RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 11 p. 32-p. 33 ndim. 2
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Muenzaniso Mukuru Worudo rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 11 p. 32-p. 33 ndim. 2
Abrahamu naIsaka vachienda kuMoriya

CHIDZIDZO 11

Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda

Abrahamu akadzidzisa mwanakomana wake Isaka kuda Jehovha uye kuvimba nezvinhu zvese zvaanovimbisa. Asi Isaka paakanga ava nemakore 25, Jehovha akaudza Abrahamu kuti aite chimwe chinhu chainge chakaoma zvikuru. Chakanga chiri chii?

Mwari akaudza Abrahamu kuti: ‘Tora mwanakomana wako mumwe chete, umupe sechibayiro pagomo riri kunyika yeMoriya.’ Abrahamu haana kutomboziva kuti nei Jehovha akamuudza kuti adaro. Asi akangoteerera Jehovha zvakadaro.

Zuva rakatevera racho mangwanani-ngwanani, Abrahamu akatora Isaka pamwe chete nevashandi vaviri vakaenda kuMoriya. Pashure pekufamba kwemazuva matatu, vakatanga kuona makomo ari nechekure. Abrahamu akaudza vashandi vake kuti vasare vakavamirira iye naIsaka pavaienda kunopa chibayiro. Abrahamu akapa Isaka huni kuti atakure, uye Abrahamu akatora banga. Isaka akabvunza baba vake: ‘Mhuka yacho yatichanopa sechibayiro iri kupi?’ Abrahamu akati: ‘Usanetseke hako mwanakomana wangu, Jehovha ndiye achatipa.’

Pavakazosvika pagomo racho, vakavaka atari. Abrahamu akabva asunga maoko nemakumbo aIsaka, achibva amuisa paatari.

Isaka akasungwa ari paatari uye Abrahamu akabata banga

Abrahamu akatora banga. Panguva iyoyo, ngirozi yaJehovha yakashevedzera iri kudenga, ichiti: ‘Abrahamu! Usakuvadza mukomana! Iye zvino ndava kuziva kuti unotenda muna Mwari nekuti wabvuma kupa mwana wako sechibayiro.’ Abrahamu akabva aona gondohwe rakanga rabatwa nyanga dzaro mugwenzi raiva pedyo. Akakurumidza kusunungura Isaka achibva abayira gondohwe racho.

Kubva pazuva iroro, Jehovha akatanga kudana Abrahamu kuti shamwari yake. Unoziva here kuti nei? Abrahamu aiita zvese zvaainzi naJehovha aite, kunyange paakanga asinganzwisisi kuti nei Jehovha aimuudza kuti azviite.

Abrahamu achisunungura Isaka

Jehovha akadzokorora kutaura zvaakanga avimbisa Abrahamu achiti: ‘Ndichakukomborera, uye ndichaita kuti uve nevana vakawanda.’ Akavimbisawo kuti aizokomborera vanhu vese vanoita zvakanaka achishandisa mhuri yaAbrahamu.

“Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”—Johani 3:16

Mibvunzo: Abrahamu akaratidza sei kuti aivimba naJehovha? Jehovha akavimbisa Abrahamu chii?

Genesisi 22:1-18; VaHebheru 11:17-19; Jakobho 2:21-23

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe