Nyika Dzinotaurwa muBhaibheri
VAISRAERI pavakanga vava kugadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akaudza Mwari chido chake chikuru achiti: “Ndapota, ndibvumirei henyu kuti ndiyambuke, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJodhani, nharaunda iyi yakanaka ine makomo.”—Dhe 3:25.
Mosesi haana kubvumirwa, asi akakwira gomo rakatarira Jeriko akaona nyika yacho—‘Giriyedhi kusvikira kuDhani, nenyika yaJudha kusvikira kugungwa riri nechokumavirira, neNegebhu nebani reJeriko.’ (Dhe 3:27; 34:1-4) Wakambonzwa mazita enzvimbo idzi here? Unoziva kwadzinowanika here?
Pavanhu vaJehovha mazuva ano, havasi vakawanda vangakwanisa kushanyira nzvimbo dzakawanda dzavanoverenga muBhaibheri. Havakwanisi kutenderera vachiona kureba nokufara kweNyika Yakapikirwa sezvakaudzwa Abrahamu naMwari. (Ge 13:14-17) Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi vanoda chaizvo kuziva nezvenzvimbo dzomuBhaibheri uye kuona kuti imwe neimwe yaiva kupi.
Bhurocha ra‘Ona Nyika Yakanaka’ rinogona kukubatsira kuti uwedzere kunzwisisa Magwaro. Rine mifananidzo yenzvimbo chaidzo, dzakadai seGiriyedhi, iri pakavha. Rinewo mepu dzinobatsira chaizvo kuti uwedzere kuziva nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri.
Mepu iri papeji 2 ne3 inoratidza nyika nenzvimbo dzinonyanya kutaurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, paunoona kuti Asiriya neIjipiti zvaiva kumativi api eNyika Yakapikirwa, unogona kunzwisisa zviri nani uprofita hunotaura nezvenyika idzodzo. (Isa 7:18; 27:13; Ho 11:11; Mik 7:12) Nyika Yakapikirwa yaiva kanzvimbo katete, iine migwagwa yakawanda yaienda kune dzimwe nyika uye nyika idzodzo dzaida chaizvo kuitonga kuti dzitore upfumi hwayo hwezvirimwa, minda yemizambiringa neyemiorivhi.—Dhe 8:8; Vat 15:5.
Nyika dzomuBhaibheri neMaguta Makuru
Dzimwe nguva ungada kuenzanisa nzvimbo dziri pamamepu. Somuenzaniso, Jona akatumwa kuguta guru reAsiriya, asi akakwira chikepe chaienda kuTashishi. (Jon 1:1-3) Nzvimbo idzodzo wadziona here pamepu yokutanga? Asi Tashishi yakasiyana neTaso, kwakazvarirwa muapostora Pauro. Uchawana Taso nemamwe maguta akakurumbira pamepu iri papeji ino.
Tsvaga pane Uri, Harani, neJerusarema kuti uongorore rwendo rwaAbrahamu. Paakanzi naJehovha abve muUri, akanogara muHarani ndokuzoenda kuNyika Yakapikirwa. (Ge 11:28–12:1; Mab 7:2-5) Kuongorora musoro wakanzi “Nyika Yemadzitateguru evaIsraeri,” uri papeji 6 ne7 kuchaita kuti unyatsonzwisisa zvaiva zvakaita rwendo rwaAbrahamu.
Mepu yokutanga neiri papeji ino hadzina kunyorwa pachifungwa nezvemakore api neapi. Asi dzinozotevera dzacho dzakarongwa maererano nokutevedzana kwezviitiko. Maguta kana kuti mashoko ari pamepu anoenderana nenguva inenge ichitaurwa. Kunyange zvazvo indekisi (iri pamapeji 34-5) isingatauri nzvimbo dzose dzine mazita ari pamamepu, inogona kukubatsira kuti nzvimbo yauri kutsvaka inowanika pamepu ipi.
Pamepu dzose dziri mubhuku rino, mepu iri papeji 18 ne19 ndiyo ine maguta nemataundi akawanda eNyika Yakapikirwa. Chiratidzo cheMepu chiri papeji iyi chichakubatsira kuwana maguta evaRevhi, maguta matanhatu okupotera uye kuziva nzvimbo dzinotaurwa muMagwaro echiHebheru, Magwaro echiGiriki, kana kuti mose.
Dzimwe nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri hadzisati dzava kuzivikanwa kuti dzaiva papi, saka mazita akawanda enzvimbo idzodzo haawaniki pamepu iyoyo. Uyewo zvakanga zvisingaiti kuisa maguta uye mataundi ose pamepu iyoyo seaya ari pakarongwa miganhu yemadzinza. (Jos, zvits. 15-19) Asi mepu iyoyo inowanzoratidza maguta aiva pedyo, zvichiita kuti ugone kufungidzira paiva nenzvimbo dzacho. Panewo zviratidzo zvinoratidza makomo, nzizi, mipata ine hova, uye kukwirira nokudzika kwenzvimbo zvinoratidzwa neruvara. Zvinhu zvakadaro zvinogona kukubatsira kuti ufungidzire maitikiro aiita zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri.
Mamwe mashoko ane chokuita nenzvimbo dzomuBhaibheri ari muenisaikoropidhiya inonzi Insight on the Scriptures, iri mumitauro yakawanda.a Paunenge uchiishandisa nezvimwe zvinhu zvinobatsira kudzidza Bhaibheri, iva nebhuku ra‘Ona Nyika Yakanaka’ pedyo newe. Rishandise paunenge uchidzidza Magwaro ose, ayo anobatsira kwazvo muupenyu hwako.—2Ti 3:16, 17.
[Mashoko Omuzasi]
a Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 5]
MABHUKU EBHAIBHERI AKANYORERWA MUNZVIMBO IDZI
Bhabhironi
Kesariya
Korinde
Ijipiti
Efeso
Jerusarema
Makedhoniya
Moabhi
Patmosi
Nyika Yakapikirwa
Roma
Shushani
[Mepu iri papeji 4, 5]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Nyika dzomuBhaibheri neMaguta Makuru
A1 ITARI
A2 ROMA
A3 SISIRI
A3 MARITA
C2 MAKEDHONIYA
C2 Firipi
C2 GIRISI
C3 ATENE
C3 Korinde
C3 KRETE
C4 RIBHIYA
D3 Andiyoki (yePisidhiya)
D3 Efeso
D3 PATMOSI
D3 RODZI
D4 MEMFISI
D5 IJIPITI
E2 ASIA MINOR
E3 Taso
E3 Andiyoki (yeSiriya)
E3 KUPRO
E4 Sidhoni
E4 Dhamasiko
E4 Tire
E4 Kesariya
E4 NYIKA YAKAPIKIRWA
E4 JERUSAREMA
E4 MOABHI
E4 Kadheshi
E4 EDHOMU
F3 Munda weEdheni?
F3 SIRIYA
F3 Harani
F5 ARABHIYA
G3 NINIVHI
G4 BHABHIRONI
G4 KADHEYA
G4 Shushani
G4 Uri
H3 MEDHIYA
[Makomo]
E5 Gomo reSinai
G2 MAKOMO EARARATI
[Mvura zhinji]
C3 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
E1 Gungwa Dema
E5 Gungwa Dzvuku
H2 Gungwa reCaspian
H5 Persian Gulf
[Nzizi]
D5 Rwizi rwaNire
F3 Rwizi rweYufuratesi
G3 Rwizi rweTigirisi