Kusununguka Pakudheererwa
‘Kudheerera unhu hunodzidzwa, uye chinhu chipi nechipi chinodzidzwa chinogona kuregwa.’—Dr. C. Sally Murphy.
ANODHEERERA neanodheererwa wacho vose vanoda kubatsirwa. Anodheerera anofanira kudzidza kushamwaridzana kwaangaita nevamwe asingashandisi simba zvisina kufanira. Uye anodheererwa anoda nzira dzinoshanda dzokubata nadzo chinetso chacho.
Kazhinji munhu anodheerera haazivi kubata nevamwe uye anotadza kunzwisisa manzwiro evaya vaanotyisidzira. Anoda kunyatsocherechedzwa muzvose odzidziswa kukurukura nevamwe zvakanaka. Bhuku rinonzi Take Action Against Bullying rinoti: “Kutoti unhu hutsva hukadzidzwa hwoshandiswa, vanodheerera vanoramba vachingodaro kwoupenyu hwavo hwose. Vanodheerera vavakaroorana navo, vana vavo, uye zvingangobvira kuti nevari pasi pavo kubasa kwavanoshandira.”
Zvinobatsira Kusadheerera
Kudzidzisa vana vachiri vaduku muupenyu kuti vave netsitsi kunogona kubatsira kuti vasazodheerera vamwe. Vadzidzisi mune dzimwe nyika vari kudzidzisa chimwe chidzidzo chitsva chinonzi kudzidzira tsitsi. Chinangwa chacho ndechokudzidzisa vadzidzi vaduku kusvika pamakore mashanu kunzwisisa manzwiro evamwe uye kubata vanhu nomutsa. Kunyange zvazvo pachiri nenhamba duku inoratidza kushanda kwazvinoita nokufamba kwenguva, migumisiro yokutanga inoratidza kuti vaya vakadzidziswa izvi havaiti zvechisimba sevaya vasina kudzidziswa.
Somubereki, haufaniri kuzvisiyira kuchikoro chete kuti chiite chirongwa chokudzidzisa ichi. Kana usingadi kuti mwana wako azodheerera vamwe, unofanira kumudzidzisa neshoko nomuenzaniso mabatirwe anoitwa vamwe noruremekedzo uye rukudzo. Chii chinogona kukubatsira? Pamwe une bhuku rakaisvonaka asi risingakosheswi rokudzidzisa vana munyaya iyi—Shoko raMwari, Bhaibheri. Rinogona sei kubatsira?
Kutanga, rinodzidzisa zvakajeka manzwire aMwari nezvokudheerera. Anokuvenga! Bhaibheri rinoti nezvaMwari: “Mweya wake unovenga . . . unomanikidza.” (Pisarema 11:5) Uyezve, Mwari anoziva zvose zvinenge zvichiitika. Bhaibheri rinotaura nezvemanzwiro ake okuzvidemba, kana kuti kusuwa, maererano nevaIsraeri pavakatambura “nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa.” (Vatongi 2:18) Muzviitiko zvakawanda Mwari akaranga vaya vaishandisa zvisina kufanira simba ravo uye vaidheerera vasina simba nevaisagona kuzvidzivirira.—Eksodho 22:22-24.
Bhaibheri rinewo mirayiridzo iya inozivikanwa chaizvo yati yambopiwa ine chokuita nemaratidzirwe angaitwa tsitsi. Jesu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kudzidzisa vana kuti vabate murayiro iwoyo wokuitira vamwe zvavanoda kuti vavaitirewo—kuuda uye kurarama nezvaunotaura—hakusi nyore; zvinoda kuratidza muenzaniso wakanaka, kutsungirira, uye kushanda zvakaoma, zvikurukuru sezvo nomuzvarirwo vana vaduku vaine udyire. Asi kuedza zvose kwakadaro kunokosha. Kana vana vako vakadzidza kuva nomutsa uye tsitsi, vachanzwa vasingadi kudheerera vamwe.
Chinobatsira Vanodheererwa
Vanodheererwa, zvikurukuru vaduku, vanotarisana nechinetso chakaoma—chokuramba vakadzikama pakudzvinyirirwa. Mumwe munhu paanokudheerera, angangove achida kukugumbura. Anenge achitarisira kuti uchaviruka nehasha kana kutya. Kana ukatadza kudzora hasha dzako kana ukatanga kusvimha misodzi woratidza kuti zvakurwadza kana kutya, munhu anodheerera anenge ari kuwana zvaari kuda. Saka angaramba achikudenha kuti urambe uchidaro.
Ungaitei? Chimbofunga mazano aya anotevera. Akanyorwa zvikurukuru pachifungwa nezvevaduku, asi nheyo dzacho dzingashandawo kuvakuru vari kurarama nevanodheerera.
◼ Ramba wakadzikama. Usatsamwa. Bhaibheri rinorayira nouchenjeri kuti: “Rega kutsamwa, urashe hasha.” (Pisarema 37:8) Kana watadza kudzora hasha dzako, unoita kuti munhu anokudheerera ave nesimba pauri, uye ungangoita zvinhu zvaunozozvidemba.—Zvirevo 25:28.
◼ Edza kusava nepfungwa dzokutsiva. Kutsiva kunowanzodzokera mwene wako. Chero mumamiriro api ezvinhu, kutsiva hakugutsi chaizvoizvo. Mumwe musikana akarohwa nepwere shanu paaiva nemakore 16, anoyeuka kuti: “Ndakasarudza mumwoyo mangu, ‘Ndichavatsiva.’ Saka ndakabatsirwa neshamwari dzangu ndokutsiva vaviri vevakandirova.” Mugumisiro wacho? “Ndakanzwa kuora mwoyo,” anodaro. Uye mufambiro wake wakatowedzera kuipa pashure pacho. Yeuka mashoko eBhaibheri okuchenjera anoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi.”—VaRoma 12:17.
◼ Zvinhu zvikaita sezvava kusvika pakuva bongozozo, ibva nokukurumidza. Bhaibheri rinoti: “Rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” (Zvirevo 17:14) Chaizvoizvo, edza kugara kure nevanhu vaya vane tsika yokudheerera. Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”
◼ Kana ukaramba uchingodheererwa, ungafanira kutaura uchizvidzivirira pachako. Sarudza nguva yaunenge wakagadzikana, nyatsotarisa anokudheerera wacho mumaziso, uye taura nenzwi rakasimba, riri pakati nepakati. Muudze kuti haudi zvaanoita—kuti haunakidzwi nazvo uye kuti zvinokurwadza. Usashandisa mashoko okutuka kana anogumbura.—Zvirevo 15:1.
◼ Taura nomunhu mukuru ane hanya, ane zvaanogona kuita nezvokudheererwa kwako. Nanga pachinetso chacho, uye kumbira kubatsirwa kubata nacho. Itawo zvimwe chete muminyengetero yako kuna Mwari, uye izvi zvinogona kubatsira zvakaisvonaka nokunyaradza.—1 VaTesaronika 5:17.
◼ Yeuka kuti unokosha somunhu. Munhu anokudheerera wacho angada kuti ufunge kuti hauna basa, kuti wakakodzera kubatwa zvakaipa. Asi haasi mutongi wako. Mwari ndiye mutongi wako, uye anotarisa kuti zvakanaka pane mumwe nomumwe wedu. Munhu anodheerera vamwe ndiye anotozokosha zvishoma nokushandisa kwake muitiro wakadaro.
Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu
Vabereki zvakare vanogona kutanga pakuvambavamba kugadzirira vana vavo kuti vaite nokuchenjera kuvanovadheerera. Somuenzaniso, vanogona kuita mitambo ine vatambi chaivo kuenzanisira zvavangaita kuti vave nechivimbo.
Kunyange kushandisa muviri—kumira wakati twasu—kunogona kuratidza chivimbo chinoita kuti munhu anodheerera asapfuurire nezviito zvake. Kutarisa munhu anokudheerera mumaziso, maoko akadzikama, wotaura nenzwi rakasimba, rakadzikama zvingabatsirawo. Vabereki vanokurudzirwa kudzidzisa vana vavo kubva panzvimbo yacho, kunzvenga vanhu vanovadheerera, uye kuti vakumbire munhu mukuru anovimbwa kuvabatsira, akadai somudzidzisi wechikoro.
Kubvisa unhu hwokudheerera kunotanga nokudzidzisa mhuri yacho. Vabereki vanowana nguva yokutaura nevana vavo, vachiteerera nokushivirira netsitsi zvinetso zvavo, vanoita kuti vanzwe kuti vanodiwa, vane vanovatsigira, uye vanodiwa. Nyanzvi dzakawanda mune zvezvinetso zvokurera uye zvevaduku dzinokurudzira vabereki kuti vaite kuti vana vavo vazvione nenzira yakanaka. Kuzviona nenzira yakanaka kudaro kunoderedza kuti vaonekwe sevakakodzera kudheererwa nevamwe.
Asi zvakawanda zvinodiwa pane kungotaura. Nhengo imwe neimwe yemhuri inofanira kudzidza kubata vamwe noruremekedzo norukudzo uye kuva netsitsi. Saka usaregeredza unhu hupi nohupi hwokudheerera mumusha wako. Ita kuti musha wako uve nzvimbo yakachengeteka yokugara, mune kuremekedzana norudo.
Kupera Kwokudheerera
“Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Ndiwo matauriro anoita Bhaibheri nhoroondo yevanhu muchidimbu. Chokwadi, kudheerera kwakatambudza vanhu kwezviuru zvemakore. Munyori weBhaibheri akati: “Ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishaiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.
Zvisinei, chokwadi Mwari anoona kudheerera kwose kuri kuitika munyika, uye anonzwira tsitsi vaya vari kudzvinyirirwa. Asi ane zvaachazomboita here nezvazvo? Zvechokwadi ane zvaachaita! Cherechedza chipikirwa chake chinowanika pana Mika 4:4 chinoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”
Chimbofungidzira zvichange zvakaita nyika apo chipikirwa ichocho chinozadzika. Hapana munhu achaita kuti vamwe vadedere nokutya—hapana vanodheerera vamwe! Izvozvo hazvifadzi here? Asi Mwari haana kungopikira remangwana rakadaro chete. Iye zvino chaiye purogiramu yedzidzo yeBhaibheri inobatsira kwazvo iri kuitwa munyika yose. Iri kuparira migumisiro yakanaka. Vaya vari kuiwana vari kudzidziswa kuchinja unhu hwavo hwehasha, kuti varambe vaine rugare nevamwe, uye kubata vamwe noruremekedzo norukudzo. (VaEfeso 4:22-24) Nokukurumidza, migumisiro yemirayiridzo iyi yakaisvonaka ichazadza pasi pose, uye chinetso chokudheerera chichange chisisipo. Zvipikirwa zvaMwari zvakanyorwa muBhaibheri zvichaitika. Munhu wose anenge achirarama achava munyika isina vanodheerera vamwe!
[Mufananidzo uri papeji 16]
Hapana chinonyadzisa pakufamba hako kubva pamunhu anodheerera
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mumhuri yakanaka, vana vanodzidziswa kubata nemhando dzose dzokudheererwa
[Mifananidzo iri papeji 18]
Dzidzisa vana vako kutaura vachizvidzivirira nenzira yakasimba asi ine unyanzvi