Bhokisi Remibvunzo
◼ Nei zvichibatsira kuti vateereri vavhure magwaro pavanokumbirwa kudaro nomukurukuri paanenge achipa hurukuro yake?
Zvinhu zvakadai somusoro uri kukurukurwa uye kuti hurukuro yacho inosanganisira kukurukurwa kwendima nendima dzechikamu cheShoko raMwari zvichatema magwaro ayo vateereri vangakumbirwa kuvhura.
Zvinokosha kuyeuka kuti chimwe chikonzero chokuvhura magwaro ndechokusimbisa kuti zviri kutaurwa zviri muBhaibheri. (Mab. 17:11) Chimwe chinangwa ndechokuongorora uchapupu hwaMagwaro hunotendisa kwazvo hunotsigira zviri kukurukurwa kuitira kuti kutenda kwavose kusimbiswe. Kuona zvinonyatsotaurwa neBhaibheri panoverengwa rugwaro runokosha kuchaita kuti vave nepfungwa dzakapetwa kaviri. Kuwedzera pakuvhura magwaro, kunyora zviri kutaurwa uye kuramba vachifambirana nepfungwa dziri kutaurwa kunobatsira.
Nepo pepa rehurukuro rinogoverwa neSosaiti ringave naMagwaro akawanda okukudziridza musoro wacho, aya akaisirwa mukurukuri, kumubatsira pakugadzirira hurukuro yake. Aya angapa mashoko ezvakaitika uye dzimwe nguva angamubatsira kunzwisisa zvakanaka nheyo iri muMagwaro inokosha uye kunzwisisa kukudziridzwa kwomusoro wacho. Mukurukuri wacho anosarudza kuti magwaro api anokosha okukudziridza hurukuro yacho ndokukumbira kuti vateereri vafambirane naye sezvo magwaro akadaro anenge achiverengwa nokutsanangurwa. Mamwe magwaro anotsigira mashoko acho angadudzwa, ndokutaurwa namamwe mashoko, asi muzviitiko zvakadaro vateereri havafaniri havo kuavhura.
Mukurukuri paanoverenga magwaro akasarudzwa, anoaverenga zvakananga muBhaibheri, kwete papepa rehurukuro rakanyorwa nekombiyuta. Mukurukuri paanokumbira vateereri kuverengawo, anonyatsotaura bhuku reBhaibheri, chitsauko, uye ndima yacho/dzacho. Nokumbomira achibvunza mubvunzo kana kuti kutsinhira zvishoma chikonzero nei rugwaro rwacho rwuchifanira kuverengwa, anobvumira vateereri nguva yokurwuwana. Kurwudzokorora kuchabatsirawo vateereri kurwuyeuka. Zvisinei, hazvikurudzirwi kutaura nhamba yepeji yacho, sezvo iyi ichisiyana-siyana neBhaibheri iro vanhu vari kuteerera vari kushandisa. Kuvhura magwaro pamunenge makumbirwa kudaro kunoyamura vateereri kuti vabatsirwe nesimba reShoko raMwari sezvarinotsanangurwa panopiwa hurukuro yacho.—VaH. 4:12.