Kugadzirira Hurukuro Dzavose
VHIKI nevhiki, ungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha dzinoronga hurukuro yavose yenhau inobva muMagwaro. Kana uri mukuru kana mushumiri anoshumira, unopa uchapupu hwokuti uri mukurukuri anobudirira here, mudzidzisi? Kana zvakadaro, ungakumbirwa kuti uzopa hurukuro yavose. Chikoro chaMwari Choushumiri chakabatsira makumi ezviuru zvehama kusvika pakukwanisa kuwana iyi ropafadzo yebasa. Kana wapiwa hurukuro yavose, unofanira kutangira papi?
Dzidza Pepa Rehurukuro
Usati wambotanga kutsvakurudza mashoko, verenga pepa rehurukuro, wofungisisa nezvaro kusvikira wave kuinzwisisa. Isa mupfungwa dingindira, unova ndiwo musoro wehurukuro yacho. Chii chauchadzidzisa vateereri vako? Chinangwa chako ndechei?
Jairana nemisoro mikuru. Ongorora pfungwa huru idzodzo. Imwe neimwe inopindirana sei nomusoro mukuru? Pasi pepfungwa huru imwe neimwe, pane dzimwe pfungwa dzinoverengeka dzakarongwa. Mashoko anodzitsigira akarongwa pasi padzo. Funga kuti chikamu chimwe nechimwe chiri papepa rehurukuro chinobatana sei nechikamu chapfuura, chinotungamirira sei kune chinotevera, uye chinobatsira sei kuitwa kwechinangwa chehurukuro. Kana wangonzwisisa musoro mukuru chete, chinangwa chehurukuro, uye kuti pfungwa huru dzinobatsira sei kuitwa kwechinangwa chehurukuro, ipapo wave pachinhanho chokutanga kugadzirira hurukuro.
Kutanga ungazviona zvichibatsira, kufunga nezvehurukuro yako sehurukuro pfupi ina kana kuti shanu, imwe neimwe ine pfungwa huru. Gadzirira idzodzi imwe panguva.
Pepa rehurukuro raunopiwa chinhu chokushandisa pakugadzirira. Harina kugadzirirwa kuti rive pokutora mashoko paunenge uchikurukura. Rakafanana nemapfupa anomisa muviri. Unofanira kuita souri kuisa nyama pariri, woripa mwoyo, worifemera upenyu.
Kushandisa Magwaro
Jesu Kristu nevadzidzi vake vakavakira kudzidzisa kwavo paMagwaro. (Ruka 4:16-21; 24:27; Mab. 17:2, 3) Ungadarowo. Magwaro ndiwo anofanira kuva musimboti wehurukuro yako. Pane kungotsanangura nokushandisa mashoko ari papepa rehurukuro rawakapiwa, nzwisisa kuti mashoko iwayo anotsigirwa sei neMagwaro, zvadaro wodzidzisa uchishandisa Magwaro.
Sezvaunogadzirira hurukuro yako, ongorora ndima yeBhaibheri imwe neimwe iri papepa rehurukuro. Ongorora payashandiswa. Mamwe magwaro anongopa mashoko anobatsira ezvakaitika. Haasi ose anofanira kuverengwa kana kutaurwa nezvawo pakukurukura kwako. Sarudza ayo akanakira vateereri vako chaizvo. Kana ukaomerera pamagwaro akaiswa mupepa rehurukuro rakadhindwa, zvimwe haungazofaniri hako kushandisa Magwaro okuwedzera.
Kubudirira kwehurukuro yako hakunei nouwandu hwemagwaro ashandiswa, asi nokunaka kwokudzidzisa kwacho. Pakusuma magwaro, ratidza kuti nei ari kushandiswa. Wana nguva yokuratidza kuti anoshanda sei. Waverenga rugwaro, ramba wakazarura Bhaibheri rako sezvaunokurukura rugwaro rwacho. Sezvingabvira vateereri vako vachadarowo. Ungaita sei kuti vateereri vako vafarire ndokuvayamura kunyatsobatsirwa neShoko raMwari? (Neh. 8:8, 12) Ungadaro nokutsanangura, kufananidzira, uye kuratidza mashandiro acho.
Kutsanangura. Paunogadzirira kutsanangura rugwaro runokosha, zvibvunze kuti: ‘Runorevei? Ndiri kurushandisirei muhurukuro yangu? Vari kuteerera vangave vachizvibvunza chii nezvendima iyi? Ungada kuongorora zviri kutaurwa parwakanyorwa, zvakanga zvaitika, nzvimbo yacho, simba remashoko acho, uye chinangwa chomunyori akafuridzirwa. Izvi zvinoda kutsvakurudza. Uchawana mashoko anokosha akawanda mumabhuku anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Usaedze kutsanangura zvose nezvendima yacho, asi tsanangura kuti waitirei kuti vateereri vako vaiverenge maererano nepfungwa iri kukurukurwa.
Kufananidzira. Chinangwa chokufananidzira ndechokuisa vateereri vako padanho rakadzama rokunzwisisa kana kuti kuvabatsira kuyeuka pfungwa yakati kana kuti chidzidzo chawakurukura. Mifananidzo inobatsira vanhu kunzwisisa zvawavaudza vozvienzanisira nechimwe chinhu chavanotoziva. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu paakapa Mharidzo Yepagomo yakakurumbira. “Shiri dzokudenga,” “maruva omusango,” “suo rakatetepa,” ‘imba iri paruware,’ nemamwe mashoko akawanda akafanana neaya akaita kuti kudzidzisa kwake kuve nesimba, kwakajeka, uye kusingakanganwiki.—Mat., zvitsa. 5–7.
Kushandisa. Kutsanangura nokufananidzira rugwaro kuchapa zivo, asi kushandisa zivo iyoyo ndiko kune zvibereko. Chokwadi, mutoro weavo vari kuteerera kuita chimwe chinhu pashoko reBhaibheri, asi unogona kuvabatsira kunzwisisa zvinofanira kuitwa. Kana wangova nechivimbo chokuti vateereri vako vanonzwisisa ndima iri kukurukurwa uye vanoona kushanda kwayo pane pfungwa iri kutaurwa, wana nguva yokuvaratidza kukosha kwayo pane zvinotendwa uye tsika. Simbisa kubatsira kunoita kusiya pfungwa dzakaipa kana kuti tsika dzisingapindirani nechokwadi chiri kukurukurwa.
Sezvaunofunga mashandisirwo emagwaro, yeuka kuti vateereri vako vanobva kwakasiyana-siyana uye vanotarisana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Pangave nevachangotanga kufarira, pwere, vakura, nevaya vari kutambura nezvinetso zvakasiyana-siyana. Hurukuro yako ngaive inoshanda uye yezvinhu zvomuupenyu chaizvo. Usape zano rinoita sokuti uri kufunga nezvevanhu vashomanana chete.
Zvinosarudzwa Nomukurukuri
Zvimwe zvokusarudza maererano nehurukuro yako wakatozviitirwa. Pfungwa huru dzakaratidzwa zvakajeka, uye nguva yaunofanira kupedzera pakukurukura musoro mukuru mumwe nomumwe yakatoratidzwa zvakajeka. Zvimwe zvinhu unofanira kuzvisarudzira. Ungasarudza kupedza nguva yakawanda pane tumwe tumisoro uye shoma pane tumwe. Usafunga kuti unofanira kutaura chero kamusoro kose zvakafanana notumwe. Izvozvo zvingaita kuti ukurumidzise pakutaura wobva wavhiringidza vateereri vako. Ungasarudza sei zvokukurukura zvizere nezvokungotaura zvishomanana chete, kana kuti uchingopfuura? Zvibvunze kuti: ‘Ipfungwa dzipi dzichandibatsira kubudisa pfungwa huru yehurukuro yose? Ndedzipi dzine mukana wokubatsira zvikuru vateereri vangu? Kusiya rumwe rugwaro rwakaratidzwa nedzimwe pfungwa dzakada kufanana kungaita kuti marongerwe ouchapupu huri kupiwa asanyatsobuda here?’
Usamboisa pfungwa dzokufungidzira kana kuti dzokuzvifungira. Kunyange Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, haana kumbotaura ‘zvake oga.’ (Joh. 14:10) Nzwisisa kuti chinoita kuti vanhu vauye kumisangano yeZvapupu zvaJehovha kuzonzwa Bhaibheri richikurukurwa. Kana wakasvika pakunzi uri mukurukuri akanaka, zvimwe pamusana pokuti itsika yako kuonesa zvinotaura Shoko raMwari, kwete zvako woga. Hurukuro dzako dzinoongwa pamusana peizvi.—VaF. 1:10, 11.
Wapedza kugadzira pepa rehurukuro kuva tsananguro yeMagwaro ine zvakawanda, unofanira zvino kukurukura hurukuro yako uri woga. Zvinobatsira kudaro uchitaura zvinonzwika. Chinhu chinokosha ndechokuva nemashoko makuru ose mupfungwa dzako. Kurukura nomwoyo wose, mashoko acho ngaave noupenyu, uye chokwadi ngachikurukurwe uchiratidza kuva nechido. Usati wakurukura hurukuro yako, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kutarisira kubatsira pachii? Pfungwa huru dziri pachena here? Chaizvoizvo ndaita kuti Magwaro ave musimboti wehurukuro yangu here? Pfungwa huru imwe neimwe inotungamirira kune inotevera nyore-nyore here? Hurukuro yacho inoita kuti vanhu vaonge Jehovha uye zvaanotipa here? Kuguma kwayo kwakabatana zvakanaka nomusoro wacho, uye inoratidza vateereri zvokuita uye yovakurudzira kuzviita here?’ Kana uchigona kupindura kuti hungu kumibvunzo iyi, ipapo uri muchinzvimbo choku‘ita zvakanaka noruzivo,’ kuti ungano ibatsirwe uye kuti Jehovha arumbidzwe!—Zvir. 15:2.