RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 36 p. 88-p. 89 ndim. 1
  • Vimbiso yaJefta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimbiso yaJefta
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chipikirwa chaJefta
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akafadza baba vake naJehovha
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Aidiwa naMwari Uye Neshamwari Dzake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 36 p. 88-p. 89 ndim. 1
Jefta anobvarura hembe dzake mwanasikana wake paanouya kuzomuchingura

CHIDZIDZO 36

Vimbiso yaJefta

VaIsraeri vakaramba Jehovha zvakare, vachibva vatanga kunamata vanamwari venhema. VaAmoni pavakarwisa vaIsraeri, vanamwari venhema ivavo vakanga vasingakwanisi kuvabatsira. VaIsraeri vakatambura kwemakore akawanda. Vakazoti kuna Jehovha: ‘Takatadza. Tinokumbirawo kuti mutinunure pavavengi vedu.’ VaIsraeri vakaparadza zvidhori zvavo, vakabva vatangazve kunamata Jehovha. Jehovha akanga asingachadi kuti varambe vachitambura.

Mumwe musoja ainzi Jefta ndiye akasarudzwa kuti atungamirire pakunorwa nevaAmoni. Akati kuna Jehovha: ‘Kana mukatibatsira kuti tikunde muhondo iyi, ndinokuvimbisai kuti pandichadzokera kumba, ndichakupai munhu anenge atanga kubuda mumba mangu kuti azondichingura.’ Jehovha akanzwa munyengetero waJefta uye akamubatsira kuti akunde muhondo yacho.

Jefta paakadzoka kumba, munhu akatanga kubuda achizomuchingura aiva mwanasikana wake, uyo aiva zai regondo. Aitamba uye airidza tambureni. Ko Jefta aizoita sei? Akayeuka vimbiso yake akabva ati: ‘Maiwe mwanasikana wangu! Chokwadi wandirwadzisa. Ndakaita vimbiso kuna Jehovha. Saka kuti ndiizadzise, ndinofanira kukuendesa kuShiro kuti unoshanda patebhenekeri.’ Asi mwanasikana wake akati kwaari: ‘Baba, kana makavimbisa Jehovha, munofanira kuzadzisa vimbiso yacho. Chandiri kukukumbirai ndechekuti mungondibvumirawo kuenda kumakomo neshamwari dzangu dzechisikana kwemwedzi miviri, ndobva ndazoenda hangu.’ Mwanasikana waJefta akashanda patebhenekeri akatendeka kweupenyu hwake hwese. Gore negore shamwari dzake dzaienda kunomuona kuShiro.

Shamwari dzemwanasikana waJefta dzauya kutebhenekeri kuzomuona

“Munhu wese anoda mwanakomana kana mwanasikana kupfuura ini, haana kukodzera ini.”—Mateu 10:37

Mibvunzo: Jefta akavimbisei kuna Jehovha? Mwanasikana waJefta akaita sei paakanzwa nezvevimbiso yababa vake?

Vatongi 10:6–11:11, 29-40; 1 Samueri 12:10, 11

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe