RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 27
  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Urongwa Hutsva hweMaraibhurari eImba yoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Nzira Yokuronga Nayo Raibhurari Youbati Ushe hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ashandise Pane Kuachengeta
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 27

CHIDZIDZO 27

Tingabatsirwa Sei neRaibhurari yepaImba yeUmambo?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Israel

[Mufananidzo uri papeji 30]

Czech Republic

[Mufananidzo uri papeji 30]

Benin

[Mufananidzo uri papeji 30]

Cayman Islands

Ungada kuwedzera ruzivo rwako rweBhaibheri here? Unoda here kuwedzera ruzivo rwako nezvemumwe munhu, rugwaro, nzvimbo kana chimwe chinhu chinotaurwa muBhaibheri? Kana kuti wakambofunga kuti Shoko raMwari ringakubatsira here pane imwe nyaya iri kukunetsa? Kana zvakadaro enda unotsvaga mashoko muraibhurari yepaImba yeUmambo.

Unowana zvinhu zvinokubatsira pakutsvakurudza. Zvichida pamabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha mumutauro wako pane mamwe ausina. Asi muraibhurari yepaImba yeUmambo munenge muine mabhuku akawanda achangobva kubudiswa. Munogona kunge muinewo maBhaibheri akasiyana-siyana, duramazwi rakanaka, nezvimwewo zvinyorwa zvinobatsira. Unogona kushandisa raibhurari yacho misangano isati yatanga kana kuti yapera. Kana muraibhurari yacho muine kombiyuta, inogona kunge yakaiswa Raibhurari yeWatchtower. Iyi ipurogiramu yepakombiyuta ine zvinyorwa zvedu zvakawanda uye iri nyore kushandisa kana uine nyaya, shoko kana kuti rugwaro rwauri kuda kutsvaga.

Inobatsira vadzidzi vakanyoresa paMusangano weUshumiri Uye Kurarama. Unogona kushandisa raibhurari yepaImba yeUmambo paunenge uchigadzirira hurukuro dzako. Mutariri weMusangano weUshumiri Uye Kurarama ndiye anoona nezveraibhurari yacho. Ndiye ane basa rekuona kuti zvinyorwa zvitsva zvirimo here uye kuti zvakarongedzwa zvakanaka. Mutariri wacho kana kuti munhu anokudzidzisa Bhaibheri anogona kukuratidza kuti ungawana sei mashoko auri kutsvaga. Asi hapana mabhuku anofanira kubudiswa muImba yeUmambo. Tinoda kubata mabhuku iwayo zvakanaka uye hatifaniri kuasvibisa kana kuanyora-nyora.

Bhaibheri rinotiudza kuti kana tichida ‘kuwana ruzivo pamusoro paMwari’ tinofanira kurutsvaga “sepfuma yakavanzwa.” (Zvirevo 2:1-5) Raibhurari yepaImba yeUmambo inogona kukubatsira kuti utange kutsvaga ruzivo rwacho.

  • Ndezvipi zvinobatsira pakutsvakurudza zviri muraibhurari yepaImba yeUmambo?

  • Ndiani angakubatsira kuti ugone kushandisa raibhurari yacho?

DZIDZA ZVIMWE

Kana uchida kuvawo neraibhurari yako, ona kuti ndezvipi zvaungawana pakaunda yemabhuku. Anokudzidzisa Bhaibheri anogona kukubatsira kuona kuti ndeapi mabhuku aungatanga kutora.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe