Swedera Pedyo naMwari
Muenzaniso Mukuru Worudo rwaMwari
ABRAHAMU aida Mwari. Musoro wemhuri wakanga wakatendeka uyu waidawo Isaka, mwanakomana wake waakazobereka achembera. Asi Isaka paakanga ava nemakore anenge 25, Abrahamu akaedzwa kuti aite zvaisazogona kuitwa nababa vane rudo—Mwari akamuudza kuti ape mwanakomana wake sechibayiro. Zvisinei, nyaya yacho haiperi nokufa kwaIsaka. Abrahamu paakanga ava kuda kubayira mwana wake, Mwari akamudzivisa achishandisa ngirozi. Nyaya iyi yomuBhaibheri, yakanyorwa pana Genesisi 22:1-18, inofanotiratidza kudzama kwakaita rudo rwaMwari kwatiri.
Ndima yokutanga inoti: “Mwari . . . akaedza Abrahamu.” Abrahamu murume aiva nokutenda, asi zvino kutenda kwake kwaizoedzwa zvaakanga asati amboita. Mwari akati: “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka, . . . umupe sechinopiwa chinopiswa ikoko pane rimwe gomo randichakusarudzira.” (Ndima 2) Yeuka kuti Mwari haabvumiri kuti vashumiri vake vaedzwe kupfuura zvavanogona kutsungirira. Saka muedzo uyu wakaratidza kuti Mwari aivimba naAbrahamu.—1 VaKorinde 10:13.
Abrahamu akabva angoita zvaakanga arayirwa. Tinoverenga kuti: “Naizvozvo Abrahamu akafumomuka, akasungirira chigaro pambongoro yake, akatora vashandi vake vaviri naIsaka mwanakomana wake; akatsemura huni dzechinopiwa chinopiswa. Akabva asimuka, akaenda.” (Ndima 3) Abrahamu haana waakaudza nezvezvaakanga akumbirwa naMwari kuti aite.
Vakafamba rwendo rwemazuva matatu, zvichimupa mukana wokunyatsofungisisa. Asi Abrahamu akanga atsunga, haana kuchinja. Mashoko aakataura akaratidza kutenda kwake. Paakaona gomo raakanga audzwa riri nechokure, akaudza varanda vake kuti: “Garai pano . . . , asi ini nomukomana tinoda kupfuurira nechekoko tinonamata, tozodzoka kwamuri.” Isaka paakabvunza kuti gwai rechinopiwa chinopiswa raiva kupi, Abrahamu akati: “Mwari achapa gwai.” (Ndima 5, 8) Abrahamu aitarisira kudzokera aine mwanakomana wake. Nei? Nokuti “akafunga kuti Mwari akanga achikwanisa kumumutsa [Isaka] kunyange kubva kuvakafa.”—VaHebheru 11:19.
Ava pagomo, Abrahamu paakatora “banga rokuurayisa kuti auraye mwanakomana wake,” ngirozi yakamurambidza. Mwari akabva amupa gondohwe, rakanga rakabatwa mukatikati megwenzi, iro Abrahamu aigona kupa “panzvimbo pomwanakomana wake.” (Ndima 10-13) Kuna Mwari, zvakaita sokuti Isaka akatopiwa sechibayiro. (VaHebheru 11:17) Imwe nyanzvi yakatsanangura kuti, “Mwari akaona sokuti Isaka akanga atopiwa sechibayiro nokuti Abrahamu akanga abvuma kumubayira.
Kuvimba kwaiita Jehovha naAbrahamu kwakanga kuri kwechokwadi. Uye kuvimba kwaiita Abrahamu naJehovha kwakakomborerwa, nokuti Mwari akadzokorora uye akawedzera pasungano yake naAbrahamu, sungano yacho yaivimbisa zvikomborero kuvanhu vemarudzi ose.—Ndima 15-18.
Pakupedzisira, Mwari haana kuita kuti Abrahamu ape mwanakomana wake sechibayiro asi Mwari akazopa mwanakomana wake. Kuda kwaiita Abrahamu kupa Isaka sechibayiro kwakafanofananidzira kupa kwaizoita Mwari Mwanakomana wake mumwe chete, Jesu, nokuda kwezvivi zvedu. (Johani 3:16) Chibayiro chaKristu ndicho muenzaniso mukuru worudo rwaJehovha kwatiri. Sezvo Mwari akatipa chibayiro chakadaro, zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Zvii zvandinoda kupa kuti ndifadze Mwari?’