Dzidzisa Vana Vako
Dhavhidhi—Zvaiita Kuti Asatya
UNOMBOTYA here?—a Tose zvedu tinombotya. Kana uchitya, ungaitei?— Unogona kutsvaka munhu mukuru uye akasimba kukupfuura. Zvimwe baba kana kuti amai vako vanogona kukubatsira. Tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuna Dhavhidhi nezvekwatingatsvaka rubatsiro. Akaimbira Mwari achiti: “Ini ndichavimba nemi. . . . Ndakavimba naMwari; handizotyi.”—Pisarema 56:3, 4.
Unofunga kuti Dhavhidhi akadzidziswa naani kuti asatya? Nevabereki vake here?— Hapana mubvunzo kuti ndivo. Baba vake, Jese, vaiva tateguru akatendeka waJesu Kristu, “Muchinda woRugare” akanga avimbiswa naMwari. (Isaya 9:6; 11:1-3, 10) Baba vaJese, sekuru vaDhavhidhi, vaiva Obhedhi. Pane rimwe bhuku romuBhaibheri rine zita raamai vaObhedhi. Unoziva zita ravo here?— NdiRute, mudzimai akavimbika waBhoazi.—Rute 4:21, 22.
Chokwadi, Rute naBhoazi vakafa makore akawanda Dhavhidhi asati aberekwa. Unogona kunge uchiziva amai vaBhoazi, ambuya vaDhavhidhi. Vaigara muJeriko uye vakabatsira tsori dzechiIsraeri kuti dzipone. Pakaparara masvingo eJeriko, ivo nemhuri yavo vakachengetedzwa nokuti vakasungirira tambo tsvuku pahwindo ravo. Vainzi ani?— Vainzi Rakabhi, vakazova munhu ainamata Jehovha, uye vakasiya muenzaniso wakanaka wokuratidza ushingi kuti vaKristu vatevedzere.—Joshua 2:1-21; 6:22-25; VaHebheru 11:30, 31.
Tinogona kuva nechokwadi chokuti baba namai vaDhavhidhi vakamudzidzisa nezvevashumiri vakatendeka vaJehovha ivavo nokuti vabereki vairayirwa kuti vadzidzise vana vavo zvinhu zvakadaro. (Dheuteronomio 6:4-9) Nguva yakazosvika yakarayirwa muprofita waMwari Samueri kuti asarudze Dhavhidhi, gotwe pavanakomana vaJese, kuti ave mambo aizotonga Israeri.—1 Samueri 16:4-13.
Rimwe zuva, Jese anotuma Dhavhidhi kuti aendese zvokudya kuvakoma vake vatatu avo vari kurwisana nevavengi vaMwari, vaFiristiya. Paanosvika, anomhanyira kunzvimbo yokurwira uye anonzwa mhare inonzi Goriyati ichishora “mauto akarongwa aMwari mupenyu.” Vose vari kutya kunorwa naGoriyati. Mambo Sauro anonzwa kuti Dhavhidhi ati anoda kuenda, saka anomudana. Asi Sauro paanoona Dhavhidhi, anoti: “Unongova hako mukomana.”
Dhavhidhi anotsanangurira Sauro kuti akambouraya shumba uye bheya zvaida kuuraya makwai emhuri yavo. Dhavhidhi anoti Goriyati “achava sechimwe chazvo.” Sauro anopindura kuti, “Enda, uye Jehovha ngaave newe.” Dhavhidhi anonhonga hurungudo shanu, odziisa muhomwe yake yomufudzi, otora chipfuramabwe chake, obva aenda kunorwa nemhare yacho. Goriyati paanoona mukomanawo zvake achiuya, anoshevedzera kuti: “Ingouya kwandiri, uye ndichapa shiri . . . nyama yako.” Dhavhidhi anopindura kuti: “Ini ndiri kuuya kwauri ndichishandisa zita raJehovha,” uye anobva ashevedzera kuti: “Ndichakuwisira pasi.”
Dhavhidhi anobva amhanyira kuna Goriyati, otora dombo muhomwe yake, oriisa pachipfuramabwe, ndokuripotsera rakananga pahuma yaGoriyati. VaFiristiya pavanoona kuti mhare yavo yafa, vanotyiswa voita rutsoka ndibereke. VaIsraeri vanovadzingirira uye vanovakunda. Tapota verengai pamwe chete semhuri nyaya yacho yose pana 1 Samueri 17:12-54.
Sowechiduku, dzimwe nguva unganzwa uchitya kutevedzera mirayiro yaMwari. Jeremiya aiva muduku uye aitya pokutanga, asi Mwari akamuudza kuti: “Usatya, . . . nokuti ‘Ini ndinewe.’” Jeremiya akazvishingisa uye akaparidza sezvaakanga arayirwa naMwari kuti aite. Kungofanana naDhavhidhi naJeremiya, kana ukavimba naJehovha, iwewo unogona kudzidza kuti usatya.—Jeremiya 1:6-8.
a Kana uri kuverenga nevana, dheshi iyi inokuyeuchidza kuti umbomira wovakumbira kuti vapindure mubvunzo wacho.