Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira
Vadiwa Vaparidzi veMashoko Akanaka:
Chokwadi tine ropafadzo inoshamisa chaizvo yekunamata Mwari wechokwadi chete, Jehovha, takabatana! “Tinoshanda pamwe chete” naye, uye takapiwa basa dzvene rinoponesa vanhu rekuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka eUmambo hwake hwakatogadzwa. (1 VaK. 3:9; Mat. 28:19, 20) Kuti tiite basa iri pasi rese murugare uye takabatana, tinofanira kuva vanhu vakanyatsorongeka.—1 VaK. 14:40.
Bhuku rino richakubatsira kunzwisisa kuti ungano yechiKristu inoshanda sei. Rinotaura nezveropafadzo dzauinadzo uye zvaunofanira kuita semumwe weZvapupu zvaJehovha. Kana uchikoshesa zvinhu izvozvo, ‘uchasimbiswa pakutenda.’—Mab. 16:4, 5; VaG. 6:5.
Nekudaro, tinokukurudzira kuti unyatsodzidza bhuku rino. Tsvaga nzira dzaunogona kushandisa zvauchaverenga mubhuku rino. Semuenzaniso, kana uchangobva kugadzwa semuparidzi asati abhabhatidzwa, matanho api aunofanira kutora kuti ubhabhatidzwe seChapupu chaJehovha? Ukuwo, kana wakabhabhatidzwa, ungaitei kuti ukure pakunamata wowedzera basa rako raunoitira Jehovha? (1 Tim. 4:15) Zvii zvaungaita kuti muungano murambe muine rugare? (2 VaK. 13:11) Tsvaga mhinduro dzemibvunzo iyi mubhuku rino.
Kana uri munhurume akabhabhatidzwa, ungaitei kuti ukwanise kushanda semushumiri weungano uye wozova mukuru? Sezvo vatsva vakawanda vari kuramba vachiuya musangano raMwari, hama dzakakodzera dziri kunyanya kudiwa kuti dzitungamirire. Bhuku rino richakubatsira kuti uone kuti zvii zvinodiwa kuti uite mabasa akadaro.—1 Tim. 3:1.
Tinonyengetera nemwoyo wese kuti bhuku rino rikubatsire kuona nzvimbo yako muurongwa hwaJehovha uye woikoshesa. Mese tinokudai chaizvo uye tinoramba tichinyengetera kuti muve pakati pevaya vachafara kunamata Baba vedu vekudenga Jehovha, nekusingaperi.—Pis. 37:10, 11; Isa. 65:21-25.
Hama dzenyu
Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha