RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 20 pp. 164-170
  • Ko Kana Tiri Varombo Mumhuri Medu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kana Tiri Varombo Mumhuri Medu?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ongorora Zvinhu Zvakanaka Zvauinazvo
  • Zviremekedze
  • Tarira Mberi
  • Ndinogona Sei Kugonana Nourombo?
    Mukai!—1992
  • Zvakadiniko Kana Mhuri Yedu Iri Yourombo?
    Mukai!—1992
  • Ndinofanira Kugara Kune Imwe Nyika Here?
    Mukai!—2000
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 20 pp. 164-170

CHITSAUKO 20

Ko Kana Tiri Varombo Mumhuri Medu?

Wechiduku anonzi Gregory, wokuEastern Europe, haakwanisi kutenga mbatya kana kuti midziyo yemagetsi ine vamwe vechiduku vari munyika dzakapfuma. Mararamiro ake anomuodza mwoyo zvokuti ava kuda kutamira kuAustria. Unofunga kuti Gregory murombo here?

□ Hungu □ Kwete

Kune imwewo nzvimbo iri kure nezviuru zvemakiromita kune wechiduku anonzi Loyiso anogara mune mumwe musha wokumaruwa kumaodzanyemba kweAfrica. Zvaanogara mukamba kaduku nevomumhuri yake, Loyiso anochiva vechiduku vanogara mutaundi riri pedyo vane zvinhu “zvoumbozha”—mvura yomupombi nemagetsi. Ungati Loyiso murombo here?

□ Hungu □ Kwete

ZVIRI pachena kuti shoko rokuti “murombo” rinoenderana nokuti uri kupi. Somuenzaniso, Gregory angazviti murombo, asi anorarama muumbozha kana achienzaniswa naLoyiso. Unofanira kuziva kuti pasinei nokuti uri murombo zvakadini, vamwe vangangova varombo kupfuura zvauri. Zvisinei, kana usina mbatya dzakatsarukana dzokupfeka kuchikoro kana kuti kana usina zvinhu zvinokosha zvakadai semvura yomupombi, zvingasakunyaradza kuudzwa kuti vamwe vanotova nezvishoma kukupfuura.

Vamwe vechiduku vanokura vari varombo vanonzwa vasingabatsiri uye vari vanhu venhando, saka vanoedza kukanganwa nhamo nokunwa doro uye kushandisa zvinodhaka. Zvisinei, kuedza kunzvenga chokwadi kunongoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Vaya vanodhakwa nedoro vanoona kuti ‘rinoruma senyoka, uye rinobudisa uturu sezvinoita nyoka.’ (Zvirevo 23:32) Maria, mumwe musikana anobva mumhuri yakasauka ine mubereki mumwe yokuSouth Africa anoti, “Kuedza kunzvenga chokwadi kunokonzera matambudziko akawanda kupfuura anogadziriswa.”

Ungasaedza kunwa doro kana kushandisa zvinodhaka, asi ungasava netariro yokuti zvinhu zvichazomboita nani muupenyu. Ndezvipi zvaungaita? Zano reBhaibheri rokuchenjera ringaita sekiyi inokusunungura kubva pazvisungo zvokusava netariro, zvokubatsira kuti uve nemaonero akanaka. Ngationei kuti ungazviita sei.

Ongorora Zvinhu Zvakanaka Zvauinazvo

Rimwe danho rakanaka raungatora kutarisa zvinhu zvauinazvo kwete zvausina. Zvinhu zvakadai somusha uye mhuri ine rudo zvechokwadi zvinokosha kupfuura mari! Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.” (Zvirevo 15:17) Vechiduku vechiKristu vane chinhu chinokosha zvikuru—kutsigirwa kwavanoitwa ne“sangano rose rehama.”—1 Petro 2:17.

Zvichida ungaedzawo kuona zvinhu zvauinazvo nenzira ine tariro. Chokwadi, ungave uchigara mumusha usingashamisiri, ungangove usina zvakawanda. Ungave uchipfeka mbatya dzekare, dzasakara, kana kuti dzine zvigamba. Uye ungashuva kudya zvinhu zvakasiyana-siyana. Asi unofanira kunge uine mbatya dzemhando yepamusoro kana kuti musha wemaoresa kuti ufadze Mwari here? Unofanira kunge uine zvokudya zvoumbozha kuti urambe uri mupenyu uye uine utano hwakanaka here? Kwete chaizvo. Muapostora Pauro akawana chidzidzo chinokosha panyaya iyi. Akararama muupfumi nomuurombo. (VaFiripi 4:12) Akadzidzei? “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka, izvozvo zvakatikwanira.”—1 Timoti 6:8, Today’s English Version.

Eldred, mumwe murume wokuSouth Africa akakurira mumhuri yaiva nourombo, anoti: “Takangozvigamuchira kuti mhuri yairarama nemari shomanana uye kuti taisagona kuwana zvose zvataida.” Eldred anoyeuka kuti tirauzi rake rokuchikoro parakasakara, amai vake vaingoramba vachirisonerera zvigamba! “Ndaifanira kutsungirira kusekwa,” anodaro Eldred. “Asi chaikosha ndechokuti mbatya dzedu dzaiva dzakachena uye dzichipfekeka.”

Zviremekedze

James ane makore 11, aigara naamai vake nehanzvadzi yake mumusasa une matangwena pedyo neJohannesburg, kuSouth Africa. Kana iri pfuma, vakanga vasina kana kavaiva nako. Zvisinei, James akanga aine zvinhu zvinokosha—nguva nesimba—uye aifarira kuzvishandisa kubatsira vamwe. Pakupera kwevhiki yoga yoga, James aizvipira kubatsira pakuvaka Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yokwaanogara. Basa iri raisangoita kuti angoshandisa nguva yaangadai akashaya zvokuita nayo asi raiita kuti anzwe aita chimwe chinhu uye azviremekedze. Anoti, “Pashure pokuswera ndichivaka imba iyi, ndinonzwa ndichigutsikana zvikuru nechomukati!”

Rimwe basa rinobatsira nderokudzidzisa vanhu Bhaibheri pasuo nesuo. (Mateu 24:14) Vechiduku vari Zvapupu zvaJehovha vanoita basa iri nguva dzose. Nokuita izvi vanoita kuti vamwe vave netariro yeramangwana riri nani, uye vanowedzerawo kuzviremekedza. Chokwadi, havawani mari nokuita basa iri. Asi yeuka mashoko aJesu kuvaKristu vomuungano yekare yeSimina. Vaiva varombo mune zvokunyama. Kunyange zvakadaro, pamusana pokuti vaida zvikuru kunamata, Jesu aigona kuvaudza kuti: “Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako—asi uri mupfumi.” Nemhaka yokuti zviito zvavo zvairatidza kuti vaitenda muropa raJesu rakateurwa, pakupedzisira vaizopfuma zvikuru, vachiwana korona youpenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 2:9, 10.

Tarira Mberi

Unogona kuva noukama hwepedyo zvikuru naJehovha kunyange wakapfuma kana kuti uri murombo. Bhaibheri rinoti: “Mupfumi nomurombo vanosangana pamwe chete. Muiti wavo vose ndiJehovha.” (Zvirevo 22:2) Chokwadi ichocho chakabatsira zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvechiduku kuti zvitsungirire urombo. Vanoziva kuti mufaro haubvi pakuva nezvinhu zvenyama asi pakuita ushamwari naJehovha Mwari, uyo anofarira vose vanoda kumushumira. Mwari anopa tariro youpenyu munyika itsva iri kuuya munenge musina urombo.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Panguva ino, shandisa pfuma yako nokuchenjera. Iva netariro. Zviunganidzire pfuma yezvokunamata. (Mateu 6:19-21) Ona urombo sedambudziko raunogona kutsungirira.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15.

ZANO

Usabhejera, usasvuta uye usadhakwa nedoro. Kana vamwe vomumhuri vaine tsika yokuita izvi, varatidze muenzaniso nezvaunoita.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri kunogona kukubatsira kuti ugutsikane pasinei nemamiriro ako ezvinhu.—VaFiripi 4:12, 13; 1 Timoti 6:8; VaHebheru 13:5.

ZVANDINORONGA KUITA!

Zvinhu zvandiinazvo ndeizvi ․․․․․

Ndichashandisa zvinhu izvi kubatsira vamwe noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei shoko rokuti “murombo” richienderana nokuti uri kupi?

● Nei kusiri kuchenjera kushandisa zvinodhaka, doro, kana zvimwe zvinhu kuti ukanganwe nhamo?

● Matanho api anobatsira aungatora kuti utsungirire nhamo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 168]

“Kunyange zvazvo ndakanga ndichinzwa sokuti handigoni kubuda muurombo, ndaiziva kuti kubatana nechikwata chematsotsi kana kuti kuba kuti ndiwane chouviri kwaisazobatsira zvachose. Mazuva ano, vakawanda vezera rangu vakaita izvozvo marombe, varanda vedoro uye vezvinodhaka kana kuti vari mujeri.’’—George

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 164]

Pepa Rokushandira

Ndinofanira Kunogara Kunze Kwenyika Here?

Vamwe vechiduku vanoda kugara kunze kwenyika kuti vazviwanire mari kana kuti vatsigire mhuri dzavo. Vamwe vanotama kuti vanodzidza mumwe mutauro, kuti vaenderere mberi nedzidzo, kana kuti vatize matambudziko okumba. Vamwe vaKristu vechiduku vakatamira kunyika dzinodiwa vamwe vaevhangeri. Chisarudzo chokutamira kune imwe nyika chakakura uye hachifaniri kurerutswa. Saka kana uri kufunga kunogara kunze kwenyika, verenga wofungisisa magwaro ari pasi apa. Zvibvunze mibvunzo yacho uye nyora mhinduro dzako papepa. Zvadaro ita chisarudzo chako uchiita zvokunyengetera.

□ Ndezvipi zvinodiwa nomutemo zvinobatanidzwa?—VaRoma 13:1.

□ Kutamira kune imwe nyika kuchada mari yakawanda sei?—Ruka 14:28.

□ Zvii zvandiri kuita iye zvino zvinoratidza kuti ndichakwanisa kuzvichengeta kana ndava kunze kwenyika?—Zvirevo 13:4.

□ Izano ripi randakapiwa nevanhu vakura vakambogara kunze kwenyika?—Zvirevo 1:5.

□ Vabereki vangu vanofungei nezvazvo?—Zvirevo 23:22.

□ Chinangwa changu chokuda kunogara kunze kwenyika ndechei?—VaGaratiya 6:7, 8.

□ Kana ndichizonogara nevamwe, vachandikurudzira here kuti ndirambe ndichinamata zvakanaka?—Zvirevo 13:20.

□ Ingozi dzipi dzandingangosangana nadzo pakunamata uye mutsika?—Zvirevo 5:3, 4; 27:12; 1 Timoti 6:9, 10.

□ Chaizvoizvo, ndezvipi zvakanaka zvandinotarisira kuwana nokunogara kunze kwenyika?—Zvirevo 14:15.

[Mufananidzo uri papeji 167]

Zano reBhaibheri ringaita sekiyi inokusunungura kubva pazvisungo zvokusava netariro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe