RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 4-5
  • Nyika Dzinotaurwa muBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Dzinotaurwa muBhaibheri
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu vaMwari Vanodzokera Kunyika Yavo
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Girisi NeRoma Dzakambotonga VaJudha
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • ChiKristu Chinopararira Kune Dzimwe Nyika
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
  • Madzimambo Ane Simba Anorwisa Nyika Yakapikirwa
    ‘Ona Nyika Yakanaka’
Ona Zvimwe
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 4-5

Nyika Dzinotaurwa muBhaibheri

VAISRAERI pavakanga vava kugadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akaudza Mwari chido chake chikuru achiti: “Ndapota, ndibvumirei henyu kuti ndiyambuke, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJodhani, nharaunda iyi yakanaka ine makomo.”—Dhe 3:25.

Mosesi haana kubvumirwa, asi akakwira gomo rakatarira Jeriko akaona nyika yacho—‘Giriyedhi kusvikira kuDhani, nenyika yaJudha kusvikira kugungwa riri nechokumavirira, neNegebhu nebani reJeriko.’ (Dhe 3:27; 34:1-4) Wakambonzwa mazita enzvimbo idzi here? Unoziva kwadzinowanika here?

Pavanhu vaJehovha mazuva ano, havasi vakawanda vangakwanisa kushanyira nzvimbo dzakawanda dzavanoverenga muBhaibheri. Havakwanisi kutenderera vachiona kureba nokufara kweNyika Yakapikirwa sezvakaudzwa Abrahamu naMwari. (Ge 13:14-17) Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi vanoda chaizvo kuziva nezvenzvimbo dzomuBhaibheri uye kuona kuti imwe neimwe yaiva kupi.

Bhurocha ra‘Ona Nyika Yakanaka’ rinogona kukubatsira kuti uwedzere kunzwisisa Magwaro. Rine mifananidzo yenzvimbo chaidzo, dzakadai seGiriyedhi, iri pakavha. Rinewo mepu dzinobatsira chaizvo kuti uwedzere kuziva nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri.

Mepu iri papeji 2 ne3 inoratidza nyika nenzvimbo dzinonyanya kutaurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, paunoona kuti Asiriya neIjipiti zvaiva kumativi api eNyika Yakapikirwa, unogona kunzwisisa zviri nani uprofita hunotaura nezvenyika idzodzo. (Isa 7:18; 27:13; Ho 11:11; Mik 7:12) Nyika Yakapikirwa yaiva kanzvimbo katete, iine migwagwa yakawanda yaienda kune dzimwe nyika uye nyika idzodzo dzaida chaizvo kuitonga kuti dzitore upfumi hwayo hwezvirimwa, minda yemizambiringa neyemiorivhi.—Dhe 8:8; Vat 15:5.

Nyika dzomuBhaibheri neMaguta Makuru

Nyika dzomuBhaibheri neMaguta Makuru

Dzimwe nguva ungada kuenzanisa nzvimbo dziri pamamepu. Somuenzaniso, Jona akatumwa kuguta guru reAsiriya, asi akakwira chikepe chaienda kuTashishi. (Jon 1:1-3) Nzvimbo idzodzo wadziona here pamepu yokutanga? Asi Tashishi yakasiyana neTaso, kwakazvarirwa muapostora Pauro. Uchawana Taso nemamwe maguta akakurumbira pamepu iri papeji ino.

Tsvaga pane Uri, Harani, neJerusarema kuti uongorore rwendo rwaAbrahamu. Paakanzi naJehovha abve muUri, akanogara muHarani ndokuzoenda kuNyika Yakapikirwa. (Ge 11:28–12:1; Mab 7:2-5) Kuongorora musoro wakanzi “Nyika Yemadzitateguru evaIsraeri,” uri papeji 6 ne7 kuchaita kuti unyatsonzwisisa zvaiva zvakaita rwendo rwaAbrahamu.

Mepu yokutanga neiri papeji ino hadzina kunyorwa pachifungwa nezvemakore api neapi. Asi dzinozotevera dzacho dzakarongwa maererano nokutevedzana kwezviitiko. Maguta kana kuti mashoko ari pamepu anoenderana nenguva inenge ichitaurwa. Kunyange zvazvo indekisi (iri pamapeji 34-5) isingatauri nzvimbo dzose dzine mazita ari pamamepu, inogona kukubatsira kuti nzvimbo yauri kutsvaka inowanika pamepu ipi.

Pamepu dzose dziri mubhuku rino, mepu iri papeji 18 ne19 ndiyo ine maguta nemataundi akawanda eNyika Yakapikirwa. Chiratidzo cheMepu chiri papeji iyi chichakubatsira kuwana maguta evaRevhi, maguta matanhatu okupotera uye kuziva nzvimbo dzinotaurwa muMagwaro echiHebheru, Magwaro echiGiriki, kana kuti mose.

Dzimwe nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri hadzisati dzava kuzivikanwa kuti dzaiva papi, saka mazita akawanda enzvimbo idzodzo haawaniki pamepu iyoyo. Uyewo zvakanga zvisingaiti kuisa maguta uye mataundi ose pamepu iyoyo seaya ari pakarongwa miganhu yemadzinza. (Jos, zvits. 15-19) Asi mepu iyoyo inowanzoratidza maguta aiva pedyo, zvichiita kuti ugone kufungidzira paiva nenzvimbo dzacho. Panewo zviratidzo zvinoratidza makomo, nzizi, mipata ine hova, uye kukwirira nokudzika kwenzvimbo zvinoratidzwa neruvara. Zvinhu zvakadaro zvinogona kukubatsira kuti ufungidzire maitikiro aiita zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri.

Mamwe mashoko ane chokuita nenzvimbo dzomuBhaibheri ari muenisaikoropidhiya inonzi Insight on the Scriptures, iri mumitauro yakawanda.a Paunenge uchiishandisa nezvimwe zvinhu zvinobatsira kudzidza Bhaibheri, iva nebhuku ra‘Ona Nyika Yakanaka’ pedyo newe. Rishandise paunenge uchidzidza Magwaro ose, ayo anobatsira kwazvo muupenyu hwako.—2Ti 3:16, 17.

[Mashoko Omuzasi]

a Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 5]

MABHUKU EBHAIBHERI AKANYORERWA MUNZVIMBO IDZI

Bhabhironi

Kesariya

Korinde

Ijipiti

Efeso

Jerusarema

Makedhoniya

Moabhi

Patmosi

Nyika Yakapikirwa

Roma

Shushani

[Mepu iri papeji 4, 5]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nyika dzomuBhaibheri neMaguta Makuru

A1 ITARI

A2 ROMA

A3 SISIRI

A3 MARITA

C2 MAKEDHONIYA

C2 Firipi

C2 GIRISI

C3 ATENE

C3 Korinde

C3 KRETE

C4 RIBHIYA

D3 Andiyoki (yePisidhiya)

D3 Efeso

D3 PATMOSI

D3 RODZI

D4 MEMFISI

D5 IJIPITI

E2 ASIA MINOR

E3 Taso

E3 Andiyoki (yeSiriya)

E3 KUPRO

E4 Sidhoni

E4 Dhamasiko

E4 Tire

E4 Kesariya

E4 NYIKA YAKAPIKIRWA

E4 JERUSAREMA

E4 MOABHI

E4 Kadheshi

E4 EDHOMU

F3 Munda weEdheni?

F3 SIRIYA

F3 Harani

F5 ARABHIYA

G3 NINIVHI

G4 BHABHIRONI

G4 KADHEYA

G4 Shushani

G4 Uri

H3 MEDHIYA

[Makomo]

E5 Gomo reSinai

G2 MAKOMO EARARATI

[Mvura zhinji]

C3 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)

E1 Gungwa Dema

E5 Gungwa Dzvuku

H2 Gungwa reCaspian

H5 Persian Gulf

[Nzizi]

D5 Rwizi rwaNire

F3 Rwizi rweYufuratesi

G3 Rwizi rweTigirisi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe