Hama Dzechiduku, Muri Kuvavarira Kupiwa Mabasa Muungano Here?
1. Hama yechiduku inofanira kutanga rini kushandisa zano ratinowana pana 1 Timoti 3:1?
1 “Kana murume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka.” (1 Tim. 3:1) Mashoko aya akafuridzirwa anokurudzira hama kuti dzivavarire kuva neropafadzo muungano. Unofanira kunge wakura here kuti uvavarire kuva neropafadzo idzi? Zvakatonyanya kunaka kuti utange uchiri mudiki. Kana ukadaro unogona kudzidziswa woratidza kuti unokwanisa kuzogadzwa semushumiri anoshumira kana wakura. (1 Tim. 3:10) Kana uri hama yechiduku yakabhabhatidzwa, ungavavarira sei kuva neropafadzo muungano?
2. Ungaitei kuti uve munhu anozvipira uye ungaratidza sei kuzvipira ikoko?
2 Kuzvipira: Yeuka kuti uri kuvavarira kuita basa rakanaka, kwete kuva nezita rokuremekedzwa. Saka, shandira kuti uve nechido chokubatsira hama nehanzvadzi dzako. Imwe nzira yokuita izvi ndeyokufungisisa nezvomuenzaniso wakanaka waJesu. (Mat. 20:28; Joh. 4:6, 7; 13:4, 5) Kumbira Jehovha kuti akubatsire kufarira vamwe. (1 VaK. 10:24) Unokwanisa kubatsira vakwegura kana kuti vanorwara vari muungano here? Unozvipira kuti ubatsire pakucheka uswa, uye kuita mamwe mabasa ekutarisira Imba yoUmambo here? Ungazvipira here kupa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri? Uchaona kuti kuzvipira kwako kushandira vamwe kuchaita kuti ufare.—Mab. 20:35.
3. Kuva neukama hwakasimba naMwari kunokosha zvakadini uye ungava sei nahwo?
3 Ukama Hwakasimba naMwari: Kuva neukama hwakasimba naMwari ndiko kunonyanya kukosha kumushumiri ari muungano kupfuura kungova nematarenda. Munhu ane ukama hwakasimba naMwari anoedza kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha naJesu. (1 VaK. 2:15, 16) Anoratidza “chibereko chomudzimu.” (VaG. 5:22, 23) Anoshingaira pakuparidza uye anoisa zvine chokuita neUmambo pakutanga. (Mat. 6:33) Unogona kuva neunhu hwakanaka hunodiwa naJehovha kana ukava nepurogiramu yakanaka yokudzidza uri woga. Izvi zvinosanganisira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai!, uye kugadzirira nokupinda misangano. (Pis. 1:1, 2; VaH. 10:24, 25) Paaikurudzira wechiduku Timoti kuti afambire mberi mune zvokunamata, Pauro akanyora kuti: ‘Ramba uchichenjerera kudzidzisa kwako.’ (1 Tim. 4:15, 16) Saka shanda nesimba pakugadzirira hurukuro dzaunenge wapiwa paChikoro chaMwari Choushumiri. Gadzirira usati waenda kunoparidzira uye gara uchiita basa iri. Iva nezvinangwa pakunamata zvakadai sokupayona, kushanda paBheteri kana kuti kupinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora uye shanda nesimba kuti uzadzise zvinangwa zvacho. Kuva neukama hwakasimba naMwari kuchakubatsira ‘kutiza kuchiva kwouduku.’—2 Tim. 2:22.
4. Kuvimbika nokutendeseka kunokosha zvakadini?
4 Kuvimbika Uye Kutendeseka: Sezvo hama dzakapiwa basa rokuendesa zvokudya kuvaKristu vokutanga vaishayiwa ‘dzaipupurirwa,’ zviri pachena kuti dzaizivikanwa nokuvimbika uye kutendeseka, uye izvi zvakaita kuti vaapostora vasanetseke kuti basa racho raizoitwa here. Izvi zvakavaita kuti vaise pfungwa dzavo pane dzimwe nyaya dzaikosha. (Mab. 6:1-4) Saka, kana wapiwa basa rokuita muungano, riite nepose paunogona napo. Tevedzera Noa, uyo akanyatsotevedzera mirayiridzo yaakapiwa yokuvaka areka. (Gen. 6:22) Kutendeseka kunokosheswa naJehovha uye kunoratidza kukura mune zvokunamata.—1 VaK. 4:2; ona bhokisi rakanzi “Kubatsirwa Nokudzidziswa.”
5. Nei hama dzechiduku dzichifanira kuvavarira kupiwa mabasa muungano?
5 Sezvakafanotaurwa, Jehovha ari kukurumidzisa basa rokuunganidza. (Isa. 60:22) Paavhareji, vanhu vanenge 250 000 vari kubhabhatidzwa gore negore. Nekuwedzera kuri kuita vatsva vari kuuya muchokwadi, varume vanoda Mwari uye vanokwanisa vari kuwedzerawo kudiwa kuti vaite mabasa muungano. Iye zvino, pava nezvizhinji zvokuita mubasa raJehovha kupfuura kare. (1 VaK. 15:58) Hama dzechiduku, muri kuvavarira kupiwa mabasa muungano here? Kana zvakadaro, muri kuda basa rakanaka chaizvo!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 2]
Nekuwedzera kuri kuita vatsva vari kuuya muchokwadi, varume vanoda Mwari uye vanokwanisa vari kuwedzerawo kudiwa kuti vaite mabasa muungano
[Bhokisi riri papeji 3]
Kubatsirwa Nokudzidziswa
Hama dzechiduku dzinokwanisa, dzinobatsirwa kana vakuru vakadzipa zvokuita muungano uye pavanodzidzidzisa. Pashure pemisangano, mumwe mutariri wedunhu ainge akagara nemumwe muparidzi pachikuva, achimukurudzira. Akaona mumwe mukomana wechiduku akamira pedyo navo, ndokumubvunza kana aida kutaura naye. Hama yechiduku iyi yakapindura kuti yainge yakapiwa basa rokutsvaira pachikuva pashure pemisangano yoga yoga. Vabereki vake vakanga vava kuda kuenda, asi ainge asingadi kuenda asati aita basa rake. Mutariri wacho wedunhu akabva abva pachikuva. Akati: “Vakuru vemuungano iyi vaiva vakachenjerera kudzidzisa hama dzinokwanisa dzechiduku nokudzipa mabasa ekuita muungano. Saka, zvaiva zvakajairika kuti varumbidze hama yechiduku kuti ishande semushumiri anoshumira pose pandaishanyira ungano yavo.”