Kugadzirira Kwatingaita Musangano Webasa
1. Chinangwa choMusangano Webasa ndechei, uye tingabatsirwa sei zvakanyanya nawo?
1 Musangano Webasa wakagadzirirwa kuti utibatsire kubudirira muushumiri. Unonyanya kukurukura nezvokuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo, kuita kuti vamwe vave vadzidzi, uye kuzivisa kutongwa kwevakaipa kuri kuuya kuchaitwa naMwari. (Mat. 28:20; Mako 13:10; 2 Pet. 3:7) Tinobatsirwa zvakanyanya nomusangano uyu unokosha kana takanyatsogadzirira uye tichizopindurawo.
2. Tingagadzirira sei kuteerera hurukuro?
2 Hurukuro: Panenge pachitorwa mashoko ehurukuro yacho panoratidzwa mumirayiridzo inopiwa mukurukuri. Mungaverenga mashoko acho ehurukuro, uyewo magwaro akaratidzwa ipapo, mofunga kuti mungaashandisa sei muushumiri.
3. Tingaitei kuti tigadzirire kuzokurukurirana nemibvunzo nemhinduro?
3 Kukurukurirana Nemibvunzo Nemhinduro: Hurukuro iyi ichange yakaita seChidzidzo cheNharireyomurindi. Ichange ine sumo pfupi nemhedziso pfupiwo. Makai pfungwa huru mundima yoga yoga, uye gadzirirai kutaura mhinduro pfupi dzine musoro.
4. Tingagadzirira sei hurukuro yokukurukura nevateereri?
4 Kukurukura Nevateereri: Hurukuro iyi ichaita zvokukurukurwa, asi mukurukuri achakumbira vateereri kuti vataurewo. Kana mukamaka pfungwa huru motarira magwaro aripo, mungazokwanisa kupindurawo panobvunzwa mibvunzo. Hama inenge ine hurukuro iyi ichavavarira kuita kuti vateereri vataurewo pakukurukura pfungwa huru.
5. Chii chichaita kuti tinyanye kubatsirwa nemienzaniso?
5 Kuenzanisira: Dzimwe hurukuro dzichange dzine mienzaniso yezvinoitika chaizvo kuti iratidze kushandiswa kungaitwa mashoko acho mundima yenyu. Vakuru kana kuti vaparidzi vane unyanzvi kana kuti mapiyona ndivo vachakumbirwa kuti vaenzanisire. Pakugadzirira hurukuro iyi mungafungidzira zvichange zvakaita muenzaniso wacho. Panoenzanisirwa, fungai kushandisa kwamungazviita kuna vanasaimba vakasiyana-siyana. Onai kuti mune bhuku kana kuti magazini ichashandiswa pamuenzaniso wacho. Pamanheru eKunamata Kwemhuri yenyu, mungaona zvichibatsira kuenzanisira mimwe mienzaniso yacho.
6. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvokuti tigadzirire Musangano Webasa?
6 Musangano Webasa unonyanya kunakidza kana takagadzirira uye patinofanofunga nezvokudzidziswa kwatichaita. Kuita izvozvo kuchaita kuti tinyanye kukurudzirana. (VaR. 1:11, 12) Kana tikawana nguva yokugadzirira Musangano Webasa, tichava vakanyatsogadzirira kuita basa redu.—2 Tim. 3:17.