Fundo 36
Mhedziso Yakakodzera uye Kuchengeta Nguva Kwako
1-3. Unogona sei kuita kuti mhedziso iwirirane nomusoro wehurukuro?
1 Chaunotaura pakupedzisira chinowanzotanga kuyeukwa. Nokudaro mhedziso yehurukuro yako yakafanirwa negadziriro yokungwarira. Inofanira kujekesa zvikuru mapfundo makuru aunoda kuti ayeukwe ndokujekesa musoro kupfurikidza nomugumo. Somugumisiro wezvose zviri zviviri hurukuro yako nokukurukura inotofanira kunyandurira vateereri kuchiito. Ndokuna ikoku kwatinokukurudzira kupa ngwariro paunosvika pa“Mhedziso yakakodzera, inobudirira” pafomu reZano Rokutaura.
2 Mhedziso inowirirana zvakananga nomusoro wehurukuro. Nokuda kwemifungo pamusoro penzira yokuwiriranisa nayo mhedziso nomusoro wehurukuro, tinokarakadza kuti uhwirudzure Fundo 27. Mhedziso yako haisati ichifanira kutaurazve musoro wehurukuro mumashoko akawanda kwazvo, kunyange zvazvo vadzidzi vakati, zvikurukuru avo vari vatsva, vangakuwana kuva betsero; asi inofanira kukwevera ngwariro kwauri. Ipapo, pahwaro hwomusoro, ratidza izvo vateereri vanogona kuita.
3 Kana mhedziso isingawirirani zvakananga nomusoro, haisati ichizopedza mashoko acho ndokuabatanidza pamwe chete. Kunyange kana ukashandisa mhedziso yakananga yokupfupikisa, uchipa rutivi runokosha rwamapfundo makuru, zvisinei pasina mubvunzo uchada kuwedzera mutsetse mumwe wokupedzisira kana kuti miviri, unotaura mufungo mukuru kana kuti musoro wehurukuro.
4-9. Nei mhedziso yako ichifanira kuratidza vateereri vako chokuita?
4 Mhedziso inoratidza vateereri chokuita. Sezvo kazhinji kazhinji donzo rako mukutaura riri rokunyandurira kurudzi rwakati rwechiito kana kuti rokunyengetedza kusvika kumurangariro wakati zvirokwazvo, ipapoka, mifungo yokupedzisira yehurukuro inofanira kujekesa mapfundo iwawo. Donzo guru remhedziso, naizvozvo, nderokuratidza vateereri chokuita uye kuvakurudzira kuchiita.
5 Nokuda kweichi chikonzero, mukuwedzera kukujekesa donzo rehurukuro yako, mhedziso inofanira kuva nouchokwadi, kupwisa, simba rinosunda. Kazhinji kazhinji kuchawanwa kuti mitsetse mipfupi inobetsera mukupa simba kumhedziso. Asi, pasinei zvapo nokurongwa kwemitsetse, zvikonzero zvakanaka zvokuita chiito zvinofanira kupiwa, kubatanidza betsero dzichawanwa mukushandisa nzira yakadaro.
6 Mhedziso inofanira kutevera nomutoo une mufungo zvatotaurwa muhurukuro. Nokudaro, zvaunotaura mumhedziso yako kusunda vateereri vako kuti vaite chinhu pane zvatotaurwa mumuviri wehurukuro. Mhedziso yako ichajekesa ndokusimbisa chavanofanira kuita kuti vagoita chinhu pahwaro hwezvinhu izvezvo zvafukidzwa muhurukuro uye vachasundwa zvikurukuru kuzviita kupfurikidza nesimba remhedziso yako.
7 Muushumiri hwapaimba neimba mhedziso dzinowanzova dzakaneta. Ikoku kunoitika apo saimba anenge asina kuratidzwa chaizvoizvo chiito chatinomukarira kuita, mukutora chimwe chezvinyorwa, kubvumira shanyo yedzokerero kana kuti zvimwe chimwe chinhu chakafanana.
8 Mhedziso pamigove yomuchikoro dzichavawo dzakaneta kana dzichingovawo zvadzo kupfupikiswa kwamashoko uye dzisati dzichisundira vateereri kuchiito. Kushandiswa kwakati kwamashoko kunofanira kupiwa, kana kuti munzira yakati mashoko anofanira kuratidzwa kuva oukoshi chaihwo kuvateereri.
9 Vamwe vakurukuri vanokuwana kuchibetsera zvikuru kupedzisa hurukuro pamusoro weBhaibheri kupfurikidza nokupfupikisa kupfupi kwehurukuro yose, vachishandisa magwaro makuru uye musoro wehurukuro sohwaro hwako. Kupfurikidza nokupfupikisa hurukuro neiyi nzira namagwaro mashomanene akurukurwa sezvaungaita pasuo, hausati uchizongoita bedzi kuti pfundo rehurukuro rijeke asi uchapa vateereri chimwe chinhu chavanogona kuenda nacho ndokushandisa mukudzokorora mapfundo makuru ehurukuro. Iroro ndiro donzo guru, uye uyu mutoo hauna kukodzera bedzi asi unoita nenzira inobudirira donzo iroro.
**********
10-14. Ipa zvikarakadzo pamusoro pourefu hwemhedziso.
10 Mhedziso yourefu hwakafanira. Urefu hwemhedziso hahusati huchifanira kusarudzwa newachi, kunyange zvazvo ikoko kuchiwanzoitika. Mhedziso ndeyourefu hwakafanira kana ichibudirira uye ichiita donzo rayo. Naizvozvo, kukodzera kwourefu hwayo kunofanira kusarudzwa nemigumisiro. Izvozvi ndizvo zvichaita anokupa zano apo unenge uchishandira pa“Mhedziso yourefu hwakafanira,” pakasiripi keZano Rokutaura.
11 Nokuda kwokuenzaniswa kwemhedziso maererano nourefu hwomutumbi wamashoko, cherechedza mhedziso pfupi yebhuku rose raMuparidzi inowanwa pana Muparidzi 12:13, 14, uye ienzanise neMharidzo yaJesu yapaGomo uye mhedziso yake pana Mateo 7:24-27. Heano marudzi maviri akasiyana uye urefu hwemhedziso, bva ose ari maviri anoita donzo rawo.
12 Mhedziso haisati ichifanira kubvurira vateereri. Mashoko anotaurwa haasati achingofanira bedzi kunongedzera zvakajeka kumugumo wehurukuro, asi anofanirawo kuva nechiratidzo chomugumo. Chaunotaura uye kutaura kwaunochiita zvinofanira kugumisa kurukurirano yako. Haisati ichifanira kungopfuurira zvisiri madikanwa. Kana usingakwanisi kubatanidza hurukuro yako pamwe chete uye uchingobata kufarira mumhedziso yose, ipapo inofanira kushandwazve. Ichiri yakanyanyoreba.
13 Kana uri mukurukuri ari kuvamba, kunowanzova kwakanakisisa kupfupikisa zvikuru mhedziso yako kupfuura yaunofunga kuti ingava inodikanwa. Ipfavise, iite yakananga uye yakajeka. Usarega ichipfuurira isingagumi.
14 Kana uri kupa hurukuro imwe yedzokusiyirana, kana kuti kana uri kutaura pamusangano webasa, ipapo mhedziso yako ichabatana nesumo yehurukuro inotevera uye naizvozvo inogona kuva pfupi zvikuru. Kunyange zvakadaro, rutivi rumwe norumwe runofanira kuva nemhedziso inoita donzo rehurukuro. Kana ikadaro, ipapo ndeyourefu hwakafanira.
**********
15-18. Kana kuchengeta nguva kusingangwarirwi zvikuru, chii chinovapo?
15 Kuchengeta nguva. Urefu hwemhedziso hahusati hurihwo bedzi hunokosha; kuchengetwa kwenguva yorutivi rwuri rwose rwehurukuro kunofanirwa nengwariro. Nokuda kwechikonzero ichocho pane rutivi rwuri rwoga pakasiripi keZano Rokutaura rwo“Kuchengeta nguva.”
16 Ukoshi hwokuchengeta nguva yehurukuro hwakafanira hahusati huchifanira kudukupiswa. Kana hurukuro yakagadzirirwa zvakafanira, kuchengeta nguva kuchavewo kwakarangarirwawo, asi kana mukurukuri, mukuedza kupinza mashoko ose, achidya nguva, iye haasati chaizvoizvo ari kuita chinangwa chake. Ikoku imhaka yokuti avo vari muvateereri vachavamba kusagadzikana ndokutarisa wachi dzavo uye vasati vachipa chaizvoizvo ngwariro kune zvaari kutaura. Mhedziso, iyo inofanira kubatanidza kushandisa uye kusunda izvo zvinokosha mukuita donzo rehurukuro, icharasika. Kunyange kana ikapiwa, muzvinoitika zvizhinji vateereri vachakundikana kuwana betsero inobva mairi nemhaka yomukurukuri ari kudya nguva.
17 Havasati vari vateereri bedzi vanonetseka apo mukurukuri anodya nguva, asi mukurukuri anodarowo. Apo anoona kuti nguva yake yopera uye ane mashoko akanyanyowanda, iye angaedza kutsvikinyidza akanyanyowanda, achiparadza kubudirira kwayo. Ikoku kunowanzoguma nokushayiwa dzikamo. Kune rumwe rutivi, kana mukurukuri akawana kuti haana mashoko akakwana okuzadza nguva yakagoverwa, mukuedza kuatambanudza angasanova asina bvumirano ndokudzungaira mukupa kwake.
18 Nepo kuri kwechokwadi kuti mutariri wechikoro acharatidzira kumudzidzi apo nguva yake inenge yakwana, kunoodza mwoyo, kuna vose vari vaviri mudzidzi navateereri, apo hurukuro inofanira kupedzwa isati yapera. Mukurukuri anofanira kufarira zvakakwana mashoko ake zvokuda kuapa. Vateereri vachanzwa sokunge vasiyiwa vakarembera mumhepo kana vakakundikana kunzwa mhedziso. Munhu anogarodya nguva muhurukuro dzake anoratidza kuti haarangariri vamwe kana kuti anopa ufakazi hwokusagadzirira.
19, 20. Nei kuchengeta nguva kuchikosha zvikuru pamisangano yebasa napamapurogiramu ekokorodzano?
19 Apo vakurukuri vakati vanenge vane rutivi papurogiramu, kuchengeta nguva kwakafanira ndokwoukoshi hukuru. Somuenzaniso, pangava namativi mashanu pamusangano webasa. Kana mukurukuri mumwe nomumwe akataura miniti imwe bedzi kupfuura nguva yake yakagoverwa, kungaita kuti musangano udye nguva namaminiti mashanu. Bva munhu mumwe nomumwe anga achidya bedzi nguva shomanene zvikuru. Mugumisiro wacho ungava wokuti vamwe vanofanira kuenda musangano usati wapera kuti vabate bhazi rinoenda kumba, kana kuti vakwanyina vasingatendi vauya kuzotora mumwe ari pamusangano uye avo vanoitwa kuti varambe vakamirira vangatsamwiswa. Mugumisiro wacho wose hauna kunaka.
20 Zvinetso zvinogona kumukawo kana mukurukuri ari muhurukuro yokusiyirana akasapedza nguva yake yakagoverwa. Somuenzaniso, kudai hama yakagoverwa hurukuro yehafu yeawa papurogiramu yekokorodzano ikamira pashure pamaminiti ane makumi maviri, kungaparira vhiringidziko mupurogiramu kana mukurukuri anotevera anga asina kugadzirira kutanga pakarepo.
21-24. Nokupfupikisa rondedzera zvimwe zvezvinetso pamusoro pokuchengeta nguva uye zvisakiso zvako.
21 Chokwadika, chimwe chezvisakiso zvikuru zvokudya nguva muhurukuro ndechokuva namashoko akanyanyowanda. Ichi ndichimwe chinhu chinofanira kururamiswa apo hurukuro inenge ichigadzirirwa. Kana mamwe mapfundo, mapfundo apakuvamba ari pafomu reZano Rokutaura, akanzwisiswa kusvikira papfundo rino, zvisinei, kuchengeta nguva hakusati kuchizova chinetso. Kana wakatodzidza nzira yokuparadzanisa nayo mapfundo ako makuru uye kugadzirira ndaza yakafanira, uchawana kuti kuchengeta nguva kwakanaka kunoitika nomuzvarirwo. Kuchengeta nguva kuri kurangarirwa pedyo nomugumo wefomu rezano nemhaka yokuti kunotsamira zvikuru kwazvo pamavara apakuvamba okutaura akurukurwa.
22 Kazhinji kazhinji chinetso mukuchengeta nguva ndechokudya nguva. Mukurukuri akasanogadzirira anowanzova namashoko mazhinji anorayiridza, asi anofanira kushandisa ngwariro kuti agorega kushandisa anopfuura achabvumira nguva yakagoverwa.
23 Zvisinei, vakurukuri vatsva kana kuti vasina ruzivo rwokuzviwanira dzimwe nguva vanosiya nguva. Vachada kudzidza kushandisa zvakazara nguva iripo. Kutanga vangakuwana kwakati omei kuyera hurukuro dzavo kuti dzigova chaizvoizvo dzourefu hunodikanwa, asi vanofanira kuedza kusvika pedyo nenguva yakagoverwa sezvinobvira. Kunyange zvakadaro, kutoti hurukuro ikava pfupi zvikuru panguva yakagoverwa, kuchengeta nguva hakungarangarirwi kuva kwakaneta kana mudzidzi akagadzirira ndokupa hurukuro yakaisvonaka, inogutsa.
24 Kana kuchengeta nguva kwomukurukuri kuchifanira kurangarirwa kuva kwakaneta kana kuti kusati kunogona kusarudzwa zvakanakisisa kupfurikidza nokucherechedza mugumisiro wokupa pavateereri. Apo mutariri wechikoro anoratidzira kuti nguva yakwana, mudzidzi anofanira kunzwa akasununguka kugumisa mutsetse wake. Kana kupfurikidza nomutsetse iwowo achigona kusvitsa hurukuro yake kumhedziso inobudirira zvokuti vateereri vanonzwa kuti vanzwa kurukurirano yakaisvonaka, ipapo kuchengeta nguva hakufaniri kurangarirwa kuva kwakaneta.
25-29. Munhu anogona sei kuva nechokwadi chokuti hurukuro yake yakarongwa nguva zvakafanira?
25 Kuchengeta nguva kwakafanira kunogona kuwanwa sei? Zvikurukuru inhau yegadziriro. Kunokosha kugadzirira, asati achingova mashoko bedzi achapinda muhurukuro, asi kupiwa kwehurukuro. Kana pane gadziriro yakakwana yokukurukura, kuchengeta nguva kuchawanzova kwakarurama.
26 Mukuronga hurukuro yako ratidzira zvakajeka ari mapfundo ako makuru. Pasi pepfundo guru rimwe nerimwe ungava namapfundo maduku anoverengeka anofanira kufukidzwa. Mamwe, chokwadika, achava anokosha zvikuru kupfuura mamwe. Ziva kuti ndaapi ari anokosha kukupa uye ndaapi anogona kubviswa kana kuri madikanwa. Ipapo kana, mukati mokupa kwako, uchiwana kuti wava kupererwa nenguva, chichava chinhu chakapfava kupa bedzi zvibvumikiso zvikuru ndokubvisa zviduku.
27 Ichi ndichimwe chinhu chatinokumbirwa nguva dzose kuita muushumiri hwomumunda. Apo tinoenda kumasuo avanhu, kana vachizogara ndokuteerera tichataura kwavari kwamaminiti anoverengeka. Asi takagadzirirawo kupa mharidzo imwe cheteyo muchimiro chakapfupikiswa, zvichida tichiita miniti imwe bedzi kana kuti maviri kana kuri madikanwa. Tinokuita sei? Tinoyeuka pfundo redu guru kana kuti mapfundo uye mashoko anokosha zvikurusa anodikanwa mukutsigira. Tinoyeukawo mamwe mashoko oukoshi huduku anogona kushandiswa kukudza kurukurirano, asi tinoziva kuti apo mamiriro ezvinhu anokuda iwawa anogona kutengwa. Muitiro mumwe chetewo unogona kuteverwa mukupa hurukuro pachikuva.
28 Kunowanzobetsera kumukurukuri kunyora mumucheto mehurukuro yake kuratidzira kuti anofanira kuve apedza zvakawanda sei apo hafu yenguva yake inenge yakwana, kana kuti, kana iri hurukuro refu, angada kuikamura kuva mativi mana. Ipapo apo anopfuura zviratidzo izvezvo zvenguva zviri pandaza yake, anofanira kuona wachi ndokuona kuti ari kuita sei. Kana ari kupererwa nenguva, iyeyo ndiyo nguva yokutanga kubvisa mashoko oukoshi huduku panzvimbo pokumirira kusvikira nguva yapera ndokutsvikinyidza mhedziso naizvozvo ndokuparadza kubudirira kwayo. Zvisinei, kunotsausa zvikuru kana mukurukuri achitarira-tarira wachi yake nguva dzose kana kuti kana iye achikuita nenzira inooneka zvikuru, kana kuti kana achiudza vateereri kuti nguva yake yava kupera naizvozvo anofanira kukurumidza kupedza mashoko ake. Ichi ndichimwe chinhu chinofanira kuitwa nenzira yomuzvarirwo pasina kuvhiringidza vateereri nacho.
29 Kusvika kuchengeta nguva kwose kwakafanira kunoda kuti sumo ive ine urefu kwakafanira, kuti rimwe nerimwe ramapfundo makuru rikudziridzwe mumwero wakafanira, uye kuti nguva yakakwana igosiyiwa nokuda kwemhedziso. Hachisi chimwe chinhu chinofanira kurangarirwa bedzi apo unoona kuti nguva yako iri kupera. Kana uchingwarira kuchengeta nguva kwako kubvira pakutanga chaipo, mugumisiro uchava kupa kwakasanoyerwa.