RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 27 pp. 133-138
  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Musoro Wanyatsokurukurwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 27 pp. 133-138

Fundo 27

Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru

1-4. Tsanangura chinorehwa nomusoro wehurukuro.

1 Hurukuro iri yose inoda musoro kuti itungamirirwe uye kubatanidza mativi ayo ose pamwe chete nenzira inofadza. Upi kana upi ungava musoro wako, unofanira kutekeshera muhurukuro yose. Ndirwo rutivi rukuru rwehurukuro yako; ungagona kuratidzirwa zvichida mumutsetse mumwe bva iwo ungabatanidza rutivi rwuri rwose rwamashoko anopiwa. Musoro unofanira kuva pachena kumunhu ari wose ari muteereri uye uchadaro kana ukasimbiswa zvakafanira.

2 Musoro wehurukuro hausati uchingovawo zvawo nhau yakafara, zvakadai so“kutenda”; rutivi chairwo umo nhau iyoyo inokurukurwa. Somuenzaniso, musoro ungava wokuti “Kutenda Kwako—Kunosvika Kure Zvakadini?” Kana kuti ungagona kuva wokuti “Kutenda Kunodikanwa Kufadza Mwari” kana kuti “Nheyo Yokutenda Kwako” kana kuti “Ramba Uchikura Mukutenda.” Kunyange zvazvo misoro iyoyi yose ichivakirwa pakutenda, iyo mumwe nomumwe unorangarira nhau yacho nenzira yakasiyana uye unoda kukudziridzwa nenzira yakasiyana chose chose.

3 Mune zvimwe zvinoitika ungatofanira kuunganidza mashoko musoro wako usati wasarudzwa. Asi musoro unofanira kuwanwa nomutoo wakajeka gadziriro isati yavambwa pandaza yehurukuro kana kuti mapfundo makuru asati asarudzwa. Somuenzaniso, pashure pefundo yeBhaibheri yapamusha imwe neimwe ungada kukurukura sangano rezvapupu zvaJehovha. Iyoyo inhau yakafara. Kuti usarudze chauchataura pane iyi nhau, unofanira kurangarira vateereri vako uye donzo rehurukuro yako. Pane uhu hwaro uchasarudza musoro. Kana wanga uchiedza kutangisa munhu mutsva mubasa, ungasarudza kuratidza kuti zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera Jesu Kristu kupfurikidza nokuparidza paimba neimba. Iwoyo ungava musoro wako. Chinhu chiri chose chaunotaura chingava chokukudziridza rutivi irworwo rwenhau yakafara, zvapupu zvaJehovha.

4 Unogona sei kusimbisa musoro muhurukuro yako? Kutanga, unofanira kusarudza musoro wakakodzera, wakakodzera donzo rako. Ikoku kunoda kufanogadzirira. Kana musoro wangosarudzwa bedzi uye hurukuro yako ichikudziridzwa pauri, uchadokuva unoerekana wasimbiswa kana ukataura pamusoro pendaza yawakagadzirira. Zvisinei, mukukurukura chaikoiko, kudzokororwa kwamashoko makurusa kana kuti mufungo mukuru uri mumusoro panguva nenguva nomutoo uri nyore zvikuru kuchavimbisa kujekeswa kwomusoro.

5, 6. Unogona kusarudza sei kana musoro wakakodzera?

5 Musoro wakakodzera. MuChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari hakusati kuchiwanzova chinetso kuva nomusoro wakakodzera, nemhaka yokuti muzvinoitika zvizhinji unogoverwa. Asi ikoku hakusati kuchizova kwechokwadi nezvehurukuro iri yose yaunodikanirwa kupa. Naizvozvo kuchenjera kusanorangarira musoro wako.

6 Chii chinosarudza kana musoro wakakodzera? Zvinhu zvinoverengeka. Unofanira kurangarira vateereri vako, vavariro yako, uye mashoko awakagoverwa kufukidza, kana zvakadaro. Kana ukawana kuti unopa hurukuro usina musoro unosimbiswa, kungava kuti iwe hausati uri kuvakira chaizvoizvo hurukuro yako pamufungo upi noupi mukuru. Ungave uchibatanidza muhurukuro yacho mapfundo akanyanyowanda asati achibetsera chaizvoizvo musoro wacho.

7, 8. Ratidza nzira idzo munhu anogona kusimbisa nadzo musoro.

7 Mashoko omusoro kana kuti pfungwa adzokororwa. Imwe nzira iyo mativi ose ehurukuro anogona kuitwa nayo kuti asimbise musoro kudzokorora mashoko makuru anotaurwa mumusoro kana kuti kudzokorora mufungo mukuru womusoro. Munziyo dzamarimba, musoro ndiwo mashoko anowanzodzokororwa zvakakwana kuratidzira rwiyo rwose. Kutaura idi, kazhinji kazhinji zvikamu zvishomanene chete zvakakwana kuita kuti nhamba yacho izivikanwe. Mashoko haangoonekizve nguva dzose muchimiro chimwe chetecho. Pane dzimwe nguva chikamu chimwe bedzi chamashoko kana kuti zviviri chinooneka, panhambo nenhambo musiyano pamusoro unoshandiswa, asi, munzira yakati, murongi anobatanidza nounyanzvi mashoko ake murwiyo kutozosvikira watekeshera wose uye achiuratidzira.

8 Kunofanirawo kudaro nomusoro wehurukuro. Mashoko makuru kana kuti mufungo womusoro unodzokororwa wakafanana namashoko anodzokororwa orwiyo. Revo yakafanana yamashoko iwawa kana kuti mufungo womusoro mukuru unotaurwazve unobatira somusiyano pamusoro. Mutoo wakadaro unoshandiswa nomutoo wokungwarira zvakakwana kuti usave unofinha uchaparira musoro wenhau kuva vara rinoratidzira rehurukuro yose uye richava mufungo mukuru uchaendwa nawo navateereri vako.

**********

9-13. Tsanangura ari mapfundo makuru akanyanyowanda. Enzanisira.

9 Pashure pokusarudza musoro wehurukuro yako, nhano inotevera mukugadzirira ndeyekusarudza mapfundo makuru aunoronga kushandisa mukuusimudzira. Pakasiripi kako keZano Rokutaura ikoku kwakarongwa sa“Mapfundo makuru atanhamariswa.”

10 Chii chiri mapfundo makuru muhurukuro? Iwo haasati achingova zvawo mifungo inofadza kana kuti mapfundo anongotaurwa nokupfupikisa. Iwo ndiwo zvikamu zvikuru zvehurukuro, mifungo inokudziridzwa kwenguva refu. Iwo akafanana namarebhuro esherufu kana kuti zviratidzo zviri mugirosa zvinobetsera munhu kuziva chiri muchikamu chakati chamasherufu, zvinodzora zvingabatanidzwa muchikamu ichocho uye chinofanira kusiyiwa. Pasi perebhuro inoti MASIRIYERO, majamu uye majeri zvingava zvisiri panzvimbo yazvo uye zvinovhiringidza bedzi vanhu. Pasi pechiratidzo chinoti KOFI UYE MASAMBA, mupunga haungavipo. Kana marebhuro esherufu akavanzwa nemhaka yokutsikirirana kana kuti kunyanyoturikidzana, ipapo kwakaoma kuwana chinhu chipi nechipi. Asi kana zviratidzo zvikaramba zvichioneka zvakajeka, munhu anogona kukurumidza kuziva chiri pamberi pake. Ndozvazvakaitawo namapfundo makuru ehurukuro yako. Chero bedzi iwo achigona kunzwisiswa uye kuchengetwa mundangariro, vateereri vako vachada zvinonyorwa zvishomanene zvikuru kuti vakutevere kusvikira kumhedziso yako.

11 Chimwe chinhu. Kusarudzwa uye kushandiswa kwamapfundo makuru kuchasiyana maererano navateereri uye donzo rehurukuro yacho. Nokuda kweichi chikonzero, mutariri wechikoro anofanira kuyera chisarudzo chomudzidzi chamapfundo makuru pahwaro hwokuashandisa kwomudzidzi kwete pakusarudzwawo zvako kwamapfundo angave akafanoitwa neanopa zano.

12 Mukuita chisarudzo chako sarudza bedzi zvinokosha. Naizvozvo, bvunza kuti, chii chinoita kuti pfundo rive rinokosha? Rinokosha kana iwe usati uchigona kuita donzo rehurukuro yako pasina iro. Somuenzaniso, mukurukurirano yorudzikinuro nomunhu asina kurovedzana nedzidziso, yacho kunokosha kusimbisa kuva munhu kwaJesu pasi pano, ukasadaro kungava kusingabviri kuratidzira vara rinowirirana rechibayiro chake. Nokudaro ungarangarira ikoku kuva rimwe ramapfundo makuru ekurukurirano yacho. Asi kana wakanga watobvumikisa kune uyu munhu kuti Utatu hwakanga huri mufungo wenhema, ipapo kurukurirano yenyu yenzvimbo yakava naJesu somunhu ingangova bedzi yechipiri nemhaka yokutove yakabvumwa. Uye nemhaka yaikoku ipapo kungava kwakapfava zvikuru kusimbisa ukoshi hunowirirana hworudzikinuro rwaJesu. Mune chinoitika ichecho kurangarirwa kwokuva munhu kwaJesu kungasava chinokosha.

13 Naizvozvo zvibvunze umene kuti, Vateereri vangu vanotozivei? Chii chandinofanira kusimbisa kuti ndiite donzo rangu? Kana uchiziva mhinduro yomubvunzo wokutanga, unogona kupindura wechipiri kupfurikidza nokuunganidza mashoko ako, uchiisa parutivi kwechinguvana zvinhu zvose zvinozivikanwa uye uchironga mapfundo ose asara kuva mapoka mashomanenesa anobvira. Mapoka iwaya anova zviratidzo zvako zvinozivisa kuti ndizvokudyai zvomudzimu zvauri kupa kuna vateereri. Marebhuro iwawa kana kuti mapfundo makuru haasati achitongofanira kufukidzwa kana kuti kuvanzwa. Ndiwo mapfundo ako makuru, anofanira kutanhamara.

14-17. Ipa zvikonzero nei tisati tichifanira kuva namapfundo makuru akanyanyowanda.

14 Mapfundo makuru haana kunyanyowanda. Panongova nezvinokosha zvishomanene panhau ipi neipi. Muzvinoitika zvizhinjisa zvinogona kuva zvishomanene. Ikoku ndokwechokwadi pasinei zvapo nenguva yaunayo yokuzvipa. Usawire mumusungo wavose wokuedza kuita kuti mapfundo akanyanyowanda atanhamare. Apo girosa rinokura zvikuru uye pane zvikamu zvakawanda zvikuru, munhu angafanira kukumbira nhungamiro. Vateereri vako vanogona bedzi nenzira ine mufungo kunzwisisa mifungo mizhinji yakati yakasiyana-siyana panguva imwe. Uye kana hurukuro yako iri refu, inofanira kupfaviswa zvikuru uye mapfundo ako makuru anofanira kuva akasimba zvikuru uye anorondedzerwa zvakajeka zvikuru. Naizvozvo rega kuedza kuita kuti vateereri vako vayeuke zvinhu zvizhinji. Sarudza mapfundo aye aunofunga kuti vanofanira zvirokwazvo kuenda nawo ibvei wopedzera nguva yako yose uchitaura pamusoro paiwawa.

15 Chii chinosarudza kana pane mapfundo akanyanyowanda kana kuti pasati? Kukataurwa zvakapfava, kana mufungo upi noupi ungagona kusiyiwa uye donzo rehurukuro yacho richingoitwa, pfundo irero harisati riri pfundo guru. Kupedza hurukuro yacho ungasarudza kubatanidza pfundo racho sechikochekedzo kana kuti chiyeuchidzo, asi harisati richifanira kutanhamara zvikuru saaye aisagona kubvira kusiyiwa.

16 Chimwe chinhu, unofanira kuva nenguva yakakwana yokukudziridza pfundo rimwe nerimwe nomutoo unobudirira, nomutoo wakajeka. Kana zvakawanda zvichifanira kutaurwa munguva pfupi, tapudza zvinhu zvinozivikanwa navateereri kusvikira zvava zvishomanene. Bvisa zvose kunze kwezvinhu zvisina kurovedzeka uye zvijekese kwazvo zvokuti kuchava kwakaomera vateereri kuzvikanganwa.

17 Pakupedzisira, hurukuro yako inofanira kuva yakareruka. Nguva dzose ikoku hakusati kuchitsamira pachitsama chamashoko anopiwa. Inongova bedzi nzira yakarongwa pamwe chete nayo mapfundo ako. Somuenzaniso, kudai ukapinda muchitoro umo chinhu chiri chose chakaunganidzwa pamwe chete pakati pouriri, chichiratidzika kuva chakawandisa zvinhu uye chinovhiringidza zvikurusa. Ungava nechinetso chokuwana chinhu chipi nechipi. Asi, apo chinhu chiri chose chinenge chakarongwa nomutoo wakafanira uye zvinhu zvose zvakafanana zvakaiswa pamwe chete uye zvichiratidzirwa nechiratidzo chechikamu chacho, mugumisiro wacho unofadza zvikuru uye chinhu chimwe chipi nechipi chinogona kuwanwa nyore nyore. Pfavisa hurukuro yako kupfurikidza nokuronga mifungo yako pasi pemifungo mikuru mishomanene bedzi.

18. Mapfundo makuru anofanira kukudziridzwa sei?

18 Mifungo mikuru yakudziridzwa yakaparadzana. Mufungo mukuru mumwe nomumwe unofanira kumira uri woga. Mumwe nomumwe unofanira kukudziridzwa wakaparadzana. Ikoku hakusati kuchidzivisa kuratidzwa kupfupi kana kuti kupfupikiswa kwemisoro mikuru musumo kana kuti mumhedziso yehurukuro yako. Asi mumutumbi wehurukuro yacho unofanira kutaura pamusoro pomufungo mumwe bedzi panguva, uchibvumira bedzi kubatanidza kwakadaro kudzokera shure sezvingadikanwa nokuda kwezvikochekedzo kana kuti kusimbisa. Kudzidza kuita ndaza yemisoro kuchayamura zvikuru mukusarudza kana mapfundo makuru achikudziridzwa akaparadzana.

19-21. Ko mapfundo maduku anofanira kushandiswa sei?

19 Mapfundo maduku anosimbisa mifungo mikuru. Mapfundo echibvumikiso, magwaro, kana kuti mamwe mashoko anopiwa anofanira kunangidzira ngwariro pamufungo mukuru ndokuukudza.

20 Mukugadzirira, paradzanisa mapfundo maduku ose ndokuchengeta bedzi anobetsera zvakananga pfundo guru irero, kujekesa, kubvumikisa kana kuti zvimwe kukudza pfundo racho. Chinhu chipi nechipi chisingashandi chinofanira kubviswa. Chichanyonganisa bedzi nhau yacho.

21 Pfundo ripi neripi rinowirirana nemufungo mukuru rinofanira kubatanidzwa zvakananga nepfungwa iyoyo kupfurikidza nezvaunotaura. Rega kurisiyira vateereri kuti vashandise. Jekesa batano yacho. Taura iri batano yacho. Chisingataurwi chichawanzosanzwisiswa. Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokudzokorora mashoko makuru anotaura pfungwa huru kana kuti kupfurikidza nokudzokorora mufungo wepfundo guru nguva nenguva. Apo unobata unyanzvi hwokunangidzira mapfundo maduku ako ose pamapfundo makuru ehurukuro, uye uchibatanidza pfundo guru rimwe nerimwe nomusoro, hurukuro dzako dzichava dzakapfava zvinofadza uko kuchadziita kuti dzive nyore kupa uye dzakaoma kukanganwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe