RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 21 p. 150-p. 152 ndim. 5
  • Magwaro Averengwa Achisimbiswa Zvakakodzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magwaro Averengwa Achisimbiswa Zvakakodzera
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kurava uye Kushandisa Magwaro
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusimbisa Pfungwa Kwakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • ʽZvishandise Kuti Urave Pamheneʼ
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 21 p. 150-p. 152 ndim. 5

CHIDZIDZO 21

Magwaro Averengwa Achisimbiswa Zvakakodzera

Unofanira kuitei?

Simbisa mashoko nezvikamu zvinosimbisa kwawakananga. Verenga uchiratidza manzwiro akakodzera.

Nei zvichikosha?

Kukosha kwemagwaro anoverengwa kunobuda pachena kana pane kusimbisa kwakakodzera.

PAUNOTAURA nevamwe nezvezvinangwa zvaMwari, kungava kune imwe nzvimbo kana kuti pachikuva, zvaunokurukura zvinofanira kubva muShoko raMwari. Izvi zvinowanzosanganisira kuverenga magwaro eBhaibheri, uye zvinofanira kuitwa zvakanaka.

Kusimbisa Kwakakodzera Kunosanganisira Manzwiro Aunoita. Magwaro anofanira kuverengwa pachibudiswa kunzwa kwakakodzera. Chimbofunga mienzaniso iyi. Paunoverenga Pisarema 37:11 zvinonzwika, inzwi rako rinofanira kubudisa kutarisira rugare nomufaro zvinopikirwa ipapo. Paunoverenga Zvakazarurwa 21:4 pamusoro pokuguma kwokutambura norufu, inzwi rako rinofanira kuratidza kufarira kusunungurwa kunoshamisa kuri kufanotaurwa. Zvakazarurwa 18:2, 4, 5, nokuteterera kwayo kubuda mu“Bhabhironi Guru,” raremerwa nezvivi inofanira kuverengwa nenzwi rinoratidza kukurumidzira. Ichokwadi kuti kunzwa kunoratidzwa kunofanira kubva pamwoyo asi kusinganyanyisi. Manzwiro akakodzera anosarudzwa nemashoko uye mashandisirwo aari kuitwa.

Simbisa Mashoko Akakodzera. Kana mashoko ako pane imwe ndima akangovakirwa pachikamu chayo bedzi, unofanira kusimbisa chikamu ichocho pakuverenga ndima yacho. Somuenzaniso, pakuverenga Mateu 6:33, haungasimbisi “kururama kwake” kana kuti “izvi zvimwe zvinhu zvose” kana uchida kutsanangura zvinorehwa nokuti ku“tanga kutsvaka umambo.”

Pahurukuro yepaMusangano Webasa, ungasarudza kuverenga Mateu 28:19. Unofanira kusimbisa mashoko api? Kana uchida kukurudzira kushingairira kuva nevadzidzi veBhaibheri vatsva, simbisa panoti “muite . . . vadzidzi.” Asi, kana uchida kukurukura mutoro wechiKristu wokuzivisawo chokwadi cheBhaibheri kuvanhu vakatamira munyika menyu kana kuti uchida kukurudzira vamwe vaparidzi kuti vaende kunoshanda kunodiwa vaparidzi, ungasimbisa “vanhu vamarudzi ose.”

Kazhinji rugwaro runotaurwa pakupindura mubvunzo, kana kuti kutsigira mashoko ayo vamwe vanoona seanomutsa nharo. Kana pfungwa dzose dziri mundima dzikasimbiswa zvakafanana, vateereri vako vangasaona kupindirana kwacho. Zvingava pachena kwauri asi kwete kwavari.

Somuenzaniso, pakuverenga Pisarema 83:18 muBhaibheri rine zita raMwari, kana kusimbisa kwako kwose ukakuisa pana “Wokumusorosoro,” saimba angakundikana kubata pfungwa inoita seiri pachena yokuti Mwari ane zita rake pachake. Unofanira kusimbisa zita rokuti “Jehovha.” Zvisinei, paunenge uchishandisa rugwaro irworwo pakukurukura nezvouchangamire hwaJehovha, unofanira kusimbisa shoko rokuti “Wokumusorosoro.” Saizvozvowo, pakushandisa Jakobho 2:24 kuratidza kukosha kwokubatanidza kutenda nokuita chimwe chinhu, kunyanyosimbisa “achanzi akarurama” pane “mabasa” zvingaita kuti vamwe varege kunzwisisa.

Mumwe muenzaniso unobatsira uri pana VaRoma 15:7-13. Ichi chikamu chetsamba yakanyorwa naPauro, achinyorera ungano yaiva nevanhu veMamwe Marudzi uye zvizvarwa zvechiJudha. Pano muapostora anotaura kuti ushumiri hwaKristu hahubatsiri vaJudha vakadzingiswa chete asiwo vanhu vemamwe marudzi kuitira kuti “marudzi ape mbiri kuna Mwari nokuda kwengoni dzake.” Zvadaro, Pauro anotora mashoko mumagwaro mana achiratidza mukana iwoyo wemarudzi. Unofanira kuverenga sei mashoko iwayo kuti usimbise pfungwa iyo Pauro aifunga nezvayo? Kana uri kutara mashoko okusimbisa, ungatara “marudzi” mu ndima 9, “imi marudzi” mu ndima 10, “imi marudzi ose” uye “vanhu vose” mu ndima 11, uye “marudzi” mu ndima 12. Edza kuverenga VaRoma 15:7-13 uchisimbisa zvakadaro. Sezvaunodaro, mafungiro aPauro ose achawedzera kujeka ova nyore kunzwisisa.

Nzira Dzokusimbisa. Mashoko ane pfungwa huru aunoda kuti asimbiswe angasimbiswa nenzira dzakasiyana-siyana. Nzira yaunoshandisa inofanira kupindirana norugwaro uye marongerwo ehurukuro yacho. Pano pane zvinhu zvishomanana zvingabatsira.

Kusimbisa Nenzwi. Izvi zvinosanganisira chero kuchinja inzwi kwose kunoita kuti mashoko ane pfungwa inodiwa asiyane nemamwe ose ari muchirevo chacho. Kusimbisa kwacho kungaitwa nokuchinja inzwi—zvimwe nokurikwidza kana kuti nokurideredza. Mumitauro yakawanda kuchinja kukwirira kwenzwi kunowedzera kusimbisa. Zvisinei mune mimwe mitauro, izvi zvingatochinja zvauri kureva. Kana ukanonokera pamashoko anokosha, izvi zvinobva zvatoasimbisa. Mumitauro isingatenderi kusimbisa mamwe mashoko nokuchinja inzwi, zvingava zvakanaka kuita zvinodiwa mumutauro iwoyo kuti zvinodiwa zviitwe.

Kumbomira. Izvi zvingaitwa usati kana kuti waverenga chikamu chinokosha chorugwaro—kana kuti zvose. Kumbomira usati waverenga pfungwa huru kunoita kuti vanhu vatarisire, kumbomira waverenga kunoita kuti pfungwa yacho inyatsodzika. Zvisinei, kana kumbomira kukawandisa, hapana chinozombosiyana nechimwe.

Kudzokorora. Unogona kusimbisa pfungwa yakananga nokumira wodzokorora zvakare mashoko acho. Imwe nzira inowanzofarirwa kupedza mashoko acho ose, wozodzokorora mashoko anokosha.

Kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri. Kufambisa fambisa muviri pamwe nezvaunoita chiso chako zvinogona kuwedzera manzwiro aunoita shoko kana kuti chikamu chemashoko.

Mabudiro einzwi rako. Mune mimwe mitauro, dzimwe nguva mashoko angaverengwa nenzwi rinoita kuti achinje zvaanoreva zvoaita kuti asiyane nemamwe. Panowo, unofanira kuchenjerera, kunyanya pakutsvinya.

Vamwe Pavanoverenga Magwaro. Saimba paanoverenga rugwaro, angasimbisa mashoko asiri iwo kana kuti pangasava neaanosimbisa. Ungaita sei? Kazhinji zvakanaka kujekesa zvinorehwa norugwaro nokuratidza kushanda kwarwo. Kana waratidza kushanda kwarwo, ungaisa pfungwa dzako pamashoko ane pfungwa yauri kuda ari muBhaibheri.

NZIRA YOKUDZIDZIRA KUSIMBISA

  • Pamusoro porugwaro rwose rwaunoda kuverenga, zvibvunze kuti: ‘Mashoko aya anoratidza kunzwa kana kuti pfungwa dzakaita sei? Ndinofanira kuzvibudisa sei?’

  • Ongorora magwaro aunoda kuzoshandisa. Nezvorumwe norumwe, zvibvunze kuti: ‘Rugwaro urwu ruchashandei? Mashoko api anoda kuzosimbiswa kuti chinangwa ichocho chibude?’

BASA ROKUITA: (1) Ongorora rugwaro rwaunoda kuzoshandisa mubasa romumunda. Dzidzira kuruverenga nemanzwiro akakodzera. Uchifunga nezvemashandisiro aucharuita, ruverenge zvinonzwika uchisimbisa (ma)shoko rakafanira. (2) Mubhuku ramuri kudzidza iye zvino, sarudza ndima imwe chete ine magwaro ane mashoko arimo. Ongorora mashandisirwo ari kuitwa magwaro acho. Tara mashoko anopa pfungwa inodiwa. Verenga ndima yacho yose zvinonzwika nenzira inosimbisa zvakakodzera magwaro acho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe