ChiKristu Chinopararira Kune Dzimwe Nyika
PAGOMO REMIORIVHI pedyo neBhetani, Jesu akapa vadzidzi vake basa rokuparidza raizochinja nyika yose. Raizotangira muJerusarema, iro raiva makiromita anenge matatu kubva mugomo iri nechokumadokero. Shoko racho raizoparadzirwa kumaguta aiva pedyo eJudhiya neSamariya, richizopedzisira rasvika “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mab 1:4, 8, 12.
Pasina nguva Jesu ataura mashoko iwayo, vaJudha vakawanda nevakatendeukira kuchiJudha vaibva muUmambo hweRoma hwose vakauya kuMutambo wePendekosti, vachibva munharaunda dzinoratidzwa pamepu iri pasi apa. Kuparidzirwa kwavakaitwa nomuapostora Petro musi iwoyo ndikwo kwakava kutanga kwekupararira kwechiKristu.—Mab 2:9-11.
Kupararira kwechiKristu
Kutambudzwa kwaiitwa vaKristu muJerusarema kwakaita kuti vapararire. Petro naJohani vakabatsira vaSamariya kunzwa nokugamuchira mashoko akanaka. (Mab 8:1, 4, 14-16) Pakaparidzirwa mumwe murume wokuItiopiya naFiripi pamugwagwa womurenje “unobva kuJerusarema uchiburukira kuGaza,” chiKristu chakabva chapinda muAfrica. (Mab 8:26-39) Panguva imwe cheteyo, shoko rakava nezvibereko muguta reRidha, riri pabani reSharoni, uyewo pachiteshi cheJopa. (Mab 9:35, 42) Petro achibva ipapo akaenda kuKesariya akabatsira mukuru mukuru weRoma Koneriyasi, pamwe nehama dzake neshamwari kuti dzive vaKristu vakazodzwa nomudzimu.—Mab 10:1-48.
Nzendo dzaPauro
Pauro, aimbova mutambudzi, akazova muapostora kune mamwe marudzi. Akaita nzendo nhatu dzoumishinari dzepanyika nedzemumvura uye akazoita rwekupedzisira rwemumvura achienda kuRoma. Vaapostora nevamwe vakaparadzira mashoko akanaka kunzvimbo dzakawanda dzoUmambo hweRoma. Pauro aida kusvika kuSpeini (Ona peji 2.), uye Petro akaenda kumabvazuva achinosvika kuBhabhironi achishumira. (1Pe 5:13) Vachitungamirirwa naKristu, vateveri vake vakaparadzira chiKristu kusvika kure. Pakazosvika 60/61 C.E., ‘mashoko akanaka akanga aparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga.’ (VaK 1:6, 23) Kubvira panguva iyoyo, aya mashoko akanaka azonyatsosvika “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”
[Bhokisi riri papeji 32]
VAKABVA KU . . .
VaJudha nevakatendeukira kuchiJudha vakanzwa mashoko akanaka paPendekosti ya33 C.E. vaibva kuPatiya, Medhiya, Eramu, Mesopotamiya, Judhiya, Kapadhokiya, Pontasi, Ezhiya, Frijiya, Pamfiriya, Ijipiti, Ribhiya, Roma, Krete neArabhiya. Vakawanda vavo vakabhabhatidzwa. Unofunga kuti vakaitei pavakadzokera kumusha kwavo?
[Bhokisi riri papeji 33]
UNGANO NOMWE
Jesu akatumira mashoko kuungano nomwe dzaiva muAsia Minor. Cherechedza padziri: Efeso neSimina dzaiva mumahombekombe egungwa, Pegamo, Firadhefiya neRaodhikiya dzaiva kure nemahombekombe, Tiyatira yaiva pedyo nerwizi; uye Sadhisi, yaiva panzira yakakurumbira yezvokutengeserana. Matongo akacherwa emaguta aya anoratidza kuti nzvimbo idzi dzinotaurwa muBhaibheri dzaiveko zvechokwadi.
[Mepu iri papeji 32]
(Kana uchida kuona zvayakaita, ona bhuku racho)
Kupararira kwechiKristu
Nzvimbo Dzakakurumidza Kusvika Mashoko Akanaka
B1 IRIRIKUMU
B1 ITARI
B1 Roma
C1 MAKEDHONIYA
C2 GIRISI
C2 Atene
C2 KRETE
C3 Kurini
C3 RIBHIYA
D1 BHITINIYA
D2 GARATIYA
D2 EZHIYA
D2 FRIJIYA
D2 PAMFIRIYA
D2 KUPRO
D3 IJIPITI
D4 ITIOPIYA
E1 PONTASI
E2 KAPADHOKIYA
E2 KIRIKIYA
E2 MESOPOTAMIYA
E2 SIRIYA
E3 SAMARIYA
E3 Jerusarema
E3 JUDHIYA
F2 MEDHIYA
F3 Bhabhironi
F3 ERAMU
F4 ARABHIYA
G2 PATIYA
[Mvura zhinji]
C2 Gungwa reMediterranean
D1 Gungwa Dema
E4 Gungwa Dzvuku
F3 Persian Gulf
[Mepu iri papeji 32, 33]
(Kana uchida kuona zvayakaita, ona bhuku racho)
Nzendo dzaPauro
Rwendo Rwokutanga Rwoumishinari (Mab 13:1–14:28)
H3 Andiyoki (yeSiriya)
H3 Serukiya
G4 KUPRO
G3 Saramisi
G4 Pafosi
G3 PAMFIRIYA
F3 Pega
F3 PISIDHIYA
F2 Andiyoki (yePisidhiya)
G2 Ikoniyumu
G2 RIKAONIYA
G2 Ristra
G3 Dhebhe
G2 Ristra
G2 Ikoniyumu
F2 Andiyoki (yePisidhiya)
F3 PISIDHIYA
G3 PAMFIRIYA
F3 Pega
F3 Atariya
H3 Andiyoki (yeSiriya)
Rwendo Rwechipiri Rwoumishinari (Mab 15:36–18:22)
H3 Andiyoki (yeSiriya)
H3 SIRIYA
H3 KIRIKIYA
H3 Taso
G3 Dhebhe
G2 Ristra
G2 Ikoniyumu
F2 Andiyoki (yePisidhiya)
F2 FRIJIYA
G2 GARATIYA
E2 MISIYA
E2 Troasi
E1 SAMOTRASI
D1 Neaporisi
D1 Firipi
C1 MAKEDHONIYA
D1 Amfiporisi
D1 Tesaronika
D1 Bheriya
C2 GIRISI
D2 Atene
D2 Korinde
D3 AKAYA
E2 Efeso
G4 Kesariya
H5 Jerusarema
H3 Andiyoki (yeSiriya)
Rwendo Rwechitatu Rwoumishinari (Mab 18:22–21:19)
H3 SIRIYA
H3 Andiyoki (yeSiriya)
G2 GARATIYA
F2 FRIJIYA
H3 KIRIKIYA
H3 Taso
G3 Dhebhe
G2 Ristra
G2 Ikoniyumu
F2 Andiyoki (yePisidhiya)
E2 Efeso
E2 EZHIYA
E2 Troasi
D1 Firipi
C1 MAKEDHONIYA
D1 Amfiporisi
D1 Tesaronika
D1 Bheriya
C2 GIRISI
D2 Atene
D2 Korinde
D1 Bheriya
D1 Tesaronika
D1 Amfiporisi
D1 Firipi
E2 Troasi
E2 Asosi
E2 Mitirene
E2 KIYOSI
E2 SAMOSI
E3 Mireto
E3 Kosi
E3 RODZI
F3 Patara
H4 Tire
H4 Toremai
G4 Kesariya
H5 Jerusarema
Rwendo Rwokuenda kuRoma (Mab 23:11–28:31)
H5 Jerusarema
G4 Kesariya
H4 Sidhoni
F3 Maira
F3 RIKIYA
E3 Kinidho
D3 KRETE
D4 KAUDHA
A3 MARITA
A3 SISIRI
A3 Sirakusi
A1 ITARI
B2 Regiyumu
A1 Puteori
A1 Roma
Migwagwa Mikuru (Ona bhuku racho)
[Ungano Nomwe]
E2 Pegamo
E2 Tiyatira
E2 Sadhisi
E2 Simina
E2 Efeso
F2 Firadhefiya
F2 Raodhikiya
[Dzimwe nzvimbo]
E3 PATIMOSI
F2 Korose
F5 Arekizandriya
F5 IJIPITI
G1 BHITINIYA
G5 Jopa
G5 Ridha
G5 Gaza
H1 PONTASI
H2 KAPADHOKIYA
H4 Dhamasiko
H4 Pera
[Mvura zhinji]
D4 Gungwa reMediterranean
[Mufananidzo uri papeji 33]
Imba yemitambo yaiva muMireto, guta rakasangana Pauro nevakuru veEfeso
[Mufananidzo uri papeji 33]
Atari yaZeusi muPegamo. VaKristu vomuguta iri vaigara kwaiva ne“chigaro choumambo chaSatani”—Zva 2:13