RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 37 p. 90-p. 91 ndim. 1
  • Jehovha Anotaura naSamueri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anotaura naSamueri
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Samueri Akaramba Achiita Zvakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 37 p. 90-p. 91 ndim. 1
Samueri ari kuvhura madhoo etebhenekeri

CHIDZIDZO 37

Jehovha Anotaura naSamueri

Mupristi Mukuru Eri akanga aine vanakomana vaviri vaishumira sevapristi patebhenekeri. Vainzi Hofini naFiniyasi. Vakanga vasingateereri mitemo yaJehovha, uye vaiomesera vanhu. VaIsraeri pavaiuya nezvibayiro kuna Jehovha, Hofini naFiniyasi vaibva vatora nyama yakanakisisa yacho. Eri akanzwa zvaiitwa nevanakomana vake asi akangosiya zvakadaro. Jehovha aizorega izvi zvichingoramba zvichiitika here?

Kunyange zvazvo Samueri akanga ari mudiki chaizvo pana Hofini naFiniyasi, iye haana kuvatevedzera. Jehovha akafara chaizvo nezvaiitwa naSamueri. Rimwe zuva Samueri paakanga akarara usiku, akanzwa inzwi raimushevedza. Akamuka, akamhanya kuna Eri, akabva ati: ‘Ndiri pano!’ Asi Eri akati: ‘Handina kukushevedza. Dzokera hako unorara.’ Samueri akadzokera kunorara. Zvakabva zvaitika zvakare. Samueri paakanzwa inzwi racho kechitatu, Eri akabva aziva kuti Jehovha ndiye aishevedza Samueri. Akaudza Samueri kuti kana aizonzwa inzwi racho zvakare, aifanira kupindura kuti: ‘Taurai henyu Jehovha. Mushumiri wenyu akateerera.’

Samueri ari kuudza Eri zvaaudzwa naJehovha

Samueri akadzokera kunorara. Akabva anzwa kuti: ‘Samueri! Samueri!’ Iye akati: ‘Taurai henyu nekuti mushumiri wenyu akateerera.’ Jehovha akamuudza kuti: ‘Udza Eri kuti ndichamuranga iye pamwe chete nemhuri yake. Anoziva kuti vanakomana vake vari kuita zvakaipa patebhenekeri yangu, asi ari kungovarega vakadaro.’ Mangwanani ezuva rakatevera, Samueri akavhura masuo etebhenekeri, sezvaaigara achiita. Aitya kuudza mupristi mukuru zvakanga zvataurwa naJehovha. Asi Eri akamushevedza akamubvunza kuti: ‘Mwanakomana wangu, Jehovha ati chii kwauri? Ndiudze zvese.’ Saka Samueri akaudza Eri zvese zvakanga zvataurwa naJehovha.

Samueri zvaaikura, Jehovha akaramba achimutungamirira. Munyika yacho yese, vaIsraeri vaiziva kuti Jehovha akanga asarudza Samueri kuti ave muprofita uye mutongi.

“Saka yeuka Musiki wako Anokudzwa mumazuva eudiki hwako.”—Muparidzi 12:1

Mibvunzo: Samueri akanga akasiyana papi naHofini naFiniyasi? Jehovha akaudza Samueri kutii?

1 Samueri 2:12-17, 22-26; 3:1-21; 7:6

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe