RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 12
  • Ndingaitei kana ndichishungurudzwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaitei kana ndichishungurudzwa?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushungurudzwa kuitwa sei?
  • Sei vanhu vachishungurudza vamwe?
  • Zvii zvinowanzoita kuti munhu ashungurudzwe?
  • Zvii zvaungaita kana uchishungurudzwa?
  • Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Kusununguka Pakudheererwa
    Mukai!—2003
  • Kudheerera—Zvimwe Zvinokukonzera uye Migumisiro
    Mukai!—2003
  • Kudheerera—Chinetso Chiri Munyika Yose
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 12

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaitei kana ndichishungurudzwa?

  • Kushungurudzwa kuitwa sei?

  • Sei vanhu vachishungurudza vamwe?

  • Zvii zvinowanzoita kuti munhu ashungurudzwe?

  • Zvii zvaungaita kana uchishungurudzwa?

Verengawo zvinotaurwa nevezera rako uyewo nemumwe mudzidzisi panyaya yokushungurudzwa, uye pindura mibvunzo ine chokuita nokushungurudzwa.

Kushungurudzwa inyaya hombe. Ongororo yakaitwa kuBritain yakaratidza kuti vechiduku vanopfuura 40 pa100 voga voga vanozviuraya kazhinji zvichikonzerwa nenyaya yokushungurudzwa.

Kushungurudzwa kuitwa sei?

Kushungurudzwa hakungogumiri pakurohwa chete. Kunogona kusanganisirawo zvinhu zvinotevera.

  • Kutukwa. Celine ane makore 20 anoti: “Vasikana vanogona kutaura mashoko anorwadza. Handifi ndakakanganwa kuwanzira kwavaindiita. Zvavaitaura zvaiita kuti ndizvione semunhu asingabatsiri uyewo asina kana chaanogona. Kurohwa kuri nani panzvimbo pokuudzwa mashoko anorwadza kudaro.”

  • Kusafarirwa nevamwe. Haley ane makore 18 anoti: “Vandinodzidza navo vakatanga kutambira kure neni. Panguva yelunch magariro avo aiva okusada kugara neni nokuti vaibva vazadza nzvimbo dzose. Ndakanetseka kwegore rose uye ndainodya ndiri kwangu ndoga.”

  • Mashoko okushungurudza anotumirwa paIndaneti. Daniel ane makore 14 anoti: “Mashoko mashoma aunonyora pakombiyuta anogona kushatisa mukurumbira wemumwe munhu, kunyange upenyu hwake hwose. Zvinoita sokuti kuwedzeredza, asi kutaura chokwadi zvinhu zvinoitika!” Izvi zvinosanganisira kutumira vamwe mapikicha anotsverudza kana kuti mameseji pafoni.

Sei vanhu vachishungurudza vamwe?

Izvi ndizvo zvimwe zvikonzero zvacho.

  • Ivowo vakamboshungurudzwawo. Mukomana wechiduku anonzi Antonio anoti: “Ndakatanga kushungurudzawo vamwe pashure pokunge ini ndaoneswawo ndondo nevezera rangu ndichiitira kuti ndikwanewo pachikwata chevezera rangu. Nekufamba kwenguva ndakazoona kuti zvandaiita zvakanga zvisina kunaka!”

  • Vanokura vachiona vanhu vane tsika dzisina kunaka. Bhuku rinonzi Life Strategies for Dealing With Bullies rakanyorwa naJay McGraw rinoti: “Kazhinji chinoita kuti vechiduku vashungurudze vamwe . . . kuona zvinoitwa nevabereki vavo, vanamukoma nanasisi, kana kuti dzimwe hama.”

  • Vanonyepedzera kuzviita mabhuru asi ivo vane zviri kuvanetsa. Barbara Coloroso mubhuku raakanyora rinonzi The Bully, the Bullied, and the Bystander anoti: “Vana vanoshungurudza vamwe vanozviita nechinangwa chokuda kuvharidzira kunetseka kana kuti matambudziko avanosangana nawo.”

Zvii zvinowanzoita kuti munhu ashungurudzwe?

  • Kuzviita zindoga. Vamwe vechiduku vasingafariri kushamwaridzana nevamwe vanozviita vanazindoga zvobva zvaita kuti zvive nyore kushungurudzwa nevamwe.

  • Kuonekwa sokunge kuti wakasiyana nevamwe. Vamwe vanoshungurudzwa nemhaka yezvikonzero zvakadai sechitarisiko chavo, rudzi, kana kuti chitendero chavanopinda, urema hwavainahwo.

  • Kusava nechivimbo pane zvaunoita. Vanoshungurudza vamwe vanogona kuzviona kuti nhingi anozvitarisira pasi. Vanhu vanozvitarisira pasi vari nyore kushungurudzwa nemhaka yokuti havagoniwo kusimudza musoro.

Zvii zvaungaita kana uchishungurudzwa?

  • Usaratidza kuti wagumburwa nazvo. Musikana anonzi Kylie anoti: “Vanhu vanoshungurudza vamwe vanofara pavanoona kuti zvavakuitira zvakubata-bata. Kana ukaratidza kuti zvavakuitira hazvina kukubata-bata vanobva vasiyana newe.” Bhaibheri rinoti: “Munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.”—Zvirevo 29:11.

  • Usadzorera. Kudzorera kuchaita kuti dambudziko racho rikure pane kurigadzirisa. Bhaibheri rinoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.”—VaRoma 12:17; Zvirevo 24:19.

  • Usatambira pedyo nevanhu vanoshungurudza vamwe. Edza nepose paunogona kuti usatambira pedyo nevanhu vanoshungurudza vamwe.​—Zvirevo 22:3.

  • Ita zvinhu zvanga zvisingatarisirwi nemunhu ari kukushungurudza. Bhaibheri rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.”—Zvirevo 15:1.

  • Ita zvinhu zvinosetsa. Somuenzaniso, kana ari kukushungurudza akakuwanzira achiti wakafuta, unogona kumupindura uchidadirira uchimuti, “Kugarika wena!”

  • Ibva panzvimbo yacho. Nora ane makore 19 anoti: “Kunyarara kunoratidza kuti wakura uye unofunga kudarika munhu ari kukushungurudza. Zvinoratidza kuti unogona kuzvidzora, izvo zvisingagonekwi nemunhu ari kukushungurudza.”

  • Iva nechivimbo pane zvaunoita. Musikana anonzi Rita anoti: “Vanhu vanoshungurudza vamwe vanozviona kuti uri kutya, uye vanogona kushandisa mukana iwoyo kuita kuti usava nechivimbo pane zvaunoita.”

  • Udza mumwe munhu. Maererano neimwe ongororo, nhamba inodarika hafu yevanhu vanoshungurudzwa paIndaneti havamhan’ari zviri kuitika kwavari, zvimwe nemhaka yekuti vanonyara (kunyanya vakomana) kana kuti vanofunga kuti kushungurudzwa kwacho kunotozowedzera. Asi yeuka kuti vanoshungurudza vamwe vanonakidzwa nezvavari kuita kana pakasaita mumwe munhu ari kuzviziva. Kuudza mumwe munhu kunogona kukubatsira kuti urege kushungurudzwa.

Zvinotaurwa nevezera rako

“Usatambira pedyo nevanhu vanofarira zvokushungurudza vamwe. Yeukawo kuti vanhu vanoshungurudza vamwe vanewo zviri kuvanetsa. Ukazviziva, zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kurwadziwa nemashoko avanotaura.”​—Antonio.

“Iva nechivimbo pane zvaunoita. Usatya kutsigira zvaunotenda. Vanhu vakawanda vanoshungurudza vamwe havazorambi vachikushungurudza kana vakaona kuti zvavari kuita hazvisi kushanda uyewo iwe wacho hausi kuvatya.”​—Jessica.

Zvinotaurwa nemumwe mudzidzisi

“Kushungurudzwa idambudziko hombe. Pachikoro chandaidzidzisa zvibhakera zvaimuka mukirasi, kunyange mumakirasi evana vegiredhi 3 chaivo! Vamwe vana vanonakidzwa nokushungurudza vamwe vachiitira kuti vazivikanwe nevanhu vakawanda uye vachida kuzviita mabhuru pane vamwe.

“Kazhinji vanhu vanenge vashungurudzwa vanozeza kumhan’ara nemhaka yokuti vanenge vachitya kuti munhu akavashungurudza anogona kutowedzera kuvashungurudza kana kuti vavanodzidza navo vanozovaona sevatengesi. Vanogona kunge vachifunga kuti kunyange vakamhan’ara hapana chinoitwa. Kunyange zvakadaro ndinokurudzira munhu anenge achishungurudzwa kuti amhan’are. Kuita izvi ndiko kugona uye zvinogona kubatsira kuti vamwe vasashungurudzwa.”​—Jenilee, aimbova mudzidzisi pane chimwe chikoro kuUnited States.

Mibvunzo ine chokuita nokushungurudzwa

Ichokwadi Here Kana Kuti Inhema?

  1. Kushungurudzwa hakuna kutanga nhasi.

  2. Hapana chakaipa nokushungurudza vamwe kungoriwo kutamba.

  3. Kana ukashungurudzwa kudzorera ndiko kuzvipedza.

  4. Kana ukaona washungurudzwa, ziva kuti pane zvawaitawo.

  5. Vamwe vanhu vanoshungurudzwa vanozopedzisira vava kushungurudzawo vamwe.

  6. Kana ukaona mumwe achishungurudzwa, ita sokunge hapana zvawaona.

  7. Pasinei nemashoko okutsvinya anotaurwa nevanhu vanoshungurudza vamwe, ivo pachavo vanenge vaine zvinhu zviri kutovadya mwoyo.

  8. Vanhu vanoshungurudza vamwe vanogona kuchinja.

MHINDURO

  1. Ichokwadi. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura kuti kwaiva nevaNefirimu, richireva “Vanhu Vanowisira Vamwe Pasi.”​—Genesisi 6:4.

  2. Inhema. Kushungurudza haisi nyaya yokutamba nayo. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vairamba vachishungurudzwa vakazopedzisira vazviuraya.

  3. Inhema. Kazhinji vanhu vanoshungurudza vamwe dzinenge dziri mhitsa saka zvinobva zvaoma kuti munhu udzorere.

  4. Inhema. Hapana anofanira kushungurudzwa! Munhu anenge ashungurudza vamwe ndiye ane mhosva.

  5. Ichokwadi. Vamwe vanhu vanoti kana vakasabatwa zvakanaka nevamwe vanobva vashungurudzawo vamwe kuti vaderedze hasha dzavo.

  6. Inhema. Imhosva kuokera munhu achiitirwa zvakaipa iwe usiri kubatsira. Kana ukaona mumwe achishungurudzwa iwe wobva wanyarara, newewo unenge uchitsigirawo kushungurudzwa kwacho panzvimbo pokuti ubatsire.

  7. Ichokwadi. Kunyange zvazvo vamwe vanoshungurudza vamwe vachizviona semabhuru, vakawanda vavo vanenge vaine zvinhu zviri kutovanetsa saka kuti vafarewo vanobva vafunga zvokushungurudza mumwe munhu.

  8. Ichokwadi. Vanoshungurudza vamwe vanogona kuchinja mafungiro avo uye maitiro avo kana vakabatsirwa.​—VaEfeso 4:23, 24.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe