RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be p. 52-p. 54 ndim. 4
  • Kugadzirira Hurukuro Dzavose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugadzirira Hurukuro Dzavose
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidza Pepa Rehurukuro
  • Kushandisa Magwaro
  • Zvinosarudzwa Nomukurukuri
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be p. 52-p. 54 ndim. 4

Kugadzirira Hurukuro Dzavose

VHIKI nevhiki, ungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha dzinoronga hurukuro yavose yenhau inobva muMagwaro. Kana uri mukuru kana mushumiri anoshumira, unopa uchapupu hwokuti uri mukurukuri anobudirira here, mudzidzisi? Kana zvakadaro, ungakumbirwa kuti uzopa hurukuro yavose. Chikoro chaMwari Choushumiri chakabatsira makumi ezviuru zvehama kusvika pakukwanisa kuwana iyi ropafadzo yebasa. Kana wapiwa hurukuro yavose, unofanira kutangira papi?

Dzidza Pepa Rehurukuro

Usati wambotanga kutsvakurudza mashoko, verenga pepa rehurukuro, wofungisisa nezvaro kusvikira wave kuinzwisisa. Isa mupfungwa dingindira, unova ndiwo musoro wehurukuro yacho. Chii chauchadzidzisa vateereri vako? Chinangwa chako ndechei?

Jairana nemisoro mikuru. Ongorora pfungwa huru idzodzo. Imwe neimwe inopindirana sei nomusoro mukuru? Pasi pepfungwa huru imwe neimwe, pane dzimwe pfungwa dzinoverengeka dzakarongwa. Mashoko anodzitsigira akarongwa pasi padzo. Funga kuti chikamu chimwe nechimwe chiri papepa rehurukuro chinobatana sei nechikamu chapfuura, chinotungamirira sei kune chinotevera, uye chinobatsira sei kuitwa kwechinangwa chehurukuro. Kana wangonzwisisa musoro mukuru chete, chinangwa chehurukuro, uye kuti pfungwa huru dzinobatsira sei kuitwa kwechinangwa chehurukuro, ipapo wave pachinhanho chokutanga kugadzirira hurukuro.

Kutanga ungazviona zvichibatsira, kufunga nezvehurukuro yako sehurukuro pfupi ina kana kuti shanu, imwe neimwe ine pfungwa huru. Gadzirira idzodzi imwe panguva.

Pepa rehurukuro raunopiwa chinhu chokushandisa pakugadzirira. Harina kugadzirirwa kuti rive pokutora mashoko paunenge uchikurukura. Rakafanana nemapfupa anomisa muviri. Unofanira kuita souri kuisa nyama pariri, woripa mwoyo, worifemera upenyu.

Kushandisa Magwaro

Jesu Kristu nevadzidzi vake vakavakira kudzidzisa kwavo paMagwaro. (Ruka 4:16-21; 24:27; Mab. 17:2, 3) Ungadarowo. Magwaro ndiwo anofanira kuva musimboti wehurukuro yako. Pane kungotsanangura nokushandisa mashoko ari papepa rehurukuro rawakapiwa, nzwisisa kuti mashoko iwayo anotsigirwa sei neMagwaro, zvadaro wodzidzisa uchishandisa Magwaro.

Sezvaunogadzirira hurukuro yako, ongorora ndima yeBhaibheri imwe neimwe iri papepa rehurukuro. Ongorora payashandiswa. Mamwe magwaro anongopa mashoko anobatsira ezvakaitika. Haasi ose anofanira kuverengwa kana kutaurwa nezvawo pakukurukura kwako. Sarudza ayo akanakira vateereri vako chaizvo. Kana ukaomerera pamagwaro akaiswa mupepa rehurukuro rakadhindwa, zvimwe haungazofaniri hako kushandisa Magwaro okuwedzera.

Kubudirira kwehurukuro yako hakunei nouwandu hwemagwaro ashandiswa, asi nokunaka kwokudzidzisa kwacho. Pakusuma magwaro, ratidza kuti nei ari kushandiswa. Wana nguva yokuratidza kuti anoshanda sei. Waverenga rugwaro, ramba wakazarura Bhaibheri rako sezvaunokurukura rugwaro rwacho. Sezvingabvira vateereri vako vachadarowo. Ungaita sei kuti vateereri vako vafarire ndokuvayamura kunyatsobatsirwa neShoko raMwari? (Neh. 8:8, 12) Ungadaro nokutsanangura, kufananidzira, uye kuratidza mashandiro acho.

Kutsanangura. Paunogadzirira kutsanangura rugwaro runokosha, zvibvunze kuti: ‘Runorevei? Ndiri kurushandisirei muhurukuro yangu? Vari kuteerera vangave vachizvibvunza chii nezvendima iyi? Ungada kuongorora zviri kutaurwa parwakanyorwa, zvakanga zvaitika, nzvimbo yacho, simba remashoko acho, uye chinangwa chomunyori akafuridzirwa. Izvi zvinoda kutsvakurudza. Uchawana mashoko anokosha akawanda mumabhuku anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Usaedze kutsanangura zvose nezvendima yacho, asi tsanangura kuti waitirei kuti vateereri vako vaiverenge maererano nepfungwa iri kukurukurwa.

Kufananidzira. Chinangwa chokufananidzira ndechokuisa vateereri vako padanho rakadzama rokunzwisisa kana kuti kuvabatsira kuyeuka pfungwa yakati kana kuti chidzidzo chawakurukura. Mifananidzo inobatsira vanhu kunzwisisa zvawavaudza vozvienzanisira nechimwe chinhu chavanotoziva. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu paakapa Mharidzo Yepagomo yakakurumbira. “Shiri dzokudenga,” “maruva omusango,” “suo rakatetepa,” ‘imba iri paruware,’ nemamwe mashoko akawanda akafanana neaya akaita kuti kudzidzisa kwake kuve nesimba, kwakajeka, uye kusingakanganwiki.—Mat., zvitsa. 5–7.

Kushandisa. Kutsanangura nokufananidzira rugwaro kuchapa zivo, asi kushandisa zivo iyoyo ndiko kune zvibereko. Chokwadi, mutoro weavo vari kuteerera kuita chimwe chinhu pashoko reBhaibheri, asi unogona kuvabatsira kunzwisisa zvinofanira kuitwa. Kana wangova nechivimbo chokuti vateereri vako vanonzwisisa ndima iri kukurukurwa uye vanoona kushanda kwayo pane pfungwa iri kutaurwa, wana nguva yokuvaratidza kukosha kwayo pane zvinotendwa uye tsika. Simbisa kubatsira kunoita kusiya pfungwa dzakaipa kana kuti tsika dzisingapindirani nechokwadi chiri kukurukurwa.

Sezvaunofunga mashandisirwo emagwaro, yeuka kuti vateereri vako vanobva kwakasiyana-siyana uye vanotarisana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Pangave nevachangotanga kufarira, pwere, vakura, nevaya vari kutambura nezvinetso zvakasiyana-siyana. Hurukuro yako ngaive inoshanda uye yezvinhu zvomuupenyu chaizvo. Usape zano rinoita sokuti uri kufunga nezvevanhu vashomanana chete.

Zvinosarudzwa Nomukurukuri

Zvimwe zvokusarudza maererano nehurukuro yako wakatozviitirwa. Pfungwa huru dzakaratidzwa zvakajeka, uye nguva yaunofanira kupedzera pakukurukura musoro mukuru mumwe nomumwe yakatoratidzwa zvakajeka. Zvimwe zvinhu unofanira kuzvisarudzira. Ungasarudza kupedza nguva yakawanda pane tumwe tumisoro uye shoma pane tumwe. Usafunga kuti unofanira kutaura chero kamusoro kose zvakafanana notumwe. Izvozvo zvingaita kuti ukurumidzise pakutaura wobva wavhiringidza vateereri vako. Ungasarudza sei zvokukurukura zvizere nezvokungotaura zvishomanana chete, kana kuti uchingopfuura? Zvibvunze kuti: ‘Ipfungwa dzipi dzichandibatsira kubudisa pfungwa huru yehurukuro yose? Ndedzipi dzine mukana wokubatsira zvikuru vateereri vangu? Kusiya rumwe rugwaro rwakaratidzwa nedzimwe pfungwa dzakada kufanana kungaita kuti marongerwe ouchapupu huri kupiwa asanyatsobuda here?’

Usamboisa pfungwa dzokufungidzira kana kuti dzokuzvifungira. Kunyange Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, haana kumbotaura ‘zvake oga.’ (Joh. 14:10) Nzwisisa kuti chinoita kuti vanhu vauye kumisangano yeZvapupu zvaJehovha kuzonzwa Bhaibheri richikurukurwa. Kana wakasvika pakunzi uri mukurukuri akanaka, zvimwe pamusana pokuti itsika yako kuonesa zvinotaura Shoko raMwari, kwete zvako woga. Hurukuro dzako dzinoongwa pamusana peizvi.—VaF. 1:10, 11.

Wapedza kugadzira pepa rehurukuro kuva tsananguro yeMagwaro ine zvakawanda, unofanira zvino kukurukura hurukuro yako uri woga. Zvinobatsira kudaro uchitaura zvinonzwika. Chinhu chinokosha ndechokuva nemashoko makuru ose mupfungwa dzako. Kurukura nomwoyo wose, mashoko acho ngaave noupenyu, uye chokwadi ngachikurukurwe uchiratidza kuva nechido. Usati wakurukura hurukuro yako, zvibvunze kuti: ‘Ndiri kutarisira kubatsira pachii? Pfungwa huru dziri pachena here? Chaizvoizvo ndaita kuti Magwaro ave musimboti wehurukuro yangu here? Pfungwa huru imwe neimwe inotungamirira kune inotevera nyore-nyore here? Hurukuro yacho inoita kuti vanhu vaonge Jehovha uye zvaanotipa here? Kuguma kwayo kwakabatana zvakanaka nomusoro wacho, uye inoratidza vateereri zvokuita uye yovakurudzira kuzviita here?’ Kana uchigona kupindura kuti hungu kumibvunzo iyi, ipapo uri muchinzvimbo choku‘ita zvakanaka noruzivo,’ kuti ungano ibatsirwe uye kuti Jehovha arumbidzwe!—Zvir. 15:2.

Kana Uchizopa Hurukuro Yako Pane Muturikiri

Zvinowanzoitika kuti munyika mune mapoka emitauro akawanda, saka vakurukuri vangakumbirwa kupa hurukuro dzeBhaibheri pane vaturikiri. Kana ukakumbirwa kuzokurukura pakadaro, nheyo dzinotevera dzichakubatsirai mose iwe nomuturikiri.

  • Kubatsira kwehurukuro yako kuchatemwa zvikurukuru pane zvichaitwa nomuturikiri. Kunyange munhu ane ruzivo mune zvokuturikira achaita zvakanaka kwazvo kana ukamubatsira kugadzirira.

  • Kazhinji, unofanira kudimbura hurukuro yako nechinenge chikamu chimwe muzvitatu kupa nguva yokuturikira. (Mutauro wamasaini hauna basa neizvi, sezvo uchigona kufambirana nomukurukuri.)

  • Usati wakurukura, dzokorora nomuturikiri mamiriro ehurukuro yako uye chinangwa chayo. Kana hurukuro yako iri hurukuro yokuverenga pakokorodzano, muturikiri ngaaone pepa rehurukuro pachine nguva.

  • Kurukura nomuturikiri magwaro auchashandisa. Ivai nechokwadi chokuti Bhaibheri romuturikiri rinopa pfungwa yakafanana neinopiwa neBhaibheri rako. Ratidza muturikiri kuti mashoko api ari mumagwaro achasimbiswa kana kuti kutsanangurwa.

  • Sarudzai kuti magwaro achaverengwa mumitauro yose here kana kuti mune mumwe chete. Kuverenga mumutauro uri womuturikiri kungava kwakaringana.

  • Kutaura misi, nhamba, uye magwaro nokukurumidza kunogona kumutsa zvinetso. Imbomira zvakafanira, uye zvinganaka kutaura nhamba dzakakwana padzinodiwa.

  • Kurukurai fananidziro dzose, madimikira, nokutaura kusina kujairika kwaunoda kuzoshandisa. Iva nechokwadi chokuti muturikiri wako anozvinzwisisa uye kuti pfungwa yacho inogona kutaurwa mumutauro waari kuturikirira.

  • Pakutaura, shandisa mitsetse mipfupi. Taura pfungwa dzakakwana usati wamirira muturikiri. (Iye anotaura pfungwa kwete mashoko ose zvawo.) Kuti kuturikira kwacho kunyatsotevedzana, ita kuti muturikiri apedze iwe usati waenderera mberi.

  • Muturikiri anovimba nokunzwika kweinzwi rako uye kududza mashoko zvakanaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe