MASHOKO EKUWEDZERA B
Woramba Uchitaura Nemunhu Wacho Here?
Kana munhu akabvunza mubvunzo achida kuziva kana kuti akatiudza zviri kumunetsa, tinoramba tichikurukura naye. Tinotaura nevanhu tichitsvaga vane “chido chekuwana upenyu husingaperi.”—Mab. 13:48.
Ko kana munhu wacho achiratidza kuti ane hasha, kana kuti ari kuda zvenharo, kana kuti haasi kuda zvekutaura panguva iyoyo? Muoneke zvisina nharo, usiyane naye zvakanaka. (Zvir. 17:14) Edza kubvapo muchiwirirana kuitira kuti munhu wacho azobvuma kukurukura nesu pane imwe nguva.—1 Pet. 2:12.