CHIDZIDZO 36
Musoro Wanyatsokurukurwa
VAKURUKURI vava noruzivo vanoziva kukosha kwokuva nomusoro. Pavanenge vachigadzirira hurukuro, musoro unovabatsira kuisa pfungwa dzavo pane zvinhu zvakananga uye kufungisisa nezvawo. Pane kubata-bata zvakawanda, vanokurukura mashoko avo nenzira inobatsira vateereri vavo. Kana pfungwa huru imwe neimwe ine chokuita nomusoro uye ichibatsira kuukurukura, vateereri vanobatsirwawo kuyeuka mashoko iwayo uye kunzwisisa zvaanoreva.
Kunyange zvazvo zvingataurwa kuti musoro wako ndiyo nyaya yauri kutaura nezvayo, uchaona kuti runako rwehurukuro dzako ruchawedzera kana ukava nepfungwa yokuti musoro wako ndiwo maonero auchashandisa kukurukura nyaya yako. Umambo, Bhaibheri, uye rumuko inyaya dzakakura. Misoro yakasiyana-siyana ingakurukurwa ichibva panyaya idzi. Heino mimwe mienzaniso yeizvozvo: “Umambo, Ihurumende Chaiyo,” “Umambo hwaMwari Huchaita Kuti Pasi Pano Pave Paradhiso,” “Bhaibheri Rakafuridzirwa naMwari,” “Bhaibheri Inhungamiro Inobatsira Yomuzuva Redu,” “Rumuko Runopa Tariro Kuvanochema,” uye “Tariro Yorumuko Inotibatsira Kuramba Takasimba Patinotarisana Nokutambudzwa.” Misoro yose iyi inoda kukurukurwa nenzira dzakatosiyana.
Zvichipindirana nomusoro mukuru weBhaibheri, kuparidza kwakaitwa naJesu Kristu muushumiri hwake hwepasi pano kwakasimbisa musoro wokuti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mat. 4:17) Musoro iwoyo wakakurukurwa sei? Umambo ihwohwo hunotaurwa nezvahwo kanopfuura ka110, muEvhangeri ina. Asi Jesu haana kungoramba achidzokorora kushandisa shoko rokuti “umambo” chete. Jesu akajekesa nezvaakadzidzisa uye zvishamiso zvaakaita, kuti iye Mwanakomana waMwari, Mesiya, ndiye aizopiwa Umambo naJehovha. Jesu akaratidzawo kuti naye nzira yakanga ichizarurwa kuti vamwe vavewo muUmambo ihwohwo. Akazivisa zviya zvinofanira kuratidzwa nevaya vaizopiwa ropafadzo iyoyo. Nezvaakadzidzisa uye mabasa ane simba aakaita, akabudisa pachena zvaizoitwa noUmambo hwaMwari muupenyu hwevanhu ndokuratidza kuti kudzinga kwake madhimoni achishandisa simba raMwari hwaiva uchapupu hwokuti ‘umambo hwaMwari hwakanga hwatosvika’ kuvateereri vake. (Ruka 11:20) Jesu akapa vateveri vake basa rokupupura nezvoUmambo ihwohwo.—Mat. 10:7; 24:14.
Kushandisa Musoro Wakafanira. Haukumbirwi kuti ukurukure musoro kufanana nezvinoita Bhaibheri, asi hazvisi kunzi kuva nomusoro hakukoshi.
Kana wanzi uzvisarudzire musoro, kutanga, funga nezvechinangwa chehurukuro yako. Zvadaro, paunosarudza pfungwa huru dzauchagadzira nadzo pepa rako rehurukuro, iva nechokwadi chokuti dzinonyatsotsigira musoro wawasarudza.
Kana waita zvokupiwa musoro, nyatsoongorora zvaunoratidza nezvemakurukurirwo emashoko acho. Zvingatoda kunyatsofunga kuti unzwisise kukosha uye zvinogona kuitwa nomusoro wakadaro. Kana uchizosarudza mashoko okukurukura musoro iwoyo, nyatsosarudza kuti musoro wacho urambe wakajeka. Asi kana wakapiwa mashoko, uchiri kufanira kuongorora mashandisiro aungaaita maererano nomusoro wacho. Unofanirawo kufunga kuti nei mashoko acho achikosha kuvateereri vako uye chinofanira kuva chinangwa chako pakuakurukura. Izvi zvichakubatsira kusarudza zvokusimbisa pakukurukura kwako.
Masimbisirwo Omusoro. Kuti musoro usimbiswe zvakakodzera, unofanira kuva nezvikonzero pakusarudza nokuronga mashoko ako. Kana ukashandisa zvinotsigira musoro wako chete uye kana ukatevedzera zvinodiwa pakugadzirira pepa rehurukuro rakanaka, zvinongoerekana zvaitika kuti usimbise musoro.
Kudzokorora kunogona kubatsira kusimbisa musoro. Munziyo zhinji musoro ndiyo korasi inodzokororwa kazhinji ichiumba nziyo yose. Hakusi kuti korasi yacho inodzokororwa yakafanana. Pamwe chikamu chimwe kana zviviri ndizvo zvinodzokororwa, musoro unombodzokororwa nenzira dzakasiyana, asi achishandisa unyanzvi hwake, muimbi anoita kuti korasi yake ipinde nokubuda murwiyo rwacho kusvikira yatekeshera murwiyo rwose. Ndizvo zvazvinofanira kuva zvakaita nomusoro wehurukuro. Kudzokororwa kwemashoko anokosha omusoro kwakafanana nekorasi yenziyo. Mashoko anoreva zvakafanana nawo kana kuti musoro unotaurwa neimwe nzira anobatsira kuva imwe nzira yokutaura nayo musoro wacho. Kushandisa nzira dzakadaro kuchaita kuti musoro uve chinhu chikuru chichayeukwa nevateereri vako.
Izvi hazvingoshandi pahurukuro dzepachikuva chete asiwo pakukurukurirana mubasa romumunda. Kukurukurirana kupfupi kungava kunoyeukwa kana musoro wacho ukabuda pachena. Murayiridzo unopiwa pachidzidzo cheBhaibheri uchayeukwa zviri nyore kana musoro wacho ukasimbiswa. Kuedza kwaunoita pakusarudza nokukurukura misoro yakakodzera kuchaita zvakawanda mukubudirira kwako somukurukuri nomudzidzisi weShoko raMwari.