RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 9
  • Tinganyatsogadzirira Sei Misangano Yedu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinganyatsogadzirira Sei Misangano Yedu?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Jehovha Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kurudziranai Pamisangano Yeungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Gadzirira uye Farikanya Misangano yeUngano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Kugadzirira Kwatingaita Musangano Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 9

CHIDZIDZO 9

Tinganyatsogadzirira Sei Misangano Yedu?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Cambodia

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ukraine

Kana uri kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, zvichida unogara waongorora zvauchadzidza pachidzidzo chimwe nechimwe. Ndizvo zvaunofanira kuitawo usati waenda kumusangano kana uchida kuti musangano wacho ukubatsire. Kuti tinyatsobatsirwa tinofanira kuva nepurogiramu yakanaka yekugadzirira nguva dzese.

Sarudza kuti uchadzidza nguvai uye kupi. Inguva ipi yaunogona kunyatsoisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchidzidza? Mangwanani here usati watanga basa kana kuti manheru vana vaenda kunorara? Kunyange kana usingakwanisi kuita nguva yakareba uchidzidza, sarudza kuti uchadzidza kwenguva yakareba sei, uye usarega chero chinhu chichikukanganisa panguva yacho. Dzidza uri pakanyarara, uye dzima zvese zvingakukanganisa zvakadai seredhiyo, tv, uye foni. Kunyengetera usati wadzidza kunokubatsira kuti umbosendeka zvanga zvichikunetsa zuva rese, woisa pfungwa pakudzidza Shoko raMwari.—VaFiripi 4:6, 7.

Maka mhinduro uye gadzirira kupindura. Tanga nekuona kuti nyaya yacho iri kutaura nezvei. Funga nezvemusoro wenyaya yacho, uye ona kuti musoro mudiki mumwe nemumwe unobatana sei nemusoro wenyaya. Ongorora mifananidzo nemibvunzo yekudzokorora inosimbisa pfungwa huru. Chibva waverenga ndima imwe neimwe, uchitsvaga mhinduro dzemibvunzo yendima dzacho. Verenga magwaro akaiswa mundima dzacho woona kuti anotsigira sei zviri mundima dzacho. (Mabasa 17:11) Kana wawana mhinduro yemubvunzo, maka mashoko mashoma anokubatsira kuyeuka mhinduro yacho. Paunoenda kumisangano, unogona kusimudza ruoko kana uchida, wopindura mhinduro pfupi uchishandisa mashoko ako.

Paunoongorora nyaya dzakasiyana-siyana dzinenge dzichizokurukurwa kumisangano, unenge uchitowedzera zvinhu zvitsva ‘mudura rako repfuma’ yeruzivo rweBhaibheri.—Mateu 13:51, 52.

  • Zvii zvaungaita kuti ugare uchigadzirira misangano?

  • Ungagadzirira sei kuti uzopindura pamisangano?

DZIDZA ZVIMWE

Uchitevedzera zvataurwa pamusoro apa, gadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi kana kuti Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Gadzirira mhinduro yekuti uzopawo pamusangano unotevera uchibatsirwa neanokudzidzisa Bhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe