RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 37 p. 212-p. 214 ndim. 5
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzira Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 37 p. 212-p. 214 ndim. 5

CHIDZIDZO 37

Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena

Unofanira kuitei?

Ronga uye kurukura mashoko ako zvokuti pfungwa huru dzinokurukurwa zvakasiyana nemamwe mashoko.

Nei zvichikosha?

Zvinobatsira kuzoyeuka, zvobva zvayamura pakufungisisa uye kushandisa.

PFUNGWA huru chii? Idzi hadzisi zvinhu zvishomanana zvinonakidza zvinongotaurwa uchipfuura. Ipfungwa dzinokosha dzinokurukurwa zvakati rebei. Ndidzo pfungwa dzinokosha kuti uite chinangwa chako.

Chinhu chinokosha pakuita kuti pfungwa huru dzehurukuro yako dzibude pachena, kusarudza uye kuronga mashoko ako nokuchenjera. Kutsvakurudza mashoko ehurukuro kunowanzopa mashoko akawanda pane anogona kushandiswa. Ungasarudza sei okuzoshandisa?

Kutanga, funga nezvevateereri vako. Havanyatsozivi zvauri kutaura nezvazvo, kana kuti vakanyatsojairana nazvo here? Vakawanda vavo vanobvumirana nezvinotaura Bhaibheri, kana kuti vamwe vanenge vasinganyatsozvibvumi here? Vanonetseka nei muupenyu hwezuva nezuva pavanenge vachiedza kushandisa zvinotaura Bhaibheri pamusoro penyaya yacho? Chechipiri, paunokurukura nevateereri panyaya yaunoda kutaura iva nechokwadi chokuti chinangwa chako chakakujekera mupfungwa dzako. Uchishandisa zvinhu zviviri izvi, ongorora mashoko acho wosara neakakodzera chete.

Kana wakapiwa pepa rehurukuro rine musoro nepfungwa huru chete, unofanira kuomerera pariri. Zvisinei, kukosha kwezvauchakurukura kuchanatsiridzwa kana ukaramba uchifunga zvinhu zvataurwa pamusoro apa pakukurukura pfungwa huru imwe neimwe. Kana pasina pepa rehurukuro rawakapiwa, zviri kwauri kuti usarudze pfungwa huru.

Kana pfungwa dzako huru dzakujekera mumusoro uye waronga mashoko adzo, zvichakuitira nyore kukurukura hurukuro yacho. Sezvingabvira, vateereri vako vachabatsirwa nayo mune zvizhinji.

Nzira Dzakasiyana-siyana Dzokuronga Nadzo Mashoko Ako. Nzira dzakasiyana-siyana dzinogona kuteverwa pakuronga mutumbi wehurukuro yako. Sezvaunojairana nadzo, uchaona kuti dzakati wandei dzinogona kushanda zvinobudirira, zvichienderana nokuti chinangwa chako chii.

Pane inonzi nzira inochinja-chinja, iyi inosanganisira kukamura uchishandisa tumisoro. (Pfungwa huru imwe neimwe inodiwa nokuti inowedzera kunzwisisa kwevateereri vako zviri kukurukurwa, kana kuti inobatsira kuita chinangwa chehurukuro yako.) Imwe nzira kutevedzera nguva yemaitikiro ezvinhu. (Somuenzaniso, zviitiko zvakatangira mafashamo zvingateverwa nezviitiko zvakatangira kuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E., izvo zvingateverwawo nezviitiko zvomuzuva redu.) Nzira yechitatu, zvinhu zvinokonzera chimwe chinhu nezvinozoitika. (Apa unotangira chero pawada. Somuenzaniso, ungatanga nezviri kuitika iye zvino, zvazviri kukonzera, wozoratidza chiri kukonzera zvinhu izvozvo.) Nzira yechina inosanganisira zvinhu zvinopesana. (Ungasiyanisa zvinhu zvakanaka nezvakaipa, zvinofadza nezvisingafadzi.) Pane dzimwe nguva hurukuro ingasanganisira nzira dzakawanda.

Stefani paakapomerwa zvenhema pamberi peSanihedrini yechiJudha, akapa hurukuro ine simba achitevedzanisa zviitiko nenguva yazvo. Sezvaunoverenga nezvayo pana Mabasa 7:2-53, ona kuti pfungwa dzinosarudzwa sezvadzinodiwa. Stefani akatanga ajekesa kuti akanga achirondedzera zvakaitika zvaisagona kurambwa nevateereri vake. Zvadaro akaonesa kuti kunyange zvazvo Josefa akarambwa nevakoma vake, Mwari akamushandisa kuti anunure vanhu. Apedza izvozvo, akaratidza kuti vaJudha vaisateerera Mosesi, akanga achishandiswa naMwari. Akagumisa nokuonesa kuti vaya vakakonzera kuurayiwa kwaJesu Kristu, vakaratidzawo pfungwa dzakafanana nedzevaJudha vezvizvarwa zvakanga zvapfuura.

Pfungwa Huru Dzisina Kuwandisa. Panongova nezvinhu zvishomanana zvinodikanwa pakukurukura chero musoro upi zvawo wehurukuro. Kakawanda kacho, dzinogona kuverengwa kusvika kushanu chete. Izvi zvinoshandawo, kunyange kana uchizotaura kwemaminitsi 5, 10, 30, kana anopfuura. Usaedze kubudisa pfungwa huru dzakawandisa. Vateereri vako vanogona kungobata pfungwa dzakasiyana shomanana zvinonzwisisika pahurukuro imwe chete. Kureba kwehurukuro ndiko kuchaitawo kuti pfungwa huru dzive dzakasimba uye dzakajeka.

Zvisinei nokuti unoshandisa pfungwa huru ngani, iva nechokwadi chokuti imwe neimwe unoitsanangura zvakakwana. Ipa vateereri nguva yakakwana yokuongorora pfungwa huru imwe neimwe kuitira kuti irovererwe zvakasimba mupfungwa dzavo.

Hurukuro yako ngairatidze kuti iri nyore. Izvi hazviratidzwi nguva dzose nouwandu hwemashoko akurukurwa. Kana pfungwa dzako dzikarongwa zvakajeka pasi pemisoro miduku mishomanana uye wokurukura mumwe chete panguva, hurukuro yacho ichava nyore kunzwisisa uye iri nyore kuyeuka.

Pfungwa Dzako Huru Ngadzibude Pachena. Kana mashoko ako akarongwa zvakanaka, hazvizovi zvakaoma kusimbisa zvinorehwa nepfungwa dzako huru nemakurukuriro ako.

Nzira huru yokubudisa nayo pfungwa huru kukurukura pfungwa dzinopupurira, magwaro, uye mamwe mashoko nenzira inoita kuti zvose izvi zvinange papfungwa huru nokuitsigira. Dzimwe pfungwa duku dzose dzinofanira kujekesa, kupupurira, kana kuti kutsigira pfungwa huru. Usawedzere pfungwa dzisina basa nokuti dzinonakidza chete. Sezvaunokurukura dzimwewo pfungwa duku, ratidza zvakajeka kubatana kwadzakaita nepfungwa huru dzadziri kutsigira. Rega kusiyira vateereri kuti vazvionere voga. Kubatana kwacho kungaratidzwa nokudzokorora mashoko anokosha anoratidza pfungwa huru kana kuti nokudzokorora pane musimboti wepfungwa huru nguva nenguva.

Vamwe vakurukuri vanosimudzira pfungwa huru nokuita dzokupa manhamba. Kunyange zvazvo iri imwe nzira yokuratidza pfungwa huru, haifaniri kutsiva kunyatsosarudza uye kukurukurwa kwemashoko acho zvakarongeka.

Ungasarudza kutaura pfungwa yako huru pakutanga-tanga chaipo usati wataura mashoko anotsigira. Izvi zvichabatsira vateereri kunzwisisa zvinotevera, uye zvichasimbisawo pfungwa huru iyoyo. Ungasimbisa pfungwa yacho huru nokuidzokorora muchidimbu pashure pokunge yambokurukurwa zvakakwana.

Muushumiri Hwomumunda. Zvakurukurwa pamusoro apa hazvingoshandi pahurukuro chete asiwo pakukurukura kwaunoita mubasa romumunda. Pakugadzirira, funga nezvechinetso chikuru chiri kufungwa nevanhu munharaunda iyoyo. Sarudza musoro unokupa mukana wokuratidza kuti tariro inopiwa neBhaibheri ichapedza sei chinetso ichocho. Sarudza, tomboti, pfungwa huru mbiri dzokushandisa kukurukura musoro iwoyo. Sarudza kuti uchashandisa magwaro api kutsigira pfungwa idzodzo. Zvadaro ronga kuti uchatanga sei mharidzo yako. Kugadzirira kwakadaro kunoita kuti kuchinja kunodiwa pakukurukurirana kuve nyore. Zvinokubatsirawo kutaura chimwe chinhu chichayeukwa navanasaimba.

MAITIRWO AZVO

  • Usati wasarudza pfungwa huru, funga kuti vateereri vako vanozivei nezvenyaya yacho wosarudza chinenge chiri chinangwa chako. Ronga mashoko ako uchifunga nezveizvi.

  • Ratidza zvakajeka kubatana kuripo pakati pepfungwa dzinopupurira, magwaro, uye mamwe mashoko nepfungwa huru iri kutsigirwa naizvozvi.

  • Kurukura pfungwa huru imwe neimwe zvakakwana. Izvi zvingaitwa nokudzipa manhamba, nokutaura pfungwa huru imwe neimwe usati wataura mashoko anoitsigira, kana kuti nokudzokorora pfungwa pashure pokuikurukura.

BASA ROKUITA: Dzokorora Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki ino. Uchishandisa misoro miduku yakanyorwa nezvitema uye mibvunzo iri mubhokisi rokudzidzisa, edza kusarudza pfungwa huru. Zvinogona kubatsira kuita izvozvo vhiki imwe neimwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe