RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 52 p. 126-p. 127 ndim. 1
  • Uto raJehovha Remoto

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uto raJehovha Remoto
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Erisha Akaona Ngoro Dzomoto​—⁠Unodzionawo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Simudza Mwanakomana Wako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 52 p. 126-p. 127 ndim. 1
Erisha nemushandi wake vakakombwa nemasoja eSiriya

CHIDZIDZO 52

Uto raJehovha Remoto

Mambo weSiriya, Bheni-hadhadhi akaramba achingorwisa vaIsraeri. Asi pese pazvaiitika, muprofita Erisha ainyevera mambo, uye mambo aibva atiza. Saka Bheni-hadhadhi akafunga kubata Erisha nechisimba. Akaudzwa kuti Erisha akanga ari muguta reDhotani, saka akabva atuma masoja eSiriya kuti aende ikoko kunomubata.

VaSiriya vakasvika kuDhotani usiku. Mangwana acho mangwanani, mushandi waErisha akabuda panze akaona kuti guta rakanga rakakombwa nemasoja akawanda eSiriya. Akatya chaizvo uye akabva ashevedzera kuti: ‘Erisha, toita sei?’ Erisha akamuudza kuti: ‘Vari kwatiri vakawanda kupfuura vari kwavari.’ Panguva iyoyo, Jehovha akabva aita kuti mushandi waErisha aone kuti makomo ese aiva pedyo neguta, akanga akazara nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto.

Erisha nemushandi wake vanoona uto rengirozi dzakavakomba

Masoja eSiriya paakaedza kubata Erisha, iye akabva anyengetera achiti: ‘Jehovha, ndapota itai kuti vasaone.’ Panguva iyoyo, kunyange zvazvo masoja acho akanga achiona, iwo akatadza kuziva kuti ainge ari kupi. Erisha akaudza masoja acho kuti: ‘Muri muguta risiri iro. Nditeverei, ndichakuendesai kune murume wamuri kutsvaga.’ Vakabva vatevera Erisha vakaenda kuSamariya, uko kwaigara mambo weIsraeri.

Vatosvika kuSamariya, vaSiriya ndipo pavakazoziva kwavaiva. Mambo weIsraeri akabvunza Erisha kuti: ‘Ndivauraye here?’ Ndizvo here kuti Erisha akabva ati dzawira mutswanda? Aiwa. Pane kudaro, Erisha akati: ‘Musavauraya. Vapei zvekudya muvarege vachienda.’ Saka mambo akabva avaitira mabiko makuru akabva avarega vachienda.

Masoja eSiriya ari kudya chikafu muSamariya

“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho maari, kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”—1 Johani 5:14

Mibvunzo: Jehovha akadzivirira sei Erisha nemushandi wake? Unofunga kuti Jehovha anogona kukudzivirirawo here?

2 Madzimambo 6:8-24

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe