Fundo 32
Kusimbisa Pfungwa Uye Kusiyanisa Inzwi
1, 2. Kusimbisa pfungwa kunoitei nokuda kwehurukuro?
1 Kusimbisa pfungwa uye kusiyanisa inzwi zvinobatana kuita kuti hurukuro ive ine revo uye inofadza. Pasina izvo, mifungo inonyonganiswa uye fariro inodzungaira. Sezvo kusimbisa pfungwa kazhinji kazhinji kuri nyore zvikuru kwezviviri kugona, tichatanga kukurangarira.
2 Rangarira icho kusimbisa pfungwa kunofanira kuita. Ndiko kusimbisa mashoko kana kuti mifungo nenzira yakadaro kuti upe revo yakarurama uye kuratidzira kuvateereri vako ukoshi hwayo hunowirirana. Pane dzimwe nguva kusimbisa kunodikanwa kunongova zvako kukuru kana kuti kuduku, asi panewo nguva apo inoda mwero yakaisvonaka.
3-7. Taura kuwana kunogona kuita munhu kusimbisa pfungwa kwakanaka.
3 Mashoko anopa mufungo ari mumitsetse asimbiswa. Kuiswa kwokusimbisa zvikurukuru inhau yokuti mashoko api anosimbiswa. Kubatanidza kuzivikanwa kwamashoko aye anopa mufungo uye, kupfurikidza nokusimbisa zvakafanira, kuamisa pachena muwirirano namashoko akaapoteredza. Kana mashoko asati ari aye ane mufungo achisimbiswa, revo ichadzikatidzwa kana kuti kunyonganiswa.
4 Vanhu vazhinjisa mukutaura kwenguva dzose, kwezuva riri rose vanojekesa revo yavo. Kutoti une tsika yakati kuti, zvakadai sokusimbisa mashoko anobatanidza, rutivi urwu runofanira kusapa chinetso chaichoicho. Utera hupi nohupi hukuru munhau yokuisa hunowanzova mugumisiro wetsika dzakati dzakadaro. Kana ichocho chiri chinetso chako, shandira pachiri nokushingaira. Kazhinji kazhinji miitiro yakadaro haisati ichigumiswa muhurukuro imwe kana kuti mbiri, naizvozvo anokupa zano haangakuregedzesi kupfuurira mberi kana kuisa kwako kusina kururama kusina kujeka kwazvo zvokunyonganisa revo yako. Asi nokuda kwokutaura kune simba zvikurusa nokunobudirira, ramba uchishanda kutozosvikira wanzwisisa zvakakwana kuiswa kwakafanira kwokusimbisa.
5 Kazhinji kazhinji mufungo wokungwarira zvikuru unofanira kupiwa kukusimbisa pfungwa mukugadzirira kurava pachena kupfuura nokuda kwokutaura chaikoiko usingaravi. Ikoko ndekwechokwadi nokuraviwa kwamagwaro muhurukuro sezvo kuri kwechokwadiwo nokurava ndima pafundo yeNharireyomurindi yeungano. Chikonzero nei ngwariro huru ichifanira kupiwa kukusimbisa pfungwa apo kunenge kune kurava kunofanira kuitwa ndechokuti mashoko atinorava anowanzova akanyorwa nomumwewo munhu. Naizvozvo tinofanira kusanoafunda, tichinzvera mufungo nokudzokorora mashoko amene kutozosvikira ava omuzvarirwo kwatiri.
6 Kusimbisa pfungwa kunoidzwa sei? Kune mitoo yakasiyana-siyana, inowanzoshandiswa yakabatana: kupfurikidza nenzwi guru zvikuru, kupfurikidza nesimba zvikuru kana kuti mbavarira, kupfurikidza nokuderedza inzwi, kupfurikidza nokukwidza inzwi, kupfurikidza nokutaura uchinonoka uye nokungwarira, kupfurikidza nokuwedzera kumhanya, kupfurikidza nokutindika usati wataura kana kuti pashure (kana kuti zvose zviri zviviri), kupfurikidza namajangariko uye zvitarisiko zvechiso.
7 Pakutanga itira hanya zvikurukuru kana kusimbisa kwako kuchiiswa zvakafanira uye mwero wakakwana kuita kuti mashoko makuru ave pachena. Naizvozvo, mukugadzirira mashoko ako, tara mutsetse mashoko makuru kana uchizoarava. Kana uri kutaura usingaravi, ita kuti mifungo ijeke mundangariro. Shandisa mashoko makuru muzvinyorwa zvako uye ipapo simbisa mashoko iwayo.
8, 9. Nei kuchikosha kuti mifungo mikuru isimbiswe?
8 Mifungo mikuru iri muhurukuro yasimbiswa. Urwu ndirwo rutivi rwokusimbisa pfungwa rwunowanzoshayikwa zvikurusa. Muzviitiko zvakadaro hapana makakwira muhurukuro. Hapana chinhu chinotanhamara kupfuura chinhu chiri chose. Apo hurukuro inogumiswa kunowanzova kusingabvire kuyeuka chinhu chipi nechipi sechakatanhamara. Kunyange kana mapfundo makuru achigadzirirwa zvakafanira kuti atanhamare, kukundikana kuasimbisa zvakafanira mukukurukura kunogona kuanetesa kusvikira pakuti angarashika.
9 Kuti ukurire ichi chinetso, unofanira kutanga kunzvera mashoko ako nokungwarira. Nderipi riri pfundo rinokosha zvikurusa rehurukuro? Nderipi rinokosha zvikurusa rinotevera? Kudai ukakumbirwa kutaura pfundo gurusa rehurukuro mumutsetse mumwe kana kuti miviri, waizotii? Iyeyo ndiimwe yenzira dzakanakisisa dzokuziva nadzo mapfundo makuru. Pashure pokunge iwawa azivikanwa, atare muzvinonyorwa zvako kana kuti mumanyoro. Zvino unogona kuvaka uchienda kumapfundo iwawa samapfundo anokosha. Ndiwo makakwira mehurukuro yako uye, kana mashoko acho akasanorongwa uye uchiakurukura uine mwero yakasimba yokusimbisa, mifungo mikuru ichayeukwa. Iroro ndiro donzo rako mukutaura.
**********
10-12. Tsanangura chinoreva kusiyanisa inzwi.
10 Kusimbisa pfungwa kuduku kunogonesa vateereri kunzwisisa chaunotaura, asi mhatsa mukusimbisa uko kusiyanisa inzwi kunogovera kunogona kuiita kuti ifarikanywe kuti vaiteerere. Unoshandisa zvakanaka here kusiyanisa inzwi muushumiri hwako hwomumunda nomuhurukuro dzaunoropafadzwa kupa muungano?
11 Kusiyanisa inzwi kwapanhambo nenhambo kwokukwira kwenzwi, kumhanya uye simba zvinogadzirirwa kubata fariro ndokuratidzira mifungo yako inofambira mberi uye mirangariro somukurukuri. Kuti kukubatire zvakanakisisa, kusiyanisa kwako inzwi kunofanira kufukidza kufadza kwakakwana uko mashoko ehurukuro ipi neipi yakati achabvumira. Mukukwidza inzwi ungava, mumwero unoderera, nomufaro, mbavarira uye kufarira kukuru. Pakati pane kufarira kunyoro, nepo pasi pane ukombi noukoshi.
12 Hausati uchitongoda kuva anonyanyisa kupfurikidza nokunyanyisa mukutaura. Kutaura kwedu kunofanira kuva kunofadza, kusina kukomba kutsvene kwakafanana nokwavafundisi, kana kwamasimba masimba oupengo kwakafanana nokwemuevhangeri ari mumusangano womutende. Chiremera chakafanira uye kuremekedza shoko roUmambo zvichadzivisa kuratidzira kupi nokupi kwakadaro kusiri kwechiKristu.
13, 14. Chii chinorehwa nomusiyano musimba?
13 Musiyano musimba. Zvichida nzira yakapfava zvikurusa yokuwana nayo kusiyanisa inzwi ndeyokusiyanisa simba renzwi rako. Iyi ndiimwe nzira yokuvaka nayo mapfundo anokosha uye kusimbisa mapfundo makuru ehurukuro yako. Zvisinei, kungowedzera bedzi inzwi rako nguva dzose hakusati kuchizotanhamarisa mapfundo. Mune zvimwe zviitiko kungaatanhamarisa zvikuru, asi simba rinowedzerwa raanokurukurwa naro ringakurira donzo rako. Kungava kuti mapfundo ako anoda zvikuru ushamwari uye tsitsi kupfuura inzwi rine simba. Mune ichi chiitiko, deredza inzwi rako asi wedzera simba rako. Zvimwe chetezvi zvingava zvechokwadi kana uri kuratidzira funganyo kana kuti rutyo.
14 Nepo musiyano musimba uchikosha nokuda kwokusiyanisa inzwi, ngwariro inofanira kushandiswa yokutaura zvinyoro kwazvo zvokuti vamwe havasati vachizonzwa. Uyewo inzwi harifaniri kuwedzerwa kusvikira pakusafadza.
15-17. Musiyano mukumhanya unovandudza sei hurukuro?
15 Musiyano mukumhanya. Vakurukuri vashomanene vari kutanga vachasiyanisa mukumhanya kwavo pachikuva. Tinokuita nguva dzose mukutaura kwedu kwezuva riri rose nemhaka yokuti mashoko edu anobuda matiri nomuzvarirwo sezvo tinoafunga kana kuti sezvatinoada. Asi mukurukuri mutsva ari pachikuva nguva dzose haasati achizozvibvumira kuita izvozvi. Anogadzirira mashoko ake nezvikamu zvamashoko nokungwarira zvikuru, naizvozvo mashoko ose anobuda pamwero mumwe chetewo wokumhanya.
16 Chinhu chikuru chenhau yako chinofanira kuva kumhanya kune mwero. Mapfundo maduku, nhoroondo, mienzaniso mizhinjisa, zvichingunodaro, zvichakubvumira kumhanya. Zvibvumikiso zvinokosha zvikuru, mapfundo anokosha uye mapfundo makuru anowanzoda kukurukura uchinonoka zvikuru. Muzviitiko zvakati kuti, zvikurukuru nokuda kwokusimbisa kwakasimba, ungagona kushandisa kusimbisa uchinonoka, uchingwarira. Ungatomira chose chose, mukutindika, uko kuri kuchinja kumhanya kwakakwana.
17 Heano mashoko mashomanene enyevero. Usatongotaura nokukurumidza kwazvo zvokuti kududza kwako mashoko kunotambura. Rovedzo yakaisvonaka munguva dzokurovedza uri woga kuedza kurava nenzwi guru nokukurumidza sezvaunogona usingandandamiri. Dzokorora wadzokororazve ndima imwe cheteyo, uchiwedzera nguva dzose kumhanya kwako usingandandamiri kana kuti kusajekesa kududza kwako mashoko. Ipapo edza kurava uchinonoka sezvinobvira, uchisanodudza mavhawero panzvimbo pokugura mashoko. Ipapo chinjanisa kumhanya nokunonoka uye panhambo nenhambo kutozosvikira inzwi rako rava rinochinjika uye richaita chaunoda kuti riite. Zvino apo unotaura, chinjo dzako mukumhanya dzichaerikana dzauya, maererano nepfungwa yezvauri kutaura.
18-20. Tsanangura kuwana kunogona kuita munhu musiyano mukukwidza inzwi.
18 Musiyano mukukwidza inzwi. Kuchinja kwokukwidza inzwi zvimwe ndiwo mutoo wakaoma zvikurusa wokusiyanisa inzwi, ndiko kuti, mumwero upi noupi. Chokwadika, tinosimbisa nguva dzose mashoko kupfurikidza nokuti simudzwei kwomwero wenzwi, kunowanzoperekedzwa nokuwedzerwa kuduku kwesimba. Tinorava shoko racho, sokunge kunodaro.
19 Asika kuchinja kukuru mukukwidza inzwi kunopfuura ikoku kunodikanwa kana uchizowana betsero hurusa muurwu rutivi rwokusiyanisa inzwi. Edza kurava nenzwi guru Genesi 18:3-8 uye 19:6-9. Cherechedza musiyano mukuru wezvose zviri zviviri kumhanya uye kukwidza inzwi unodikanwa mundima idzodzi. Mufaro uye mbavarira nguva dzose zvinobuda munzwi rakakwira zvikuru kupfuura rusuruvaro kana kuti funganyo. Apo iyi mirangariro inooneka mumashoko ako, itaure nomutoo unowirirana.
20 Chimwe chezvisakiso zvikuru zvoutera murutivi urwu rwokutaura ndiko kushayiwa ukuru hwakakwana munzwi. Kana ichocho chiri chinetso chako, shandira pachiri. Edza rovedzo yakafanana neiyo yakarakadzwa pakutanga mufundo ino. Muchiitiko ichi, kunyange zvakadaro, shandira pakusimudza kana kuti pakuderedza kukwira kwenzwi panzvimbo pokusiyanisa kumhanya.
21-24. Nei kusiyanisa inzwi kuchifanira kukodzera mufungo kana kuti murangariro?
21 Kusiyanisa kunofanira kukodzera mufungo kana kuti murangariro. Kubva mukukurukura kwedu iri vara kusvikira pano kunova kwakajeka zvikuru kuti misiyano yenzwi haigoni kungoitwa bedzi kuwana misiyano. Mashoko ako anofanira kukodzera chimiro chezvauri kutaura. Ipapo, kusiyanisa inzwi kunovambira papi? Sezvinooneka, kunotanga namashoko aunenge wagadzirira kukurukura. Kana uchingova bedzi nechibvumikiso kana kuti uchingova chete nekurudziro muhurukuro yako, uchava nomusiyano muduku mukukurukura kwako. Naizvozvo nzvera ndaza yako pashure pokunge waipedza uye iva nechokwadi chokuti une mashoko ose nokuda kwokupa kunofadza uyewo kune revo.
22 Asi pane dzimwe nguva pakati pehurukuro yako unonzwa kudikanwa kwokuchinja kumhanya. Unonzwa kuti hurukuro yako iri kunonoka. Chii chaunogona kuita? Pano zvakare kukurukura usingaravi kune betsero. Unogona kuchinja chimiro chamashoko ako sezvaunopfuurira. Seiko? Imwe nzira ingava kurega kutaura ndokutanga kurava rugwaro muBhaibheri. Kana kuti ungachinja kutaura kwakati kuva mubvunzo, uine kutindika nokuda kwokusimbisa. Zvichida unogona kuisa muenzaniso, uchiuita kuti uwirirane nechibvumikiso chiri mundaza yako.
23 Mitoo iyoyi inoshandiswa muhurukuro, chokwadika, ndeyavakurukuri vane ruzivo rwokuzviwanira. Asi unogona kushandisa mifungo mimwe cheteyo mukufanogadzirira mashoko ako anobva mumugove wako.
24 Kunonzi kusiyanisa inzwi kunoita kuti hurukuro ifadze. Kana rudzi rwakarurama ruchishandiswa uye muchitsama chakarurama, kuchabudisa kufadza kwakazara kwamashoko ako ndokuaita kuti afadze kuvateereri vako.