RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 14 pp. 121-127
  • Ndingazvidzivirira Sei Kuchikoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingazvidzivirira Sei Kuchikoro
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurova Kwaungaita Munhu Anonetsa—Usingashandisi Zvibhakera
  • Zvingaitwa Pakunetswa Mune Zvepabonde
  • Ndingaitei kana ndichishungurudzwa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Kusununguka Pakudheererwa
    Mukai!—2003
  • Ndingakurira Sei Dambudziko Rokushungurudzwa Panyaya Dzepabonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 14 pp. 121-127

CHITSAUKO 14

Ndingazvidzivirira Sei Kuchikoro

Maka zvirevo zvinotevera kuti chokwadi kana kuti nhema:

1. Kunetsa hakungorevi kukuvadza munhu.

□ Chokwadi

□ Nhema

2. Nguva dzose kunetswa mune zvepabonde kunosanganisira kubata muviri womunhu.

□ Chokwadi

□ Nhema

3. Vasikana vanogonawo kutyisidzira uye kunetsa vamwe.

□ Chokwadi

□ Nhema

4. Kana uri kutyisidzirwa kana kuti uri kunetswa mune zvepabonde, hapana zvaunogona kuita.

□ Chokwadi

□ Nhema

KUTYA idambudziko ragara richisangana nemamiriyoni evechiduku vanonetswa kuchikoro. Wechiduku anonzi Ryan anoti, “Maminitsi 15 andainge ndiri mubhazi aiita sokunge maawa sezvo vanhu vainditambudza vaibva pakundituka kusvika pakundibata zvisina kunaka.” Vamwe vechiduku vanonetswa mune zvepabonde. Wechiduku anonzi Anita anoti, “Mumwe mukomana anozivikanwa zvikuru akandivharira mukoridho achibva atanga kundibata-bata. Pandakamuudza zvine ruremekedzo kuti arege kundibata hazvina kushanda. Haana kufunga kuti ndairevesa.”

Vamwe vachiri kuyaruka vanotonetswa paIndaneti nevavanodzidza navo. Unombonetswa here? Kana zvakadaro, ungaitei nazvo? Zvakawanda zvokuita! Asi kutanga, ngatisiyanisei nhema nechokwadi nokuongorora zvirevo zvataurwa patangira chitsauko chino.

1. Nhema. Vanhu vakawanda vanonetsa vamwe vanoshandisa miromo yavo kwete zvibhakera. Dzimwe nzira dzokunetsa dzingava kutyisidzira, kutuka, kutsvinya uye kuseka.

2. Nhema. Kunyange “kurumbidza” kunoratidzira zvepabonde, jee rinonyadzisira, kana kuti kutarisisa munhu kungareva kunetsa mune zvepabonde.

3. Chokwadi. Vaya vanotyisidzira uye vanonetsa vanogona kuva vakomana kana vasikana.

4. Nhema. Unogona kutora matanho okumisa kunetswa kwacho. Ngationei kuti ungazviita sei.

Kurova Kwaungaita Munhu Anonetsa—Usingashandisi Zvibhakera

Vamwe vanhu vanonetsa vanoda kukudenha kuti vangoona kuti unoita sei. Asi Bhaibheri rinopa zano iri rokuchenjera: “Usakurumidza kugumbuka.” (Muparidzi 7:9) Chokwadi ndechokuti, ‘kudzorera chakaipa nechakaipa’ kungava kudira parafini mumoto uye kungakonzera zvimwe zvinetso. (VaRoma 12:17) Saka ungarova sei munhu anonetsa usingashandisi zvibhakera?

Usagumbuka. Kana munhu achikudenha zvokungonakidzwa, ingoseka zvako pane kugumbuka. “Dzimwe nguva zvakanaka kusanyanya kuva nehanya nemashoko okudenha anenge ataurwa,” anodaro mumwe mukomana anonzi Eliu. Kana munhu anonetsa akaona kuti mashoko ake haana zvaaita, angarega kukunetsa.

Iva munyoro. Bhaibheri rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) Munhu anonetsa haatarisiri mhinduro yakanaka, uye mhinduro yakadaro inogona kupomhodza mamiriro ezvinhu akaoma. Chokwadi, zvinoda kuzvidzora kuti urambe wakadzikama paunenge uchidenhwa. Asi nguva dzose ndizvo zviri nani. Zvirevo 29:11 inoti: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.” Unyoro hunoratidza kuva nesimba. Munhu munyoro haakurumidzi kuvhunduka, asi kazhinji munhu anonetsa anenge asina kugadzikana, akavhiringidzika, kana kuti kutopererwa. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba.”—Zvirevo 16:32.

Zvidzivirire. Kana zvinhu zvaita manyama amire nerongo, ungafanira kutsvaka ‘nzira yokubuda nayo.’ Zvirevo 17:14 inoti: “Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.” Saka kana pachiita sokuti pachava nokurwisana, famba kana kuti tiza. Kana usingagoni kutiza, ungafanira kuita zvose zvaunogona kuti uzvidzivirire pakurwiswa.

Zvitaure. Vabereki vako vane kodzero yokuziva zvinenge zvichiitika. Vanogonawo kukupa mazano anobatsira. Somuenzaniso, vangakuudza kuti utaure nyaya yacho kumudzidzisi. Iva nechokwadi chokuti vabereki nevadzidzisi vanogona kugadzirisa nyaya yacho nokungwarira, kuitira kuti vasakupinza mune mamwe matambudziko.

Ndeipi pfungwa inonyanya kukosha? Munhu anonetsa haagoni kubudirira kana ukasaita zvaari kutarisira. Saka usarega munhu anonetsa achikutsamwisa. Asi gadzirisa mamiriro acho ezvinhu nokushandisa mazano ataurwa.

Zvingaitwa Pakunetswa Mune Zvepabonde

Kana uri kunetswa mune zvepabonde, unototi ugumbuke! Mubvunzo ndewokuti, Ungaitei nezvazvo? Zvakatowanda! Heano mazano mashomanana.

Ramba zvakasimba kuita unzenza. Vanhu vanoshungurudza vamwe vangazvitora sokuti ukati kwete zvakangopora-pora zvingareva kuti hungu—kana kuti ungangobvuma—kunze kwokuti ukaita kuti vave nechokwadi chokuti haudi. Saka kwete wako ngaave kwete. (Mateu 5:37) Kana ukangoseka-seka kana kuti kunyepera kunyara, kunyange kana uchizviita nokuti unenge wambonyara pakutanga, zvingaita kuti munhu wacho anonetsa afunge kuti unozvifarira. Simbirira pane zvaunotaura uye iva akananga. Ndiyo nzira yakanaka kwazvo yokuzvidzivirira nayo!

Penga. Wechiduku anonzi Anita anoti nezvomunhu aimunetsa: “Ndaifanira kumunyadzisa pamberi peshamwari dzake nokumuudza nenzwi guru kuti ASANDIBATA saizvozvo!” Zvakaguma nei? “Shamwari dzake dzose dzakamuseka. Kwekanguva akanga asingadi zvokutaura nevamwe, asi kwapera mazuva mashomanana, akakumbira ruregerero pane zvaakanga aita uye gare gare akatondibatsira mumwe munhuwo zvake paakaedza kundinetsa.”

Kana mashoko asingashandi, ibvapo. Zvinotova nani kutiza. Uye kana usingakwanisi kutiza, une kodzero yokuzvidzivirira kuti usabatwa-batwa. (Dheuteronomio 22:25-27) Mumwe musikana wechiKristu anoti: “Mumwe mukomana paakaedza kundibata, ndakamurova zvakasimba sezvandaigona ndokubva ndatiza!”

Udza mumwe munhu. “Ndizvo zvandaifanira kuita pakupedzisira,” anodaro Adrienne ane makore 16. “Ndakabvunza vabereki vangu kuti ndoita sei apo mumwe mukomana wandaiti ishamwari yakanaka ainge ongoti nangananga neni. Pandairatidza kuti ndakanga ndisingadi, aibva atosimbirira, sokunge kuti ndaitamba.” Vabereki vaAdrienne vaiva nezano rinoshanda rakamubatsira kukurira chinetso chacho. Hapana mubvunzo kuti vabereki vako vanogonawo kukubatsira.

Hazvisi nyore kurarama uchityisidzirwa uye uchinetswa mune zvepabonde. Asi gara uchiyeuka izvi: VaKristu vechiduku havafaniri havo kuva vanhu vanongonetswa vasina zvavanogona kuita; uyewo havafaniri kushivirira kana kuti kunyengedzwa nezvinoitwa nomunhu anonetsa. Kana ukatora matanho ataurwa, unogona kukurira matambudziko aya.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 18

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Kuda kufanana nevezera rako ndicho chido chakasimba zvikuru chaunofanira kukurira. Dzidza kuti ungaita sei nakwo uine chivimbo.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:18.

ZANO

Kana uri kunetswa, shinga, asi usaita zvechisimba. Noushingi, udza munhu anenge achikunetsa kuti arege. Ibva norugare. Kana akaramba achikunetsa, udza mumwe munhu ane simba kuti akubatsire.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kupfeka rumwe ruvara rwembatya kana kuti mbatya dzinonzi ndedzechimwe chikwata kungaita kuti udenhwe. Mumwe aimbova nhengo yechimwe chikwata anoti: “Kana mumwe munhu aipfeka somumwe wedu asi iye asiri, kazhinji aidenhwa. Aitofanira kubatana nechikwata chedu kana kuti airohwa.”

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana mumwe munhu akaedza kundituka kana kuti kundi- shatirisa, ndicha- ․․․․․

Kuti ndisanetswa, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Ungawedzera sei kuva nechivimbo uye kudzikama wobva waderedza mikana yokunetswa?

● Ungaitei kana uri kunetswa mune zvepabonde? (Funga zvimwe zvingaitika uye zvaungaita kana wanetswa.)

● Nei uchifanira kuona kunetswa mune zvepabonde senyaya hombe?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 123]

“Kana ukaziva kuti pacharwiwa, usabatanidzwa asi enda kumba. Vamwe vanoramba vachitarisa, uye ndopavanopinda muchinetso.’’—Jairo

[Bhokisi riri papeji 125]

Kudzivisa Kwaungaita Kunetswa Mune Zvepabonde

Usatamba norudo. Zvinoita kuti unetswe. Bhaibheri rinobvunza kuti: “Ungatakura moto muchipfuva chako nguo dzako dzikasatsva here?” (Zvirevo 6:27, Today’s English Version) Chokwadi ndechokuti, kutamba kworudo kune ngozi sokutamba nemoto.

Ngwarira shamwari dzako. Zvichafungidzirwa kuti tsika dzako dzakafanana nedzeshamwari dzako. Mumwe musikana anonzi Carla anoti, “Kana ukashamwaridzana nevanhu vanobvumira mashoko acho kana kuti vanofarira kuonekwa, iwe uchanetswawo.”—1 VaKorinde 15:33.

Ngwarira mapfekero ako. Kupfeka zvisina mwero kunoratidza zvakajeka kuti unoshuva kufarirwa nevakomana kana nevasikana—uye uchafarirwa.—VaGaratiya 6:7.

Usavanza kuti uri muKristu. Kana ukazvivanza, hapana munhu angava nechikonzero chokukutarisira kuti urarame maererano nemitemo yechiKristu.—Mateu 5:15, 16.

[Mufananidzo uri papeji 124]

Kupindura wakatsamwa munhu anonetsa paanokutsvinyira kwakafanana nokudira parafini mumoto

[Mufananidzo uri papeji 127]

Udza munhu anokunetsa mune zvepabonde kuti asiyane newe!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe