezvaaigona. Kupfuura zvose, kutenda kwavo nokuvimba naJehovha ndiko kwaizoaita kuti apukunyuke miedzo yokutenda kwao.—Enzanisa naJoshua 1:7.
28 Uchapupu hwokuti Jehovha akanga ane majaya aya hunogona kuonekwa mune zvinotevera kutaurwa: “Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa [naMwari] nezvairotwa.” (Dhanieri 1:17) Kuti vagone kubata nenguva dzakaoma dzakanga dzichiuya, vaida zvinopfuura simba romuviri neutano hwakanaka. “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa.” (Zvirevo 2:10-12) Ndizvozvo chaizvo zvakaiswa naJehovha papwere idzi ina dzakatendeka kuti avagadzirire nokuda kwezvaiva mberi.
29. Nei Dhanieri akakwanisa ‘kunzwisisa zviono zvose nezviroto’?
29 Kunonzi Dhanieri ai“nzwisisa zvose zvairatidzwa . . . nezvairotwa.” Izvi hazvisi mupfungwa yokuti akanga ava munhu wemashiripiti. Sezvineiwo, kunyange zvazvo Dhanieri achirangarirwa semumwe wevaprofita vakuru vechiHebheru, haana kumbofuridzirwa kuti ataure kuzivisa kwakadai sokuti “Ishe Jehovha unoti” kana kuti “zvanzi naJehovha wehondo.” (Isaya 28:16; Jeremia 6:9) Asi, Dhanieri akakwanisa bedzi kunzwisisa nokududzira zviono nezviroto zvaizivisa chinangwa chaMwari nokutungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari.
PAKUPEDZISIRA, MUEDZO WAKAKOMBA
30, 31. Nzira yakasarudzwa naDhanieri neshamwari dzake yakaratidza sei kuti yakavabetsera?
30 Makore matatu okudzidziswazve nokugadziridzwa akaguma. Muedzo wakakomba wakatevera—kubvunzurudzwa namambo pachake. “Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari.” (Dhanieri 1:18) Yakanga yava nguva yokuti pwere ina dzizvidavirire. Kunamatira kumitemo yaJehovha panzvimbo pokubvuma nzira dzechiBhabhironi kwaizoratidza kuti kunovabetsera here?
31 “Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo.” (Dhanieri 1:19) Kurevererwa kwakakwana sei kwemaitiro avo kwemakore matatu akanga apfuura! Kwavo kwakanga kusiri kupenga kunamatira kumitemo yairayirwa nokutenda kwavo uye nehana yavo. Nokuva vakatendeka mune zvairatidzika sezviduku, Dhanieri neshamwari dzake vakakomborerwa nezvinhu zvikuru. Ropafadzo yoku“mira pamberi pamambo” chakanga chiri chinhu chaitsvakwa nemajaya ose mukurovedzwa. Kuti pwere ina dzechiHebheru ndidzo bedzi dzakasarudzwa, Bhaibheri haritauri. Kunyange zvakadaro, maitiro avo okutendeseka zvechokwadi akavaunzira “mubayiro mukuru.”—Pisarema 19:11.
32. Nei zvichigona kutaurwa kuti Dhanieri, Hanania, Mishaeri, naAzaria vaiva neropafadzo huru kupfuura kuva muushe hwamambo?
32 “Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Uchamira pamberi pamadzimambo,” anodaro Magwaro. (Zvirevo 22:29) Saka, Dhanieri, Hanania, Mishaeri, naAzaria vakasarudzwa naNebhukadhinezari kuti vamire pamberi pamambo, ndiko kuti vave veimba youmambo. Muzvose izvi, tinogona kuona ruoko rwaJehovha rwuchifambisa zvinhu kuitira kuti namajaya aya—kunyanya nomuna Dhanieri—zvinokosha zvechinangwa chaMwari zvizoziviswa. Kunyange zvazvo kusarudzwa kuva weimba youmambo yaNebhukadhinezari kwakanga kuri kukudzwa, kwakanga kuri kukudzwa kwakatonyanya kushandiswa nenzira inoshamisa kudaro naMambo weNyika yose, Jehovha.
33, 34. (a) Nei mambo akaororwa neaya majaya echiHebheru? (b) Chidzidzoi chatinogona kuwana kubva mune zvakaitika kuava vaHebheru vana?
33 Nebhukadhinezari nokukurumidza akaziva kuti uchenjeri nenzwisiso izvo Jehovha akanga apa pwere ina dzechiHebheru hwakanga hwakakura kupfuura nokure hwaiva nemakurukota ake nevarume vakachenjera vaiva muushe hwake. “Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.” (Dhanieri 1:20) Ko zvaigona kupesana sei? “N’anga” ne“vachenjeri” vaivimba nedzidzo yenyika yemashura yeBhabhironi, asi Dhanieri neshamwari dzake vaivimba nouchenjeri hunobva kumusoro. Zvakanga zvisingaenzanisiki—hazvingakwikwidzi!
34 Zvinhu hazvina kuchinja zvikuru kwemakore akawanda kusvika nhasi. Muzana rokutanga ramakore C.E., apo uzivi hwechiGiriki nomutemo weRoma zvakanga zvakakurumbira, muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Unobata vakachenjera pamano avo. Uyezve: Ishe unoziva ndangariro dzavakachenjera, kuti hadzina maturo. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu unovimba navanhu.” (1 VaKorinte 3:19-21) Nhasi, tinofanira kubatisisa zvatakadzidziswa naJehovha uye kusatsauswa nyore nyore nembiri nokubwinya kwenyika.—1 Johane 2:15-17.
KUTENDEKA KUSVIKA PAMUGUMO
35. Tinoudzwa zvakawanda sei pamusoro peshamwari nhatu dzaDhanieri?
35 Kutenda kwakasimba kwaHanania, Mishaeri, naAzaria kunoratidzirwa zvakajeka muna Dhanieri chitsauko chechitatu, nezvechifananidzo chendarama chaNebhukadhinezari mubani reDhura uye muedzo wechoto chinopisa kwazvo. VaHebheru vaitya Mwari ava pasina mubvunzo vakaramba vakatendeka kuna Jehovha kusvikira vafa. Tinoziva izvi nemhaka yokuti muapostora Pauro pasina mubvunzo aitaura nezvavo paakanyora nezveavo “nokutenda . . . vakadzima simba romoto.” (VaHebheru 11:33, 34) Mienzaniso yakaisvonaka kuvabatiri vaJehovha, vaduku nevakuru.
36. Dhanieri akava nebasai rakaisvonaka?
36 Kana ari Dhanieri 1:21, ndima yokupedzisira yechitsauko chokutanga inoti: “Dhanieri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.” Nhau dzakaitika dzinoratidza kuti Koreshi akakunda Bhabhironi neusiku humwe, muna 539 B.C.E. Sezviri pachena nemhaka yemukurumbira wake uye zvaaiva, Dhanieri akaramba achibatira muushe hwaKoreshi. Chokwadi, Dhanieri 10:1 inotiudza kuti “negore rechitatu raKoreshi mambo wePersia,” Jehovha akazivisa nhau inokosha kuna Dhanieri. Kana akanga achangobva kupfuura makore 12 paakaunzwa kuBhabhironi muna 617 B.C.E., angave akanga ave pedyo nemakore 100 paakagamuchira chiono ichocho chokupedzisira. Raiva basa refu rakakomborerwa sei rokubatira Jehovha nokutendeka!
37. Zvidzidzoi zvatinogona kuwana nokufunda Dhanieri chitsauko chokutanga?
37 Chitsauko chokutanga chaDhanieri chinotaura inopfuura nyaya yemajaya akatendeka akakunda miedzo yokutenda zvinobudirira. Chinotiratidza mashandisire anogona kuita Jehovha ani naani waanoda kuita chinangwa chake. Nhoroondo yacho inoratidza kuti kana zvabvumirwa naJehovha, ingaratidzika sengwavaira inogona kuita basa rinokosha. Uye inotiudza kuti kutendeseka muzvinhu zviduku kunounza mubayiro mukuru.
WANZWISISEI?
• Chii chinogona kutaurwa nezvoupenyu hwekare hwaDhanieri neshamwari dzake duku nhatu?
• Kurerwa kwakaisvonaka kweidzi pwere nhatu dzechiHebheru kwakaedzwa sei muBhabhironi?
• Jehovha akaropafadza sei ava vaHebheru vana nokuda kwokushinga kwavo?
• Vashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi vanogona kudzidzei pana Dhanieri neshamwari dzake nhatu?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 30]