RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/13 p. 7
  • Bhokisi Remubvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remubvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurukura Mashoko Ekupedzisira Nevanoda Kubhabhatidzwa
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Vaparidzi veMashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Mashoko Ekuwedzera
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Makwai aJehovha Anoda Tarisiro Younyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 7/13 p. 7

Bhokisi Remubvunzo

◼ Muparidzi asina kubhabhatidzwa anofanira kubvumirwa kuti abhabhatidzwe pashure pokunge apinda misangano uye aparidzira kwenguva yakareba sei?

Nyaya yokubhabhatidzwa ndicho chisarudzo chinokosha zvikuru kupfuura zvimwe zvose zvingaitwa nemunhu. Saka anofanira kutanga anzwisisa zviri nani zvaanotarisirwa naMwari kuti aite, asati abvumirwa kuti abhabhatidzwe. Anofanirawo kunge achitoratidza kuti akazvipira kurarama maererano nemitemo yaMwari.

VaKristu vanorayirwa kuti vasarega kuungana kwavo pamwe chete, saka muparidzi asina kubhabhatidzwa anofanira kunge achitoshingaira nechekare kupinda misangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Anenge achitopindurawo pamisangano. Kakawanda anenge akatonyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri, kunyange zvazvo usiri mutemo kuti adaro.

Uyewo sezvo vaKristu vakapiwa basa rokuparidza mashoko akanaka uye rokuita vadzidzi, muparidzi asina kubhabhatidzwa anofanira kunge achiita ushumiri nguva dzose asati abhabhatidzwa. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Anofanira kuparidza kwemwedzi mingani asati asvika pakubhabhatidzwa? Zvine musoro kuti ambopiwa nguva yakakwana yokuratidza kuti akatsunga kuramba achishingaira kuparidza nguva dzose uye mwedzi woga woga. (Pis. 78:37) Zvisinei, hapafaniri zvapo kupera nguva yakareba kubva paanotanga kuparidza kusvika paanozobhabhatidzwa, asi inogona kungova mwedzi mishomanana chete. Anofanira kunge achishuma nguva yokuparidza yakawanda sei? Hapana mutemo panyaya iyi. Vakuru vanofanira kuona zvinokwanisa kuitwa nemunhu mumwe nemumwe uye vanofanira kuratidza kunzwisisa.—Ruka 21:1-4.

Vakuru (kana kuti vashumiri vanoshumira vari muungano dzine vakuru vashoma zvikuru) vachakurukura nemuparidzi anenge achida kubhabhatidzwa vanofanira kuyeuka kuti vanhu vakasiyana, uye vanofanira kunzwisisa pakuona kuti munhu anokwanisa kubhabhatidzwa here. Vachatarisira kuti munhu wacho acharatidza kuti anoda zvechokwadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti anoonga zvechokwadi ropafadzo yokuva musangano raJehovha uye kuenda nevamwe muushumiri. Vakuru vachanzwisisa kuti muparidzi asina kubhabhatidzwa anenge asati akura pakunamata uye kuti anenge asati ava neunyanzvi hwakafanana nehwevaparidzi vakabhabhatidzwa. Kana vakuru vakaona kuti muparidzi asina kubhabhatidzwa haasati ava kukwanisa kubhabhatidzwa, vanofanira kumuudza nemutsa zvikonzero zvemuMagwaro zvaita kuti vadaro, uye voronga kuti abatsirwe pakunamata.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe