RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rj chikamu 3 pp. 8-9
  • Kurwadziswa Nemumwe Munhu—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwadziswa Nemumwe Munhu—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’
  • Dzoka Kuna Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pane ‘Angatiparadzanisa Norudo rwaMwari’ Here?
  • “Ndakanzwa Sekuti Jehovha Pachake Ndiye Aitaura Neni”
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvaungaita Kuti Usaramba Uine Chigumbu
    Mukai!—2014
  • Kanganwira Nemwoyo Wese
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Vava Pamwe Chete Zvakare!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Ona Zvimwe
Dzoka Kuna Jehovha
rj chikamu 3 pp. 8-9

CHIKAMU 3

Kurwadziswa Nemumwe Munhu​—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’

“Imwe hanzvadzi yemuungano medu yakandipomera kuti ndakanga ndaibira mari. Vamwe vanhu vemuungano pavakazvinzwa, vakabva vapindira munyaya yacho. Akazondiudza kuti akanga awana mamwe mashoko airatidza kuti ndakanga ndisina mhosva. Kunyange zvazvo akakumbira ruregerero, zvaakaita zvakandirwadza zvekuti ndakafunga kuti handife ndakamukanganwira.”—Linda.

ZVAKAITIKA kuna Linda, zvekurwadziswa nemumwe munhu waainamata naye zvakamboitikawo kwauri here? Zvinosuwisa kuti vamwe vakavhiringidzwa nezvavakaitirwa nevamwe zvekuti vakabva varega kunamata. Ndizvo zvawakaitawo here?

Pane ‘Angatiparadzanisa Norudo rwaMwari’ Here?

Ichokwadi kuti zvinogona kutiomera kukanganwira mumwe munhu watinonamata naye anenge atirwadzisa. Tinenge tisingatarisiri kurwadziswa nekuti vaKristu vanofanira kudanana. (Johani 13:34, 35) Kana tatadzirwa nemunhu watinonamata naye, zvinotiodza mwoyo uye zvinorwadza zvikuru.—Pisarema 55:12.

Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoratidza kuti pane dzimwe nguva muKristu anogona kuva ‘nechikonzero chokunyunyutira’ mumwe wake. (VaKorose 3:13) Kunyange zvakadaro, pazvinozoitika kwatiri zvinogona kutiomera kuzvitambira. Pane chingatibatsira here? Ona pfungwa nhatu idzi dzemuMagwaro:

Baba vedu vekudenga vanoziva zvose zviri kuitika. Jehovha anoona zvinhu zvose, kusanganisira kurwadziswa kwatingaitwa nemumwe munhu. (VaHebheru 4:13) Anorwadziwawo patinenge tichitambura. (Isaya 63:9) Haambobvumiri “kutambura kana nhamo,” kana kuti kunyange mumwe mushumiri wake kuti ‘atiparadzanise norudo rwaMwari.’ (VaRoma 8:35, 38, 39) Saka hatifaniri kubvumira chero chinhu chipi zvacho kana kuti ani zvake kuti atiparadzanise naJehovha.

Kukanganwira munhu hakurevi kuti tiri kuti zvaaita zvakanaka. Kana tikakanganwira vanhu vanenge vatitadzira, hakusi kuti tinenge tichiti havana kukanganisa kana kuti tiri kufarira zvavaita. Yeuka kuti Jehovha anovenga chivi, asi anokanganwira kana paine chikonzero chekuti adaro. (Pisarema 103:12, 13; Habhakuki 1:13) Paanotikurudzira kuti tikanganwire vamwe, Jehovha anenge achitotiudza kuti timutevedzere. Haarambi “akatsamwa nokusingagumi.”—Pisarema 103:9; Mateu 6:14.

Kana tikachengeta chigumbu, tinenge tichizvirwadzisa. Nei tichidaro? Chimbofungidzira izvi: Wakabata dombo, zvimwe risinganyanye kurema haro, wotambanudza ruoko rwako wakaribata kudaro. Kuzviita kwenguva pfupi kungasakuremera. Asi, ko kana ukazoramba wakangodaro kwenguva yakareba? Zviri pachena kuti ruoko rwako rwunopedzisira rwava kurwadza. Hakusi kuti uremu hwedombo iroro hunenge hwachinja. Chiripo ndechekuti kuramba wakaribata kudaro ndiko kwaita kuti riwedzere kukuremera. Ndizvo zvinoitikawo kana tikachengeta chigumbu. Patinoramba takachengeta chigumbu, kunyange panyaya duku duku, tinotowedzera kuzvirwadzisa. Ndosaka Jehovha achitikurudzira kuti tisachengete chigumbu. Kukanganwira kunotobatsira isu.—Zvirevo 11:17.

Hanzvadzi iri paImba yeUmambo uye iri kuratidza kurwadziwa uye kuti ine chigumbu

Kana tikachengeta chigumbu, tinenge tichizvirwadzisa

“Ndakanzwa Sekuti Jehovha Pachake Ndiye Aitaura Neni”

Chii chakabatsira Linda kuti asarambe akagumbukira mumwe waanonamata naye? Chimwe chakamubatsira kwaiva kufungisisa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekukanganwira. (Pisarema 130:3, 4) Linda akakurudzirwa nekuziva kuti patinokanganwira vamwe, Jehovha anobva atikanganwirawo. (VaEfeso 4:32–5:2) Achitaura nezvekubatsirwa kwaakaitwa nepfungwa iyi, anoti: “Ndakanzwa sekuti Jehovha pachake ndiye aitaura neni.”

Linda akazopedzisira asisina chigumbu nehanzvadzi iya. Akanyatsoiregerera uye iye zvino vatova shamwari dzepedyo. Linda ava kuenderera mberi nekushumira Jehovha. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anoda kukubatsirawo kuti uite saizvozvo.

Kavha yebhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha

Mumwe mudzimai anonzi Marie anoti: “Chakaita kuti ndisiye chokwadi ndechekuti ndakanga ndarwadziswa zvikuru. Asi bhuku raSwedera Pedyo naJehovha rakandiyeuchidza kuti Jehovha ndiMwari akanaka uye ane rudo. Pandairiverenga, kuda kwandaiita Jehovha kwakawedzera.” Zvitsauko 26 ne30 zvebhuku iri zvinotaura zvikonzero zvinoita kuti Jehovha akanganwire, kuti anokanganwira sei uye kuti tingamutevedzera sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe