Vabatiri Vanoshumira Vanoita Basa Rinokosha
1 “Vakazviratidzira vamene kuva varume vakazvitsaurira zvechokwadi vane kutenda kwakaratidzirwa mubasa rokushingaira roUmambo nomukubetsera vamwe kuva vanosimbiswa mukutenda.” Rinodaro bhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu, papeji 57, nezvevabatiri vanoshumira. Chokwadi, muenzaniso womudzimu unoratidzwa nevabatiri vedu vanoshumira unofanira kutevedzerwa. Kushanda pamwe navo uye nevakuru ku“[noparira, NW] kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.”—VaEf. 4:16.
2 Vabatiri vanoshumira vanoita basa rinokosha muungano. Funga nezvemabasa avo ose anokosha! Vanotarisira akaunzi, mabhuku, magazini, kuzvinyoresa, uye ndima; vanoshanda sevarindiri, vanotarisira midziyo yegudzanzwi, uye vanobatsira kutarisira Horo yoUmambo. Vanopawo hurukuro paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nepaMusangano Webasa. Vamwe vavo vangatopa hurukuro dzavose kana kuitisa mimwe misangano yeungano. Kufanana nemitezo yemuviri, vabatiri vanoshumira vanoita mabasa atinoda.—1 VaK. 12:12-26.
3 Kuona vabatiri vanoshumira vachishandira pamwe vachiwirirana nevakuru sevamwe vedare rimwe rinoshumira nokuremekedzana nokunzwisisana kunokurudzira vamwe kuti vaite zvakafanana. (VaK. 2:19) Nokuita mabasa avo nokutendeka vhiki pashure pevhiki uye nokuratidza kufarira vamwe somunhu oga, vanobatsira kuti pave neungano inoenderera mberi mumudzimu.
4 Chii chatingaita kuti tiratidze kuonga kwedu vabatiri vanoshumira vanoshanda zvakaoma? Tinofanira kurovedzana nemabasa avo avakapiwa ndokuratidza kuti takagadzirira kushandira pamwe patinenge tichidiwa kuti tibatsire. Neshoko kana chiito, tinogona kuvaita kuti vazive kuti basa ravo rinoongwa. (Zvir. 15:23) Avo vanotishandira zvakasimba vanofanira kuongwa zvinobva pamwoyo.—1 VaT. 5:12, 13.
5 Shoko raMwari rinoronga basa nezvinodiwa kune vabatiri vanoshumira. (1 Tim. 3:8-10, 12, 13) Basa ravo dzvene rinotodiwa kuti ungano ishande zvakanaka. Varume vakadaro vanofanira kuramba vachikurudzirwa nesu, sezvo vose vane “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.”—1 VaK. 12:58, NW.