Kubva kuIjipiti Kuenda Kunyika Yakapikirwa
VANHU kwose kwose vanoziva nezvekubuda kwevaIsraeri muIjipiti. Asi Mosesi nevanhu vaMwari vaizosangana nemamiriro ezvinhu akaita sei vayambuka Gungwa Dzvuku? Vakananga nekupi, uye vakasvika sei kuRwizi rwaJodhani kuti vapinde muNyika Yakapikirwa?
Nzira Yokubuda Nayo
Vaienda kunyika yeKenani, asi Mosesi haana kutora nzira yokudimburira yaingova makiromita 400 yaitevedza mhenderekedzo yaiva nejecha yaizopfuura nomuFiristiya, nyika yomuvengi. Haana kupfuurawo nepakati pegwenga reSinai iro rinopisa zvikuru rizere rukangarahwe. Asi Mosesi akatungamirira vanhu achienda nechokumaodzanyemba, achidzika nemumhenderekedzo yeGungwa Dzvuku. Vakatanga kudzika musasa paMara, Jehovha paakashandura mvura inovava kuti inake.a Vabva paErimu, vanhu vakanyunyutira zvokudya, Mwari akatumira zvihuta akazotumirazve mana. PaRefidhimu, nyaya yemvura yakanetsazve, vaAmareki vairwisa vakarakashwa, uye tezvara vaMosesi vakamukurudzira kubatsirwa nevamwe varume vanokwanisa.—Eks, zvitsauko 15-18.
Mosesi akabva aenda nevaIsraeri akananga kumakomo ari kumaodzanyemba, akazodzika musasa paGomo reSinai. Vari ipapo, vanhu vaMwari vakapiwa Mutemo, vakavaka tebhenekeri, uye vakapa zvibayiro. Mugore rechipiri, vakaenda kuchamhembe vakafamba nomu‘renje guru rinotyisa,’ vakananga kuKadheshi (Kadheshi-bhaneya), rwendo rwakavatorera anenge mazuva 11. (Dhe 1:1, 2, 19; 8:15) Vatyisidzirwa nemashoko asingakurudziri akataurwa nevasori gumi, vanhu vakazoregwa vachingodzungaira kwemakore 38. (Nu 13:1–14:34) Dzimwe dzenzvimbo dzavakadzika misasa dzaisanganisira Abrona neEziyoni-gebheri uye vakazodzokerazve kuKadheshi.—Nu 33:33-36.
Nguva payakasvika yekuti vaIsraeri vapinde muNyika Yakapikirwa, havana kubva vangonanga kuchamhembe. Vakapfuura nepakati chaipo peEdhomu ndokukwidza ‘nemugwagwa wamambo.’ (Nu 21:22; Dhe 2:1-8) Zvaisava nyore kuti rudzi rwose rwaiti vana, zvipfuwo, uye matende, rwufambe nenzira iyi. Vaifanira kufamba vachidzika nemumateru aimonereka, vozokwidza makata vachibuda mumipata inotyisa yeZeredhi neAnoni (iyo yakadzika anenge mamita 520).—Dhe 2:13, 14, 24.
VaIsraeri vakazopedzira vasvika paGomo reNebho. Miriyemu akanga afira paKadheshi, uye Aroni paGomo reHori. Mosesi akazofa ava kutoona nyika yaaida kwazvo kupinda mairi. (Dhe 32:48-52; 34:1-5) Joshua ndiye akazotungamirira vaIsraeri kupinda munyika yacho, uye ndipo pakaperera rwendo rwakanga rwaita makore 40.—Jos 1:1-4.
[Mashoko Omuzasi]
a Nzvimbo dzakawanda dzavakadzika misasa hadzinyatsozivikanwi kuti dzaiva papi.
[Bhokisi riri papeji 8]
MABHUKU EBHAIBHERI AKANYORWA PANGUVA IYI:
Genesisi
Eksodho
Revhitiko
Numeri
Dheuteronomio
Jobho
Mapisarema (mamwe mabhuku acho)
[Mepu iri papeji 9]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Nzira Yokubuda Nayo
Nzira Yakatorwa NevaIsraeri
A7 IJIPITI
A5 Ramesesi?
B5 Sukoti?
C5 Etamu?
C5 Pihahiroti
D6 Mara
D6 Erimi
E6 RENJE RESINI
E7 Dhofka
F8 Refidhimu
F8 Gomo reSinai (Horebhi)
F8 RENJE RESINAI
F7 Kibroti-hataavha
G7 Hazeroti
G6 Rimoni-perezi
G5 Risa
G3 Kadheshi
G3 Bhene-jaakani
G5 Ho-hagidhigadhi
H5 Jotbhata
H5 Abrona
H6 Eziyoni-gebheri
G3 Kadheshi
G3 RENJE REZINI
H3 Gomo reHori
H3 Zarimona
I3 Punoni
I3 Iye-abharimu
I2 MOABHI
I1 Dibhoni
I1 Arimoni-dhibrataimu
H1 Jeriko
[Dzimwe Nzvimbo]
A3 GOSHENI
A4 Oni
A5 Memfisi (Nofi)
B3 Zoani
B3 Tapanesi
C5 Migdhori
D3 SHURI
D5 RENJE REETAMU
F5 RENJE REPARANI
G1 FIRISTIYA
G1 Ashdhodhi
G2 Gaza
G2 Bheeri-shebha
G3 Azmoni
G3 NEGEBHU
H1 Jerusarema
H1 Hebroni (Kiriyati-abha)
H2 Aradhi (muKenani)
H4 SEIRI
H4 EDHOMU
I7 MIDHIYANI
Migwagwa Mikuru
Nzira Inoenda Kunyika yevaFiristiya
Nzira Inoenda kuShuri
I4 Mugwagwa waMambo
Nzira yeMakaravhani
Nzira yeEl Haj
[Makomo]
F8 Gomo reSinai (Horebhi)
H3 Gomo reHori
I1 Gomo reNebho
[Mvura zhinji]
E2 Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
D7/G7 Gungwa Dzvuku
I1 Gungwa Romunyu
[Nzizi nehova]
A6 Rwizi rwaNire
F3 M.R. weIjipiti
I2 Anoni
I3 Zeredhi
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vanhu vaiva parwendo vakapfuura nemurenje reSinai
[Mufananidzo uri papeji 8]
VaIsraeri vakadzika musasa paGomo reSinai
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mvura yaiwanika muzvitubu zvaiva paKadheshi nenzvimbo dzaiva pedyo
[Mufananidzo uri papeji 9]
VaIsraeri vose vaifanira kuyambuka mupata une rukova weAnoni