RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 21 p. 54-p. 55 ndim. 2
  • Dambudziko Rechi10

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dambudziko Rechi10
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi naAroni Vanoona Farao
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Matambudziko 3 Ekutanga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jehovha Ndianiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mwari Anonunura Vanakomana vaIsraeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 21 p. 54-p. 55 ndim. 2
Murume wechiIsraeri ari kuzora ropa padhoo rake

CHIDZIDZO 21

Dambudziko Rechi10

Mozisi akaudza Farao kuti akanga asiri kuzoedza kuonanazve naye. Asi asati abva pamberi paFarao, akamuudza kuti: ‘Pakati peusiku, matangwe ese evaIjipiti achafa, kubvira kumwanakomana waFarao kusvikira kuvanakomana vevaranda.’

Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vaite mabiko anokosha. Akati: ‘Urayai gwai gono kana kuti mbudzi hono yava negore rimwe chete, moisa rimwe reropa rayo pamativi emadhoo enyu. Gochai nyama yacho, muidye nechingwa chisina mbiriso. Pfekai hembe neshangu dzenyu mugadzirire kuenda. Manheru ano, ndichakusunungurai.’ Funga kuti vaIsraeri vakafara sei?

Pava pakati peusiku, ngirozi yaJehovha yakaenda padzimba dzese dzemuIjipiti. Padzimba dzese dzakanga dzisina kuzorwa ropa padhoo, dangwe repo raifa. Ngirozi yacho payaisvika paimba yakanga iine ropa padhoo, yaibva yapfuura. Mhuri imwe neimwe yevaIjipiti, yakafirwa nedangwe, vese vapfumi nevarombo. Asi hapana kana mwana wevaIsraeri akafa.

Kunyange mwanakomana waFarao akafawo. Farao akarwadziwa chaizvo. Akabva audza Mozisi naAroni kuti: ‘Simukai. Ibvai muno. Endai munonamata Mwari wenyu. Torai mhuka dzenyu muende!’

VaIsraeri vakabuda muIjipiti, vakarongwa semhuri uye madzinza, uye vaifamba vachivhenekerwa nemwedzi wakajeka. Paiva nevarume vechiIsraeri 600 000, uye paivawo nevakadzi nevana vakawanda. Uye, pane vamwe vanhu vakawanda vakaenda navo kuti vanonamatawo Jehovha. Iye zvino vaIsraeri vakanga vazosunungurwa!

Kuti vayeuke kununurwa kwavakanga vaitwa naJehovha, gore negore vaIsraeri vaifanira kuita mabiko anokosha akafanana neavakanga vamboita. Mabiko acho ainzi Paseka, zvinoreva kuti kupfuura.

VaIsraeri vari kubuda muIjipiti

“Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”—VaRoma 9:17

Mibvunzo: Dambudziko rechi10 raiva rei? VaIsraeri vaifanira kuitei kuti vazvidzivirire padambudziko iroro?

Eksodho 11:1–12:42; 13:3-10

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe