Vanhu vaMwari Vanodzokera Kunyika Yavo
Umambo hweMedhia nePersia
PANE makomo maviri makuru anozivikanwa zvikuru akapoteredza nzvimbo yakati sandara iri pakakwirira muIran, anoti Elburz (riri kumaodzanyemba kweGungwa reCaspian) neZagros (riri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwePersian Gulf). Anozoganhurwa nemipata yakakura, yakaorera ine mawere akazara nemiti. Mipata iyi hainyanyi kutonhora kana kupisa asi mumapani akakwirira munotonhora zvakanyanya munguva yechando. Pedyo naipapo pane renje rine misha isina kunyanya kubatana. Munharaunda iyi, kumabvazuva kweMesopotamiya, ndiko kwakatangira Umambo hweMedhiya nePezhiya.
VaMedhiya vaigara nechekuchamhembe kwemupata uyu, kunyange zvazvo gare gare vakazopararira vachipinda muArmenia neKirikiya. Asi vaPezhiya vaiva nechekumaodzanyemba kwakadziva kumaviririra kwemupata wacho, nechekumabvazuva kweMupata weRwizi Tigirisi. Panguva yaitonga Koreshi, uyo akatanga kutonga munenge muna 560 B.C.E., Medhiya nePezhiya dzakabatana dzikaumba umambo hwaiva nesimba zvikuru kupfuura hwose hwaivapo.
Koreshi akakunda Bhabhironi muna 539 B.C.E. Umambo hwake hwakawedzera huchienda nechokumabvazuva kuIndia. Nechokumadokero, hwakanosvika kuIjipiti neyava kunzi Turkey. Ndokusaka Dhanieri akazorondedzera Umambo hweMedhiya nePezhiya ‘sebheya’ rinorura ‘rakadya nyama zhinji.’ (Dha 7:5) Hutongi hwaKoreshi hwakanga hwakanaka uye airemekedzawo tsika dzevamwe. Akaganhura umambo hwacho kuva matunhu. Dunhu rimwe nerimwe raitongwa nomuchinda, aiwanzova muPezhiya, asi pasi pake paizovawo nemutongi wemunzvimbo yacho. Vanhu vomudunhu racho vaikurudzirwa kuramba vaine tsika nezvitendero zvavo.
Izvi ndizvo zvakaita kuti Koreshi abvumire vaJudha kudzokera kuti vanotangazve kunamata kwechokwadi uye kuti vavakezve Jerusarema, sezvinotaurwa naEzra naNehemiya. Unofunga kuti boka guru iri revanhu rakadzokera nenzira yakanga yashandiswa naAbrahamu yekukwidza neYufratesi akananga Kakemishi, kana kuti vakadimburira vachipfuura nemuTadmori neDhamasiko here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. (Ona mapeji 6 ne7.) Nekufamba kwenguva vaJudha vakazogarawo mune dzimwe nzvimbo dzakadai sekunopindira rwizi rwaNire mugungwa uye dzimwewo nzvimbo dziri nechokumaodzanyemba. VaJudha vakati wandei vakasara muBhabhironi, zvingangove zviri izvo zvakazoita kuti muapostora Petro azoendako mazana emakore akazotevera. (1Pe 5:13) Umambo hweMedhiya nePezhiya ndihwo hwakaita kuti vaJudha vazowanikwa munharaunda dzakawanda munguva yakazotonga umambo hweGirisi neRoma.
Vakurira Bhabhironi, guta raipisa chaizvo munguva yechirimo, vaMedhiya nevaPezhiya vakashandisa guta racho somuzinda wavo mukuru. Shushani, iro raimbova guta guru revaEramu, ndiro raiva rimwe remaguta aigarwa namambo. Ndimo umo Mambo wePezhiya, Ahashivheroshi (angangova Xerxes I) akazoita Esteri vahosi vake, akazovhiringidza chirangano chakanga chaitwa chokuuraya vanhu vaMwari muumambo hwacho hwose. Mamwe maguta makuru eMedhiya nePezhiya aiva Ekibhatana (yaiva panzvimbo yakakwirira nemamita 1 900, yaiva nemamiriro okunze aifadza munguva yechirimo) uye Pasargadae (yaiva panzvimbo yakangokwirira serimwe racho, iri kure nemakiromita angasvika 650 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva).
Umambo uhwu hwaiva nesimba pane dzimwe nyika hwakaguma sei? Payakanga yanyatsosimba, Medhiya nePezhiya yakarwisa vanhu vaiipandukira vachifurirwa nevaGiriki vaiva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwemuganhu wayo. Girisi yakazova nemaguta airwisana asi akazobatana pakukurira mauto ePezhiya muhondo dzakarwiwa paMarathon nepaSaramisi. Apa ndipo pakatanga kunyatsosimba Girisi zvikaita kuti ikurire vaMedhiya nevaPezhiya.
[Bhokisi riri papeji 25]
Vachitungamirirwa naZerubhabheri, varume vechiIsraeri vanenge 50 000 vakafamba rwendo rwemakiromita 800 kusvika ku1 600 (zvichienderana nenzira yavakatora) vachidzokera kuJerusarema. Vakasvikowana nyika iri muurombo husingaiti. Yakanga yaita makore makumi manomwe iri dongo. Vakatanga kudzorera kunamata kwechokwadi nokuvakazve atari uye kupa zvibayiro kuna Jehovha. Muchirimo chemuna 537 B.C.E., vakapemberera Mutambo Wematumba. (Jer 25:11; 29:10) Vakabva vazotanga kuvaka nheyo yeimba yaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 25]
MABHUKU EBHAIBHERI AKANYORWA PANGUVA IYI:
Dhanieri
Hagai
Zekariya
Esteri
Mapisarema (mamwe mabhuku acho)
1 na2 Makoronike
Ezra
Nehemiya
Maraki
[Mepu iri papeji 24]
(Kana uchida kuona zvayakaita, ona bhuku racho)
Umambo hweMedhiya nePezhiya
A2 MAKEDHONIYA
A2 THRACE
A4 Kurini
A4 RIBHIYA
B2 Byzantium
B2 RIDHIYA
B3 Sadhisi
B4 Memfisi (Nofi)
B4 IJIPITI
B5 No-amoni (Thebes)
B5 Siene
C3 KIRIKIYA
C3 Taso
C3 Issus
C3 Kakemishi
C3 Tadmori
C3 SIRIYA
C3 Sidhoni
C3 Dhamasiko
C3 Tire
C4 Jerusarema
D2 Phasis
D2 ARMENIA
D3 ASIRIYA
D3 Ninivhi
D4 Bhabhironi
E3 MEDHIYA
E3 Ekibhatana (Achmetha)
E3 HYRCANIA
E4 Shushani (Susa)
E4 ERAMU
E4 Pasargadae
E4 Persepolis
E4 PEZHIYA
F3 PATIYA
F4 DRANGIANA
G2 Maracanda (Samarkand)
G3 SOGDIANA
G3 BACTRIA
G3 ARIA
G4 ARACHOSIA
G4 GEDROSIA
H5 INDIYA
[Dzimwe nzvimbo]
A2 GIRISI
A3 Marathon
A3 Atene
A3 Saramisi
C1 SITIYA
C4 Erati (Eroti)
C4 Tema
D4 ARABHIYA
[Makomo]
E3 ELBURZ MTS.
E4 ZAGROS MTS.
[Mvura zhinji]
B3 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
C2 Gungwa Dema
C5 Gungwa Dzvuku
E2 Gungwa reCaspian
E4 Persian Gulf
[Nzizi]
B4 Nire
C3 Yufuratesi
D3 Tigirisi
H4 Indus
[Mufananidzo uri papeji 24]
Mauto aKoreshi aifanira kupfuura nemuMakomo eZagros kuti asvike kuBhabhironi
[Mufananidzo uri papeji 25]
Pamusoro: Gedhi Remarudzi Ose, paPersepolis
[Mufananidzo uri papeji 25]
Pazasi: Guva raKoreshi paPasargadae