RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 170-p. 171 ndim. 7
  • Vava Pamwe Chete Zvakare!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vava Pamwe Chete Zvakare!
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Mashoko Akafanana
  • Kurwadziswa Nemumwe Munhu—Kana Tiine ‘Chikonzero Chokunyunyuta’
    Dzoka Kuna Jehovha
  • “Handisati Ndamboona Vavakidzani Vakanaka Semi”
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Kana Uchirwara Zvakanyanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Fambiro Mberi Mukurapa Kurwadziwa
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 170-p. 171 ndim. 7
Linda naSally Ong

INDONESIA

Vava Pamwe Chete Zvakare!

Yakataurwa naLinda naSally Ong

Linda: Pandaiva nemakore 12, amai vakandiudza kuti ndaiva nemunin’ina akapiwa vamwe vanhu kuti vamurere sevabereki vake. Ndaigara ndichizvibvunza kuti akaberekwawo ari matsi seni here. Asi ndakakura ndisingamuzivi.

Sally: Ndakanga ndisingazivi kuti ndairerwa nevabereki vasiri vangu. Amai vangu vokurera vaindirova zveutsinye uye vaindibata semuranda, saka ndakakura ndiri munhu akasurukirwa uye sezvo ndakaberekwa ndiri matsi, kurarama upenyu hwakadaro kwaitova kuwedzera dambudziko pane rimwe. Ndakazoonana neZvapupu zvaJehovha ndikatanga kudzidza Bhaibheri. Amai vangu vokurera pavakazviziva, vakandizvambura nebhandi, ndokuchinja kiyi dzepadhoo uye vakatanga kundikiyira mumba. Ndava nemakore 20, ndakazotiza pamba, uye Zvapupu zvakanditora ndokugara neni. Ndakabhabhatidzwa kutanga kwegore ra2012.

Linda: Pandakanga ndava nemakore 20, ndakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha. Pava paya, ndakatanga kupinda magungano eruwa aiitirwa muJakarta, uye purogiramu dzaiturikirwa mumutauro wemasaini. Ikoko ndakasangana nematsi dzakawanda kusanganisira mumwe musikana anonzi Sally, Chapupu chaigara kuNorth Sumatra. Ndaingonzwa kumufarira asi ndaisaziva kuti nei.

Sally: Ini naLinda takava shamwari neshamwari. Ndakaona kuti tainge takafanana asi handina kumbonyanya kuzviisa mumusoro.

Linda: Rimwe zuva muna August 2012, ndichiziva kuti ndaizobhabhatidzwa mangwana acho, ndakafunga kuti dai munin’ina wangu anga aripowo. Ndakakumbira Jehovha kuti: “Dai maitawo kuti ndionane nemunin’ina wangu, nekuti ndinoda kumuudza nezvenyu.” Hapana kumboita nguva yakareba, amai vakabva vangotumirwa meseji nemumwe munhu aiziva kwaiva nemunin’ina wangu. Aya ndiwo matangiro azvakaita kusvika pandakazotaura naSally.

Sally: Linda paakandiudza kuti ndiri munin’ina wake ainge akaparadzaniswa naye kwenguva yakareba, ndakabva ndangonokwira ndege kuenda kuJakarta kuti ndinomuona. Ndichangobva panosechwa zvinhu panhandare yendege, ndakaona Linda, baba naamai nevamwe sisi vangu vakandimirira. Ndakafara zvekufara zviya. Tese takambundirana nekutsvodana uye amai ndivo vakaramba vakandimbundira kwechinguva. Munhu wese aichema. Baba naamai pavakakumbira ruregerero kuti vakanga vaita kuti ndinorerwa nevamwe vanhu, takabva tatowedzera kuchema uye takambundirana zvakare.

Linda: Nemhaka yekuti takakurira kwakasiyana, tichiri kudzidza kugarisana zvakanaka. Asi tinodanana chaizvo.

Sally: Iye zvino, ini naLinda tiri kugara pamwe chete uye tiri kupinda tese muungano yemutauro wemasaini iri muJakarta.

Linda: Ini naSally takanga takaparadzaniswa kwemakore anopfuura 20. Tinotenda Jehovha kuti tava pamwe chete zvakare!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe