RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 39 p. 220-p. 222 ndim. 6
  • Mashoko Okupedzisira Anobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Okupedzisira Anobudirira
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Mhedziso Yakakodzera uye Kuchengeta Nguva Kwako
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mhedziso Yakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 39 p. 220-p. 222 ndim. 6

CHIDZIDZO 39

Mashoko Okupedzisira Anobudirira

Unofanira kuitei?

Taura chimwe chinhu muzvirevo zvako zvokupedzisira chakagadzirirwa kuita kuti vateereri vaite chimwe chinhu pane zvavanzwa.

Nei zvichikosha?

Zvinotaurwa pakupedzisira ndizvo zvinowanzoyeukwa kwenguva refu. Zvinobatsira kubudirira kwehurukuro yose.

UNGAVE wakanyatsotsvakurudza nokuronga mashoko omutumbi wehurukuro yako. Ungave wakagadzirirawo sumo inonakidza inoita kuti vanhu vafarire. Asi pane chimwe chinodiwa—mashoko okupedzisira anobudirira. Usarerutsa kukosha kwawo. Zvaunopedzisira kutaura kazhinji ndizvo zvinoyeukwa kwenguva refu kupfuura zvimwe. Kana mashoko okupedzisira asina simba, kunyange zvambotaurwa zvingashaya basa.

Chimbofunga nezvezvinotevera: Ave kusvika kumugumo woupenyu hwake, Joshua akapa hurukuro kuvarume vakuru vorudzi rwaIsraeri isingakanganwiki. Arondedzera kubata kwaJehovha nevaIsraeri kubvira mumazuva aAbrahamu, Joshua akangodzokorora pfungwa huru achipfupisa chete here? Aiwa. Asi akarayira vanhu nomwoyo wose achiti: “Ityai Jehovha zvino, mumushumirei nomwoyo wose ne[chokwadi].” Zviverengere mashoko acho okupedzisira, akanyorwa pana Joshua 24:14, 15.

Imwe hurukuro yakakodzera kutaura ndeiya iri pana Mabasa 2:14-36, yakapiwa nomuapostora Petro kuboka raiva muJerusarema paMutambo wePendekosti muna 33 C.E. Kutanga akatsanangura kuti vakanga vachiona kuzadzika kwouprofita hwaJoere pamusoro pokudururwa kwomudzimu waMwari. Akazoratidza kuti izvi zvakanga zvakabatana sei nouprofita hwaMesiya huri muMapisarema, hwakafanotaura nezvokumutswa kwaJesu Kristu uye kukwidzwa kwake kurudyi rwaMwari. Zvadaro, pamashoko ake okupedzisira, Petro akataura zvakajeka nhau yaifanira kutarisana nomunhu wose aiva akateerera. Akati: “Naizvozvo imba yose yaIsraeri ngaizive zvechokwadi kuti Mwari akamuita zvose zviri zviviri Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakarovera.” Vaivapo vakabvunza kuti: “Varume, hama, toitei?” Petro akapindura achiti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu.” (Mab. 2:37, 38) Zuva iroro vanhu vanenge 3 000 vaiva vakateerera, vabayiwa pamwoyo nezvavakanga vanzwa, vakagamuchira chokwadi pamusoro paJesu Kristu.

Zvinhu Zvokugara Uchiyeuka. Zvaunotaura pakupedzisira zvinofanira kuva nechokuita zvakananga nomusoro wehurukuro yako. Semashoko okupedzisira, anofanira kungopindirana pasina mubvunzo nepfungwa dzawakurukura. Kunyange ungada kusanganisira mashoko makuru omusoro wehurukuro yako, zviri kwauri kana uchida kuudzokorora zvakananga.

Kazhinji kacho, chinangwa chako chokutaura ndechokukurudzira vamwe kuti vave nezvavanoita pamusana pezvaunenge wataura. Chimwe chezvinangwa zvikuru chemashoko okupedzisira ndechokuvaratidza zvokuita. Pawakasarudza musoro wehurukuro yako nepfungwa huru, wakafunga here nezvokuti nei mashoko acho achava anokosha kuvateereri vako uye kuti chii chinenge chiri chinangwa chako pakuakurukura? Kana zvakadaro, unoziva zvaunoda kuti vaite. Zvino unofanira kutsanangura zvaunoda kuti vaite uye zvimwe maiitire avangazviita.

Kunze kwokuratidza vateereri zvokuita, mashoko ako okupedzisira anofanira kukurudzira. Anofanira kusanganisira zvikonzero zvakanaka zvokuita izvozvo uye zvimwe kubatsirwa kwavangaita nokuita izvozvo. Kana chirevo chokupedzisira chikanyatsofungwa, chorongwa zvakanaka, chichasimbisa kubudirira kwehurukuro yako yose.

Ziva kuti hurukuro yava kupera. Zvaunotaura zvinofanira kuratidza izvozvo. Matauriro ako anofanirawo kuva akakodzera. Rega kumhanya kusvika kumugumo chaiko wozongoerekana wamira. Asiwo rega kuita kuti inzwi rako ringonyangarika zvishoma nezvishoma. Inzwi rako rinofanira kuve rakaringana risina kunyanyisa. Zvirevo zvako zvishomanana zvokupedzisira zvinofanira kuratidza kuti wava kunoguma. Kutaura kwaunozviita kunofanira kuratidza chokwadi uye kutendiswa. Paunenge uchigadzirira kukurukura, usakundikana kudzidzira mashoko ako okupedzisira.

Mashoko okupedzisira anofanira kunge akareba sei? Haasarudzwi nenguva chete. Mashoko okupedzisira haafaniri kupoterera. Kukodzera kwokureba kwawo kunogona kusarudzwa nezvaachaita pavateereri. Mashoko okupedzisira ari nyore, akananga, anokurudzira anoongwa nguva dzose. Aya akati rebei uye ane kamufananidzo kapfupi angabudirirawo kana akarongwa zvakanaka. Enzanisa mashoko okupedzisira mapfupi ebhuku rose raMuparidzi, ari pana Muparidzi 12:13, 14, neayo eMharidzo pfupi yePagomo, akanyorwa pana Mateu 7:24-27.

Muushumiri Hwomumunda. Hapana kwauchaona kuchidiwa mashoko okupedzisira kakawanda kupfuura mubasa roushumiri. Nokugadzirira uye kufarira vanhu norudo, unogona kuita zvakanaka zvakawanda. Zano rapiwa pamusoro pamapeji apfuura rinogona kushandiswa zvinobatsira kunyange kana rachinjirwa kune kukurukurirana nomunhu mumwe chete.

Kukurukurirana kwacho kungava kupfupi kwazvo. Munhu wacho angave ane zvaari kuita. Kushanya kwako kwose kungangoita miniti imwe chete. Kana zvakakodzera ungataura seizvi: “Ndinonzwisisa. Asi regai ndikusiyirei pfungwa imwe chete inokurudzira. Bhaibheri rinoratidza kuti Musiki wedu ane chinangwa chinoshamisa—kuita kuti pasi pano pave nzvimbo ichagara vanhu vachinakidzwa noupenyu nokusingaperi. Tinogona kuvawo muParadhiso iyoyo, asi tinofanira kudzidza zvinodiwa naMwari.” Kana kuti ungamuudza kuti ungada kuzodzoka panguva yakakodzera.

Kana kushanya kukavhiringidzwa nokuti saimba angoerekana akugumisa—kana kuti haana unhu—pachine zvakanaka zvinogona kuitwa. Yeuka zano riri pana Mateu 10:12, 13 naVaRoma 12:17, 18. Kupindura kwako zvinyoro-nyoro zvimwe kungachinja maonero aanoita Zvapupu zvaJehovha. Ichocho chingava chinhu chakanaka chaunenge waita.

Asiwo ungave wava nokukurukurirana kwakanaka nasaimba. Wadii kudzokorora pfungwa huru yaunoda kuti ayeuke? Sanganisira zvichamukurudzira kuita chimwe chinhu nezvazvo.

Kana uchiona kuti pane mukana wokuzokurukurazve pane imwe nguva, ipa munhu wacho chikonzero chokutarisira nguva iyoyo. Bvunza mubvunzo—zvimwe unokurukurwa mubhuku rinonzi Kurangarira Magwaro kana kuti bhuku rakagadzirirwa kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri pamba. Ramba uchifunga nezvechinangwa chako, sokutaura kwakaita Jesu uye zvikanyorwa pana Mateu 28:19, 20.

Wava kupedzisa chidzidzo cheBhaibheri chepamba here? Kudzokorora musoro kuchabatsira saimba kuyeuka zvakurukurwa. Kushandisa mibvunzo yokudzokorora kuchabatsira kuroverera pfungwa dzinokosha mupfungwa dzomudzidzi, zvikurukuru kana kudzokorora kwacho kukasaitwa uchikurumidza. Mubvunzo wokuti mashoko adzidzwa angabatsira sei mudzidzi kana kuti angaaudzawo vamwe sei angamubatsira kufunga nezvokushandisa zvaadzidza.—Zvir. 4:7.

Yeuka kuti—mashoko ako okupedzisira ndiwo anoita kuti zvawakurukura zvose zvishande.

MAITIRWO AZVO

  • Iva nechokwadi kuti mashoko ako okupedzisira akabatana zvakananga nepfungwa dzawatokurukura.

  • Ratidza vateereri zvokuita pane zvavanzwa.

  • Kurudzira vanzwi vako nezvaunotaura nematauriro aunozviita.

BASA ROKUITA: Gadzirira zvikamu zviviri zvemashoko okupedzisira: (1) zvokutaura kana saimba akangoerekana agumisa uye pane nguva shomanana yokutaura uye (2) mubvunzo chaiwo wokuzokurukura pakushanya kwako kunotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe