RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 8 pp. 60-67
  • Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Uri Kunditambudzireiko?” (Mabasa 9:1-5)
  • “Sauro Hama Yangu, Ishe . . . Andituma” (Mabasa 9:6-17)
  • “Akabva Atanga Kuparidza nezvaJesu” (Mabasa 9:18-30)
  • “Vakawanda Vakatenda” Muna Jesu (Mabasa 9:31-43)
  • Jesu Anosarudza Sauro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mutambudzi Anoona Chiedza Chikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Pamugwagwa wokuDhamasiko
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Sauro Anosangana Nedzaimbova Shamwari Dzake Nevaimbova Vavengi Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 8 pp. 60-67

CHITSAUKO 8

Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”

Sauro murume aitambudza vaKristu zvinotyisa anova mushumiri anoshingaira

Mabasa 9:1-43

1, 2. Sauro aiva nechinangwa chei muDhamasiko?

VAVA kuda kusvika muDhamasiko, vakaita kuguta nehasha. Vari kuda kuenda mudzimba dzevadzidzi vaJesu, vovasunga, vovanyadzisa, vozovazvuzvurudza vachienda navo kuJerusarema kuti vanorangwa neSanihedrini.

2 Mutungamiriri wavo, anonzi Sauro, akatombobatanidzwa pakudeura ropa.a Akanga akatomira pedyo achitobvumirana nazvo, vanhu vachitema nematombo mudzidzi waJesu akanga akazvipira ainzi Stefani. (Mab. 7:57–8:1) Haasi kugutsikana nekungotambudza vateveri vaJesu vari muJerusarema chete, saka ava kutungamirira vamwe vake kuti anotambudza vaKristu kune dzimwe nzvimbo. Chinangwa chake ndechekutsvaira kaboka kanozivikanwa nezita rekuti “Nzira Iyi.”—Mab. 9:1, 2; ona bhokisi rakanzi “Sauro Akawanepi Mvumo Yezvaaiita muDhamasiko?”.

3, 4. (a) Chii chakaitika kuna Sauro? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Sauro anobva aerekana apenyerwa nechiedza kumativi ese. Vaari kufamba navo vanoona chiedza asi vanotadza kutaura nekutya. Sauro anobva awira pasi asisaoni. Anobva anzwa inzwi riri kubva kudenga richiti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko?” Achitya, Sauro anobvunza kuti: “Ndimi ani, Ishe?” Mhinduro yaanopiwa inofanira kunge yakatowedzera kumutyisa: “Ndini Jesu, wauri kutambudza.”—Mab. 9:3-5; 22:9.

4 Tingadzidzei pamashoko aJesu kuna Sauro? Tingabatsirwa sei nekuongorora zvakaitika pakatendeuka Sauro? Uye tinowana zvidzidzo zvipi pamashandisiro akaita ungano nguva yapakava nerugare pashure pekutendeuka kwaSauro?

SAURO AKAWANEPI MVUMO YEZVAAIITA MUDHAMASIKO?

Sauro akawana sei simba rekusunga vaKristu vaiva muguta reimwe nyika? Dare reSanihedrini nemupristi mukuru vaiva nesimba pavaJudha vaigara kwese kwese, uye kunenge kuti mupristi mukuru aitova nesimba rekuunza munhu apara mhosva ari kune imwe nyika. Saka tsamba dzaibva kumupristi mukuru dzaipa vakuru vemasinagogi ekuDhamasiko simba rekuita zvaanenge achida kuti zviitwe.—Mab. 9:1, 2.

Uyewo vaRoma vakanga vakapa vaJudha simba rekugadzirisa nyaya dzavo pachavo. Ndokusaka muapostora Pauro akamborohwa “shamhu 39” kashanu nevaJudha. (2 VaK. 11:24) Bhuku ra1 Makabhii rinotaurawo nezvetsamba yakanyorwa nemumiririri weRoma kuna Ptolemy VIII wekuIjipiti muna 138 B.C.E. yaiti: “Naizvozvo kana paine mharadzi dzakatizira kwamuri dzichibva kunyika [yeJudhiya], ngadziturirwe mumaoko aSimoni, mushumiri waMwari mukuru, kuti adzirange maererano nemitemo yavaJudha.” (1 VanaMakabhii 15:21) Muna 47 B.C.E., Julius Caesar akaratidza kuti zvechokwadi mupristi mukuru akanga akapiwa masimba ekugadzirisa nyaya dzine chekuita netsika dzechiJudha.

“Uri Kunditambudzireiko?” (Mabasa 9:1-5)

5, 6. Tinodzidzei pamashoko aJesu kuna Sauro?

5 Jesu paakataura naSauro ari mumugwagwa kuenda kuDhamasiko, haana kumubvunza kuti: “Uri kutambudzirei vadzidzi vangu?” Sezvataona mundima dzapfuura, akati: “Uri kunditambudzireiko?” (Mab. 9:4) Izvi zvinoratidza kuti Jesu pachake anorwadziwa nemiedzo inosangana nevateveri vake.—Mat. 25:34-40, 45.

6 Kana uri kutambudzirwa kutenda kwako muna Kristu, ziva kuti Jehovha naJesu vanoziva zvauri kusangana nazvo. (Mat. 10:22, 28-31) Muedzo wacho unogona kuramba uripo iye zvino. Yeuka kuti Jesu aizviona Sauro achibatsira pakuurayiwa kwaStefani, uye aizviona Sauro achizvuzvurudza vadzidzi achivabudisa mudzimba dzavo muJerusarema. (Mab. 8:3) Asi Jesu haana kupindira panguva iyoyo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akashandisa Kristu, kuita kuti Stefani nevamwe vadzidzi varambe vakatendeka.

7. Unofanira kuitei kuti utsungirire kutambudzwa?

7 Newewo unogona kutsungirira paunotambudzwa kana ukaita zvinotevera: (1) Ramba wakavimbika chero zvodini. (2) Kumbira kubatsirwa naJehovha. (VaF. 4:6, 7) (3) Panzvimbo pekutsiva, siyira zvese mumaoko aJehovha. (VaR. 12:17-21) (4) Vimba naJehovha kuti achakupa simba rekutsungirira kusvikira paanoona zvakakodzera kuti abvise muedzo wacho.—VaF. 4:12, 13.

“Sauro Hama Yangu, Ishe . . . Andituma” (Mabasa 9:6-17)

8, 9. Ananiyasi anofanira kunge akanzwa sei nezvebasa raakapiwa?

8 Paakazivisa Sauro kuti aiva ani, Jesu akazoti kwaari: “Simuka upinde muguta, wonoudzwa zvaunofanira kuita.” (Mab. 9:6) Sauro akatungamirirwa kwaaizonogara kuDhamasiko asingaoni, akatanga kutsanya uye kunyengetera kwemazuva matatu. Izvozvo zvichiitika, Jesu akataura nemumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi aigara muguta racho nezvaSauro. Mudzidzi uyu “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nevaJudha vese” vaigara muDhamasiko.—Mab. 22:12.

9 Ananiyasi anofanira kunge akati farei uku achitya zvakare! Fungidzira kuti aitaurwa naye neMusoro weungano, Jesu Kristu akanga amutswa, achimusarudza pakati pevanhu vese, achimupa basa rinokosha rekuti aite. Uku ndiko kunonzi kukudzwa, asi chaityisa ibasa racho raakapiwa! Paakaudzwa kuti aifanira kuenda kunotaura naSauro, Ananiyasi akapindura kuti: “Ishe, ndakanzwa nevakawanda nezvemurume uyu, zvese zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Uye akauya kuno apiwa simba nevatungamiriri vevapristi kuti asunge vanhu vese vanodana zita renyu.”—Mab. 9:13, 14.

10. Tinodzidzei nezvaJesu pamabatiro aakaita Ananiyasi?

10 Jesu haana kutsiura Ananiyasi paakataura zvaaityira. Panzvimbo pekudaro, akamutsanangurira zvakajeka kuti aifanira kuita sei. Uye akaratidza kumuremekedza nekumuita kuti azive chikonzero nei aifanira kuita basa iri. Jesu akati nezvaSauro: “Murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi nekumadzimambo nekuvanakomana vaIsraeri. Nekuti ndichanyatsomuratidza matambudziko akawanda aachasangana nawo nekuda kwezita rangu.” (Mab. 9:15, 16) Ananiyasi akabva angoita zvaakaudzwa naJesu kuti aite. Akatsvaga murume wacho aitambudza vanhu ndokumuudza kuti: “Sauro hama yangu, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri mumugwagwa pawakanga uchiuya, andituma kuti uonezve uye uzadzwe nemweya mutsvene.”—Mab. 9:17.

11, 12. Tinodzidzei panyaya yaJesu, Ananiyasi naSauro?

11 Nyaya yaJesu, Ananiyasi, naSauro inotidzidzisa zvidzidzo zvinoverengeka. Chimwe chacho ndechekuti Jesu ndiye ari kutungamirira basa rekuparidza, sezvaakavimbisa kuti aizoita. (Mat. 28:20) Kunyange zvazvo asingatauri nevanhu mazuva ano sezvaakaita kuna Ananiyasi, Jesu anotungamirira basa rekuparidza achishandisa muranda akatendeka, waakagadza pane veimba yake. (Mat. 24:45-47) Vaparidzi, mapiyona, nemamishinari, vanotumwa neDare Rinotungamirira kunotsvaga vaya vanoda kuziva nezvaKristu. Sezvakataurwa muchitsauko chakapfuura, kune vanhu vanoda kuziva Kristu vakanyengeterera kutungamirirwa naMwari vakabva vashanyirwa neZvapupu zvaJehovha.—Mab. 9:11.

12 Ananiyasi akabvuma basa raakapiwa uye akakomborerwa. Unoteerera murayiro wekupa uchapupu hwakasimba, kunyange kana kwawatumwa kuti unoitira basa racho kuchikuzezesa here? Vamwe vanotozeza kuparidza paimba neimba uye kutaura nevanhu vavasingazivi. Vamwe vanotya kuparidzira kumabasa, mumigwagwa, kana kuti vachishandisa foni. Ananiyasi akakurira kutya uye akava nechikomborero chekubatsira Sauro kuti agamuchire mweya mutsvene.b Chakaita kuti Ananiyasi abudirire ndechekuti aivimba naJesu uye aiona Sauro sehama yake. Tinogona kukunda kutya sezvakaitwa naAnaniyasi, kana tichivimba kuti Jesu ndiye ari kutungamirira basa rekuparidza, tichinzwira vanhu tsitsi, uye tichiona kunyange vanhu vanotyisa sevanogona kuzova hama dzedu.—Mat. 9:36.

“Akabva Atanga Kuparidza nezvaJesu” (Mabasa 9:18-30)

13, 14. Kana uri kudzidza Bhaibheri asi usati wabhabhatidzwa, ungadzidzei pane zvakaitwa naSauro?

13 Sauro akakurumidza kuita zvaakanga adzidza. Paakaporeswa, akabva angobhabhatidzwa ndokutanga kuwadzana nevadzidzi muDhamasiko. Asi haana kugumira ipapo. “Akabva atanga kuparidza nezvaJesu mumasinagogi, kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”—Mab. 9:20.

14 Kana uri kudzidza Bhaibheri asi usati wabhabhatidzwa, uchakurumidza kuita zvauri kudzidza sezvakaitwa naSauro here? Ndizvo hazvo kuti Sauro akanyatsozvionera chishamiso chakaitwa naKristu, izvo zvinofanira kunge zvakamukurudzira kuti abhabhatidzwe. Asi kune vamwewo vakaona zvishamiso zvakaitwa naJesu, vakasaita zvakaitwa naSauro. Pane vaFarisi vakaona Jesu achiporesa mumwe murume aiva neruoko rwakakokonyara, uye vaJudha vakawanda vaiziva kuti Jesu akamutsa Razaro kubva kuvakafa. Asi vakawanda vavo havana kumbova nehanya nazvo uye vamwe vakatomupikisa. (Mako 3:1-6; Joh. 12:9, 10) Asi Sauro akachinja. Chii chakaita kuti Sauro achinje ivo vamwe vakakundikana kudaro? Nekuti aitya Mwari kupfuura vanhu uye aitenda tsitsi dzaakaratidzwa naKristu. (VaF. 3:8) Kana ukaita sezvaakaita, hauzorega chimwe chinhu chichikutadzisa kuti ukodzere kubhabhatidzwa wobatana nevamwe pakuita basa rekuparidza.

15, 16. Sauro aiitei mumasinagogi, uye izvi zvakaita kuti vaJudha vaigara muDhamasiko vaite sei?

15 Vanhu vanofanira kunge vakashamiswa kana kutoshatirwa pavakaona Sauro ava kuparidza nezvaJesu mumasinagogi. Vakabvunza kuti: “Uyu haasi iye here murume aiparadza vaya vemuJerusarema vanodana zita iri?” (Mab. 9:21) Paaitsanangura kuti chii chakaita kuti achinje zvaaifunga nezvaJesu, Sauro akatsanangura “zvinogutsa kuti Jesu ndiye Kristu.” (Mab. 9:22) Asi havasi vese vanonzwisisa kunyange vakatsanangurirwa zvinogutsa. Vamwe vanenge vaine pfungwa dzakagomara pamusana petsika dzavakakura nadzo kana kuti vaine mwoyo inozvikudza. Kunyange zvakadaro, Sauro haana kuneta.

16 Makore matatu akazotevera, vaJudha vaigara muDhamasiko vakanga vachiri kupikisana naSauro. Iye zvino vakanga vatoronga kumuuraya. (Mab. 9:23; 2 VaK. 11:32, 33; VaG. 1:13-18) Sauro paakanzwa zvavakanga vamurongera, akasarudza kusanetsana navo ndokubvuma kudzikiswa ari mudengu nepaburi rakanga riri parusvingo rweguta. Ruka anotaura nezvevanhu vakabatsira Sauro kutiza usiku ihwohwo achivati “vadzidzi vake.” (Mab. 9:25) Pamwe mashoko aya anoratidza kuti vamwe vanhu vakanzwa Sauro achitaura muDhamasiko vakamuteerera vakava vateveri vaKristu.

17. (a) Vanhu vanoita sei pavanoparidzirwa chokwadi chemuBhaibheri? (b) Tinofanira kuramba tichiitei, uye nei tichifanira kudaro?

17 Pawakatanga kuudza hama neshamwari dzako zvinhu zvakanaka zvawaidzidza, unogona kunge wakafunga kuti munhu wese aizobvuma chokwadi cheBhaibheri. Pamwe vamwe ndizvo zvavakaita, asi vakawanda havana kudaro. Vamwe vemumhuri vangave vakatokubata semuvengi. (Mat. 10:32-38) Asi kana ukaramba uchivandudza mashandisiro aunoita Magwaro pakukurukura uye kana ukaramba uchizvibata semuKristu, unogona kuita kuti vaya vanokupikisa vazopedzisira vachinja.—Mab. 17:2; 1 Pet. 2:12; 3:1, 2, 7.

18, 19. (a) Chii chakazoitika Bhanabhasi paakatsanangurira vaapostora kuti Sauro akanga ava mudzidzi? (b) Tingatevedzera sei Bhanabhasi naSauro?

18 Pakapinda Sauro muJerusarema, vadzidzi vakanga vasina chokwadi kuti ava mudzidzi, uye izvozvo zvinonzwisisika. Asi Bhanabhasi paakatsanangurira vaapostora kuti Sauro akanga ava mudzidzi, vakabva vamugamuchira akatomboita nguva ainavo. (Mab. 9:26-28) Sauro aiita zvinhu nekungwarira, asi akanga asinganyari nemashoko akanaka. (VaR. 1:16) Akaparidza neushingi muJerusarema, macho maakanga atangira kutambudza vadzidzi vaJesu Kristu zveutsinye. VaJudha vaiva muJerusarema pavakaziva kuti munhu akanga ari pamberi panyaya dzechitendero chavo akanga apanduka, vakabva varonga kumuuraya. Nhoroondo yacho inoti, “Hama padzakazviziva, dzakadzika naye kuKesariya dzikamutumira kuTaso.” (Mab. 9:30) Sauro akabvuma zvaakanzi neungano aite achiziva kuti ndiJesu ari kuitungamirira. Zvaakaita zvakabatsira iye pamwe chete neungano.

19 Cherechedza kuti Bhanabhasi paakaona kuti vamwe vari kunyenyeredza Sauro, akatanga iye kutora matanho ekumubatsira. Zvaakamuitira izvi zvakaita kuti vave neushamwari hwakazoramba huchisimba vachishingaira mubasa raJehovha. Iwe unoitawo here sezvakaitwa naBhanabhasi, uchibatsira vatsva muungano, uchishanda navo muushumiri, uye uchivabatsira kuti vafambire mberi muchokwadi? Ukadaro, uchawana makomborero. Kana uri muparidzi mutsva wemashoko akanaka, uchabvuma kubatsirwa nevamwe sezvakaitwa naSauro here? Ukashanda nevaparidzi vava nenguva vachiparidza, unyanzvi hwako muushumiri huchavandudzika, mufaro wako uchawedzera, uye uchava neushamwari navo kweupenyu hwese.

“Vakawanda Vakatenda” Muna Jesu (Mabasa 9:31-43)

20, 21. Vashumiri vaMwari vekare nevemazuva ano vakashandisa sei zvakanaka “nguva yerugare”?

20 Pashure pekutendeuka kwaSauro nekuzotiza kwake muJerusarema, “ungano dzese muJudhiya yese nemuGarireya nemuSamariya dzakabva dzava nenguva yerugare.” (Mab. 9:31) Vadzidzi vakashandisa sei nguva iyi? (2 Tim. 4:2) Nhoroondo yacho inoti vakanga ‘vachivakwa.’ Vaapostora nedzimwe hama dzaitungamirira vakasimbisa kutenda kwevadzidzi vachitungamirira ungano kuti ‘ifambe ichitya Jehovha uye ichinyaradzwa nemweya mutsvene.’ Petro akashandisa nguva yacho kusimbisa vadzidzi muguta reRidha riri muBani reSharoni. Zvaakaita zvakaita kuti vakawanda vaigara munzvimbo iyoyo vatendeukire “kuna Ishe.” (Mab. 9:32-35) Panzvimbo pekurega zvimwe zvinhu zvichivatsausa, vadzidzi vakashanda nesimba vachibatsirana uye vachiparidza mashoko akanaka. Izvi zvakaita kuti ungano ‘irambe ichiwedzera.’

21 Kumakore ekuma1990, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvakavawo “nenguva yerugare.” Hurumende dzaimbodzvinyirira vanhu vaMwari kwemakore dzakaerekana dzabviswa, uye nyika dzaimborambidza basa redu dzakatanga kuribvumira zvishoma nezvishoma, kana kutoribvumira zvachose. Zviuru nezviuru zveZvapupu zvakashandisa mukana iwoyo kuparidza pachena, zvikabudirira zvinoshamisa.

22. Ungashandisa sei zvakanaka rusununguko rwauinarwo?

22 Ko iwe uri kushandisa zvakanaka rusununguko rwauinarwo here? Kana uchigara munyika ine rusununguko rwekunamata, Satani anogona kukuedza kuti umhanyisane nepfuma, pane kuti utsigire Umambo. (Mat. 13:22) Usabvume kutsauswa. Shandisa nguva iyoyi yerugare nekuchenjera. Utore semukana wekupa uchapupu hwakasimba uye wekuvaka ungano. Ziva kuti zvinhu zvinogona kungokuchinjira usingafungiri.

23, 24. (a) Tinodzidzei panyaya yaTabhita? (b) Tinofanira kuramba tichiitei?

23 Funga zvakaitika kumudzidzi ainzi Tabhita, kana kuti Dhokasi. Aigara muJopa, guta raiva pedyo neRidha. Aishandisa nguva yake nepfuma yake nekuchenjera, achiita “mabasa akawanda akanaka uye aibatsira varombo nezvipo.” Asi akazongorwara ndokufa.c Rufu rwake rwakarwadza vadzidzi vaiva muJopa, kunyanya chirikadzi dzaakanga abatsira. Petro paakasvika vanhu vava kugadzirira kunoviga Tabhita, akaita chishamiso chakanga chisati chamboitwa pakati pevaapostora. Petro akanyengetera akabva amutsa Tabhita akanga afa! Fungidzira kufara kunofanira kunge kwakaita chirikadzi dziya nevamwe vadzidzi pavakadanwa naPetro kuti vapinde mumba ndokuona Tabhita ari mupenyu. Izvi zvinofanira kunge zvakavasimbisa kuti vazokwanisa kutarisana nemiedzo yaiva kumberi! Hazvishamisi kuti nyaya iyi yakazivikanwa “muJopa yese, uye vakawanda vakatenda muna Ishe.”—Mab. 9:36-42.

Hanzvadzi iri kupa ambuya vanorwara maruva.

Ungatevedzera sei Tabhita?

24 Tinodzidza zvinhu zviviri zvinokosha panhoroondo iyi yaTabhita. (1) Upenyu hupfupi. Saka zvakakosha kuti tive nezita rakanaka naMwari tichiri kuzvikwanisa! (Mup. 7:1) (2) Tariro yerumuko ndeyechokwadi. Jehovha aicherechedza mabasa ese aiitwa naTabhita achibatsira vamwe, uye akamupa mubayiro. Achayeuka basa ratiri kumuitira uye achatimutsa kana tikafa Amagedhoni isati yasvika. (VaH. 6:10) Saka tingave tiri kutsungirira ‘nguva dzakaoma’ kana kuti tiri ‘munguva yerugare,’ ngatirambei tichipa uchapupu hwakasimba nezvaKristu.—2 Tim. 4:2.

SAURO AKASVIKA SEI PAKUVA MUFARISI?

“Jaya rainzi Sauro” rinotaurwa munyaya iri muna Mabasa yekutemwa kwaStefani nematombo, raibva kuTaso. Taso raiva guta guru renharaunda yeKirikiya yaitongwa neRoma, kumaodzanyemba kweTurkey yemazuva ano. (Mab. 7:58) Maiva nevaJudha vakati wandei. Sauro pachake akanyora kuti: “Ndakachecheudzwa pazuva rechi8, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru akaberekwa nevaHebheru; panyaya yemutemo, ndiri muFarisi.” Zvaaiva izvi zvinofanira kunge zvairemekedzwa zvikuru pakati pevaJudha!—VaF. 3:5.

Sauro aiva muFarisi.

Sauro akakurira muguta guru rakabudirira, raiitwa zvekutengeserana, uye makanga makazara tsika nemagariro zvechiGiriki. Sezvo akakurira muTaso, Sauro aiziva chiGiriki. Anogona kunge akatanga kupinda chikoro pachikoro chechiJudha. Sauro akadzidza basa rekugadzira matende, iro rakanga rakakurumbira kwaaibva. Sauro anogona kunge akadzidziswa basa iri nababa vake achiri mudiki.—Mab. 18:2, 3.

Bhuku raMabasa rinoratidzawo kuti Sauro akatoberekwa ari chizvarwa cheRoma. (Mab. 22:25-28) Izvi zvinoreva kuti baba vake kana sekuru vake vakanga vatogara vari chizvarwa cheRoma. Hatizivi kuti mhuri iyi yakawana sei mukana uyu. Mukana uyu waiita kuti vave vamwe vevanhu vanoremekedzwa zvikuru munharaunda yavo. Saka kuva kwaSauro chizvarwa cheRoma, dzidzo yaakawana, nekwaaibva, zvaiita kuti abudirire mutsika nemagariro zvakasiyana-siyana kubvira pachiJudha, chiGiriki nechiRoma.

Anofanira kunge akazotamira kuJerusarema kuti anoenderera mberi nedzidzo yake asati apfuura makore 13. Ikoko ndiko kwaakazodzidza ari patsoka dzaGamarieri, mudzidzisi airemekedzwa zvikuru pakati pevaFarisi.—Mab. 22:3.

Zvidzidzo izvi zvekuwedzera, zvatingaenzanisa nedzidzo yekuyunivhesiti mazuva ano, zvaisanganisira kudzidza maitirwo ezvinhu, kubata nemusoro Magwaro uye mutemo wechiJudha waiita zvekutaurwa. Munhu paaidzidziswa naGamarieri aitarisira kuzowana basa rinobhadhara kana akabudirira, uye izvozvo ndizvo zvakanga zvaita Sauro. Akazonyora kuti: “Ndakanga ndichibudirira kwazvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu murudzi rwangu, sezvo ndaishingairira kwazvo tsika dzemadzibaba angu kuvapfuura.” (VaG. 1:14) Tinoziva kuti kushingaira kwaSauro muchiJudha ndiko kwakazoita kuti atambudze ungano yechiKristu zvinotyisa.

TABHITA, “AIITA MABASA AKAWANDA AKANAKA”

Tabhita ari kubatsira mumwe munhu.

Tabhita aiva muungano yechiKristu muguta rine chiteshi chezvikepe reJopa. Aidiwa nevamwe muungano nekuti “aiita mabasa akawanda akanaka uye aibatsira varombo nezvipo.” (Mab. 9:36) Tabhita aiva nemazita maviri, sezvaingoitwa nevaJudha vakawanda vaigara munharaunda dzine vaJudha nevanhu vamamwe marudzi. Rimwe zita rake, Tabhita, rakanga riri rechiHebheru kana kuti chiAramaiki uye rimwe racho, Dhokasi, rakanga riri rechiRatini kana kuti chiGiriki. Ese ari maviri anoreva kuti “Mhara.”

Tabhita anofanira kunge akangorwara nguva pfupi ndokufa. Vanhu vakabva vageza chitunha chake, setsika yaingoitwa, vachigadzirira kumuviga. Vakabva vaisa chitunha chake muimba yepamusoro, zvichida pamba pake. KuMiddle East kunopisa saka chitunha chaitofanira kuvigwa musi iwoyo kana kuti mangwana acho. VaKristu vekuJopa vakanga vanzwa kuti muapostora Petro aiva muguta raiva pedyo reRidha. Maguta maviri aya aiva kure nekure nemakiromita 18 chete, zvekuti Petro aikwanisa kusvika Dhokasi asati avigwa, sezvo paingoda maawa mana chete kuti munhu asvike achifamba netsoka. Saka ungano yakatuma varume vaviri kuti vanokumbira Petro kuti auye nekukurumidza. (Mab. 9:37, 38) Mumwe muongorori weBhaibheri anoti: “Yaiva tsika yevaJudha kutuma vanhu vari vaviri zvichiitirwa kuti mumwe azosimbisa uchapupu hunenge hwapiwa nemumwe.”

Saka Petro paakasvika akaita sei? Nyaya yacho inoti: “Vakapinda naye muimba yepamusoro; uye chirikadzi dzese dzakauya kwaari dzichichema uye dzakamuratidza zvipfeko zvakawanda nezvekufuka zvakanga zvakagadzirwa naDhokasi paakanga achiinavo.” (Mab. 9:39) Chimwe chaiita kuti Dhokasi adiwe nevamwe vemuungano make ndechekuti aiwanzovasonera zvipfeko. Aisona hembe refu dzisina maoko dzaitanga dzapfekwa, nedzimwe dzakaita sechibhachi dzaizopfekwa pamusoro pacho. Hatizivi kuti Tabhita aitenga machira acho osona here kana kuti aiti vanhu vauye nemachira acho ozongovasonera. Asi chatinoziva ndechekuti aidiwa nevanhu nekuti ‘aibatsira varombo nezvipo.’

Petro paakapinda mumba umu, zvaakawana zvirimo zvinosiririsa zvechokwadi. Mumwe muongorori weBhaibheri anonzi Richard Lenski anoti: “Kuchema kwaiitwa apa kwakanga kwakasiyana nekuchema kwaiita vanhu kumba kwaJairosi kwaiva nevakadzi vaiita zvekukokwa kuti vazochema vachibhadharwa uye vanhu vairidza nyere. Kuchemwa kwakaitwa Dhokasi kwakanga kusiri kwekunyepedzera.” (Mat. 9:23) Kwaiva kuchema kwemwoyo wese. Vakawanda vanofunga kuti Tabhita akanga asina kuroorwa nekuti hapana panombotaurwa nezvemurume wake.

Jesu paakatuma vaapostora vake, akavapa simba ‘rekumutsa vakafa.’ (Mat. 10:8) Petro akanga aona Jesu achiita zvishamiso zvakadaro, kusanganisira paya paakamutsa mwanasikana waJairosi, asi kusvika iye zvino pakanga pasati pambotaurwa nezvemuapostora akamutsa munhu akafa. (Mako 5:21-24, 35-43) Asi iye zvino Petro akaita kuti vanhu vakanga vari mumba macho vabude panze, achibva anyengetera nemwoyo wese, zvekuti Tabhita akabva avhura maziso ake akabva amuka ndokugara. VaKristu vemuJopa vanofanira kunge vakafara chaizvo pavakadaidzwa vakasvikowana Tabhita ava mupenyu!—Mab. 9:40-42.

a Ona bhokisi rakanzi “Sauro Akasvika Sei Pakuva muFarisi?”.

b Zvipo zvemweya zvaiwanzopfuudzwa kuvanhu nevaapostora. Asi pachiitiko ichi, kunenge kuti Jesu pachake ndiye akapa Ananiyasi masimba ekupfuudza zvipo zvemweya kuna Sauro. Pashure pekutendeuka, Sauro akamboita nguva yakareba asati aonana nevaapostora 12. Asi kunenge kuti panguva yese iyoyo ane zvaaitoita pabasa rekuparidza. Saka Jesu anofanira kunge akava nechokwadi chekuti Sauro awana simba raaida kuti aite basa rake rekuparidza.

c Ona bhokisi rakanzi “Tabhita, ‘Aiita Mabasa Akawanda Akanaka,’”.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe