CHIDZIDZO 13
Kutarisana Nevateereri
MAZISO edu anotaura zvatiri uye manzwiro atiri kuita. Angaratidza kushamisika kana kuti kutya. Angaratidza kunzwira tsitsi kana kuti rudo. Dzimwe nguva angaratidza kusava nechokwadi kwedu kana kuti kushushikana kwedu. Mumwe mukweguru akamboti nezvevanhu vomunyika yake vakanga vatambura kwazvo: “Tinotaura nemaziso edu.”
Vamwe vangatova nezvavanofungidzira pamusoro pedu uye pamusoro pezvatinotaura pamusana pekwatinotarisa. Mutsika dzakawanda, vanhu vanowanzovimba munhu anoramba achitarisana navo noushamwari. Asi vangasava nechokwadi nokutendeseka kana kukwanisa kwomunhu anotarisa patsoka dzake kana chimwe chinhu pane kuti atarire munhu waari kutaura naye. Mune dzimwe tsika kuramba wakati ndee pane munhu zvinonzi kushaya tsika, kuvirima kana kuti kudenha. Izvi zvinonyanya kuva zvakadaro kana ari munhurume ari kutaura nomunhukadzi kana munhukadzi achitaura nomunhurume kana kuti namambo kana kuti mumwe munhu ane chiremera. Uye mune dzimwe nzvimbo, kana munhu muduku akaramba akati ndee mumaziso omunhu mukuru achitaura naye, zvinganzi haaremekedzi.
Zvisinei, kwazvisina kuipa, kutarira munhu mumaziso paunenge uchitaura chimwe chinhu chinokosha kungasimbisa zviri kutaurwa. Kungaonekwa souchapupu hwokuva nechokwadi kweari kutaura. Ona kuti Jesu akaita sei vadzidzi vake pavakaratidza kushamisika kwazvo vachibva vati: “Ndiani chaizvoizvo anogona kuponeswa?” Bhaibheri rinoti: “Achivatarira kumeso, Jesu akati kwavari: ‘Izvi hazvibviri kuvanhu, asi zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.’” (Mat. 19:25, 26) Magwaro anoratidzawo kuti muapostora Pauro ainyatsotarisisa zvaiitwa nevaimuteerera. Pane imwe nguva mumwe murume akanga akaremara kubva pakuzvarwa akanga aripo Pauro achitaura. Mabasa 14:9, 10 inoti: “Munhu uyu aiteerera Pauro achitaura, uyo, paakaramba akanyatsomutarira achiona kuti aiva nokutenda kwokuti aigona kuporeswa, akati nenzwi guru: ‘Simuka uti twasu nemakumbo ako.’”
Zvingaitwa Muushumiri Hwomumunda. Paunenge uchiita basa romumunda, iva noushamwari uye nyemwerera sezvaunoenda kune vanhu. Pazvinenge zvakakodzera shandisa mibvunzo inobaya mwoyo kuti mutange kukurukurirana chimwe chinhu chamunofarira mose. Sezvaunodaro, edza kutarisana naye—kana kuti kumutarira kumeso kwake nokuremekedza uye nomutsa. Kunyemwerera kuri pachiso chomunhu ane maziso anoratidza mufaro womumwoyo kunokwezva kwazvo. Izvozvo zvingaudza munhu wauri kutaura naye kuti uri munhu akadini zvomubatsira kuti asununguke sezvamunotaura.
Kuona zviratidzo zvomumaziso ake, pazvinenge zvakakodzera, kungakupa zviratidzo zvokuti ungabata sei nemamiriro acho ezvinhu. Kana munhu wacho akatsamwa kana kuti asingafariri zvechokwadi, ungakwanisa kuzviona. Kana asinganzwisisi zvauri kutaura, ungazviona. Kana ava kutadza kushivirira, kazhinji uchakwanisa kuzviziva. Kana achifarira kwazvo, izvi zvichaonekwawo. Zviratidzo zviri mumaziso ake zvingakuchenjedza nezvokudikanwa kwokukurumidza kana kunonoka, kuedza kwazvo kumuita kuti ataurewo, kugumisa kukurukurirana kwacho kana kuti, zvimwe kusimbisa nokuratidza kuti Bhaibheri rinodzidzwa sei.
Ungave uchipupurira vanhu kana kuti uchidzidzisa Bhaibheri pamusha, edza kuramba uchitarisana zvine ruremekedzo newauri kukurukura naye. Zvisinei, usamudzvokore, nokuti izvozvo zvingamuita kuti anzwe achinyara. (2 Madz. 8:11) Asi sezvinongoitawo munhu wose, mutarire chiso chake nguva nenguva noushamwari. Munyika zhinji, izvi zvinoratidza kufarira kwomwoyo wose. Hapana mubvunzo kuti kana uchiverenga Bhaibheri, kana kuti chimwe chinhu, maziso ako anenge akatarira pauri kuverenga. Asi kuti usimbise pfungwa yakati, ungada kutarira munhu wacho zvakananga kunyange uchidaro kwenguva duku. Kana uchitarira nguva nenguva, izvi zvichakuita kuti uone zvaanoita pane zviri kuverengwa.
Kana kunyara kuchiita kuti kutarisana nevateereri kukuomere pakutanga, usanete. Nokudzidzira, kutarisana nevateereri kwakafanira kuchazongoitika kwoga, uye kungawedzera kubudirira kwako pakukurukura nevamwe.
Pakupa Hurukuro. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu asati atanga Mharidzo yake Yepagomo, “akatarisa vadzidzi vake.” (Ruka 6:20) Dzidza pane zvaakaita. Kana uchizotaura neboka revanhu, vatarire wombomira kwenguva shomanana usati watanga kutaura. Munzvimbo dzakawanda izvi zvichasanganisira kutarisana nevamwe vari kuteerera. Uku kunonoka zvishomanana kungakubatsira kubvisa kakutya kokutanga. Zvichabatsirawo vateereri kuti vazvigadziridze kuti vapindirane nezviri kuratidzwa pachiso chako uye manzwiro ako. Uyezve, kuita izvozvo kuchaita kuti vateereri vagadzikane uye vave vakagadzirira kukuteerera.
Pakukurukura kwako, tarira vateereri. Usangotarire boka rose zvaro. Edza kuona vanhu vamwe nevamwe vari mariri. Munenge mutsika dzose, kutarisana kwakati kunotarisirwa kumukurukuri wose.
Kutarira vateereri vako kunoreva zvinopfuura kungokanda maziso ako nguva nenguva kubva kune rimwe divi kuenda kune rimwe. Tarisana zvinoremekedzeka nomumwe munhu ari kuteerera, uye kana zvakakodzera, taura chirevo chose kumunhu iyeye. Zvadaro wotarira mumwe, wotaura chirevo chimwe kana zviviri kumunhu iyeye. Usarambe wakatarira munhu mumwe chete zvokuti anopedzisira asisina kugadzikana, uye usarambe uchingotarira vanhu vamwe chete pavateereri vose. Ramba uchitenderera uchitarisa vateereri vose nenzira iyi, asi sezvaunotaura nomumwe munhu, nyatsotaura nomunhu iyeye uye ona zvaanoita usati watarisa mumwe.
Zvawakanyora zvinofanira kunge zviri papodhiyamu, mumaoko ako, kana kuti muBhaibheri rako kuitira kuti ukwanise kuzvitarira nokungokanda ziso chete. Kana zvichidiwa kuti utendeutse musoro wose kuti uone zvawakanyora, kutarisana nevateereri kuchavhiringidzwa. Unofanirawo kufunga kuti unotarira zvawakanyora kakawanda sei uye kuti rini. Kana wakatarira pawakanyora, iwe wave kusvika panoda kusimbiswa muhurukuro yako, hauzongokundikani kuona vateereri vako chete asi kukurukura kwako kucharasikirwa nerimwe resimba. Uyewo kana uchiramba uchitarira zvawakanyora, uchakundikana kuramba uchitarisana nevateereri.
Paunokandira mumwe munhu bhora, unotarira kuti uone kana aribata. Pfungwa imwe neimwe muhurukuro ibhora rauri “kukandira” vateereri. “Kuribata” kungaratidzwa nezvavanoita—kugutsurira, kunyemwerera, kutarisa kwokunyatsoteerera. Kana ukaramba uchitarisana zvakanaka nevateereri, izvi zvinogona kukubatsira kuva nechokwadi chokuti pfungwa dzako dziri “kubatwa.”
Kana ukanzi uverengere ungano, unofanira here kuedza kutarira vateereri paunenge uchiverenga? Kana vateereri vachiverengawo mumaBhaibheri avo, vazhinji vavo vanenge vasingazivi kuti watarira here kana kuti kwete. Asi kutarira vateereri vako kunogona kupa simba kuverenga kwako nokuti kuchakubatsira kuramba uchiziva zvavari kuita. Uye kana pane vateereri vasiri kushandisa Bhaibheri ravo uye vane pfungwa dzingangove dziri kumbeya-mbeya, kutarisana navo kungaita kuti pfungwa dzavo dzidzoke pane zviri kuverengwa. Hapana mubvunzo kuti uchangokwanisa kusimudza musoro zvishomanana uchitarisa, uye hazvifaniri kuitwa nenzira inoita kuti urasike pauri kuverenga. Pamusana peizvozvo, zvinokosha kuti ubate Bhaibheri rako noruoko uye kuti musoro wako urambe wakatwasuka, chirebvu chirege kuzendama pachipfuva.
Dzimwe nguva vakuru vanokumbirwa kupa hurukuro yokuverenga pakokorodzano. Kuita izvi nenzira inobudirira kunoda ruzivo, kunyatsogadzirira, uye kudzidzira kakawanda. Ichokwadi kuti hurukuro yokuverenga inoita kuti kutarisana nevateereri kuve kushoma. Asi kana mukurukuri akanyatsogadzirira, anofanira kukwanisa kutarira vateereri vake nguva nenguva asingarasiki paari kuverenga. Kuita kwake kudaro kuchaita kuti abate pfungwa dzevateereri zvoita kuti vabatsirwe zvikuru nemashoko anokosha ari kukurukurwa.