RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 60 p. 144-p. 145 ndim. 2
  • Umambo Husingazomboparadzwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo Husingazomboparadzwi
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Kumuka Nokuwa kweChifananidzo Chikuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Umambo Hwakaita Semuti Muhombe
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuwadzanyura Chakavanzika Chomuti Mukuru
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 60 p. 144-p. 145 ndim. 2
Mambo Nebhukadhinezari ari kurota chifananidzo chakakura chiri kupwanywa nedombo

CHIDZIDZO 60

Umambo Husingazomboparadzwi

Rimwe zuva, Mambo Nebhukadhinezari akarota hope dzainetsa kunzwisisa. Dzakamunetsa chaizvo zvekuti akatadza kurara. Akashevedza vanhu vake vaiita zvemashiripiti akati kwavari: ‘Nditsanangurirei zvandarota.’ Vakabva vati: ‘Tiudzei zvamarota zvacho, haiwa mambo.’ Asi Nebhukadhinezari akati: ‘Aiwa! Ndiudzei imimi zvandarota, mukasandiudza ndinokuurayai.’ Vakabva vataurazve kuti: ‘Tiudzei zvamarota, tobva takutsanangurirai zvazvinoreva.’ Iye akati: ‘Mese muri kuda kundinyengera. Ndati taurai hope dzandarota!’ Vakaudza mambo kuti: ‘Hakuna munhu anokwanisa kuita izvozvo. Zvamuri kuda kuti tiite hazviiti.’

Nebhukadhinezari akagumbuka chaizvo zvekuti akarayira kuti varume vese vakachenjera vaiva munyika yacho vaurayiwe. Izvi zvaibatanidza Dhanieri, Shadreki, Misheki naAbhedhinego. Dhanieri akakumbira mambo kuti amupe nguva. Iye neshamwari dzake vakabva vanyengetera kuna Jehovha vachikumbira kuti avabatsire. Jehovha akaitei?

Jehovha akaratidza Dhanieri hope dzakanga dzarotwa naNebhukadhinezari uye akamuratidza zvadzaireva. Zuva rakatevera racho, Dhanieri akaenda kumushandi wamambo achibva ati: ‘Musauraya henyu varume vakachenjera. Ndinogona kutsanangura hope dzamambo.’ Mushandi wacho akaenda naDhanieri kuna Nebhukadhinezari. Dhanieri akati kuna mambo: ‘Mwari aita kuti muzive zvichazoitika. Zvamakarota ndeizvi: Makaona chifananidzo chakakura chakanga chiine musoro wegoridhe, chipfuva uye maoko zvesirivha, dumbu nezvidya zvemhangura, makumbo esimbi uye tsoka dzesimbi yakasangana nevhu. Pakabva pacherwa dombo kubva mugomo uye rakanorova tsoka dzechifananidzo chacho. Chifananidzo chacho chakapwanywa chikakuyiwa kuita upfu, ndokupeperetswa nemhepo. Dombo racho rakabva rakura kuita gomo guru, uye rakazadza nyika yese.’

Dhanieri akabva ati: ‘Izvi ndizvo zvinorehwa nehope dzenyu: Umambo hwenyu ndihwo musoro wegoridhe. Sirivha inomiririra umambo huchatonga pashure penyu. Pachazova nehumwe hwakaita semhangura, uhwo huchatonga nyika yese. Umambo huchazotevera huchange hwakasimba sesimbi. Pakupedzisira pachazouya umambo hwakakamukana, hunenge hwakati pamwe hwakasimba sesimbi uye pamwe husina kusimba sevhu. Dombo richazova gomo, rinomiririra Umambo hwaMwari. Huchapwanya humwe umambo hwese uhwu uye ihwo hucharamba huripo nekusingaperi.’

Nebhukadhinezari akapfugama pamberi paDhanieri chiso chake chakatarisa pasi. Akabva ati: ‘Mwari wako akuratidza hope idzi. Hakuna Mwari akafanana naye.’ Nebhukadhinezari haana kuuraya Dhanieri, asi akatoita kuti ave mukuru wevarume vese vakachenjera uye kuti ave mutongi muBhabhironi. Waona here kuti Jehovha akapindura sei munyengetero waDhanieri?

“Kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.”—Zvakazarurwa 16:16

Mibvunzo: Nei Dhanieri akakwanisa kutsanangura hope dzaNebhukadhinezari? Hope dzacho dzairevei?

Dhanieri 2:1-49

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe