RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dp chits. 6 pp. 82-97
  • Kuwadzanyura Chakavanzika Chomuti Mukuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwadzanyura Chakavanzika Chomuti Mukuru
  • Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MAMBO ANOKUDZA WOKUMUSOROSORO
  • MUTI MUKURU
  • MASHOKO ASINA KUNAKA KUNA MAMBO
  • KUZADZIKA KWOKUTANGA KWEHOPE DZACHO
  • KUDZORERWA KWANEBHUKADHINEZARI
  • PANE UCHAPUPU HWEMUNYIKA HERE?
  • NGUVA NOMWE DZINOTIBATANIDZA
  • Umambo Hwakaita Semuti Muhombe
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kumuka Nokuwa kweChifananidzo Chikuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Maverengerwo Enguva muBhaibheri Anoratidzei Nezvegore ra1914?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Umambo Husingazomboparadzwi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
dp chits. 6 pp. 82-97

Chitsauko 6

Kuwadzanyura Chakavanzika Chomuti Mukuru

1. Chii chakaitika kuna Mambo Nebhukadhinezari, zvichimutsa mibvunzo ipi?

JEHOVHA akabvumira Mambo Nebhukadhinezari kuti ave mutongi wenyika. Samambo weBhabhironi, akanga akapfuma kwazvo, ane zvokudya zvamaoresa, imba youmambo yakanaka kwazvo—zvose zvaaida zvokunyama. Asi kamwe kamwe akanyadziswa. Pfungwa dzisingachatori zvakanaka, Nebhukadhinezari akaita semhuka! Adzingwa patafura youmambo neimba youmambo, akanogara musango achidya uswa senzombe. Chii chakaparira nhamo iyi? Uye nei tichifanira kufunga nezvayo?—Enzanisa naJobho 12:17-19; Muparidzi 6:1, 2.

MAMBO ANOKUDZA WOKUMUSOROSORO

2, 3. Mambo weBhabhironi aida kuti vanhu vake vave nechii, uye akaona sei Mwari Wokumusorosoro?

2 Achangobva kunaya pakurasika pfungwa zvachose ikoko, Nebhukadhinezari akatumira muumambo hwake hwose mashoko anoshamisa ezvakanga zvaitika. Jehovha akafuridzira muprofita Dhanieri kuchengeta chinyorwa chakarurama chezvinhu izvi. Anotanga nemashoko aya: “Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose; Muwanzirwe rugare! Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusorosoro. Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvika kumarudzi namarudzi.”—Dhanieri 4:1-3.

3 Vanhu vaNebhukadhinezari vakanga “vagere pasi pose”—umambo hwake huchibatanidza chikamu chikuru chenyika yose yakanyorwa muBhaibheri. Pamusoro paMwari waDhanieri, mambo wacho akati: “Ushe hwake ushe husingaperi.” Mashoko iwayo akakudza Jehovha sei muUmambo hweBhabhironi mose! Uyezve, kakanga kari kechipiri apo Nebhukadhinezari akanga aratidzwa kuti Umambo hwaMwari hwoga hahugumi, huchamira “nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

4. “Zviratidzo nezvishamiso” zvaJehovha zvakatanga sei kuna Nebhukadhinezari?

4 “Mwari Wokumusorosoro” akaita “zviratidzo nezvishamiso” zvechii? Izvi zvakatanga nezvakaitika kuna mambo pachake zvaakarondedzera nemashoko aya: “Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndigere norugare mumba mangu, ndine mufaro muimba yangu youshe. Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhovo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza.” (Dhanieri 4:4, 5) Mambo weBhabhironi akaitei nehope dzinotyisa idzi?

5. Nebhukadhinezari aiona sei Dhanieri, uye nei?

5 Nebhukadhinezari akaunganidza varume vakachenjera veBhabhironi ndokuvaudza hope dzacho. Asi vakakundikana sei! Vakatadza kududzira zvachose. Chinyorwa chacho chakawedzera kuti: “Pakupedzisira Dhanieri wakauya pamberi pangu, iye une zita rinonzi Bhershazari, wakatumidzwa nezita ramwari wangu, une mweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu.” (Dhanieri 4:6-8) Zita raDhanieri remumuzinda rakanga riri Bhershazari, uye mwari wenhema uyo mambo akati “mwari wangu” angava akanga ari Bheri kana kuti Nebho kana kuti Marduk. Sezvaaiva navanamwari vakawanda, Nebhukadhinezari aiona Dhanieri somunhu aiva “nomweya wavamwari vatsvene.” Uye nemhaka yenzvimbo yaDhanieri somutariri wevarume vose vakachenjera veBhabhironi, mambo akataura nezvake se“mukuru wavakachenjera.” (Dhanieri 2:48; 4:9; enzanisa naDhanieri 1:20.) Chokwadika, Dhanieri akatendeka haana kumborega kunamata Jehovha kuti aite zvemashiripiti.—Revhitiko 19:26; Dheuteronomio 18:10-12.

MUTI MUKURU

6, 7. Ungarondedzera sei zvakaonekwa naNebhukadhinezari muhope dzake?

6 Hope dzinotyisa dzamambo weBhabhironi dzaive dzei? “Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhovo dzangu ndizvizvi,” akadaro Nebhukadhinezari, “ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akanga akanaka, nezvibereko zvawo zvakanga zviri zvizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo.” (Dhanieri 4:10-12) Zvinonzi, Nebhukadhinezari aifarira misidhari yeRebhanoni, akaenda kunoiona, akaita kuti mimwe iuyiswe kuBhabhironi semapuranga. Asi akanga asati amboona chimwe chinhu chakafanana nomuti waakaona muhope dzake. Wakanga uri munzvimbo iri nyore kuona “pakati penyika,” waioneka pasi pose, uye wakanga uchibereka kwazvo zvokuti waipa zvokudya zvipenyu zvose.

7 Hope idzi dzaive nezvizhinji, nokuti Nebhukadhinezari akawedzera kuti: “Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhovo dzangu, ndikaona murindi, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga. Akadanidzira, akati: Temai muti, rangurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai zvibereko zvawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo. Asi siyai hunde yemidzi yawo muvhu, wakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoreveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwe chete nemhuka dzenyika.”—Dhanieri 4:13-15.

8. Ndiani aiva “murindi”?

8 VaBhabhironi vaiva nemafungire avo echitendero ezvisikwa zvomudzimu zvakanaka nezvakaipa. Asi ndiani aiva “murindi” uyu, kana kuti muchengeti, akabva kudenga? Akanzi “mutsvene,” aiva ngirozi yakarurama yaimirira Mwari. (Enzanisa naPisarema 103:20, 21.) Fungidzira mibvunzo inofanira kuve yakatambudza Nebhukadhinezari! Muti uyu waitemerwei? Hunde yemidzi yakasungwa nechisungo chedare nendarira inobetserei? Chokwadi, chigutsawo zvacho chinoita basa rei?

9. Murindi akamboti chii chaizvo, uye izvi zvinomutsa mibvunzo ipi?

9 Nebhukadhinezari anofanira kuve akashamiswa kwazvo sezvaakanzwa mashoko omurindi okuwedzera achiti: “Mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo. Kutonga uku kwakauya nechirevo chavarindi, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro-soro Unobata Ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda, nokugadza pahuri vaduku pakati pavanhu.” (Dhanieri 4:16, 17) Hunde yemidzi yomuti haina mwoyo womunhu unorova mukati mayo. Nemhaka yechikonzero ichocho, mwoyo wemhuka unogona sei kupiwa hunde yemidzi yomuti? “Nguva nomwe” chii? Uye izvi zvose zvinowirirana papi nokutonga kwe“ushe pakati pavanhu”? Zvechokwadi Nebhukadhinezari aida kuziva.

MASHOKO ASINA KUNAKA KUNA MAMBO

10. (a) Tichitaura nezveMagwaro, miti inogona kufananidzirei? (b) Chii chinomirirwa nomuti mukuru?

10 Paakanzwa hope dzacho, Dhanieri akambopererwa kwechinguva, akazotya. Akurudzirwa naNebhukadhinezari kuti adzitsanangure, muprofita wacho akati: “Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu. Muti wamakaona, iwo wakakura ukasimba, . . . ndiyemi mambo; imi makakura, mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, hunosvikira kudenga, uye ushe hwenyu hunosvikira kumugumo wenyika.” (Dhanieri 4:18-22) MuMagwaro, miti inogona kufananidzira munhu pachake, vatongi, neumambo. (Pisarema 1:3; Jeremia 17:7, 8; Ezekieri, chitsauko 31) Kufanana nomuti mukuru womuhope dzake, Nebhukadhinezari akanga “akura [a]kasimba” somutungamiriri wesimba renyika yose. Asi “ushe . . . hunosvikira kumugumo wenyika,” uye hunobatanidza umambo hwose hwevanhu, hunomirirwa nomuti mukuru. Naizvozvo unofananidzira uchangamire hwaJehovha hwenyika yose, kunyanya mukubata kwahwo nepasi rino.—Dhanieri 4:17.

11. Hope dzamambo dzakaratidza sei kuti kuchinja kunonyadzisa kwaizoitika kwaari?

11 Kuchinja kunonyadzisa kwaizoitika kuna Nebhukadhinezari. Achitaura nezvechiitiko ichi, Dhanieri akawedzera kuti: “Zvino mambo zvaakaona murindi, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, wakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwe chete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo; uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ndicho chirevo choWokumusorosoro, chichauya pamusoro pashe wangu mambo.” (Dhanieri 4:23, 24) Zvechokwadi paidikanwa ushingi kuudza mambo ane simba shoko iroro!

12. Chii chaizoitika kuna Nebhukadhinezari?

12 Chii chaizoitika kuna Nebhukadhinezari? Fungidzira kuti akaita sei sezvo Dhanieri akawedzera kuti: “Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusorosoro unobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.” (Dhanieri 4:25) Sezviri pachena kunyange makurukota aNebhukadhinezari aizo‘mudzinga pakati pevanhu.’ Asi aizotarisirwa nevatarisiri vezvipfuwo kana kuti vafudzi vemakwai vane tsitsi here? Kwete, nokuti Mwari akanga atema kuti Nebhukadhinezari aizogara ne“mhuka dzesango,” achidya uswa.

13. Ko hope dzomuti dzakaratidza kuti chii chaizoitika kunzvimbo yaNebhukadhinezari somutongi wenyika?

13 Sokutemwa kwakaitwa muti, Nebhukadhinezari aizokoromorwa pakutonga nyika—asi kwenguva yakati bedzi. Dhanieri akatsanangura kuti: “Uye zvavakarayira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ushe hwenyu huchakumutsirwaizve, kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe.” (Dhanieri 4:26) Muhope dzaNebhukadhinezari hunde yemidzi, kana kuti chigutsa, chomuti wakatemwa chakabvumirwa kuramba chiripo, kunyange zvazvo chakasungwa kuti chisakure. Saizvozvowo, “hunde yemidzi” yamambo weBhabhironi yaizoramba iripo, kunyange zvazvo yaizosungwa kuti isakure kwe“nguva nomwe.” Nzvimbo yake somutongi wenyika yose yaizoita sechigutsa chomuti chakasungwa. Chaizochengetedzwa kusvikira nguva nomwe dzapera. Jehovha aizova nechokwadi chokuti munguva iyoyo hapana munhu aizotsiva Nebhukadhinezari somutongi mumwe chete weBhabhironi, kunyange zvazvo mwanakomana wake ainzi Evhiri-merodhaki angave akamupfuuridzira somutongi akafanobata chigaro.

14. Dhanieri akakurudzira Nebhukadhinezari kuitei?

14 Nemhaka yezvakanga zvafanotaurwa pamusoro paNebhukadhinezari, Dhanieri noushingi akakurudzira kuti: “Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa.” (Dhanieri 4:27) Kudai Nebhukadhinezari aizotendeuka panzira yake yechivi yokudzvinyirira nokudada, zvichida izvi zvaizomuchinjira zvinhu. Pamusoro pazvo, mazana maviri emakore akanga apfuura, Jehovha akanga ambosarudza kuparadza guta guru reAsiria, Ninevhe, asi haana kuzodaro nokuti mambo waro nevanhu vake vakapfidza. (Jona 3:4, 10; Ruka 11:32) Zvakadini naNebhukadhinezari aidada? Aizochinja nzira yake here?

KUZADZIKA KWOKUTANGA KWEHOPE DZACHO

15. (a) Nebhukadhinezari akaramba achiratidza muitiroi? (b) Zvinyorwa zvinoratidzei pamusoro pemabasa aNebhukadhinezari?

15 Nebhukadhinezari akaramba achidada. Achifamba-famba pamusoro pedenga reimba yake mwedzi 12 pashure pehope dzake dzomuti, akazvikudza achiti: “Ko iri harizi Bhabhironi, guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve ugaro hwamadzimambo, here?” (Dhanieri 4:28-30) Nimirodhi akanga avaka Bhabhironi (Bhabheri), asi Nebhukadhinezari akaripa mbiri. (Genesi 10:8-10) Mune zvimwe zvezvaakanyora nechicuneiform, anozvikudza achiti: “Nebhukadhinezari, Mambo weBhabhironi, akavakazve Esagila neEzida, ndini mwanakomana waNabopolassar. . . . Nzvimbo dzokudzivirira dzeEsagila neBhabhironi ndakasimbisa ndikatsigisa zita rokutonga kwangu nekusingaperi.” (Archaeology and the Bible, rakanyorwa naGeorge A. Barton, 1949, mapeji 478-9) Chimwe chinyorwa chinotaura nezvetemberi dzinenge 20 dzaakagadziridza kana kuti kuvakazve. “Mukutonga kwaNebhukadhinezari,” inodaro The World Book Encyclopedia, “Bhabhironi rakava rimwe remaguta akakwirira zvikurusa enyika yekare. Muzvinyorwa zvake pachake, aisawanzotaura nezvemabasa ake ehondo, asi akanyora nezvemabasa ake okuvaka uye zvaaiitira vanamwari veBhabhironi. Nebhukadhinezari zvichida akavaka Mapindu Airembera eBhabhironi, chimwe cheZvishamiso Zvinomwe zveNyika Yekare.”

16. Nebhukadhinezari akanga ava kuda kunyadziswa sei?

16 Kunyange zvazvo aizvikudza, Nebhukadhinezari aizviidza makonya akanga ava pedyo nokunyadziswa. Nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kudenga, richiti: Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ushe hwabva kwauri. Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusorosoro Unobata Ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.”—Dhanieri 4:31, 32.

17. Chii chakaitika kuna Nebhukadhinezari aidada, uye akaerekana ave mumamiriro ezvinhu orudzii?

17 Nebhukadhinezari akatanga kupenga pakarepo. Adzingwa pakati pavanhu, aidya uswa “senzombe.” Ari kunze pakati pemhuka dzesango, zvechokwadi akanga asingagari muuswa hwakaita separadhiso, achingonakirwa zvake nemhepo yaifefetera mazuva ose. MuIraq yamazuva ano, uko kune matongo eBhabhironi, tembiricha inochinja-chinja kubva pa50°C mumwedzi yechirimo kusvika pakuva nemazaya echando munguva yechando. Asina anotarisira ari kunze kwakadaro, bvudzi refu raNebhukadhinezari, rakamonyana raiita seminhenga yegondo uye nzara dzake dzeminwe nedzezvigunwe dzisingachekwi dzakanga dzakaita sedzeshiri. (Dhanieri 4:33) Kunyadziswa kwakadini kwomutongi wenyika aidada uyu!

18. Mukati menguva nomwe, chii chakaitika kuchigaro cheBhabhironi?

18 Muhope dzaNebhukadhinezari, muti mukuru wakatemwa uye chigutsa chawo chakasungwa kuti chisakure chichienda mudenga kwenguva nomwe. Saizvozvowo, Nebhukadhinezari “wakabviswa pachigaro chake choushe” apo Jehovha akamurova noupengo. (Dhanieri 5:20) Chokwadi, izvi zvakachinja mwoyo wamambo kubva kune wemunhu kuenda kune wenzombe. Asi, Mwari akachengetera Nebhukadhinezari chigaro chake kusvika nguva nomwe dzapera. Evhiri-merodhaki zvichida ndiye akanga achibatira somutungamiriri wehurumende kwenguva duku, Dhanieri akabatira se“mubati wenyika yose yeBhabhironi.” Shamwari dzake nhatu dzechiHebheru dzakaramba dzichitungamirirawo pamwe naye nyika yacho iyoyo. (Dhanieri 1:11-19; 2:48, 49; 3:30) Nhapwa ina idzi dzakamirira kudzorerwa kwaNebhukadhinezari pachigaro samambo ane pfungwa dzinotora zvakanaka akanga adzidza kuti “Wokumusorosoro unobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.”

KUDZORERWA KWANEBHUKADHINEZARI

19. Pashure pokunge Jehovha aita kuti pfungwa dzaNebhukadhinezari dzitore zvakanaka, uyu mambo weBhabhironi akasvika pakuziva chii?

19 Jehovha akaita kuti pfungwa dzaNebhukadhinezari dzitore zvakanaka pakapera nguva nomwe. Zvino achibvuma kuti kuna Mwari Wokumusorosoro, mambo wacho akati: “Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikaonga Wokumusorosoro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hahuperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi nemarudzi; vose vagere panyika vakaita savasina maturo; iye unoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna ungadzora ruoko rwake, kana ungati kwaari: Unoiteiko?” (Dhanieri 4:34, 35) Hungu, Nebhukadhinezari akasvika pakuziva kuti Wokumusorosoro zvechokwadi ndiye Changamire Mutongi muumambo hwavanhu.

20, 21. (a) Kubviswa kwezvisungo zvesimba pahunde yemidzi yomuti womuhope kwakafanana pakudii nezvakaitika kuna Nebhukadhinezari? (b) Nebhukadhinezari akabvumei, uye izvi zvakamuita kuti anamate Jehovha here?

20 Apo Nebhukadhinezari akadzokera pachigaro chake, zvakaita sokunge kuti zvisungo zvesimbi zvakanga zvakapoteredza hunde yemidzi yemuti womuhope zvakanga zvabviswa. Pamusoro pokudzorerwa kwake, akati: “Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukandiwedzerwa.” (Dhanieri 4:36) Kana pane makurukota akanga azvidza mambo uyu aipenga, zvino akanga ava “kumushanyirazve” nokuteereresa kukuru.

21 “Zviratidzo nezvishamiso” zvakadini izvo Mwari Wokumusorosoro akanga aita! Hazvifaniri kutishamisa kuti mambo weBhabhironi akadzorerwa akati: “Zvino ini Nebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeazvokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuderedza vanofamba vachizvikudza.” (Dhanieri 4:2, 37) Kubvuma kwakadaro, zvisinei, hakuna kuita Nebhukadhinezari aiva munhu weVemamwe Marudzi, munamati waJehovha.

PANE UCHAPUPU HWEMUNYIKA HERE?

22. Vamwe vakati kupenga kwaNebhukadhinezari chaiva chirwere chipi, asi chii chatinofanira kuziva pamusoro pokupenga kwake?

22 Vamwe vakati kupenga kwaNebhukadhinezari kunonzi lycanthropy. Rimwe duramashoko rezvekurapa rinoti: “LYCANTHROPY . . . rinobva muna [lyʹkos], lupus, mhumhi; [anʹthro·pos], homo, munhu. Zita iri rakapiwa kuchirwere chevanhu vanofunga kuti ivo vakachinjwa kuva mhuka, uye vanoedzesera kurira kana kuti kuchema, chimiro kana kuti muitiro wemhuka iyoyo. Vanhu ava kazhinji vanozvifungidzira vachinjwa kuita mhumhi, imbwa kana kuti katsi; dzimwe nguva vave nzombe, sezvakaitika kuna Nebhukadhinezari.” (Dictionnaire des sciences médicales, par une société de médicins et de chirurgiens, Paris, 1818, Volume 29, peji 246) Zviratidzo zvelycanthropy zvakafanana neizvo zvaNebhukadhinezari aipenga. Sezvo kupenga kwake kwakanga kwaparirwa naMwari, saka, hakugoni kunzi ndechimwe chirwere chinozivikanwa.

23. Uchapupu hupi hwomunyika huripo hwokupenga kwaNebhukadhinezari?

23 Imwe nyanzvi John E. Goldingay anotaura nezvezvakawanda zvakafanana pakupenga kwaNebhukadhinezari nokudzorerwa. Somuenzaniso anotaura kuti: “Rugwaro rwecuneiform sezviri pachena runotaura nezvekukanganisika pfungwa kwaNebhukadhinezari, uye zvichida kukuregeredza kwake nokusiya Bhabhironi.” Goldingay anotaura nezverugwaro runonzi “The Babylonian Job” uye anotaura kuti zvi“nopupurira kukurangwa naMwari, kurwara, kunyadziswa, kutsvaka kududzirwa hope dzinotyisa, kukandwa somuti, kuendeswa kunogara kunze, kudya uswa, kupenga, kuita senzombe, kudzorwa naMarduk, nzara dzakasviba, bvudzi rakakura, uye kusungwa, uyewo kudzorerwa uko kunomuita kuti arumbidze mwari.”

NGUVA NOMWE DZINOTIBATANIDZA

24. (a) Muti mukuru womuhope unofananidzirei? (b) Chii chakamiswa kwenguva nomwe, uye izvozvi zvakaitika sei?

24 Sezvinomirirwa nomuti mukuru, Nebhukadhinezari aifananidzira ushe hwenyika yose. Asi yeuka, muti unomirira ushe neuchangamire hwakakura kwazvo kupfuura uhwo hwamambo weBhabhironi. Hunofananidzira kuva changamire wechisiko chose kwaJehovha, “Mambo wokudenga,” zvikurukuru pasi pano. Jerusarema risati raparadzwa nevaBhabhironi, umambo hwaiva nomuzinda muguta iroro huna Dhavhidhi nevaizomugara nhaka vagere pa“chigaro . . . chaJehovha” chaimirirwa nouchangamire hwaMwari hwapasi. (1 Makoronike 29:23) Mwari pachake akaita kuti uchangamire hwakadaro hutemwe ndokusungwa muna 607 B.C.E. apo akashandisa Nebhukadhinezari kuparadza Jerusarema. Kushandiswa kwouchangamire hwaMwari pasi pano noumambo hwomudzinza raDhavhidhi kwakamiswa kwenguva nomwe. Nguva nomwe idzi dzaiva dzakareba sei? Dzakatanga rini, uye chii chakaratidza kuguma kwadzo?

25, 26. (a) Kuna Nebhukadhinezari “nguva nomwe” dzakanga dzakareba zvakadini, uye nei uchipindura kudaro? (b) Mukuzadzika kukuru, “nguva nomwe” dzakatanga rini uye sei?

25 Paipenga Nebhukadhinezari, “bvudzi rake ra[ka]reba seminhenga yegondo, nenzara dzake dza[ka]fanana nedzeshiri.” (Dhanieri 4:33) Izvi zvakatora nguva yakareba kupfuura mazuva manomwe kana kuti vhiki nomwe. Shanduro dzakasiyana-siyana dzinoti “nguva nomwe,” uye dzimwe “nguva dzakagadzwa (chaidzoidzo)” kana kuti “nhambo yenguva.” (Dhanieri 4:16, 23, 25, 32) Rimwe (Septuagint) rechiGiriki Rekare rinoti “makore manomwe.” “Nguva nomwe” dzaionekwa se“makore manomwe” nemunyori wenhau wechiJudha wemuzana rokutanga remakore Josephus. (Antiquities of the Jews, Book 10, Chitsauko 10, ndima 6) Uye dzimwe nyanzvi dzechiHebheru dzakaona “nguva” idzi se“makore.” “Makore manomwe” ndiko kushandura kuri muAn American Translation, Today’s English Version, neshanduro yakaitwa naJames Moffatt.

26 Sezviri pachena, “nguva nomwe” dzaNebhukadhinezari dzaibatanidza makore manomwe. Muuprofita, gore rine mazuva 360 paavhareji, kana kuti mwedzi 12 ine mazuva 30 mumwe nomumwe. (Enzanisa naZvakazarurwa 12:6, 14.) Naizvozvo “nguva nomwe,” dzamambo kana kuti makore manomwe, dzakanga dziri mazuva 360 kutaimuza na7, kana kuti mazuva 2 520. Asi zvakadini nokuzadzika kukuru kwehope dzake? “Nguva nomwe” dzouprofita dzakanga dzakareba zvikuru kupfuura mazuva 2 520. Izvi zvakaratidzwa nemashoko aJesu okuti: “Jerusarema richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.” (Ruka 21:24) ‘Kutsikwa’ ikoko kwakatanga muna 607 B.C.E. apo Jerusarema rakaparadzwa uye umambo hwaMwari hwokufananidzira hwakamira kushanda munyika yeJudha. Kutsikwa kwacho kwaizoguma rini? Panguva dzo“kugadzirwa kwezvinhu zvose,” apo uchangamire hwaMwari hwaizoratidzwa zvakare pasi pano nomuJerusarema rokufananidzira, Umambo hwaMwari.—Mabasa 3:21.

27. Nei ungati “nguva nomwe” dzakatanga muna 607 B.C.E. hadzina kuguma namazuva 2 520 chaiwoiwo gare gare?

27 Kudai taizoverenga mazuva chaiwoiwo 2 520 kubva pakuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E. izvozvo zvaingozotisvitsa muna 600 B.C.E., gore risina chimwe chinhu cheMagwaro chinokosha. Kunyange muna 537 B.C.E., apo vaJudha vakanga vasunungurwa vakadzokera munyika yeJudha, uchangamire hwaJehovha hauna kuratidzwa pasi pano. Zvakadaro nemhaka yokuti Zerubhabheri, mugari wenhaka yechigaro chaDhavhidhi, haana kuitwa mambo asi gavhuna chete weruwa rwePersia rwenyika yeJudha.

28. (a) Mutemo upi unofanira kushandiswa pamazuva 2 520 e“nguva nomwe” dzouprofita? (b) “Nguva nomwe” dzouprofita dzaive dzakareba zvakadini, uye misi ipi inoratidza padzinotangira nepadzinogumira?

28 Sezvo “nguva nomwe” dziri dzouprofita, tinofanira kushandisira mazuva 2 520 murayiro weMagwaro wokuti: “Zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.” Murayiro uyu wakanyorwa muuprofita pamusoro pokukombwa kweJerusarema neBhabhironi. (Ezekieri 4:6, 7; enzanisa naNumeri 14:34.) “Nguva nomwe” dzokutongwa kwepasi nesimba reMamwe Marudzi pasina kupindira kweUmambo hwaMwari naizvozvo dzakatora makore 2 520. Dzakatanga nokuparadzwa kwenyika yeJudha neJerusarema mumwedzi wechinomwe wemwedzi wokudenga (Tishri 15) wa607 B.C.E. (2 Madzimambo 25:8, 9, 25, 26) Kubva ipapo kusvika pana 1 B.C.E. makore 606. Makore 1 914 asara anobvira ipapo achisvika muna 1914. Saka, “nguva nomwe,” kana kuti makore 2 520, akaguma pakasvika Tishri 15, kana kuti 4/5 October, 1914 C.E.

29. Mu“duku pakati pavanhu” ndiani, uye Jehovha akaitei kuti amugadze?

29 Mugore iroro “nguva [dzakagadzwa] dzavahedheni” dzakazadzika, uye Mwari akapa ushe kumu“duku pakati pavanhu.”—Jesu Kristu—uyo akanga aonekwa seanozvidzika zvikuru nevavengi vake zvokuti vakatomurovera padanda. (Dhanieri 4:17) Kuti agadze Mambo Mesiya pachigaro, Jehovha akasunungura zvisungo zvokufananidzira zvedare nendarira zvakanga zvakapoteredza “hunde yemidzi” youchangamire hwake pachake. Mwari Wokumusorosoro saka akabvumira “kubukira” kwoumambo kukura pachiri sokuratidzwa kwouchangamire hwake pasi pano achishandisa Umambo hwokudenga huri mumaoko eMugari Wenhaka waDhavhidhi mukurusa, Jesu Kristu. (Isaya 11:1, 2; Jobho 14:7-9; Ezekieri 21:27) Tinoonga Jehovha sei nokuitika kwezvinhu zvinofadza kudai uye kuwadzanyurwa kwechakavanzika chemuti mukuru!

WANZWISISEI?

• Muti mukuru wehope dzaNebhukadhinezari waifananidzirei?

• Chii chakaitika kuna Nebhukadhinezari pakuzadzika kwokutanga kwehope dzake dzomuti?

• Pashure pokuzadzika kwehope dzake, Nebhukadhinezari akabvumei?

• Mukuzadzika kukuru kwehope dzomuti dzouprofita, “nguva nomwe” dzaive dzakareba zvakadini, uye dzakavamba nokuguma rini?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 83]

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 91]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe