RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 25 p. 64-p. 65 ndim. 3
  • Tebhenekeri Yekunamatira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tebhenekeri Yekunamatira
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Tendi Rokunamatira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Imba Yokunyengetera Yamarudzi Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Zviri Mubhuku raEksodho
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 25 p. 64-p. 65 ndim. 3
Tebhenekeri nechivanze chayo

CHIDZIDZO 25

Tebhenekeri Yekunamatira

Mozisi paakanga ari paGomo reSinai, Jehovha akamuudza kuti avake tende rinokosha chaizvo rinonzi tebhenekeri, kuti vaIsraeri vazonamatira Jehovha imomo. Vaizokwanisa kutakura tebhenekeri vachienda nayo kwese kwavaienda.

Jehovha akati: ‘Udza vanhu kuti vape zvavanenge vachikwanisa kuitira kuti vabatsire kuti tebhenekeri ivakwe.’ VaIsraeri vakapa goridhe, sirivha, mhangura, matombo anokosha, uye zvishongo. Vakapawo shinda, rineni, matehwe emhuka nezvimwe zvakawanda. Vakapa zvakawanda chaizvo zvekuti Mozisi akavaudza kuti: ‘Zvakwana! Chiregai kuuya nezvimwe.’

VaIsraeri vari kuuya nezvipo zvekuvakisa tebhenekeri

Varume nevakadzi vakawanda vaiva neunyanzvi vakabatsira pakuvaka tebhenekeri. Jehovha akavapa uchenjeri hwekuti vagone kuita basa racho. Vamwe vaiita zvekuruka neshinda, kusona machira, kana kumenda. Vamwe vaiveza matombo, vaishanda negoridhe kana kuti vaiveza matanda.

Vanhu vakavaka tebhenekeri vachinyatsotevedzera zvavakanga vanzi vaite naJehovha. Vakagadzira keteni rakanaka kuti rikamure tebhenekeri kuita mativi maviri, Nzvimbo Tsvene uye Nzvimbo Tsvenetsvene. MuNzvimbo Tsvenetsvene maiva neareka yesungano iyo yakanga yakagadzirwa nemuti wemubayamhondoro negoridhe. MuNzvimbo Tsvene makanga muine chigadziko chemarambi chegoridhe, tafura uye atari yekupisira rusenzi. Muchivanze maiva nebheseni hombe remhangura uye atari hombe. Areka yesungano yaiyeuchidza vaIsraeri nezvevimbiso yavakanga vaita yekuti vaizoteerera Jehovha. Unoziva here kuti sungano chii? Ivimbiso inokosha.

Jehovha akasarudza Aroni nevanakomana vake kuti vashande patebhenekeri sevapristi. Vaifanira kuchengeta tebhenekeri yacho zvakanaka uye ikoko ndiko kwavaifanira kupira zvibayiro kuna Jehovha. Mupristi mukuru chete, Aroni, ndiye aibvumidzwa kupinda muNzvimbo Tsvenetsvene. Aiita izvi kamwe chete pagore kuti ape chibayiro chezvivi zvake, zvemhuri yake, uye zvevaIsraeri vese.

Papera gore kubva pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakapedza kugadzira tebhenekeri. Iye zvino vakanga vava nenzvimbo yekunamatira Jehovha.

Jehovha akafadzwa netebhenekeri, akabva aita kuti gore riuye pamusoro payo. Chero bedzi paiva negore pamusoro petebhenekeri, vaIsraeri vairamba vari pavainge vari. Asi gore paraisimuka, vaiziva kuti yakanga yava nguva yekuti vatame. Vaiputsa tebhenekeri vobva vatevera gore racho.

“Ndakabva ndanzwa inzwi guru richibva kuchigaro cheumambo richiti: ‘Tarisa uone! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.’”—Zvakazarurwa 21:3

Mibvunzo: Jehovha akaudza Mozisi kuti avakei? Jehovha akapa Aroni nevanakomana vake mabasa api?

Eksodho 25:1-9; 31:1-11; 40:33-38; VaHebheru 9:1-7

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe